Kana pane varikutsvaga MABASA nomwoyo wese vhurai mabhaibheri enyu panoperera JOHANI ndipo panotangira MABASA.
Nyambo
Hanzi mwedzi waMbudzi hakuna kumira mushe. Kana kufamba husiku chaihwo, zvirikunzi zvirinani kuto famba uine banga pose pauri. Famba kana mapanga maviri nekuti unogona kusangana nemhunhu anoda kukupa
MaZimbo mune dambudziko yekuti unonyatsoona kuti zvandiri kuverenga izvi zvakachekwa asi unoramba uchiverenga bedzi. Izvezvi uri kuramba uchiverenga, hubenzi hwerudziiko ihwohwu. Ini ndatokutadzai.
Unenge wakagara zvako pamba pevanh votanga kupakura zvokudya.
Iwe: Ndokumbirawo musandipakurire zvakawanda.
Maivemba: Kwete! Ndirikugadzirira baba vepano chikafu chokudya kubasa. Pano hapadyiwe iye zvino.
Iiiiii unonyarira pai? Nechaunenge wambotaurira kuti musandipakurire zvakawanda kunge wanga wambobvunzwa.
Wotonzwa munhu achiti ‘hauna kupedza chikoro.’ Ko ndini ndaichivaka here?
ANEMAPATAPATA NDIYE AKANGANISA
Ukaona varume 2 vachirwa kazhinji kacho akapfeka mapatapata ndiye akanganisa.
Gore rino ndoda kuita munhu kwaye:
NDIKATUKWA= handidzorere,
NDIKAROHWA = Handidzorere,
NDIKATADZIRWA =Handidzorere,
NDIKAKWERETA =Handidzorere
Dzimwe memba dzatinoziva dai dzaivapo Jesu paakashandura mvura ikava waini dzaitopedza mwedzi wese dzichimutevera nemabhaketi emvura dzichiti chero akaita masese mudhara hapana pressure (dambudziko).
Mufesi wako obva akuti hande tinogocha, muchingosvika obva aburitsa miguri 5 yechibage. Tingati ari akanganisa here?
Iyo nyaya yenyu yekungofunga kuti munhu wese anoziva bhora.
Bvunzai: Mkomana wadii
Tafara: Bho ukuita sei?
Bvunzai: Haaa low low wangu ko pa weekend tine chiiko?
Tafara: Tine Mugovera neSvondo.
