©Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Chiverengo chokutanga chirikuporofita nezve ‘chizvarwa chaDhavhiti’ chataurwa kunzi: ‘Mwanakkomana mumwechete’ uye ‘dangwe’. Zvanzi iye nyakuporofitwa uyu ndiye achava gomo ramangwana rinosukirwa zvivi nezvinongo zvenyika dzose. Nyika dzose dzichamutendera nokumuremekedza sedangwe nomununuri wapasi.
MuChiverengo Chechipiri Pauro arikutiyeuchidza kuti Kristu ndiye anotibatanidza tose. Krstu ndiye chitubu choruombeko chinotiunganidza pamwechete semhuri yaMwari. Tinova vamwari kuburikidza noruombeko uye tinogoverana upenyu hwaKristo nokuda kokuombekwa muzita rake. Pauro anoti, ‘Mose muri vana vaMWari nomunaKristu Jesu. Mose makaombekwa muna Kristu … hapana mutsauko pakati pavaJudha navaGiriki … asi mose muri vamwe muna Kristu.’
MuShoko Rakanaka mubvunzo waJesu wakauya panguva iyo vazhinji vaisanzwisisa kuti ndiani uye akavingei. Nyange vamwe vateveri vake vaivhiringika vachitadza kumunzwisisa. Asi Pita akaratidza kumunzwisisa paakati ‘Ndimi Kristu mwana waMwari.’ Pita akanzwisisa kuti Jesu ndiye uya akavimbiswa navaporofita kuti achauya kuzonunura pasi.
Mubvunzo waJesu wakakosha nyange nanhasi uno. TInogona kuzvibvunza kuti ‘Kristu ndiani, uye izvi zvinorevei kwandiri?’ Tinogona kuda Kristu zvizere chete kana tikamunzwisisa. Kumunzwisisa kunotipa chitarisiro, chitendero noruvimbo maari. Kumunzwisisa kunotibatsira kumupfugamira nokumuremekedza zvizere. Kumunzwisira kunovandudza ukama hwedu naye kuchitisvitsa padyo padyo naye.
