Vazhinji vedu kana tichinge tawirwa nenhamo tinofarira kuti ‘dai’. Tinofunga kuti dai takaita zvinhu neimwe nzira nhamo yakatiwira ingadai isina kutiwira. Tinofunga kuti tingadai takaita zvinhu nemamwe maitiro.
- Dai ndakakurumbidza kuenda navo kuna chiremba zvingadai zvakaenda nepamwe.
- Dai ndakakurumbidza kuvaona.
- Dai ndakavanavo kwenguva yakati rebei.
- Dai ndakanamata kupinda zvandakaita.
Asi chokwadi ndechekuti kana nguva yakwana yakwana zvisinei nezvatingadai takaita.
Maria naMarita muShoko rakanaka varikudemba mushure mokunge varasikirwa nehanzvadzi yavo. Pakati pokushushika kwavo vanobvunza mubvunzo wokuti ‘dai?’ asi mubvunzo wavo hausikunangana naivo pachavo, mubvunzo wavo uri kunangana nomumwe. Vari kunangana naJesu. Jesu dai wainge uri pano hanzvadzi yedu ingadai isina kufa.
Nhasi isu taunganira XX. Pada tine mibvunzo. Maria naMarita vakabvunza mibvunzo pamusoro pehanzvadzi yavo, asi isu tiri kubvunza mibvunzo pamusoro pehama yedu. Tiri kuti Jesu inga takakudai wani tikakuteverai nokuedza kuita zvose zvamunoda ko sei makatirasa panguva yakakosha kudai?
Asi ngatirangarirei kuti pakati perima rokusurikirwa, Jesu anouya kuzonyaradza Maria naMarita. Anovayeuchidza chitendero chavo.