Ndinokudai Mwari wangu,
Uye chishuvo changu ndechokukudai kusvikira pafemo rokupedzisira roupenyu hwangu.
Ndinokudai imi Mwari wangu munodikanwa zvisina mugumo,
Ndinosarudza hangu kufa ndichikudai, pane kurarama ndisingakudei.
Ndinokudai Tenzi, nyasha dzandinokumbira bedzi ndedzokuti ndikudei kwemisi isingaperi…
Mwari wangu, kana rurimi rwangu rwukatadza kuti ‘ndinokudai’ nhambo dzose,
Ndinoda kuti mwoyo wangu udzokorore mashoko aya nefemo rose randinoita.
