Mukoma vangu vauya nemudiwa akashata. Makumbo angu akurwadza nekufamba ndichibuda panze kuno seka.
Nyambo
Nezuro ndakadya muriwo unedovi. Zvino ndakaita ndakaita dambudziko rekurara ndakavhura muromo gonzo rikapinda mudumbu. Ndava nepfungwa mbiri: ndomedza kiti here kana kumwa mushonga wemakonzo?
Pada ndomedza handu chirimbani.
Pamuchato wangu, usati wadya unopiwa tsvimbo yeruzha🎤 wotaura kuti wakokwa nani.
Nyama yemombe yadhura zvokuti kana uchipesana nemombe kumamisha unogona kungoikwazisa uchiti “Makadiiko vakuru.”
Mukadzi: Ngoni mwana urikuda kutaura newe.
Murume: Zvakanaka, mupe foni.
Mwana: ghdygdy dadakikimimolala
Murume: Wati?
Mukadzi: Arikuda kuti tidzokerane.
Hapana chinhu chinobhowa sekuti uchida kusimuka kuti upewo pfungwa dzako pamusangano mudiwa wako okuti, “Haa garai pasi vanhu kwavo vataure mhani”
Kudhakwa kusvika waudza mopu nyaya dzako! Hanzi, “Rasta
Vamwe baba vanga vachidiridza magadheni mudzimai wavo ndokuti “Kana mapedza kudiridza muuye titaure nezve meseji yandaona mufoni menyu.” Kubva kuseni kusvika izvozvi vachiri kudiridza. Mvura yavakutonaya asi ivo vachiri kudiridza nanhasi.
Nhai, mameseji rmuridzi achibvunza rendi yake anoita here kushandisa seumboo hwepaunogara kana kuti pakutora chikwereti?
Mbavha yakapinda mubhazi ikaburitsa pfuti ndokutanga kutorera vanhu mari nemafoni. Yasvika kuback seat, zimonya rakakwakukira mbavha rikaitorera pfuti nechibhegi chaiiswa zvabiwa. Mbavha yakatiza vanhu vakapembera . Zimonya rikasimudza pfuti rikati, “Ngoma ndiyo-ndiyo. Aperera papi.”
