Kana pane munhu wamurikuziva arikutengesa mota yerudzi rweNissan ichakanaka, yekutakusisa inotangira pa $3 500 kusvika pa5 000, inemapepa akakwana (ruvara haruna basa) ngaatengese hake ini handina mari yacho.
Nyambo
Haaa mota yangu yafa, ndibatsireiwo ndapota……ndiudzeiwoka kuti kana uchipinda mukombi unoita sei, unomhoresa vanhu vese here kana kuti unomhoresa mutyairi chete kana hwindi. Ndibatsirei ndapota. Handisati ndambozviita.
Mutsauko mukuru pakati pevanhu nemakudo ndewekuti vanhu vanotamba chikudo asi makudo haatambi chivanhu.
Madhamu: Dhedhi nhasi ndabika chikafu chamunofarira kupinda zvose.
Habhi: Wakatanga kugona kubika doro reCastle riinhi?
Mumwe murume aiva nomudimai wake anoshusha kuzororo kuJerusarema.
Mukadzi akafa zvisingatarisirwi.
Afa, kambani inoona nezvekuradzikwa kwavanhu yakamupa zano rokuti zvinoda $45 000 kuti mutumbi womudzimai wake utakurwe kuenda kuZimbabwe kana kuti $500 kuti avigwe imo muJerusamema makare.
Audzwa izvi murume akati, ‘Mutakurei kuenda kumusha.’
Mumiririri wekambani yokuradzikwa kwavanhu akakatyamada akabvuna kuti, ‘Vakuru, ko sei musina kuda kuti mudzimai wenyu avigwe muNzvimbo Inoera, marega kutambisa mari?’
Murume akapindura achiti, ‘Makore akawanda adarika mumwe murume akavigwa muno akamuka muvafi nezuva retatu … handidi kuzodemba!’
Usadherere madzimai epamusika, ndazoita maminitsi mashanu ndichizama kusarudza kabheji rakanaka, zvikanzi ‘nhai mukuwasha munoti mungawane rine nyama here ?’
Nyadzi dzinokunda rufu. Funga nguva iya yaunokudubura poto kuti ube nhangu yenyama chivaro choita ruzha kuti kunguruuuuu … apa iwe hauchariva kuti chipunu ndicho change chiri pamusoro pechivharo here kana kuti chivharo ndicho changa chakakweidibira pawanga usati wavhura.
Paweekend ndanga ndakanzwa nekubhuroka, saka ndakaswera padheni ndichitotaurawo namadhamu nyaya dzakasiyana siyana. Ndakatoshama kuti anenge munhu atori bho bho nhai …
Pita mutsvene akati akarindira paghedhi redenga Jesu ndokuuyapo. Akabvunza Pita kuti, ‘Uri kunyatsosarudza vano vanokodzera here? Sei vanhu vanhu vari kupinda vawandisa kudaro?’
Pita akati, ‘Haisi mhosva yangu. Ndiamai venyu vari kuti ndisati ndambo bvunza voti “uyo ndewangu neuyo neuyo ndewangu vaigarondikudza nekundikumbira saka rega vapinde.”’
Tine murevevereri anomira nesu nguva dzose.
Kuita mudiwa asina kudzidza kwakangonaka
Mai Tindo: Nhai baba Tindo muri kuendepi kupera kwevhiki kudai
BaTindo: Ndikuenda kubasa kunochinja pikicha yeapu (profile picture)
Mai Tindo: Horaiti, mofamba bho.
