Minyengetero

Dandemutande reminamato yeChiKatorike

  • Tibatei
  • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mwaka woKutsanya
    • Pasika
    • Mwaka weKisimusi
    • Mazuva Makuru
    • Zvinyorwa
  • Minamato
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yePakati peZuva
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Rusariro
      • Rusariro rweMisodzi
      • Rusariro rwoKusunungurwa
      • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yoKuzvipira
    • Minamato kuvaTsvene
    • Utatu Utsvene
    • Manovhena
    • Madetembo
  • Muteuro weMisa
  • Masakaramende
    • Masakaramende Manomwe
    • Reururo
    • Mabhuku
  • Kurudziro
    • Kurudziro
    • Mikumbiro
    • Mitsara
    • Nhetembo

Uchafamba

Posted by MC on April 16, 2021
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Ndakaenda pane imwe chechi, hangu, kunonzwa shoko raMwari. Mumwe munhu akauya akabata bendekete rangu achindizevezera munzeve achiti, “Nhasi uchafamba.” Ndikati “Ndinogamuchira.”

Hazvina kundivhundutsa nokuti ndaiziva kuti handisi chirema. Kuzoti chechi yapera, ndakabata homwe dzangu wanikwe chikwama chaiva nemari yebhazi hamuchina.
Zvechokwadi ndakazofamba!

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Rine mukaka

Posted by MC on April 16, 2021
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Ivo: Ko mava kuenda? Tanga tava kutopakura.

Ini: Aiwa, handisi kuenda. Ndinoda kutemha mhiripiri mubindu.

Ivo: Manje rine mukaka.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Unokumbirisa

Posted by MC on April 16, 2021
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Kana uchiziva vanhu vanodarika vashanu vanonyima, ibva waziva kuti unokumbirisa.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Rendi zvinorevei?

Posted by MC on March 16, 2021
Posted in: Nyaurwa. Leave a comment

Musi weChitatu cheMadota, vatenderi vose pasi rose vanotaridza huma dzavo kuti vaiswe micherechedzo yechipiyaniso namadota. Mucherechedzo uyu unoitirwa kutiyeuchidza kuti hatirarame nokusingaperi pamwe nokutitondedza kutsvaga upenyu hutsva kuburikidza nokutendeuka. Madota aya mucherechedzo wokuti Mwaka weKutsanya watanga, mwaka wokuzvinyima zvinotifadza kuti tipe mweya mutsvene mukana wokupinda muhupenyu hwedu.

Asi ngatitauriranei chokwadi. Vamwe vedu vanofarira mwaka uyu nokuti vanoutora somukana wedieting. Ndakati ndichitaura neimwe shamwari yangu rimwe zuva zvikanzi “Mufunge ndiri kufara kuti gore rino rendi yedu ine Covid nelockdown. Izvi zvinoreva kuti ndichanyatsodieta, ndanga ndanyanya kufuta.”

Hatingati yedu pane chakaipa pakuvavarira kuonda. Ichokwadi kuti nguva yerendi inotipa imwe discipline yakakosha. Asi nhasi ndinoda kupindura mubvunzo wenyu wamakandipo wokuti “Rendi yakatikosherei.” Mubvunzo uyu unopindurwa navanhu vakasiyana-siyana napakawanda. Ini nhasi ndiri kuti batai pokuti ZVAKAKOSHA KUNGWARIRA KWETE ZVINOPINDA MUMUKANWA MEDU CHETE ASIWO ZVINObUDA MUMUKANWA MEDU. Saka rendi ino ngatimboongororei zvinobuda mumukanwa medu.

Chekutanga zvinyadzi. Zvinyadzi mazuva ano zvatekeshera kwese kwese. TV yakuremera kubatidza pane vanyarikani. Ukashanyirwa nemuenzi kana rhedhiyo chaiyo ino rema kubatidza nokuti vashamarari vamazuva ano vanongoerekana vakanda zvinyadzi ukashaya pokutarisa. Chero kuti uridze rwiyo rwevaimbi vechidiki vamazuva ano, mashoko acho zvinyadzi zvoga zvoga. Rimwe zuva ndakanakirwa nekambo kanoti “kanjiva.” Ndakatanga kuimba zvikanzi “Nemi anababa vezvomweya munotoimbawo izvozvo?” Zvinyadzi zvazara muhurukuro dzedu dzose. Chinoshamisa ndechekuti chero vatungamiri vehurumende, vakuru-vakuru vakungokanda zvinyadzi zviri pachena. Vatungamiri vechechi chaivo havachazezi kunyadzisira. Ndakashaya pokutarisa rimwe gore mai veChita vachifananidza mumwe wavo nenhengo dzomunhurume. MumaWhatsApp Group umu mazuva ano unonzwiririra. Hanzi navamwe baba, Father mwana wangu anotidadisa. Haasati ambotinyadzisa. Nguva zhinji anenge achiverenga bhaibheri rake. Apa mwana wacho ane zita rinonyadzirisa paTwitter uye anenge achingotumira zvinyadzi nemifananidzo yavanhu vasina kupfeka. Ndakashaya kuti ndovaudza sei kuti mwana wenyu igamba rezvinyadzi ku social media.

 Ko dzidzo yedu yakaendepi? Nhai madzimai, kana nemiwo here chokwadi kushama miromo yenyu muchinyadzisira munoti vana vanodzidzei? Hona zvino mumigwagwa umu vana vakungotaura zvinonyadzisira sevari kuti ndinokumbirawo mvura yokunwa.

Mukaona mashoko anofanirwa kutaurwa muchivande avakungomwaiwa pachena zivai kuti mwoyo yedu yaomarara, chimiro chaicho hapasisina. Kana muchifunga kuti zvinoreva kuti hamuna kusaririra, zivai kuti tatogamuchira chivi sezvachiri, chatotikurira. Zvinyadzi hazvifanire kuva nenzvimbo mupfungwa nomuhupenyu hwomuKristo.

Imwe mhuri yaive yakomba tafura vachidya nagogo vaive vashanya kubva kumusha. Mwana akadonhedza ndiro yechikafu nemistake chikamwararikira pasi. Mai vake vakatanga kupopota. Vakataura zvakawanda vachinyadzisira. Mbuya vaya vakatarisa mwana wavo aipopotera muzukuru zvikanzi “Keresenziya rangarira kuti muromo wako uchada kudya komunioni sande.”

Saka zano rangu nderekuti ngwarirai zvinobuda mumikanwa yenyu mese, vakuru navadiki. Ngwarirai zvinobuda mumikanwa yenyu nokuti zvinobudamo zvinogona kutiratidza zviri mamuri. Rangarirai kuti muri vana vaKristo musade kuzviita magen’a nevanhu vasina hunhu.

Chechipiri, rendi inguva yokusarutsa mashoko ekutongera vamwe. Ndinonzwisisa kuti izvi zvonogona kuremera kuita munguva yose yerendi, asi hamungazotadzawo kuwana zuva rimwechete zvaro ramunoti pazuva iri handidi kutaura mashoko ekutongera vamwe. Ndinofunga kuti chishanu chegachega chakanaka nokuti ndiro zuva rakarovererwa Kristo pamuchinjikwa, Saka tinenge tichiti musi wechishanu handidi kuroverera vamwe sokurovererwa kwakaitwa Jesu. ChiShanu ndirowo zuva zvekare rakanzi kumbavha iya naKristo “Nhasi chaiye uchange uineni muparadhiso.” Saka kunze kwekutongera vamwe tinovashuvira zvakanaka.

Ndinoziva kuti Rendi yave kutopfuura asi  zvinenge zvakanaka kuti ChiShanu choga-choga tisatongere vamwe. Tisavazivire zvavanofunga, tisavatongere unaku nohuipi hwavo, kuwana kwavo, mhosho dzavo, rudzi rwavo, mushando wavo, zvikanganiso zvavo. Ngatingoonei munhu wose semwana waMwari, akafirwa naKristu.

Chechitatu, rendi inguva yokuedza kuzvidzora panhau yokusvora vamwe. Inguva yokuzama kusataura mashoko oruvengo, okudzikisira, okugodora, okutuka, okusvora, okuseka, okunyeya, kana okusvibisa mazita avamwe. Ndinoziva zvekare kuti zvinogona kurema kuita izvi munguva yose yeRendi asi hamungazotadza kuwana zuva rimwechete ramunovavarira kuzviita. Zuva randinoona serakanaka Chitatu nokuti zvinonzi ndiro zuva rakatengeswa Jesu naJudasi.

Vamwe mai mukugoverana kwedu vakanditi vakati vapedza kudzidzira kupinda muchita ndokuenda kune imwe parishi muguta rapamusoro kwavakasvikonopekedzwa nokugamuchirwa muchita naBaba veZvomweya. Muparishi iyi nhengo dzechita dzose dzaizivana uye dziratidza kuti hadzina ruremekedzo nemunhu wavanoti akabva kumarukesheni. Asi zvakadaro amai ava vaingotendera kuti zvichapfuura vanhu vachasvika pakuvagamuchira.

Asi rimwe zuva vari seri kwemba yaiitirwa musangano vakanzwa vachinyeyiwa nevamwe. Paitaurwa mashoko akaipisisa pamusoro pavo. Vaiti chakanyanyakufuta chichasiiwa nemurume. Iwo mahobi acho nekuzotadza kana kusekerera. Munhu ungabva waita ganda rakasviba kunge shato kudaro. Idzo hapwa kunhuwa kuti kutu. Mai havana sense yefashoni vaya.

Mai ava vanoti  ndakaremerwa kupinda mumba maiitirwa musangano ndichiziva kuti vose varimo vachanditarisa vachiseka nechemumwoyo.  Ndakashaya kuti sezvo vaive vazondiona vachati kudii vachiziva kuti ndazwa zvavanga vachitaura. Muhana yangu ndakaziva kuti chaiva chita chavo uye ndaisadiwa. Ndakazviudza kuti handisiyi chita nokuti handidi kuti chivi chikunde. Ndakakumbira simba kunaMwari rokukunda. Nhasi uno ndava mutungamiri wechita.

Mashoko anobaya. Vavarirai kusataura mashoko anogodora Chitatu chogachoga.

Chechina, ndechekukwanisa kuti kwete nemiromo yedu. Izwi rokuti “kwete” rinoratidza zvatiri. Jesu pachake aiziva kushandisa izwi iri. Paakaporesa murume aiva namadhimoni, murume uyu aida kuramba achimutevera asi iye akati, “Enda kumba kushamwari dzako unovaudza zvawaitirwa naTenzi, nyasha dzaakuratidza.” Kwete, usanditevera asi enda unobatsira vaunogara navo.

Pirato paakabvunzurudza Jesu, Jesu akazunguza musoro achiramba kumupindura nokuti aiziva kuti Pirato haana hanya nechokwadi. Jesu akarambawo mushonga unopedza marwadzo zvaaive pamuchinjikwa nokuti zvaizomutadzisa kuzadzisa chinangwa chake. Jesu akatiwo kwete kunaSatani aida kumunyengedza kushandura matombo kuti ave chingwa.

Nguva ino yeRendi ngatiti kwete kune zvinodhaka, kwete kuhupombwe, kwete kuhunyengedzi, kwete kumanyepo, kwete pakudyisa.

Ngatitii hongu mukutaura chokwadi, hongu mukukurudzira vamwe, hongu mumabasa etsitsi, hongu mukunamata, hongu mukupa mhuri dzedu nguva, hongu kuna Jesu.

Hama dzadiwa, ngatingwarirei kutaura zvinyadzi, ngativavarirei kusatongera vamwe, ngatiedzei kusagodora vamwe uye ngatidzidzei kuti kwete. Tikagadzirisa zvinobuda mumikanwa yedu tichapa mweya nzvimbo muhana dzedu. Tichatanga kutaura zvinovaka, kukurudzira uye kunamata nomwoyo wose.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Ndanga ndakaitsika

Posted by MC on February 12, 2021
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Mudzidzisi: Ko sei wanonoka kuchikoro?
Mwana: Pana amai vanga vadonhedza mari yavo.
Mudzidzisi: Saka wanga uchivabatsira kutsvaga?

Mwana: kwete, ndanga ndakaitsika

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Anodya navo mazuva mangani?

Posted by MC on January 30, 2021
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Nhai, pamba paunoroja pakaita rufu unoramba uchidya navo mazuva mangani mushure mokuradzikwa kwomufi?

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Imwe Shona so!

Posted by MC on January 29, 2021
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Dzimwe nguva Shona hainzwisisike. Hanzi “amuka akafa. ” Amuka akafa? Saka haana kumuka zve. Hanzi zvekare “ndamuona asiko.” Wamuona sei iye asiko?

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Goriyati

Posted by MC on January 29, 2021
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Saka Goriyati akango pindira mubhaibheri kurohwa chete here kana kuti ane zvimwe zvaskamboitawo mune zvimwe zvitsauko?

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Ndiwe woga wandinaye

Posted by MC on January 29, 2021
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Mudiwa: Dai ndaiziva kuti unotambura kudai ndaisaroorwa newe.
Ini: Pandakati ndiwe woga wandiinaye waiti ndairevei?

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Chekai rurimi

Posted by MC on January 29, 2021
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Wobatwa paMbare uchiba, worohwa zvokuti bhe kusvika pakunyepedzera kufa. Woburitsa rurimi panze,
wonzwa umwe achiti
“Chekai Rurimi.”

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Posts navigation

← Older Entries
Newer Entries →
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati (2)
    • Gore A (3)
    • Gore C (13)
    • Hutungamiri (1)
    • Kurudziro (33)
      • Mitsara (8)
    • Madetembo (2)
    • Masakaramende (2)
      • Masakaramende Manomwe (1)
      • Reururo (1)
    • Mharidzo (111)
      • Mazuva Makuru (13)
        • Josefa (1)
        • Svondo raVatsene Vose (3)
        • Svondo reMirara (1)
      • Mharidzo dzamasvondo (62)
        • Gore B (10)
        • Gore C (4)
        • Mwaka woKuuya C (9)
      • Mharidzo dzemichato (1)
      • Mharidzo dzorufu (2)
      • Mwaka weKisimusi (1)
      • Mwaka woKutsanya (17)
      • Mwaka woKuuya B (2)
      • Pasika (13)
    • Mimamato (86)
      • Kunamatira vapristi (1)
      • Kuzvinamatira (3)
      • Manovhena (34)
      • Minamato kuna Mweya Mutsvene (1)
      • Minamato kuvaTsvene (20)
      • Minamato yakasiyana-siyana (1)
      • Minamato yaMangwanani (2)
      • Minamato yaManheru (2)
      • Minamato yaVarwere (1)
      • Minamato yePakati peZuva (1)
      • Minamato yoKuzvipira (4)
      • Muviri neRopa raKristu (3)
      • Nzira yoMuchinjikwa (1)
      • Rusariro (2)
      • Rusariro rweMisodzi (1)
      • Rusariro rwoKusunungurwa (1)
      • Rusariro-Uso hwaJesu (1)
    • Mitemo Gumi neyeSangano (1)
    • Mitsara YoMubhaibheri (3)
    • Muchato noUkama (8)
    • Muteuro weMisa (4)
      • Maitiro okuviga vafi (3)
    • Ngano (11)
    • Nhetembo (3)
    • Nyambo (198)
    • rufu (5)
    • Uncategorized (71)
    • Utatu Utsvene (1)
    • Zvidzidzo zveBhaibheri (2)
    • Zvinyorwa (25)
      • Nyaurwa (24)
  • Zvinonyanyofarirwa

    • ChiShona
    • Minamato yaVarwere
    • Rusariro rwaMaria
    • NOVENA KUNA MWEYA MUTSVENE
    • Kuzvipira kunaMweya Mutsvene
    • Masakaramende Manomwe
    • ZIVA MUTAURO WAKO
    • Munamato wamanheru
    • 1        Final Commendation (Shona-Catholic)
    • Munamato wamangwanani
  • Maonero aVanhu

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024 (2)
    • July 2024 (8)
    • June 2024 (1)
    • March 2024 (2)
    • May 2023 (8)
    • October 2022 (1)
    • May 2022 (1)
    • December 2021 (3)
    • September 2021 (1)
    • July 2021 (4)
    • May 2021 (7)
    • April 2021 (5)
    • March 2021 (1)
    • February 2021 (1)
    • January 2021 (6)
    • October 2020 (8)
    • September 2020 (6)
    • August 2020 (2)
    • July 2020 (9)
    • June 2020 (3)
    • March 2020 (2)
    • February 2020 (2)
    • January 2020 (6)
    • December 2019 (4)
    • November 2019 (32)
    • October 2019 (4)
    • September 2019 (4)
    • June 2019 (7)
    • May 2019 (15)
    • April 2019 (10)
    • March 2019 (20)
    • February 2019 (4)
    • January 2019 (3)
    • December 2018 (10)
    • November 2018 (4)
    • October 2018 (9)
    • September 2018 (1)
    • July 2018 (1)
    • June 2018 (5)
    • May 2018 (6)
    • April 2018 (7)
    • March 2018 (11)
    • February 2018 (6)
    • January 2018 (25)
    • December 2017 (29)
    • November 2017 (12)
    • October 2017 (26)
    • September 2017 (36)
    • August 2017 (2)
    • July 2017 (4)
    • October 2016 (1)
    • August 2016 (2)
    • July 2016 (3)
    • June 2016 (12)
    • May 2016 (5)
    • April 2016 (5)
    • March 2016 (7)
    • February 2016 (8)
    • January 2016 (64)
    • December 2015 (13)
    • November 2015 (2)
  • Zvimwe Zvekutinya

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvichangotaurwa

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024
    • July 2024
    • June 2024
    • March 2024
    • May 2023
    • October 2022
    • May 2022
    • December 2021
    • September 2021
    • July 2021
    • May 2021
    • April 2021
    • March 2021
    • February 2021
    • January 2021
    • October 2020
    • September 2020
    • August 2020
    • July 2020
    • June 2020
    • March 2020
    • February 2020
    • January 2020
    • December 2019
    • November 2019
    • October 2019
    • September 2019
    • June 2019
    • May 2019
    • April 2019
    • March 2019
    • February 2019
    • January 2019
    • December 2018
    • November 2018
    • October 2018
    • September 2018
    • July 2018
    • June 2018
    • May 2018
    • April 2018
    • March 2018
    • February 2018
    • January 2018
    • December 2017
    • November 2017
    • October 2017
    • September 2017
    • August 2017
    • July 2017
    • October 2016
    • August 2016
    • July 2016
    • June 2016
    • May 2016
    • April 2016
    • March 2016
    • February 2016
    • January 2016
    • December 2015
    • November 2015
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati
    • Gore A
    • Gore B
    • Gore C
    • Gore C
    • Hutungamiri
    • Josefa
    • Kunamatira vapristi
    • Kurudziro
    • Kuzvinamatira
    • Madetembo
    • Maitiro okuviga vafi
    • Manovhena
    • Masakaramende Manomwe
    • Mazuva Makuru
    • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mharidzo dzemichato
    • Mharidzo dzorufu
    • Mimamato
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato kuvaTsvene
    • Minamato yakasiyana-siyana
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yePakati peZuva
    • Minamato yoKuzvipira
    • Mitemo Gumi neyeSangano
    • Mitsara
    • Mitsara YoMubhaibheri
    • Muchato noUkama
    • Muteuro weMisa
    • Muviri neRopa raKristu
    • Mwaka weKisimusi
    • Mwaka woKutsanya
    • Mwaka woKuuya B
    • Mwaka woKuuya C
    • Ngano
    • Nhetembo
    • Nyambo
    • Nyaurwa
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Pasika
    • Reururo
    • rufu
    • Rusariro
    • Rusariro rweMisodzi
    • Rusariro rwoKusunungurwa
    • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Svondo raVatsene Vose
    • Svondo reMirara
    • Uncategorized
    • Utatu Utsvene
    • Zvidzidzo zveBhaibheri
    • Zvinyorwa
  • Meta

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
Blog at WordPress.com.
Minyengetero
Blog at WordPress.com.
  • Subscribe Subscribed
    • Minyengetero
    • Join 46 other subscribers
    • Already have a WordPress.com account? Log in now.
    • Minyengetero
    • Subscribe Subscribed
    • Sign up
    • Log in
    • Report this content
    • View site in Reader
    • Manage subscriptions
    • Collapse this bar
 

Loading Comments...
 

    %d