Nhanganyaya
Tatinda tapinda muGore Idzva! Sarudzo dzegore dzva mukana wakanaka kune vose vakakundikana asi vanoda kugadzirisa upenyu hwavo. Uno ndiwo mukana wekugara pasi nekugadzira rwandu mararamiro anofanira kushandurwa. Ndichakubatsira nezvimwe zvinhu zvaunokwanisa kuzvipira kuita kana kushandura.
Nyora pasi urongwa hwebhizimisi.
Gore rino tanga kufunga nezvebhizimusi raunoda kuita wototanga kuita zvimwe zvinhu. Chekutanga nyora pasi urongwa hwebhizimusi rako. Kana uchinge nyora pfungwa dzako pasi uchakurudirwa kudzizadzisa.
Shanda nemuviri wako
Zviri nyore kuti utange chirongwa chekudupukisa muviri wako, asi chinonetsa kuwana purogiramu iri nyore isingazoita kuti uore mwoyo as pachiva neshanduko inoonekera. Iwe zviudze kuti kana chitoro chiri padyo ndichafmba netsoka, ndichasiya motokari yangu nechekure kuitira kuti ndikwanise kufamba. Ndichadya tusadza tushoma masikati chete etc.
Rega kunonokera zvinhu
Dambudziko guru rinoita kuti vanhu vazhinji vatadze kusvika pakuzadzisa zvinangwa zvavo kuda kukuzorora uye kunakidzwa panzvimbo yekushanda nesimba. Kana ukajairira chonono nekudekara zvichakunetsa kuzozvirega saka unofanira kushanda nesimba kushandura maitiro aya. Zviudze kuti ndichaita zvose zvandinenge ndaronga nenguva.
Iva nokutenda kwakanyanya
Kana wanga uri munhu asingatendi zvipire kutenda. Kutenda kunoita kuti uve munhu ane mufaro. Unogona kuva munhu anofara kana ukaverenga makomborero ako. Kutenda kunogona kukubatsirawo kukurira matambudziko, kukupa hope dzakanaka uye kukupa ukama hwakanaka navamwe. a
Vandudza manangisiro nemashandisiro aunoita pfungwa
Pfungwa dzako hadzifanire kupararira. Tsvaga nzira dzokuti unangane nezvinhu zvakakosha mupfungwa dzako. Izvi unogona kuzviita kuburikiddza neYoga, munamato wamangwananai waunotora maminitsi makumi matanhatu kana kudarika uri mundangariro (meditation). Ukaita izvi uchakwanisa kudzora mafungiro ako (mood), kudzidza nokukurumbidza, uye kuchengetedza nguva pakuita zvinhu. Zviudze kuti ndichaita chiitiko chokudzamisa ndangariro.
Sangana nevanhu vatsva
Patinenge takatakura zvakawanda, tinowanzoguma tava kugara pamba nguva dzakawanda tobva tarasikirwa nemikana yakawanda yekubatana uye kufara nevamwe. Kusangana nevanhu vatsva kunogona kubatsira pautano hwomupfungwa uye kubatsira basa rako, saka usatya kubuda uchiumba ushamwari. Kukurira kunyara kwako, tsvaga ruzivo – zvipire kuzangana nekuziva vanhu vatsva.
Famba-famba
Vamwe vanhuvanoswera vakangoti go kugara pamba. Izvi zvinowanzokanganira utano. Unofanira kutsvaga nzira dzokupota uchifamba-famba zuva rose panzvimbo yekugara wakangotarisana nekombiyuta. Zvinogona kutonakidza ukatsvaga shamwari dzokufamba-famba nadzo. Zvipire kupota kuchizunza muviri.
Iva nechivimbo chakanyanya uye utora mikana
Kuvimba nezvauri kuchakubatsira kutungamirira hupenyu hunofadza zvikuru. Usazeza kutsvaga dzokusimudzira chivimbo chako. Kana uine chivimbo vamwe vachazviona uye uchabudirira. Zvipire kuvimba nezvauri.
Wana mari yakawanda
Kunyange munhu mabhiriyoni anoramba achitsvaga nzira dzekuwana mari yakawanda. Isu vanhuwo zvavo tinoda imwe mari kuitira kuti upenyu huve nani. Ita tumwe tubasa paritivi, ita rimwe basa remaoko, enda paDandemutande uone zviripo zvinokuitisa imwe mari. Zvipire kutsvaga dzimwe nzira dzokuwedzera mari yako.
Iva nomutsa
Unhu hwakanaka mucherechedzo wokubudirira kwavanhu. Mutsa unoita kuti zvive nyore kushamwaridzana nevamwe. Dzivisa kugumbura vanhu uchaona kuti vachatanga kukuona semhunhu akavimbika. Zvipire kutaura nekushanda nevamwe zvakanaka.
Deredza kushungurudzika
Vanotaura kuti kushungurudzika ndeimwe yenzira dziri kuuraya vanhu vakawanda. Kushungurudzika kunogona kukanganisa hutano zvakanyanya pamwe nehukama hwako. Zvinogona kunge zvakaoma kunzvenga maererano nokuoma kwehupenyu mazuva ano asi unogona kuedza kuita sokugona kwako. Tsvaga nzira dzokuderedza kushungurudzika.
Dzidza kufara neupenyu hwako
Zvinotora nguva uye kushivirira kuti udzidze nzira yekuwana mufaro muzvinhu zviduku uye kuti usarega matambudziko achikuodza mwoyo. Zvipire kufara kunyange muzvinhu zvidiki.
Rara zvakanaka
Zvinhu zvakaita se Chivhitivhiti, Kombiuta, foni, hwendefa (tablets), nemidziyo yakasiyana-siyana yamagetsi zvinogona kutitadzisa kurara zvakanaka. Edza kurara kwamaawa anosvika masere. Zvipire kurara zvakakwana.
Usapedza nguva yakawanda uri pachivhitivhiti
Vazhinji vanotambisira nguva pachivhitivhiti kunze kwekutora nguva vachiwedzera ruzivo rwavo, vachidzidza uye vachifamba-famba. Ukazvipira kuona chivhitivhiti kwenguva shoma uchaona kuti une nguva yakawanda yekuita zvinhu zvine musoro.
Verenga zvakanyanya
Mabhuku inzira yakanaka kwazvo yekuwana zivo yakawanda pemisoro yenyaya dzakasiyana-siyana. Kuverenga kunoitawo kuti pfungwa dzako dzigare dzakajeka dzichishanda. Hazvina kuoma kuverenga mabhuku makumi maviri kana kudarika pagore. Unofanira chete kuiita tsika. Zvipire kuverenga.
Rongeka
Kune vakawanda kunze uko vasina kurongeka, vane madhesiki ane nyonganyonga kana dzimba dzine bvonyongera. Izvi zvinokanganisa budiriro yako kana mafungiro ako saka rongeka. Chenesa imba yako rarama upenyu husina nyonga nyonga. Zvipire kurongeka.
Pedza nguva yakawanda nevanhu vasvinu
Pane nguva shomanana muhupenyu huno saka hatifaniri kuipedza ne vanhu vasina kumira pachokwadi, vakasvibamwoyo vanofunga zvakaipa chete. Tinofanira kutarisana nevanhu vatine hanya navo uye vane hanya nesu. Aya ndiwo mawanirwo omufaro.
Inwa zvine mwero
Tanga kunwa doro zvine mwero kana kutorega kunwa zvachose. KUsararadza kunobatsira zvikuru asi kwakaoma kuita. Zvipire kunwa zvine mwero.
Pedza zvikwereti
Haugoni kuenderera mberi muupenyu hwako kana uchiremerwa nezvikwereti. Rwendo rwokusununguka kubva kuzvikwereti rune minzwa namasoso, asi runogoneka kana ukanyatsozvironga nekuzvibata. Buda muzvikwereti.
Kutanga kuchengetedza mari
Pota uchiisa tumari parutivi. Tumari itwotwo tunozogona kukubatsira zvakanyanya. Usadya mari yese yaunowana. Zvipire kuchengetedza mari chero dhora pasvondo.
Sarudza zviitiko kana mitambo inobatsira
Kugara zuva rose hakuna kwakunokusvitsa. Zviri nani kushandisa nguva yako yaunenge wakasununguka nenzira inovaka uye uchidzidza unyanzvi hutsva paunenge uchifara zvako. Nguva Yemberi-Uchafara kuti iwe wakazviita. Hazvina mhosva kuti unofarira zvemitambo here kwana kwete, tsvaga kuti ungadzidza sei unyanzvi hutsva uye zvinokuvaraidza.
Dzidza kusava nemataka
Dzimwe nguva zvinhu zvinooma uye zvinogona kurema kuti ugadzirise matambudziko ako asi kupedzera pfungwa dzako mumatambudziko hakuna pundutso. Kana ukarwisana nemunhu mopesana kana kurwadzisana chawangogona kurasikirwa neshamwari uye kuzvishaisa rugare nomufaro. Kukanganwira inzira yakanakisisa yokukunda zvakapfuura.
Famba ochiona nzvimbo
Vakuru vnoti chitsva chiri murutsoka. Kushanyira nzvimbo dzakasiyana-siyana kunoita kuti udzidze tsika dzavamwe uye udzidze zvakawanda muupenyu.
Shanyira chiremba wako kakawanda
Koshesa utano hwako. Vazhinji vanoita sevanotya anachiremba uye havavashanyire kakawanda sezvavanofanira kuita. Kazhinji vanhu vanomirira dambudziko rakurisa. Unofanira kuongororwa nguva dzose zvisinei kuti unonzwa sei panguva iyoyo.
Usanonoka nguva dzose
KUbata nguva kwakakosha zvikuru muugarisano hwavanhu. Kubata nguva kunoratidza kuti wakarongeka, uri shamwari inovimbika uye ine hanya, saka ipfungwa yakanaka kutora matanho okuedza kubata nguva.
Dzidza kuzviriritira
Mazuva ano michina nezvinotengeswa zvakapikwa kare zvakatijaidza kusazviitira. Zvakakosha kuzviitira mabasa mazhinji pane kukurumbidza kutenga kana kubhadhara. Somuenzaniso ita gadheni pane kutenga muriwo.
Shandura mutambo wako uve basa rinoitisa mari
Kana ukakwanisa kuita zvinhu zvino kufadza asi zvichikupa mari unenge wagonesa. Hazvisi nyore kuita asi zvinogoneka. Somuenzaniso mumwe anofanira kunyora nhetembo ropedzisira rave basa rinomupa mari.
Kanganwa nezvewawaifambidzana naye
Zvingave nani kunge wakada nokurasikirwa pane kunge usina kumbobvira wakapinda murudo nyange zvichirwadzaKupora kana wakarasiswa kunotora nguva asi unofanira kuzvipira kufambira mberi.
Dzidza kuzvidzora
Kusadzora tsamwa kunogona kukupinza mudambudziko guru, asi shungu nekuzvikudza zvinogona kutokuparadza. Kuzvidzora kunoita kuti ufunge zvakanaka kunyange muri pakati pokupesana kukuru.