Munzwei zvaanotaura
Mumwe mutungamiri wenyika aigaroshanyirwa navanhu pamuzinda wake. Vaiita mudungwe vachisheedzera nokukanda maoko mudenga nomufaro. Asi chainetsa mutungamiri uyu ndechekuti vanhu vaiuya vaiita sokunge vasingateerere zvaanotaura. Akaronga zano. Rimwe zuva akafamba achizevezera kune mumwe nemumwe akauya kuzomushanyira achiti, ‘Ndauraya mbuya vangu.’ Vazhinji caisekerera nokuzhinya vachipa mhinduro dzakasiyana-siyana: ‘Makorokoto!’ ‘Rambai makadaro’, ‘Tinodada nemi’, ‘Mwari vakukomborerei.’
Asi munhu mumwechete akanga ari kumucheto womudungwe, mumwe mumiririri wenyika, ndiye akanzwa zvaitaurwa akati, ‘Inga mahwani chaiwo!’
Kuteerera kwakakosha kana vanhu vachikurukurirana. Vamwe vangati pane asingazive zvinhu zviri pachena kudaro. Asi nyange zvichiita sezviri pachena vakawanda havakoshese kuteerera. Zvino kana mumwe achitaura asingateererwe zvaanotaurwa zvinova ruzha. Mashoko ake anonge ongoshongedza mumhepo asina kwaari kuenda. Kuteerera kupa chirevo kune zvinotaurwa nemumwe kuti zvisangova ruzha. Kuteerera kuvavarira kunzwa kuti mumwe wangu ari kurevei, ari kuda kuti kudii kwandiri. Hakusi kutungamidza zvandiri kufunga kuti ataura asi kutungamidza zvaari kutaura iye. Asi dambudziko nderekuti vazhinji munhu asati ataura tinenge tatoziva zvaanoda kutaura! Vabereki, vana, vawanani, vashandipamwe, vashandirwi, vaparidzi – vose vanochema kuti havateererwi zvizere. Iko kuteerera kuita sei? Oliver Mtukudzi ane rumbo rwaanoimba rune mashoko okuti:
torawo mukana wokuteera zvinotaurawo vamwe
worega kuropodza
kuropodza zvisina mature
chinonzi hurukuro
kutaura tichinzwana
votaura iwe uchiteerera
wotaurawo ivo vachiteerera
Nyanzwi dzokukurukurirana dzinoti kuteerera kwakanaka kupa mumwe mukana wokuti ataure zvaari kuda, chinangwa chake chibude pachena zvizere, zvaari kuda kuti ubate zvijeke. KUteerera kwakadai kunoda kudzikama, kuzvidukupisa uye mwoyo murefu. Kuteerera kwakadai kunoda kuvavarira nokuti hakuitike kwoga.
Kana munhu akateerera nomutoo uyu anoita sokunge ari kuti ndiri kuremekedza zvauri kutaura, ndiri kukoshesa maonero ako. Pane pandisiri kunzwisisa asi ndinokumbira kujekeserwa kuti ndinyatsobata. Zvauri kutaura zvine chirevo. Ndiri kutodzidza pane zauri kutaura. Ndosaka uri kuona kuti handipapariki. Handijambire kutaura iwe usati wapedza. Ndinotora nguva yangu ndichinzwa, ndogadzirira kutaura ndichifunga pamusoro pezvawataura ndozotaura.
Iyi ndiyo dzidziso iri kubuda muShoko Rakanaka ranhasi. Jesu anotorana neshamwari dzake Pita, Jemusi naJowani voenda pamusoro pegomo kunonamata muchinyararire. Jesu anokoshesa kutora nguva yaanoenda parutivi achinoteerera nokunzwa izwi raBaba, kuti baba vari kuti kudii. Izvi ndozvaimupa simba rokufambira mberi muupenyu, simba rokuramba akabatirira pachinangwa chake nokuita basa rake nomwazvo.
Ari pamusoro pegomo akanzwa izwi rababa richiti, ‘Uyu ndiye mwanakomana wangu, muteererei!’ Kunamata kuteerera zvinotaura Mwari sezvaaiitwa naKristu pachake. Arifonzo naTeresa VaTsvene vanoti kunamata kukurukurirana naMwari. Ihurukuro. Hurukuro inoda kuteerera kwete kuisa zvimiti munzveve. Munamato kugamuchidzana mashoko, kugamuchira nokupa. Munamato hakusi kungoudza Mwari zvokutaura asi kupa Mwari mukana wokutiudza zvaari kuda. Munamato usina hurukuro wakafanana nemunhu anoramba achikupa mvura mutsime pasina itsva inopinda mariri; tsime iroro rinopwa. Kunamata tisingapi Mwari nguva yokutaura kunoita kuti mwoyo yedu ipwe; tife pamweya tizvivharire makomborero. Ndosaka mumwe akati, ‘Pane zvose zvauchaita namata asi usakanganwa kupa Mwari mukana wokutaura.’
Seshamwari dzaJesu pane dzimwe nguva dzatinokwira gomo remunamato kuti tione kuda kwaMwari. Munamato ndiro gomo ratinokwira rinotigonesa kuona zviri kure. Munamato unotigonesa kuona pokutsika nepokunzvenga. Unotionesa chinangwa chedu nekwatiri kuenda. Unotionesa daidzo yedu. Munamato une kuteerera mukati unotigonesa kuona zvakadzama. Unotigonesa kuona zvakakosha muupenyu hwedu. Vamwe baba vakabata mhodzi yemuzhanje ndokuti kumwana wavo unoonei. Iye akati ‘hapana’. Zvikanzi, ‘Pausina chauri kuona pane zimuti richabereka michero yakawanda.’ Kuteerera kunoita kuti tinone zvikuru zvine michero yakawanda.
Munhu anoteerera azere nomufaro nokupenya. Kristu nokuti ainzwa izwi rababa akava nokupenya. Isu tikanzwa izwi rababa nokuva vanhu vanokoshesa kuteerera tichava nokupenya mumwoyo yedu nomuupenyu hwedu. Tichapiwa muono unotisvitsa kure. Dai Mwari atipa chipo chokumuteerera nokuteerera vakatikomberedza zvikuru sei munguva ino yoMwaka woKutsanya.
