Munamato kumhandara yokuGwadharupe waPapa Johani Pauro II
Mhandara Tsvene yeGwadharupe,
Amai vamarudzi ose,
Ipaiwo misha yedu nyasha dzokuda nokuremekedza upenyu kubva paunotangira,
Norudo rwumwechete rwamakachengeta upenyu hwoMwanakomana waMwari munhumbu yenyu.
Maria Mhandara Tsvene,
Amai vorudo rwakanakisa, dzivirirai mhuri dzedu kuti dzigare dzakabatana, mukomborere kurerwa kwevana vedu.
Chitarisiro chedu, titariseiwo netsitsi, mutidzidzise kugaroenda kuna jesu,
Kana taputsika tibatsirei kumukazve nokudzokera kwaari nomukureurura mhosva nezvitadzo zvedu musakaramende rerupinduko, Rinopa mweya yedu rugare.
Tinokumbira kuti mutipewo rudo rwukuru kumasakaramende ose anoera,
Sezvo ariwo zviratidzo zvatakasiirwa pano pasi neMwanakomana wenyu.
Amai vatsvene kwazvo, kana rugare rwaMwari rwagara muhana dzedu, uye mwoyo yedu yadzikinurwa kubva kuuipi noruvengo,
Tichagona kusvitsa vamwe kumufaro norugare rwechokwadi,
Rwatinopiwa noMwanakomana wenyu Tenzi wedu Jesu Kristu,
Anogara nokutonga pamwe naBaba naMweya Mutsvene kwemisi isingaperi. Amen.
