© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Kana Kristo arimo zvirokwazvo musakaramende rearitari zvinoreva kuti tinofanira kumushanyira nguva nenguva. Dai zvaibvira waitora maminitsi 10 kana 15 zuva roga roga uchikurukurirana naKristo musakaramende dzvene.
Ini ndinoona izvi zvichindibatsira zvikuru. Pose pandinoshanyira sakaramende dzvene ndinoona ukama hwangu naMwari huchisimba. Ndinowanzoti kana ndava kushanyira sakaramende dzvene ndotakura kabhuku kemunamato kana bhaibheri kuitira kuzvibatsira kana pfungwa dzave kutetereka. Dzimwe nguva ndinongoita munamato unobva mumwoyo mangu ndichiuudza Jesu zvandiri kunzwa nemifungo yangu. Kana ndiine dambudziko gukutu ndinoudza Jesu. Kazhinji kana ndave kubuda muchechi ndinobatwa nepfungwa inobva yandipa zano padambudziko rangu. Izvi zvakaitika kakawanda saka ndinotendera kuti iyi ndiyo nzira yandinodairwa nayo naKristo.
Dzimwe nguva kana ndakaneta ndisina chekutaura ndinongogara pamberi paKristo ndichiziva kuti iye aneni. Vamwe sista vanonzi Bridge Makenna vanofamba nyika dzakasiyana-siyana vanotora maawa 3 zuva roga roga rakasikwa naTenzi vari pamberi pesakaramende. Vane basa rakawanda asi vanototi vawane nguva yekukurukurirana naKristo. Sista ava vanoti ‘haisi nyore kupfugama pamberi pesakaramende. Kazhinji unoshaya zvekutaura kana kuti pfungwa dzinotanga kutetereka. Panogonawo kuita sepasina chiri kuitika. Asi nyange pakaita sepasina chiri kuitika iwe ziva kuti shanduko ichauya muupenyu hwako.’
Sista Makenna vanopa muenzaniso. Hanzi rimwe zuva ndakati ndaenda kunokurukurirana naJesu ndakaneta ndikanoti kwaari nhasi handina chekutaura asi ndinoda kuti uzive kuti ndinokuda. Jesu akandipindura akati hausungirwe kutaura chinhu kwandiri nguva dzose, ini ndini ndine zvandinoda kukuitira. Hanzi ipapo ndakaona mufananidzo wemurungu aibuda mumba achinogara pazuva kuti adziye mushana. Mushure mechinguva ruvara rweganda rake rwakatanga kushanduka. Vanhu vaipfuura nepo vaizviona. Iyewo ainzwa shanduko iyi asi hapana chaaita sechiri kuitika. Izwi raMwari rakabva rati kwandiri izvi ndizvo zvimwechete newe. Ukauya kwandiri panoita sepasina shanduko asi vanhu vanoonashanduko muzviito zvako nehunhu hwako.
Saka nhasi ndinoda kuti tikurukurirane naKristo Musakaramende dzvene. Arimo zviro kwazvo musakaramende iri. Akamirira anoda kutaura nesu.

Maitabasa varairidzi ndadzidza zvikuru nedzidziso yepfugamiro
LikeLike