Nhanganyaya
Vana vegwaro rechinomwe vakagamuchira zvakabuda pabvunzo dzavo. Vamwe vabereki kutaura kuno vatorine bhipi, vakashuta. Zvakaoma kukurudzira vana kuti vadzidze. Iri diri rimwe rematambudziko makuru anosanganikwa navo navabereki navadzidzisi. Vabereki vane chido chokuti vana vavo vabudirire muchikoro. Kana mwana wavo akundikana vanofunga kuti vakundikana sevabereki. Vanobva vafunga kuti vatadza kurera mwana. Vanozvipa mhosva uye vanopopotera mwana wavo nehasha. Mwana anozonzwa kusuruvara nekuodzwa mwoyo achiti ndarasisa vabereki vangu. Pamusoro pokunetseka nechikoro vanozvidemba kuti vakatambudza vabereki. Izvi zvinokonzera kuti vana vatonyanya kuodzwa mwoyo zvichibva zvakanganisa basa ravo rechikoro zvakapetwa.
Kazhinji vabereki vanozoti kumwana wavo, ‘Kana ukaedza zvakaoma unita zviri nani.’ Asi zvinoomera mwana kuteerera mashoko aya nokuti haana kuraira kwakajeka. Kazhinji vana vane matambudziko kuchikoro uye havazivi kuti vanotangira papi kuti vaite zviri nani. Vanotanga kunyara nokukoniwa kwao. Vanotanga kuita hunhubu hwokuvanza kukoniwa kwavo. Izvi zvinobva zvatsamwisa vabereki votadza kunangana nedambudziko chairo rinova rechikoro chemwana.
Heznino nzira dzokubatsira mwana kana akakundikana panhano yechinomwe.
Dzikama
Ziva kuti iwe hausi iwe woga une basa rokuti mwana abudirire mudzidzidzo zvake. Kana mwana wako akauya kumba akafoira, dzikama unangane nezvakakosha. Zviudze kuti, ‘Mwana wangu afoira.’ Zvakaoma. Ndepapi paanoda rubatsiro? Ndingamubatsire sei kuti abudirire uye akunde mubasa rake?
Usati wakachenjera
Usarumbidze mwana wako nokuda kweuchenjeri hwake, achitaura mashoko akaita sokuti, ‘Wakajeka kupinda vamwe vose!’ Pane kudaro murumbidze pamusoro pekushanda nesimba nekutsungirira kwaanoita nyange akaomera. Vana vanorumbidzwa nekuda kwekushanda nesimba vanogona kuramba vachiedza nyange pavanosangana nezvipingamupinyi. Vanoziva kuti vane simba pamusoro pekudzidza kwavo. Vana vanoudzwa kuti vakachenjera vanowanzotambura nechikoro. Vanoodzwamwoyo vakasangana nemabasa avanofunga kuti vanofoira vakanzi ‘hauna kuchenjera.’
Usapengera mwana
Panzvimbo yekuita yokutsamwira mwana kuti afoira muitire mutsa nokumunzwisisa. Kana ukamugumbukira unoderedza shungu shungu dzake dzokudzidza nesimba. Zvakakosha nguva nenguva muti, ‘Mwanangu ndinovimba kuti unoziva kuti ndinokuda zvisinei kuti wapasa zvakadii.’ Edza kutaura mashoko akaita sokuti, ‘Ndine chokwadi chokuti urikurwadziwa nokufoira kwawaita. Ndiudze kana paine pandingakubatsire.’
Rega kurwisana
Kana tikanyanyorwisana nevana vanobva vamira kudzidza. Vana havagoni kudzidza kana vakatsamwa. Tinofanira kudzivisa nyaya hehondo. Tinogona kuti, ‘Ndicharamba ndichikuda. Ndinoda kuti uite sarudzo dzakanaka muupenyu kusanganisira nezvechikoro. Ninotendera kuti unogona kuzvishandura maitiro ako. Ndinenge ndiripo kana uchida mazano.’
Ita kuti hukama hwako nemwana huve hwakanaka
Chinhu chakanakisisa chaunogona kuitira vana vako ndechekuti urambe uine hukama hwakanaka navo. Vana vanofunga kuti chero vakoniwa vanowanzoita zvakanaka kuchikoro. Usaite kuti mwana wako afunge kuti anogamuchirwa maererano nokupasa kwake. Maitiro akadaro anenjodzi. Panzvimbo pokutambisa samba rako uchipopotera kukuniwa kwemwana tambai zvakanaka muchiwirirana.
Taura nevadzidzisi vake
Ronga kusanga na nevadzidzisi vemwana mukurukure. Taurirana navo zvakanaka. Usatange nekupopota. Unogona kuti, ‘Ndiri kucherechedza kuderera kwemagiredhi aTarisai, mambozvicherechedzawo here? Pane zvandinogona kuita kumba kumubatsira here? Munofungei maitiro ake?’
Ongorora
Vana dzimwe nguva vanosarira shure nokuda kwekunonoka kubata kana kuti vanobata zvakasiayna nevamwe vavo. Munhu wose ane simba uye utera. Ongorora uone paakasimbira nepaaine utera.
