Jesu akati ari parwendo rwekuenda kuJerusarema ndokurukurirana navadzidzi vake zvaive pamwoyo pake, achivaudza zvaaive achanosangana nazvo. Akavataurira kuti akanga achazonoturirwa mumaoko avavengi vake uye kuti aive achazonourayiwa. Abva mukuudza vadzidzi vake mashoko akakosha kudai vakangoti vachingoti pesanei vadzidzi ndokutanga kuitirana nharo. Vakatanga kunetsana vachirwirana hukuru. Mumwe aiti ndini mukuru mumwe achiti hausiwe ndini. Mark haatiudze kuti nharo dzacho dzaiti kudii asi ndinofunga kuti Andrew aiti ndini mukuru nekuti ndini ndakatanga kuona Jesu. Pitawo achiti kwete ndini mukuru nekuti ndini ndakapihwa kii dzedenga. Judhasi achiti ndini ndakapihwa homwe yemari, ane mari ndiye mukuru zvichingodaro.
Zvisinei pavanopinda mune imwe imba Jesu anobvunza vadzidzi vake kuti nharo dzavo dzanga dziri pamusoro pei. Vadzidzi vanoramba vakanyarara. Vanonyarara nekuti vaitaura zvinonyadzisa zvekurwira chigaro. Hatina here vatenderi vakadaro vanoita zvimwe zvinhu zvekuti ukavabvunza uti manga muchiitei vanyarara nekuti zvinonyadzisa? Baba vemwana manga muchiitei kwamanga muri zvamauya kwadoka kudai? Hamunyarare here kana kutoita hasha nekuti zvamanga muchiita zvinonyadzisa. Nhai mwana wangu wanga uchiitei kwawanga uri. Nhai mhai manga muchitaura kuti kudii kwamanga maenda?
Vadzidzi pavakauya pamberi paJesu vakatadza kudzokorora zvavaitaura nekuti zvakanga zvisiri zvinhu zvakanaka zvaive zvinhu zvakaipa. Isu kana tichida kuona kuti zvatiri kuita kana kuti zvatiri kutaura zvakanaka here tinofanira kuzviunza pamberi paJesu. Usati waita chinhu unofanira kuzvibvunza kuti koJesu akandibvunza kuti apa wanga uchiitei ndinoti kudii? Ndinonyarara here nekuti zvinonyadzisa kana kuti ndinotaura ndakasununguka? Jesu akandibvunza kuti wanga uchitaura kuti kudii ndinoti kudii?
LESSON TWO
Tati isu vadzidzi vairwira zvigaro. Jesu haana kufadzwa negakava ravo. Tinoona kuti Jesu haana kufadzwa nekuti akadana vadzidzi vake ndokugara pasi. muchiJudha panguva iyoyo mudzidzisi aiti akadana vadzidzi vake ogara pasi ainge aine chinhu chakakosha zvikuru chiri serious chaanoda kuvadzidzisa. Saka Jesu akavadana ndokugara pasi achibva avati, “ANODA KUVA WOKUTANGA PAKATI PENYU NGAAVE WOKUPEDZISIRA.” NEIMWE NZIRA MBIRI YEHUMAMBO HWEDENGA HAIWANIKWE NEKUZVITUNGAMIDZA KWETE, INOWANIKWA NEKUZVIDUKUPISA. MBIRI YEHUMAMBO HWEDENGA HAIWANIKWE NEKUKARIRA CHIGARO KWETE, INOWANIKWA NEKUSHANDIRA (SERVICE). Munhu wose anoda kuwana mbiri yakanaka anofanira kuzvibvunza, kwete kuti “NDINGASHANDISE SEI CHIGARO CHANGU MUHURUMENDE KUZVIWANIRA ZVANDINODA INI” ASI KUTI “NDINGASHANDISE SEI MATARENDA ANGU ZVIPO ZVANGU KUSHANDIRA HURUMENDE.” Kwete kuti “ndingashandise sei chigaro changu muparish, muchita kuzviwanira zvandinoda ini asi kuti ndingashandise sei matarenda angu zvipo zvangu kushandira kirike.
Pfungwa yekushandira
Tose tikava nepfungwa yekushandira pane kuzvifunga nyika yedu inobudirira, parish yedu inobudirira. Kana mumwe nemumwe wedu akava nepfungwa iyoyi yekushandira hurumende pane kushandirwa nehurumende matambudziko ehupfumi atakasangana nawo anopera. Kurwisana pamusoro pezvematongerwo enyika kunopera. Kunyange muchechi chaimo kana mumwe nemumwe wedu akava nemweya wekushandira kirike pane kushandirwa nekirike kurwira zvigaro, makakava nekufungirana kunopera.
Padheretosi
Asi tikatarira tinoona kuti vashoma vanhu vane mweya iwoyo wekushandira kirike pane kushandirwa nekirike, kushandira hurumende pane kushandirwa nehurumende. MaGiriki ane rungano rwemumwe murume anonzi Padheretosi aigara muguta reSpata. Muguta iri makaitwa sarudzo dzekutsvaga vanhu gumi vaizotungamirira guta iri (magoverners). Sarudzo dzapera kuitwa mavotes akaverengwa asi zita raPadheretosi harina kusheedzerwa pavanhu gumi vakasarudzwa. Shamwari yaPadheretosi yakauya kwaari yakashatirwa zvikanzi, “Vanhu vemuno muSpata marema, varasikirwa nehunyadzvi hwako hwekugona kutungamirira.” Padheretosi akapindura shamwari yake achiti, “ini ndafara shamwari nekuti muSpata mune vanhu gumi vari nani kupinda ini.”
Vangani vane mweya iwoyu wekuti kana ndichinge ndakundwa musarudzo ndinoti ndafara nekuti pane mumwe ari nani kupinda ini? Vangani muno vanoti kana vadyiwa pamakwikwi ekusarudza parish chairperson voti ndafara nekuti muno muparish mune vamwe vari nani kupinda ini. Kunyange ndisina kusarudzwa kuita mukuru wekwaya ndafara nekuti kune vamwe vari nani kupinda ini.
LESSON THERE (3)
Jesu apedza kutsiura vadzidzi vake kuti musarwire zvigaro, anotora kamwana okaisa pakati pavo oti ani naani anogamuchira kamwana sakaka anogamuchira ini uye anogamuchira nyakundituma. Sokuziva kwatinoita kamwana kadiki kamunhu kasina simba kasina influence, kamunhu kasingagone kuzviitira zvinhu zvakawanda asi kanotoda kuitirwa, kamunhu kasingagone kupa asi kanotoda kupihwa. Saka Jesu kana achiti munofanira kugamuchira kamwana kadiki anoreva kuti MUNOFANIRA KUGAMUCHIRA VAROMBO, VANHU NHANDO. MUNOFANIRA KUGAMUCHIRA VANHU VAKADAI NEKUTI HAVANA SIMBA, HAVAGONE KUZVIITIRA ZVAKAWANDA VANOTODA KUITIRWA, HAVAGONE KUPA VANOTODA KUPIHWA. Mukagamuchira vanhu vakadai munenge muchitogamuchira Kristo pachake uye Mwari.
Yambiro huru kunesu vatenderi ndeyekuti tisangofarira kugamuchira vanhu vane zvigaro zvapamusoro, vanhu vane zvinhu zvavo vanhu vanotiitira zvinhu zvakanaka. Zviri nyore zvikuru sei kana uri mutungamiriri kuteerera mazano avapfumi avarombo achingorasirwa kure, kuteerera zvichemo zvavapfumi zvavarombo zvichingosendekwa. Kana muzviitiko chaimo zviri nyore kuenda kune vanhu vanazvo tichisiya kune vasina. Kuenda munhamo dzevanazvo tichisiya dzevasina.
