Rungano
Pane imwe hurudza yomurimi yaigarohwina mubairo pamakwikwi embeu dzakasvika. Chaishamisa vamwe ndechekuti hurudza iyi yaipota ichipa vamwe varimi vakakomberedza mbeu dzakasvika sezvipo. Vafereferi venhau vakamusvikira vakamubvunza vachiti, ‘Munozvigona sei kugoverana mbeu yenyu yakasvika yechibage nevamwe vamunoita makwikwi navo?’
Akapindura achiti, ‘Nyanzvi dzokurima dzinotidzidzisa kuti mhepo inopupurutsira poreni (pollen) kuminda yakapoteredza. Naizvozvo ini kana ndichida mbeu yakasvika minda yakandipoteredza inofanira kuvao nembeu yakasvika ndosaka ndichipa vavakidzani vangu mbeu yakasvika.”
Muupenyu tiri vamwe. Kana tichida kubudirira tinofanira kusakisa budiriro munharaunda. Kana tichida rugare tinofanira kuparadzira rugare matigere. Kana tichivavarira upenyu hwakanaka tinofanira kunatsa kuti vakatikomberedza vane upenyu hwakanaka.
Chiverengo chokutanga
Uchiverengo chokutanga Mwari ari kuti kana muchida kurarama zvakanaka siyanai noupenyu hwoudzvanyiriri. ‘Musadzvanyirira shirikadzi navarombo.’ Itirai vanhu vakadai vane utera mwoyochena.
Chiverengo chechipiri
Muchiverengo chechipiri, Pauro ari kuyeuchidza vaTesaronika kuti vakasunungurwa kubva mukunamata zvifananidzo nokuda kwesimba reShoko Rakanaka. Rusununguk rwavo mucherechedzo worudo rwaMwari kwavari. Ivowo vanofanira kurarama savanhu vakasunungurwa uye vanofanira kuparadzira rusununguko urwu mavagere.
Shoko Rakanaka
MuShoko Rakanaka VaFarisiya vanouya nomubvunzo wakaoma kunaJesu wokuti ‘Ndeupi mutemo mukuru kupinda yose?’ Jesu anovapindura kuti rudo naMwari uye rudo nomumwe wako. Kana tikada vamwe nokuda Mwari mumba matigere, munharaunda yatigere uye munyika yatigere muchava norugo uye rugare.
