Muri maKristu here? Musati mapindura imbozvibvunzai kuti: Ndinoda vavengi vangu here? Ndinoitira zvakanaka vanondivenga here? Mhinduro kumibvunzo iyi ndiyo inotaridza kuti tiri maKristo zvechokwadi here kana kuti kwete.
MuDama Rakanaka tiri kuudzwa zvinhu zvina zvinotsaura muKristo kubva kune asiri muKristo.
1 IVAI NENYASHA
Hanzi ida vavengi vako, itira zvakanaka kune vanokuvenga, komborera vanokutuka, namatira vanokubata huyanga.
Mwari vanogara vachitiitira nyasha kunyange tichivatadzira kuburikidza namaitiro edu. Tikarangarira nyasha dzatinoitirwa tichava vanhu vanoregerera vasingachengete zvigumbu.
2 IVAI VANHU VAKAPFAVA
Hanzi kana munhu akakurova mbama padivi mupe rimwe divi, akakutorera hanzu yako mupe zvimwe.
Rupfave ndirwo rwunotonga hasha. Nyange pakakodzera kuti munhu ushatirwe ukava norupfave uchaita kuti pasava nenyonga-nyonga nokuparadzwa. Usatsividze. Kana tikava norupfave ticharwisa muvengi chaiye akakodzera kurwiswa kwete kurwisana isu pachedu, muvengi uyu ndiSatani. Zano rasatani nderekushandisa hasha kuputsa mhuri dzedu.
3 TAMBANUDZA MAOKO
Hanzi ipa kune wose anokukumbira, uye kana paine vanokutorera zviri zvako vasiye vakadaro.
Kazhinji hatitani kushatirwa kana vanhu vakatitorera nguva, zvipo kana hupfumi hwedu. Asi isu savaKristu tinofanira kusununguka kupa matarenda edu. Mwari vanotiitira zvakawanda isu tinofanira kuitira vamwe zvakanaka.
4 RUENZANISO
Zvanzi itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo.
Kana tichida nyika ine rugare zvinofanira kutangira patiri. Dzidza kubata vamwe zvakanaka. Itira vamwe nyasha, mwoyo murefu uye vabate noruenzaniso. Ukaitira vamwe hutsinye uchakohwa hutsinye.
Mharidzo
1 Mutungamiri anofanira kubvuma mhosva
Bhuku raSamueri rataverenga rinotiudza nezvemadzimambo maviri: Sauro naDhavhiti. Tikaongorora tinoona kuti Sauro anosvorwa nekuti haana kuteedzera gwara raidiwa pakupira mipiro uye akatadza kuuraya mambo Agagi. Dhavhiti Norumwe rutivi aivewo nezvitadzo zvake. Akaita upombwe nemukadzi wemunhu – Bhatishebha – akauraisa murume wake Uraya. Asi zvisinei Nokuti vese vaive nezvikanganiso zvavo, Sauro anobviswa pahumambo Davhiti anorumbidzwa.
Rungano urwu runotidzidzisa kuti vatungamiri vanokanganisa asi zvavanoita mushure mekukanganisa ndizvo zvinosiyana. Sauro anoramba kuteerera Mwari maererano navaAmereki muna1 Samueri 15. Haabvumi zvekare kuti atadza kuteerera. Anopa tsanangudzo dzakawanda dzekuramba mhosva. Norumwe rutivi muna2 Samueri 12:13 Dhavhiti paanosvikirwa naNathani achiudzwa mhosva yake anoti “ndatakatadzira Mwari.” Dhavhiti anobvuma mhosva yake nekureurura. Nokuda kwaizvozvo anoregererwa naMwari ova mutungamirira ane mukurumbira anodiwa navanhu naMwari. Mutungamiri anokanganisa. Mutungamiri chaiye anobvuma mhosva dzake nekureurura zvivi zvake.
2 Vimba naTenzi
Vana veIsraeri vakapopota vakamacha vachiti vanoda mambo wapasi pano sedzimwe nyika dzakakomberedza. Chishuvo chavo chakaitika asi Samueri akavayambira kuti vakada kutemba nemunhu wenyama semutungamiriri wavo mutungamiriri uyu achavapandukira. Akavakurudzira kunamata Mwari kwete munhu wenyama. Mashoko aSamueri akaitika. Dhavhiti anyepa uye aiva noruchiva. Dhavhiti airaradza zvekare. Munhu wenyama anorasira. Unogona kusvika pakuuraya kuti apinde pachigaro asi kana achinge avapo anobva aita upombwe, kuraradza, upenyu hwapamusoro nekunyepa. Vimba naTenzi kwete munhu wenyama.
3 Mambo anozvidukupisa
MuDama Rakanaka tiri kuona Kristo Mambo vanoita kuda kwaMwari nyange vachinyadziswa, vachinyombwa vari pamuchinjikwa. Muhupenyu hwake hwose Jesu haaatsvage kuda kufevherwa nevezvematongerwo enyika kana kuda kufadza vanhu nenhema. Jesu anoita kuda kwaMwari. Isuwo tinofanira kuita kuda kwaMwari nyange zvodii. Tinova vatengesi kana tikatadza kutsiura vamiririri vedu muparamende, vamiririri vedu mukanzuru, vatungamiri vedu kumabasa. Tinova vatengesi kana tikada kunakidza vatungamiri vepasi pano tisingaiti kuda kwaMwari.
Zuva raVaTsvene Vose: Kuona
Dzimwe nguva tinorarama takavharirwa muhupofu hwedu. Kubva pakuzvarwa tinopihwa mumwe mufananidzo ‘hwehupenyu hwakanaka’. Hupenyu:-
- hwemotokari dzinodhura,
- hwenzendo dzekure kune mafaro,
- hwemadhidhindi,
- hwedzimba dzakanakisa nezvimwe.
Tinoudzwa kuti upenyu chaihwo hupenyu hwekunge wakasununguka, pasina mitemo inokusungirira uye uchiwana zvose zvaunoda. Tinoratidzwa mufananidzo wokuti hurombo, nzara nokushaya hupenyu hwokutukwa.
Orijeni wokuArekizanda akati ‘hutsvene kuona namaziso aKristu’.
Terihadhi dhi Chadhini akatiwo donzvo rake somuKristu nderekubatsira vanhu kuti vaone.
Tomasi Akwainai akataura achiti chinangwa chikuru chohupenyu hwechiKristu kuona.
Mumwe mudzidzisi wechitendero chechiJudha anonzi Harodhi Kushina anonyora mubhuku rake achiti ‘Hwaro hwechitendero hausi muunganidzwa weminamato kana mitorododo yemipiro. Chikuru pachitendero kuona. Izvi hazvishandure nyika yatinogara asi zvinoshandura maonero atinoita zviripo uye izvozvi ndizvo zvinoita kuti pave nomusiyano.’
Vasande vanhu vanoona nokuita zvimwe zvinhu pamusoro pezvavanenge vaona. Vanhurume navanhukadzi vanoona nemaziso aKristu. Nemaitiro aya vanoona zvakakosha, zvinofanira kukosheswa uye minongedzo yoururami.
Fungai, chisikana chine makore mana chaijamba nekuzhamba nemufaro nguva dzose mai vacho pavaidzoka kubasa kuti vawane kudya kwamasikati.
Mai vaichitora pamba pemuvakidani pavainge vachisiya voenda nacho kumba kunodya nekutamba vose. Asi nguva dzose pavainge vodzokera kubasa, Fungai aitanga kusvimha misodzi nokurwadziwa asingade kuti mai vamusiye.
Rimwe zuva mai vakarega kudzoka kumba panguva dzemasikati. Fungai akarwadziwa. Akatanga kuzvibvunza kuti sei mai vangu vasisadzoke masikati. Akanetseka kuti sei mai vake vaive vasisauye kuzodya nekutamba naye. Akasvika pakufunga kuti zvimwe mai vake havachamuda semadiro avaimbomuita.
Asi nokufamba kwenguva, ati kurei, Fungai akaziva kuti mai vake vakaramba vachingodzoka kumba masikati oga-oga. Vaiti vadzoka vogara mukicheni votarisa nepahwindo vachidya chikafu chavo zvavo vachiyemura mwana wavo ari pamba pemuvakidzani.
Mai vaiti vakatarisa mwana, vaishuvira kuti dai vaenda kunotamba naye. Vaishuvira kuva padyo naye, zvikuru sei paaichema. Asi vakaona zvakanakira Fungai kuti vasaende kwaari.
Fungai akadzidza kurarama pasina mai vake masikati oga-oga. Zvakaita kuti ayaruke. Iye zvino ave kuona kuti mai vake vakamira kuuya kuzotamba naye kuitira kuti akure ayaruke agone kuzvimirira oga.
Rungano urwu rwunotodzana nerwatanzwa muShoko Rakanaka ranhasi. Jesu anoti kuvadzidzi, “Makatsamwa nekuti ndinofanira kukusiyai. Muri kutya nokushungurudzika. Asi regai ndikutaurirei kuti zvakakunakirai kana ndikakusiyai. Mwari vachatumira Mweya anozova mubatsiri wenyu movamba zvinhu zvitsva.”
Jesu ari kuti yava nguva yokuti vadzidzi vayaruke, vavambe upenyu hutsva iye asisipo. Zvakaitika kuna Fungai nokuna vadzidzi zvakatinakirawo. Pane dzimwe nguva muhupenyu hwedu dzatinofunga kuti Mwari vatirasa.
Tinenguva dzatinogutsikana nemanamatiro edu, asi tozoita nguva dzokunge Mwari ari kure nesu mumunamato.
Tine nguva dzokuti chitendero chedu chinenge chakasimba zvokuparadza makomo, tosoitawo nguva dzokuti tinorukutika Mwari achiita seari kure nesu.
Pane nhambo dzokuti tinoshandira chitendero chedu nesimba – kudzidzisa vachati, vaedzwa nekutara varwere. Asi nedzimwe nguva mabasa aya haatipe mufaro. Tinoodzwa mwoyo. Tinoona kunge Mwari atiregerera.
Chokwadi ndechekuti Mwari anotida zvakanyanya. Anoramba achishuvira kuva padyo nesu. Asi dzimwe nguva zvinenge zvakatinakira kuti ambotisiya toga. Isu mumunamato wedu tinenge tichida kumunzwa iye achiziva kuti kumwe kugwamba kunoita kuti tisavarairwe mumunamato. Tinenge tichida chitendero chekubhabhauka, iye achiziva kuti chitendero chakadzika hachiite mheremhere. Tinenge tichida kuona michero yemabasa edu, iye achiziva kuti mubairo mukuru uriko kudenga.
Mumwe murume akaona kagonye kaiva mukakuni munzira yaaifamba nayo achienda kubasa mangwanani oga-oga. Kagonye aka kaivavarira kubuda mukakuni. Akapfuura mangwana acho akaona kachiri kunetsekana kasati kabuda mukakuni. Mangwana achozve akabuda akaona kachiri kungovavarira kubuda mukakuni. Pekupedzisira akanzwa tsitsi ndokutora banga akabvarura kakuni kagonye ndobva kabuda asi pasina nguva kakabva kafa. Murume uyu akatsanangurira shamwari yake inoziva nezvemhuka ikati, “Musikirwo wamakonye emhando iyi ndewekuti anofanira kutambura achivavarira kubuda mukakuni kuitira kuti agova dandemutanda. Dai wakasiya gonye iri ringadai risina kufa.”
Izvi zvinoitika kwatiri dzimwe nguva. Mwari anobvumidza kuti tisangane nemamwe matambudziko kuitira kuti zvitinakire. Pane mamwe matambudziko atisingagone kunzvenga kana tichida hupenyu hwakanaka. Isuwo savanhu. Tinofanira kubvumira vakatikomberedza kuti vasangane nezvimwe zviitiko kuitira kuti vayaruke, upenyu huvanakire.
Pane vabereki vasingade kuti vana vatambure zvachose. Pane vabereki vanochengera. Pane vatungamiriri vanoda kuti zvinhu zvose zvifambe semarongero avo vasingape vari pasi pavo mikana yokuyaruka.
Nhanganyaya
Rungano rwemuDama Rakanaka ranhasi rungano rwako neni zvekare? Rungano rwunoti: dzikisa usvasvi hwako, shandura upenyu hwako.
Vavariro
Mumwe muPsychologist akati, “Mumwe nemumwe wedu asikwa zvokuti avavarire kuva munhu azere uye akayaruka asi vazhinji vedu tinozosara tosvika pakati pohupenyu hwedu tazvitiza!”
Vangani vedu vakazvitiza, vave kurarama pfungwa dziri kure nemiviri yavo, mweya uri kure nemiviri yavo? Vangani vedu vari kuvarira kuita savamwe vanhu – kurarama savamwe, kuita savamwe, kutaridzika savamwe uye kupfeka savamwe?
Nyaya
Mumwe murume akauya kwandiri achishungurudzika zvikuru. Aivenga basa rake uye aidemba kuti dai zvake asina kukwidziridzwa pabasa. Muhurukuro dzedu akati asati aporomotwa aiva nemufaro – aifarira zvaaiita, uye aiwirirana nevashandipamwe vake. Paakakwidziridzwa pabasa zvinhu zvakatanga kubhenda. Akatanga kushaya simba rekumukira kubasa, akatanga kushaya hope dzakanaka uye mhuri yake yakatanga kusava nomufaro.
Ndakamubvunza kuti adii hake kudzokera pachinhano chaaiva zvikanzi “Ndinoda mari inouya nekukwidziridzwa pabasa.” Mari yaiita kuti arambe ari paasina mufaro. Kazhinji tinosarudza kutambura nezvisingatipe upenyu tichiti vanhu vanozoti kudii? Zvinonyadzisa munyika yatiri kurarama kuwana chigaro chepasi kwete chepamusoro. Takafanana nevanhu vanoramba vachiraura mhiri Kunyange vachidzoka vakabata maoko.
Asi hupenyu hwakadzama kupinda zviwanikwa. Ndosaka Jesu ari kuti kwatiri dzikisai husvasvi kuburikidza neminamato. Wanai mufaro munaMwari uye kuburikidza nomwanakomana wake, wanai mufaro muhukama hwakanaka nemhuri dzenyu uye neshamwari dzakanaka, wanai mufaro mumarwadzo anouya nekuzvipira. Dzikisai husvasvi hwenyu muhupenyu hutsva.
“Dai”
Mashoko aJesu anonanganawo navose vanoimba rwiyo rwokuti ‘Dai’: dai ndiine vabereki vakasiyana nevandiinavo, dai ndakareba, dai ndiri mupfupi, dai ndisina kudaro. Kusatoti tadzidza kugamuchira zvatiri hapana kwatinoenda.
Gamuchira zvauri
Tinofanira kuzvigamuchira sezvatiri. Tinofanira kugamuchira marwadzo edu, mhosho dzatakaita kare, kukundikana kwatakasangana nako nezvimwe zvakatidzorera shure. Jesu ari kuti kandai husvasvi hwenyu kune rimwe divi. Anoziva kuti kune humwe hupenyu hwakanaka uye humwe huwandi huriko hwatisingafi takawana kana tikaramba tiri divi rimwe rehupenyu tichingochema kuti “dai”.
Vadzidzi vaJesu
Vadzidzi vaJesu vanofanira kuva vaidemba kuti “dai” vasina kutiza Jesu mugadheni regetsimani. Dai vasina kumutiza pamuchinjikwa. Pitawo anofanira kuva aiti, dai ndisina kuramba Jesu katatu.
Asi Jesu anotaura naPita. Haamuti wakanditizirei? Wakaitirei zvakaipa kudaro? Wakahugona sei hutsinye hwakadai? Jesu haamurangaridze zvekare. Anotanga kutaura naye zvanhasi nekuti ndizvo zvakakosha. Anomuti, “Unondida here?” Kanganwa zvakapfuura, usademba uchiti “dai”. Kanganwa zvedivi iro rohupenyu. Kanganwa zvekuti dai zvakadai kana kuti ndai ndisina kuita munyama. Dzikisa kusvasvi hwako.
Stephen Hawking aiva chirema asi akava muscientist wembiri. Paul Matavire aiva bofu asi akaita muimbi womukurumbira. Jarosi Jiri aiva bofu asi akaita mabasa anoshamisa. Moses Chunga anonzi haana kudzidza asi akava mutambi mukuru wenhabvu. Dzikisa husvasvi hwako.
Chero kune vanozviti takakunda, tine mari zviri kunzi dzikisai husvasvi. Dzikisai mupinde kwakadzika kune mhuri dzenyu, hukama nehama dzenyu, kuzvipira, kushandira. Musaramba muri kudivi rezviwanikwa chete. Chii chaunowana ukadzikisa husvasvi? Unowana zvakawanikwa navadzidzi: mambure akazara.
Pane mumwe murume aiva nemukurumbira wokuimba anonzi Marvin Gaye. Akafa rufu rwunorwadza musiwa 1 Kubvumbi muna 1983. Akaita zvekupfuurwa nababa vake.
Upenyu hwaMarvig Gaye achikura hwakanga hwakaoma. Baba vake vaimushungurudza zvisingabviri. Mumwe munyori anoti, ‘Mavin Gaye aitendera munaJesu zvikuru, asi aitadza kurarama dzidziso yaJesu yokuti aregerere baba vake. Pekupedzisira izvi zvakauraya iye pamwe nababa vake!
Pane vamwe vari kupedzera simba ravo nemari yavo pakuda kusota murume kana mukadzi akavaramba. Vazhinji vacho vava namavanga makuru kudarika avakapihwa nanyakuvaramba anokonzerwa nehasha. Veduwee siyanai nehasha, dzinokuparadzai. fambirai mberi nohupenyu hwenyu.
Rimwe bepa nhau raive nemifananidzo yavasungwa vaive vatumwa kunoita basa muguta. Vasungwa ava vaigadzirisa imba yakanga yanzi navakuru vekanzuru iputsve nokuti yasakara. Mumazuva akatevera, mumwe wavasungwa vakabuditswa mupepanhau iri akanyorera mupepeti wenhau achiti:
‘Ndinokutendai zvikuru nokundibuditsa mupebanhau renyu … Ndakanga ndapedzisira kubuditswa mupepanhau musi wandakatongerwa kugara muchitorongo … saka ndakava nomufaro mukurusa bandakabuda ndichiita zvinhu zvakanaka. …
Pandakapinda mujeri makore maviri adarika, ndakanga ndakafanana nemba yatakanzi tigadzirise … Asi Mwari vakandigamuchira vakandiumbiridza kuti ndive chisikwa chitsva.’
MuDama Rakanaka tanzwa nezvemuti wemuzambiringa wakanga wakadyarwa muminda yemivhaini. Muti wemuzambizinga wainyatsokura zvakanaka mumumda wemuvhairi Nokuti maiwanzova nevhu rakanaka. Waiti ukaona muti womuzambiringa watadza kukurira mumunda wemuvhaini woziva kuti hapana kumwe kwaungaita zvakanaka.
Muzamiringa unotora makore matatu kuti usvike. Kana ukatadza kubereka michero panguva iyoyi, kazhinji hauzobereka zvachose.
Ndosaka muridzi womuzambiringa akaudza mushandi wake kuti achitema muzambiringa uyu Nokuti wakanga usisina basa. Asi kunze kwekuita zvizvozvo mushandi anokumbira kuti muti uyu upihwe mumwe mukana. Anoti, ‘ndipei rimwe gore. Ndichautimbira ndigouisa manyowa.’
Jesu aitaurira rungano urwu chekutanga kuvaIziraeri. Aivaudza kuti Mwari akavapa chinhano chikuru muhurongwa hwake akavabata sezai. Asi ivo vakatadza kubereka michero. Anoti zvisinei nokukoniwa kwavo, Mwari achavaitira mwoyo murefu, achavapa mumwe mukana.
Rungano urwu rwunotidzidzisawo zvekare. Mwai akatipa chinhano chikuru muhurongwa hwake, uye akatiitira zvakanaka. Mwari anotarisira kuti tibereke michero. Kana tikatadza kubereka michero savanna veIziraeri, Mwari anotipa mumwe mukana zvichibva pasi pemwoyo wake. Kana tikatadza kutendeuka tinoparara.
Murungano rwatatanga narwo musungwa nemba zvakapihwa mumwe mukana. Imba yakanga yanzi nevakuru vekanzuru haisisina basa ngaiputswe asi pane akakumbira kuti ipihwe mukana, igadziriswe.
Musungwa akanga atongerwawo mhoswa ava kunzi haana kukodzera kugara muvanhu ngaaende kuchitorongo. Kunyange vanhu vakanga vamutongerwa, Jesu akamupa mumwe mukana. Semushandi watanzwa muDama Rakanaka Jesu akadiridzira nokutimbira mweya wake kusvikira ava chisikwa chitsva.
Pane vanhu vakawanda munharaunda yedu vakafanana nemuzambiringa, nemba uye nemusungwa wandataura nezvake nhasi. Vanhu ava vanogona kurambwa asi Mwari anovanzwira nyasha. Isuwo semba iya, semusungwa uye semuzambiringa tinopihwa mumwe mukana.
Ngatipeiwo vamwe vakatikomberedza mukana.
Tanzwa kuti Jesu akashandurwa. Urwu harungori rungano rwekushandurwa kwaJesu chete, asi kuti rungano rweduwo. Tose tinogonawo kushandurwa tichijeka sezvakaitika kwaari. Hongu tinosangana namatambudziko. Hongu tinezvakawanda zvakaipa zviri kuitika muhupenyu hwedu. Asi zvakadaro tinofanira kuziva kuti tiri hama dzaJesu akashandurwa. 1 Jowani 3:2 inoti:
Vadikanwi tiri vana vaMwari. Zvatichava hazvisati zvava kuonekwa. Asi zvatinoziva ndezvekuti kana iye ozviratidza, tichange tafanana naye nokuti tichamuona sezvaari.
Hanzi ‘tichafanana naye’ zvichirefa kuti tichagoverana naye mukushandurwa kwake. Mutenderi wose haafanire kuva nepfungwa yokuti hazvifi zvakanaka. Hongu tinosangana nematambudziko makukutu asi ngatisakanganwe kuti tinogoverana naKristu mumbiri yake.
Vadzidzi vaJesu vakaona kushandurwa kwake vakazodzika pamusoro pegomo paive pazere mufaro vavakudzokera kunoenderera mberi nohupenhu hwavo hwamazuva ose asi havana kukanganwa chiitiko chokushandurwa. Savadzidzi, muhupenyu hwedu hwamazuva ose tinofanira kurangarira kuti Mwari achatiitira zvinhu zvikuru. Ngatisava nepfungwa yokuora mwoyo kunyange tikava pakati pamatambudziko makukutu.
‘Hazvigoneki’ – Ruka 18:27 ‘Zvisingagoneki mumaziso avanhu zvinogoneka panaMwari.’
‘Ndaneta’ Mateu 11:28 ‘Huyai kwandiri imi makatakura mutoro unorema ndigokuzorodzai.’
‘Hapana anondida’ – Jowani 3:16 ‘Mwari akada pasi zvakanyanya zvokuti akapa Mwanakomana wake mumwechete.’
‘Handichagona kuenderera mberi’ – ‘Nyasha dzangu kwauri dzakakwana: muhutera hwako ndimo mune simba rako’ (2 VaKorinde 12:9)
‘Zvinhu zvose hazvina kundijekera’ – Tsumo 20:24 ‘Mwari anotungamira tsoka dzedu.’
‘Handizvigone’ – VaFiripi 4:13 ‘Ndinoita zvose nemuna iye anondisimbisa.’
‘Ndinotya’ – 2 Timoti 1:7 ‘Mweya waMwari waisava mweya wokutya asi mweya wesimba nekuzvidzora.’
‘Ndinogarotya nekushungurudzika’ – 1 Pita 5:7 inoti ‘Dururira kushungurudzika kwako kuna Mwari, iye achakutarira.’
‘Handina kunyatsochenjera’ – 1 VaKorinde 1:30 ‘Mwari akakuitai mhuri yaKristu Jesu uye ndiye uchenjeri.’
‘Ndinosurikirwa’ – VaHebheru 13:5 inoti ‘Handifi ndakakurasisa kana kukusiya.’
Miedzo yaJesu inotitondedza zvaiitika pavanhu veIsrael mugwenga mushure mokunge vabva muIjipita.
Chekutanga tinoyeuchidzwa apo vana veIziraeri vakasangana nenzara vakatanga kuzevezera vachinyunyuta. Mwari akataura navo akavapa chokudya (Mutemo 8:3). Jesu anotitondedza chiitiko ichi nokuyeuchidza muedzi nesu tose kuti Shoko raMwari chete ndiko kudya kwechokwadi (Ruka 4:4).
Mutemo wokutanga wakapihwa vana veIziraeri wanga uri wokuti vasanamate vamwe vaMwari kunze kwaMwari oga (Mutemo 5:9-10). Asi muedzo mukuru kwavari waiva wokufunga kuti vamwe vamwari vevavakidzani vanesimba kudarika Mwari wavo saka vaipota vachitizirako (Kubuda 32; 1 Madzimambo 17). Jesu aigona kushandisa rimba rake rokuita minana kuti azviwanire mbiri asi anoyeuchidza muipi kuti Mwari chete ndiye anofanira kunamatwa (Ruka 4:8; Mutemo 6:13). Simba muedzo mukuru. Vazhinji tinotsvaga simba. Asi tinofanira kuziva kuti simba rose nderaMwari uye rinobva kwaari.
Mumwe muedzo mukuru wakaitwa kunaJesu ndewekuti ape chiratidzo nekujamba kubva pamusoro petembere nekuti Mwari aizomudzivirira. Mazuvaano tinoedzwa kuti tiite minana. Pane vanoti vanogona kurapa AIDS, kumira hondo, kumutsa vafi, kuwanisa mabasa chiripo-ripo. Havanei nekuti matambudziko anokonzerwa nei vanovimbisa minana. Jesu anotiyeuchidza kuti tisaise Mwari pakuedzwa (Ruka 4:11; Mutemo 6:16).
Miedzo yaJesu inotiratidza kuti tinofanira kuita sei panguva yekuedzwa. Tinofanira kuvimba neshoko raMwari, kunamata Wmari oga, uye kusatemba neminana.
“Charisma” zvinoreva kuti “Zvipo zvinobva kuna Mwari.” Chiverengo chokutanga chinotiudza kuti muboka ravaKorinde zvipo izvi zvaisakisa kuti pave nenyonga-nyonga. Kunze kwekuti zvipo zvishandiswe kuitira sangano zvaishandiswa kuonererwa zvichizobva zvakonzera shanje, godo neruvengo.
Chipo chaiyemurwa navazhinji chaiva chekutaura nendimi. Pane vamwe vaikwanisa kutaura nemutauro usinganzwikwi panguva yemunamato. Vamwe vaiedza kuteedzera izvi zvichiramba votanga kuzvitarisira pasi. Avowo vaigona kutaura nendimi vaizvitutumadza.
Pauro anoti pane zvipo zvakawanda. Zvipo izvi zvinobva kuna Mwari. Anoti kana zvipo izvi zvichikonza kupesana nekurwisana, zvinenge zvava midziyo yohuipi.
Munhu wose ane chipo chake chaainacho. Zvipo zvedu hazvifanane. Zvingaita here kuti pachechi tive navatenderi vane chipo chimwechete chekuridza ngoma pasina anogona kuimba? Ingava nyika inofadza here ine miti yemumango chetechete pasina imwe miti?
Kukosha kwechipo hakuonekwe nembiri yachiinacho asi nekubatsira kwachinoita boka ravatenderi. Pauro anodoma zvipo zvakawanda zvakasiyana-siyana pana 1 Vakorinde 12:8-10. Zvipo izvi zvaanodoma handizvo zvega asi kuti akangotaura zvaienderana nevanhu vaaitaura navo. Pane zvipo zvinosvitsa paruzivo rwaMwari, uchenjeri noruzivo rwunoita kuti munhu agone kunzwisisa chitendero. Pane chitendero chinogona kufambisa makomo nokuita minana. Pane zvipo zvokurapa nokuporofita. Panewo chipo chekutaura nendimi dzakasiyana-siyana. Muchidimbu kune zvipo zvakawanda. Munhu wose ane chipo chake. Zvipo zvedu hazvifanani.
