Jesu, imi makatambudzika zvinosuwisa, “makasvorwa nokurambidzanwa navanhu, mukava munhu wokutambura, munhu anoziva nhamo uye munhu wokuti vanhu vakamutarisa vanotomufuratira zvavo.” Ini ndinopfugama nokuremekedza Uso Hwenyu Hunoera hwaimbopenya norunako nokutapira kwaMwari Baba, zvino hwakutaridzika kwandiri seuso hwomunhu ane maperembudzi! Asi kunyangwe chiso chenyu chisisataridziki, ini ndinocherechedza rudo rwenyu rwusingaperi ndichibva ndatsva nechishuvo chokukudai uye chokuti mudiwe nomunhu wose. Misodzi yakazadza maziso enyu matsvene inoita kwandiri sezvicherwa zvamatombo akakosha anodhura andingade kuunganidza kuti nditenge mweya yavatadzi varombo.
Jesu, imi Uso hunokodzera kupfugamirwa, hunovhevhetedza mwoyo wangu, ndinokutetererai kuti mudyare mandiri Mufananidzo weUso wenyu hunoera, muvese moto wechido kuti ndikodzere kuzoonana neUso hwenyu hunembiri kudenga.
Jesu, Uso hwenyu hunopfugamirwa hunovhevhetedza mwoyo wangu. Ndinokutetererai
Kuti mudzike mandiri mufananidzo weUso hwenyu hwaMwari, muvese moto worudo
Mandiri kuti ndizowanikwa ndakakodzera kuonana neUso hwembiri kudenga. Amen.
