Kunamata kuti Mwari apindire
Tenzi Mwari wedu, munonzwa minamato yavaranda venyu pavanodana kwamuri, nhasi inzwaiwo munamato wangu, pandinosuma vararanda venyu ava kwamuri … (taura mazita avo). Ndinokumbira mwoyochena wenyu kuti muitirewo tsitsi nemutsa kuna … (zita). Mutungamirei kurugare norudekaro rworudo rwenyu. Mwari worudo netsitsi, munoziva zvinodiwa nevatendi, chibatsirai varanda venyu ava … (zita), mugovadzikinura kunjodzi dzingavawane. Ndinokumbira zvose izvi nomuzita raBaba neraMwanakomana neroMweya Mutsvene, zvino nokusingaperi. Amen.
