©Musakope maridzo iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina kukumbira mvumo
MuShoko Rakanaka tanzwa nezveVaGareriya nevakafira paSiromu nokuda kwokuita kwavo. Tenzi ataurawo kuti muonde unopiwa mukana wokuita zvakanaka asi akasashanduka unowana mubairo waizvozvo. Vazhinji mazuva ano vanoti ko sei Mwari achimbobvumira matambudziko kuti aitike. sei vamwe vachiita sevanorangwa. Chokutanga Mwari haatiitire utsinye asi tinokohwa zvatinorima. tinowana mubairo wokuita kwedu watinozvitsvagira.
Imbozvitora sachiremba. Waenda kubasa nekamwana kako kadiki. Waita musikanzwa, wapinda nekamwana aka mumba inoitirwa oparesheni. Kamwana aka kaona chiremba namanesi vachisimudza munhu vomuradzika patafura. Chiremba uyu anobaya munhu uya nejekiseni obva ati tasa. Chiremba anopfeka magirovhosi, otora chigero obva atanga kuvhiya munhu uya. Anopinza ruoko rwake padumbu oburitsa chinyama maoko ake azere neropa. Unofunga kuti mwana achiona zvose izvi anoti kudii? Anofanira kuva anoti chiremba vane utsinye. Chiremba vamanikidza munhu kurara pamubhedha, vamubaya nejekiseni achibva afa, vatanga kumuvhiya maoko avo achibva azara ropa.
Mumaziso ekamwana chiremba vane utsinye. Asi iwe somunhu mukuru unoziva kuti chiremba havana utsinye, vari kutobatsira murwere neoparesheni kuti apone. Isu muupenyu hwuno dzimwe nguva kana takatarisana nemarwadzo ari mudzimba, marwadzo ari muupenyu hwedu tinoita sevana vadiki. Tinogumbukira Mwari tichiti Mwari ane utsinye, anotiregera tichirwadziwa haana hanya nesu. Tinotadza kuziva kuti mwari anotipa rusununguko rwokuzvirarudzira kuitira kuti tidzidze kubva musarudzo dzatinotora. Anoziva kuti mamwe marwadzo atinosangana nawo ioparesheni inotiponesa.
Dzimwe nguva marwadzo ari muupenyu hwedu ane chinangwa, chinangwa chokutidzidzisa. Mumwe muzvinafundo akati hapana chinhu pasi pano chinogona kuvhiringa munhu chogomubatanidza zvekare kupinda marwadzo. Marwadzo ndiye mudzidzisi mukuru muupenyu hwuno. Kunyika yeChina vane tsumo inoti ‘Kana mudzidzisi agadzirira mudzidzisi anouya oita basa rake.’ Kana iwe mudzidzi wechidzidzo choupenyu wagadzirira mudzidzisi marwadzo vanouya voita basa ravo, vokudzidzisa zvoupenyu.
Hatikurudzire kuti vanhu vatsvage marwadzo. Asi pane mamwe marwadzo akatinakira. Ngatimbotorei somuenzaniso munhu anonzwa musoro. Kune vakawanda vane dambudziko rekurwadziwa nemuroso. Marwadzo ako emusoro anogona kukudzidzisa zvinhu zvikuru. Pamwe dzidziso yaunowana ndeyekuti kune katsika karimo muupenyu hwako kaunoita kanoita kuti musoro wako ugare uchitema; katsika ikako kanofanira kuregerwa. Dzimwe nguva musoro iwoyo unotema nokuda kwekuti unoda kugara uchifadza vanhu pose paunenge uri; unoda kuti ukaita chinhu vanhu vakuti wagona. Kana pakashaya anokuti wagona unoshatirwa wotanga kutemwa nemusoro. Dzimwe nguva musoro wako unorwadza nokuti unenhongwa, unoda kuti zvinhu zvose zvigare zvichifamba zvakanaka pasakanganisike. Unoda kuti vanhu vabate nguva, unoda kuti zvinhu zvigare zvakachena, unoda kuti vanhu vataure chokwadi, unoda kuti vanhu vaimbe zvinofanira kuitwa. Saka kana pakaitwa misteki unovira nehasha. Kana uri munhu akadaro musoro wako unogona kukudzidzisa kuti vanhu havana kururama, kukanganisa kuri muvanhu.
Mamwe marwadzo anokonzerwa noruvengo kana kuti kushaya rudo. Tose tinoziva kuti kana munhu asingavimbe nezvaari, asingazvide iye pachake hapana chinhu kana munhu pasi pano anogona kumufadza. Kuzvivenga kunorwadza. Kana munhu asina rudo navamwe uye asingadiwe navamwe anosurikirwa uye anogara achizvidya mwoyo asina mufaro. Saka ruvengo runorwadza. Kana munhu asina rudo naMwari asina ukama hwakasimba hwerudo naMwari upenyu hwake hunoshaya chirevo uye anoshaya chitarisiro. Naizvozvo kuzvivenga, kuvenga vamwe uye kushaya rudo naMwari zvinounza marwadzo muupenyu hwemunhu. Chinhu chakanaka dzimwe nguva kuzvibvunza kuti marwadzo angu anokonzerwa nei. Ukateerera dzidziso yamarwadzo ako uchadzidza kuti dzimwe nguva uri munhu woruvengo.
Pane mumwe wechidiki aidzidzira zvoupikiri asi akanga asina mufaro. Akaenda kune mumwe mupriste wechikuru ndokumutaurira dambudziko rake. Muhurukuro dzavo akaudza mupriste wechikuru kuti kune mumwe munhu waakavenga. Munhu iyeye aimusvota. Aiti akamuona onzwa kushushikana. Asi kutaura chokwadi hapana chaaive amutadzira; aingomuvenga chete. Mupriste wechikuru uyu akamuti, ‘Kusvotwa kwako kuri kukonzerwa nezviri kuitika mukati mako kwete nemunhu nowawakavenga.’ Akatanga kuzvibvunza kuti zvii zviri kuitika mukati mangu? Chii chinoita kuti ndisvotwe nemunhu uyu asina kunditadzira? Akati pengenu ndokuona kuti iye somuKristo haana kuteedzera daidzo yake. Kristo anoti ida mumwe wako sokuda kwaunozviita asi iye mwoyo wake uzere noruvengo, asina rudo.
Ruvengo ndirwo rwainditambudza. Ruvengo ndirwo rwaiita kuti arware. Ruvengo ndirwo rwaindishaisa mufaro. Zvimwe tinozvisorera. ZViri kwatiri kufuka kana kuwarira. Zviri kwatiri nzira yatinotora.
