Madhuriro akuita shuga ukaona muenzi asvika mvura iri pamoto wotogeza mwana.
Uncategorized
Wakambopindwa neWatsapu here zvekuti mai vako vachikubvunza kuti ‘Shuga waiisa pai?’ unoti unoti ‘Huyai ku inbox.’
Upenyu huzere nenyatwa, zhinji dzacho hadzifi dzakaitika. Vimba naMwari – Mwari vachakusunungura
Ziva kuti unokosha uye wakasiyana. Kuzvigamuchira kunobva muruzivo urwu.
Mazano
- Vadzizi vakasangana nemurume asiri weboka ravo airapa muzita raJesu. Vakaedza kumumisa. Jesu akati musamumise. Anoita basa rimwe nesu haasi mhandu yedu. Ichi chidzidzo chekugamuchira (tolerance and openness).
- Hanzi naJesu ani naani anopa mumwe wavaduku mukombe mvura achapihwa mubairo. Mukombe uri kurehwa moyo chena. Tiri kukurudzirwa kuitira vamwe moyochena kunyange nenzira diki.
- Jesu ari kutaura nezve scandal. Ari kuyambira kuti kana paine chinokupinza murutadzo chibvise.
- Jesu ari kuti vanopara rutadzo vanoenda kuGehena. Gehena yaive nzvimbo yaipisirwa vana sezvibairo. Izvi pazvakabaniwa yakava nzvimbo yekurasira marara. Saka vanhu vaive netsumo yekuti ukapara rutadzo unoenda kugehena.
Mhingidzo
Shoko raMwari riri kuti musava mhingidzo murupenyu rwavamwe – stumpling bloks. Tinova mhingdzo nenzira dzinotevera:
- Kana uchiitira vamwe utsinye, uchiadzikisira.
- Usinganzwisise utera hwavamwe, mhosho dzavo, matadzo avo. Uchivaita kuti vaite kunge vaipi.
- Kana uchinyadzisa vamwe nekuti havaiti zvaunotarisira.
- Kana uchidzvanyirira nekudzikisira vamwe.
- Kana uchifuratira, ku ignower vamwe uchivaita sepasina zvavanoziva.
- Kana uchisvora vamwe, uchiuraya zviroto zvavo.
- Kana usingabhadhare vamwe mari yakakwana.
Asi unogona kuva stepping stone, dombo rekutsikira:
- Kana uchitsigira vamwe panguva yavo yehutera.
- Kana uchiita kuti vamwe vavimbe nezvavari.
- Kana uchibatsira vamwe kuona matarenda avo.
- Kana uchigamuchira vamwe pavanenge vavarasirwa kure.
- Kana uchiramba kubatana neruzhinji pakusvora munhu.
- Kana uchiregerera nokusunungura munhu pamhosho dzake dzekare.
- Kana uchipa munhu basa womubhadhara mari yakakwana.
© Musakope mharidzo iyi musina mvumo.
Rungano rwekurudziro
Murungano rwembeu inokura yoga chirikusimbiswa kuti goho rinotowanikwa kana murimi achinge aita pake. Rungano urwu rwaiitirwa kukurudzira vateveri vokutanga vainge voda kuora mwoyo pavaisaona kufamba kwebasa ravo. Rungano urwu rwaivati ivai nemwoyo murefu, vimbai naTenzi, musatarisire shanduko ipapo-ipapo. Continue Reading
Kumwe kuchengera kwakanyanya.
Baba: Haro mudiwa uripi?
Mai: Ndiri kunhamo.
Baba: Ipa chitunha foni.
Vasikana vaya vatanga.
Hanzi mudiwa ndokumbirawo mari yekunyoresa kuvhota.
Ndangoti shandisa yauinayo ndozokupa kana maresukt abuda.

© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Pane rungano rwejaya raizvifambira ndokuona regondo ndokuritora rikanoriisa mudendere rehuku. Zai riya rakasvika pakutsotsonywa pakabuda nyana regondo iro rakakurira pamwechete nehuku. Upenyu hwaro hwose, gondo raifunga kuti ihuku richipara sehuku, richidya makireshi netuhumha sehuku. Raingobhururuka risingaendi kure sezvinoita huku. Continue Reading
Aiteerera
Josefa Mutsvene akaita kuda kwaMwari kwoupenyu hwake hwose. Mutumwa waMwari paakauya kwaari, achimuudza shoko rakaoma rokuti mudiwa wake Maria achapona Mwanakomana ivo vasati vazivana, Josefa akabvuma kutora Maria somudzimai wake. Josefa akateererawo paakanzi atungamirire mhuri yake kudiaspora kuIjipita kuitira kuti mwana asauraiwe naHerodhi akanga avamba kuuraya tusvava twose muBheterehema. Josefa akateererawo zvekare paakanzi chidzokera kuIziraeri. Haana kumbonyunyuta kuti mava kundimbeyesa.
Kangani katinotadza kuteerera Mwari nokuda kwokuzvikudza nokuzvitungamidza?
Aisazvifunga
Pana Josefa tinoona murume aifunga mhuri yake yaMaria naJesu nokuvariritira asingangozvifunga iye pachake. Aitora nguva nemhuri yake munzvimbo yeNazareta. Mhuri yake yaikurira mumusha wakanaka. Musha wakanaka chipo. Musha wakanaka una baba vakanaka igomborero. Hanzi nomumwe, ‘Baba vakanaka vanodarika chiuru chemaheadmaster.’ Baba vakanaka vane zvitarisiro zvine musoro uye zvinozadzisika kuvana vavo.
Kuzvipira kwake kumhuri yake muenzaniso wakanaka chose kunana baba vose zvikuru vanobvumidza zvinhu zvapasi pano kuvatsautsa pamhuri dzavo.
Aitungamira noruenzaniso
Hapana shoko rimwe zvaro rakataurwa naJosefa rakanyorwa muBhaibheri. Tinongonzwa pamusoro pezviito zvake chete kuti aive murume ane ruenzaniso, ane rudo nemhuri yake uye akatendeka kumhuri yake. Kazhinji tinofunga kuti chikuru kutaura, uye mashoko ndiwo anoshandura zvinhu tisingazivi kuti vanhu vanotarira zviito zvedu. Ngatiitei saJosefa anorangarirwa pamusoro pezviito zvake zvakanaka kwete mashoko akashama.
Aiva mushandi
Josefa akararama openyu nhando. Aiva muvezi achizviraramira nebasa rake rokuveza. Ainzwisisa nharaunda yaaigara. Ainzwisisa matambudziko avanhu vaaigara navo. Akadzidzisawo Jesu kukosha kwekushandisa maoko ake.
Isu nevavariro yedu yokuti ana vedu vabudirire vararame upenyu hwakanaka dzimwe nguva hativapi mukana wokunzwisisa matambudziko oupenyu hwakavakomberedza. Tinovavarira kuvapa dzidzo yapamusoro, zvokuti dzimwe nguva havafi vakaziva kutamburira dzidzo kunoita vamwe (tinovaendesa kunyika dzokunze. Ikoko dzimwe nguva vanoenda vasinganzwisisi tsika namagariro avo). Tinovavarira kuvapa chokudya chakanakisisa zvokuti dzimwe nguva havazivi nezvenzara iri mudzimhuri dzakavakomberedza. Tinoda kuvaitira zvakanaka zvose zvokuti dzimwe nhambo havanzwisisi kutambura kuti munyika. Rimwe zuva vachaita saMarie Antoinette mambokadzi wokuFrance.
Vanhu zvavairatidzira vachiita mhirizhonga mbambokadzi akabvunza kuti bongozozo raiva rei akanzi, ‘Vanoda chingwa.’ Iye ndokupindura achiti, ‘Kana vasina chingwa vapei nyama.’ Mambokadzi vairarama upenyu hwemutambaratede zvokuti vakatadza kunzwisisa kuti sei vamwe vari kuchema nhamo.
Isu savana baba tinofanira kudzidza kubva pana Josefa kuti basa ramaoko rakakosha. Ngatishandisei maoko edu kuitira kuti mbiri yaMwari iendeswe mberi uye kuitira kuti mhuri dzedu dzirarame.
Aiva mutungamiri
Hutungamiri hwaJosefa hwasiyana nehwatinoziva. Akatungamirira mhuri yake norudo sezvatinoona paakatsvagira Maria imba yokuponera Jesu mushure mokunge vashaiswa nzvimbo mune mamwe mahotera emuBheterehema. Akatungamira mhuri yake kuti ive nechitendero kuburikidza nokuteerera Mwari munazvose zvikuru sei kugamuchira Maria, kuenda nokudzoka kuIjipita. Akatungamira mhuri yake kuti izvishandire kuburikidza nokuishandira achiipa chokudya nopokurara. Akatungamirira Jesu nokumudzidzisa kushandisa maoko nokuzviraramira.
