Svondo 5 Mwaka woKuuya C



Mumwe muPhilosopher wechiGiriki anonzi Diogenes, aive amire pakona yestiriti achiita seachadambuka mbabvu nekuseka. Mumwe mupfuuri akamubvunza kuti aisekei. Akapindura achiti, “Uri kuona here dombo riri mumugwagwa iro. Vanhu vazhinji vagumburwa naro asi hapana aita shungu dzekurisudurutsa kuitira kuti vamwe vasagumburwe.”

  • Pane zviuru nezviuru zvemhuri dziri kusangana namatambudziko uye dzisiri kurarama murudo.
  • Pane zviuru nezviuru zvavanhurume, vanhukadzi navana vari mumajeri, muzvipatara, mumastiriti vangadai vasiri munzvimbo idzi dai vakavakomberedza vakavaratidza rudo.
  • Vazhinji varombo, vakadzvanyirirwa, vanoshandiswa nekuti pane vamwe vanhu vasina rudo.
  • Panewo vazhinji vari kutambura vasiri kugona kuenda kuchikoro, nekuti pane vari kutadza kurarama daidzo yaKristo yehanya norudo.

Rudo ndirwo rwunotitsauranisa nevamwe isu savaKristu. Rudo runofanira kututuma mumwoyo yedu. Kana pakava nerudo mumwoyo yedu panova nerudo mudzimba dzedu, mumapoka edu, munyika yedu nepasi rose. Rudo runofanira kudzika mumwoyo yedu.

MuKristo chaiye haangovavarira kuponeswa iye oga, asi kuti anodisa kuti vamwewo vawaniswe ruponeso. Rudo haruonekwe nokungopa zvinhu zvinobatika chete. Runoonekwawo nekubatana nevamwe pakirike pamwe nokushandira kirike. Vapositori vakaratidza rudo rwavo nekuzvipira kutamburira kirike vamwe vakatosvika pakufira kirike. Tinogonawo kuratidza rudo rwedu kune vamwe nekuvatsiura pavanokanganisa, kuvakurudzira pavagona, nekuvashingisa mumatambudziko avanosangana nawo. Ngatitangei nhasi kuda nomwoyo wose senzira yekuumba humambo hwaTenzi.

Sangano redu rinofanira kuva nzvimbo yorudo. Kirike inofanira kuva nzvimbo yokuti mweya womunhu unosimudzirwa, chitendero chake chinodzamiswa, shoko raMwari rinoparadzirwa kuburikidza nanababa namadzimai azere chitendero, vanhu vazere nokunamata, vanhu vanoitirana hanya.