Minyengetero

Dandemutande reminamato yeChiKatorike

  • Tibatei
  • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mwaka woKutsanya
    • Pasika
    • Mwaka weKisimusi
    • Mazuva Makuru
    • Zvinyorwa
  • Minamato
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yePakati peZuva
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Rusariro
      • Rusariro rweMisodzi
      • Rusariro rwoKusunungurwa
      • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yoKuzvipira
    • Minamato kuvaTsvene
    • Utatu Utsvene
    • Manovhena
    • Madetembo
  • Muteuro weMisa
  • Masakaramende
    • Masakaramende Manomwe
    • Reururo
    • Mabhuku
  • Kurudziro
    • Kurudziro
    • Mikumbiro
    • Mitsara
    • Nhetembo

Svondo 3 reGore C

Posted by MC on January 17, 2016
Posted in: Mharidzo dzamasvondo, Uncategorized. Leave a comment

Svondo rapera paseri Pauro Musande aitaura nezvezvinhu zvinotibatanidza (Masakaramende) uye zvinhu zvinotisiyanisa (Zvipo). Svondo rakapera aiti iye tiri muviri mumwechete. Svondo rino Pauro ari kuti iye ungava nechipo chakanaka sei asi kana usina rudo hausi chinhu. Ungava une simba rekuti gomo ibva apa enda apo asi kana usina rudo hausi chinhu. Ungava nechipo chekuparidza sei asi kana usina rudo wakafanana nedhiramu rinongonyaudza vanhu. Zvipo zvose zvinosvika pakupera. Asi pane zvinhu zvitatu zvisingapere: chitendero, chitarisiro norudo. Ini nhasi ndinoda kutaura nezverudo.

Hama dzadiwa, kana tasvika panyaya yerudo pane zvinhu zviviri kwete zvitatu. Pane rudo rwechokwadi uye pane rudo rwune miko. Unogona kuda munhu nemwoyo wose, mahara, pasina miko kana kuti unogona kuda munhu uchiisa miko parudo irworwo, uchiisa mhondwa. Asi kana uchida munhu womupa miganhu chokwadi ndechekuti haumude nekuti rudo rwechokwadi nderwemahara harwusi rwekutengeserana nemiko inofanira kuzadziswa.

Rudo rwechokwadi
Rudo rwechokwadi zvarwunoreva ndezvizvi: ndinokurwarira zvekuti ndinoda kugoverana newe zvakanaka zvose pachena. Rudo rwangu nderwemahara, haufanire kupuruvha chimwe chinhu kuti ugowana rudo rwangu.

Shamwari kana tasvika panyaya yerudo haisi nyaya yekukodzera kuwana rudo rwangu kana kusakondzera. Ini pandakakuda handina kumbozvinyepera kuti ’ndiwe woga, nyika yangu.’ Ini ndakagara ndangoziva kuti zviuya hazviwanane. Handiti kukufadza nenhema, pasi panototi pawane munhu ari nani kupinda iwe. Asi zvose izvozvo hazvina basa neni. Ini ndakakusarudza saka ndinokuda sezvauri.

Eric Fromm anonyora achitsoropodza rudo rune miko achiti iye, ’Rudo rune miko kana runongokusiya uchinyunyuta kuti pamwe handinyatsodiwa. Unenge usina kugadzikana nekuti hauzive kuti ndiri kuzadzisa zvinodiwa here. Unonzwa kakushandiswa kekuti kana ndisina kuita ichi dzimwe nguva ndinorambwa kana kuti hazvifambe zvakanaka.’

Rudo rwechokwadi rwunosunungura
Rudo rusina miko runosunungura, harushandise mumwe. Rudo rwechokwadi runoti

Shamwari sununguka zvako, pombonoka. Taura zvako pfungwa dzako, taura zvako zvaunonzwa usingatye. Handimbofa ndakakugumbukira kana kukupanicha nokuti wadurura zviri muninga remwoyo wako. Ini semunhu wenyama ndine nguva dzandinomudhurao asi handishanduke serwaivhi pashoko rangu rekuti ndinokuda. Ndinokuda sezvauri saka iwe sununguka kutaura zvakanaka nezvakaipa zvaunoona pandiri. Ukasandiudza handifembere. Ukandiudza unenge watondibatsira uye ukama hwedu hunobatsirikana.

Rudo rwechokwadi runoita kuti munhu akure
Rudo rwechokwadi runoita kuti munhu akure: akure pamweya uye agovimba nezvaari. Kune vazhinji vanotendera kuti munhu anosanduka kana kupinda mugwara nekutukwa kana kurohwa. Unonzwa vachiti mushonga wemwana kurova, mukadzi haajaidzwe. Asi mutsvagurudzo dzakaitwa kunyika yeAmerika zvakaonekwa kuti vasungwa vazhinji (80%), vanhu vanopedzisira vapara mhoswa vave mumajeri vanhu vakakura vachishungurudzwa navabereki. Kurova kana kutuka kunoita kuti vana vave nhinhi, hakubatsire. Rudo rwechokwadi rusina miko ndirwo rwunosandura munhu ruchimupa manyawi.

Rudo harufanire kuva nemiko. Kune vabereki vanopa rudo kuvana vavo kana vachinge vaita zvinovafadza. Mwana anodiwa nokuti agona muchikoro, mwana anodiwa nokuti ane hunhu. Chero kunanababa nekunanamai zvirikowo zvekare. Baba vanoda mai kana vachinge vakangirwa chekudya chakanaka, vanoda mai kana achinge vaita chakati. Maiwo vanoda baba kana vachinge vadzoka kumba nenguva. Saka unopiwa rudo chete kana uchinge wazadzisa chimwe chinhu. Rudo rwakadai nderwepamusika, pamaketi, unofanira kutenga rudo nekuita chimwe chinhu. Rudo rwakadai runoita kuti munhu asave zvaari asi aite zvinokufadza iwe kuitira kuti ugomupa rudo.

Nyaya yaCathrine
Zvino zvakazoitika ndezvekuti vamwe vabereki vakanga vaine mwana wavo wavaida zvikuru. Mwana uyu aive rudadiso. Aigona muchikoro uye aive neunhu hwakanaka. Asi rimwe zuva akanwa muchetura vabereki ndokunzwa mwana achichema ari mumba make. Vakaita chipata-pata ndokuenda naye kuchipatara. Paakamuka akaita chishamiso. akatanga kuita zvinhu zvaakanga asati amboita muupenyu hwake hwose. Akatanga kutuka nezvinyadzi. Mumwe mukoti aive padyo akakandwa chematsenga nzungu ndokujuja ropa. Kana nevabereki vakavhungwawo. Chiremba akamubaya jekisei rekuti arare. Mwana akarara ndokumuka pava paya. Paakamuka mai vakasvedera padyo zvikanzi, ’Nhai mwanangu chii?’ Iye ndokuti ’Ndanga ndichingonzwa kusvotwa nekuvenga zvinhu zvose.’ Zvikanzi ’Nesuwo vabereki vako here mwanangu?’ Iye ndokuti ’Kwete, ndanga ndichinyanyozvivenga ini pachangu.’

MuPsychiatrist akatora Ruva ndokunokurukura naye parutivi. Mushure mehurukuro dzavo akaenda kuvabereki vaRuva zvikanzi mwana wenyu ane dambudziko rokuti haavimbe nezvaari ndosaka anga afunga kuzviuraya. Vabereki vakakanuka zvikanzi ’Inga wani tinomuda, iye anoziva kuti mwana akanaka anoteerera.’ MuPsychiatrist uya akapindura akati

Ipapo ndipo pane dambudziko mwana wenyu anoziva kuti munomurumbidza muchimuti mwana akanaka, hamutarisire kuti akanganise. Saka nguva yose iyi akanga asingade kukurwadzai. Aiita zvose zvaaifunga kuti zvinokufadzai imi. Haana kumbobvira ava zvaari. Haana kumbobvira asununguka. Kubva nhasi munofanira kubvumidza mwana wenyu chero munhu kuva zvaari.

Nhasi pfundira mashoko aPauro erudo rwechokwadi ugoararama.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 3 reGore C

Posted by MC on January 17, 2016
Posted in: Mharidzo dzamasvondo, Uncategorized. Leave a comment

Tanzwa MuShoko Rakanaka zvichinzi akauya kuNazareta KWAAKANGA AKARERWA. Haana kukanganwa kumusha. Iyi ngatimboisiyai.

Zvanziwo akapinda muSinagogu musiwe Sabata ‘SAMAITIRO AKE’. Musinagogu mainamatwa nokuparidzwa shoko. Maidzidziswa chitendero. Apa tinoona kuti Jesu aitoendawo kuchechi kunonamata nokudzidziswa chitendero. Aibatana nevamwe. Hazvina kunzi akapfuura napachechi asi kuti ‘samaitiro ake’, kureva kuti aive netsika yokupinda muchechi. Kakanga kasiri kekutanga kuenda kuchechi.

Izvi zvinoreva kuti isu savatendi tine chisveru. Tine tsika here yokuuya kuchechi? Kana kuti tine kumwe kwatinozivikanwa kuenda svondo roga-roga kupfuura kuchechi? Mumwe mwana akapfuura nepabhawa zvikanzi ‘mhamha pari kunhuwa baba’. Akadaro nokuti ndipo pavaitambira. Iwe unotambira kupi nguva zhinji?

Jesu, anotaura pane imwe nguva navabereki vake achiti ‘hamuzivi here kuti ndinofanira kunge ndiri mumba mababa vangu’. Inorasikira kwayakajaira. Mombe hainetsi kuwana inorasikira kwayakajaira. Kunyange vana vanorasikira kwavakajaira. Ngativajaidzei vana kuuya kuchechi, vagorasikira kuchechi.
Jesu haana kungopinda musinagogu chete. Akasimuka, akapiwa Shoko ndokuverenga akaparidza. Apoka apo! Haana kungopinda muchechi ndokugara asina chaaiita. Zvino tine vamwe vatenderi vanouya kuzoona zviri kuitika nokuzotaura zvavaona, pamwe kutosvora. Mutenderi munhu anouya kuchechi kwete kuzoona chete asi kuti zvinhu zviitike. Anobata pamwe nevamwe achibatsira pane zvinodiwa. Mumwe ukamuti paridza anoshaya pokunyura.

Amire mberi kwavo Jesu anotsanangura donzo rake. Anotaura basa raakavinga kuzoita. Asi zvinhu izvi haasi kuti ndichazviita nesimba rangu ndoga. Ari kuti Mweya ari pandiri. Mweya wandakapiwa pabhabhatisimo. Mweya akandipa simba rokuzadzisa daidzo yangu. Mweya ndiye anogonesa. Harisi simba rangu noungwaru hwangu. Vose vanobvuma kutungamirirwa naMweya ndivo vana vaMwari.
Nyaya
Ukapa munhu uta nomuseve womuti ‘Shudha!’, anokanuka agovhiringika achibvunza kuti ‘Ndipfuure chii?’ Anodaro nokuti kana pasina chokushudha hazvibatsire, hapana chikonzero chokukanda miseve. Kungatova kutambisa miseve.
Asi kana ukati kumunhu uri kuona shiri iyo ndinoda kuti uinange, uipfuure, panenge patova nomusiyano. Watomupa charenji yokuti aratidze unyanzvi hwake, ava nechinomuonesa kugona kwake kana kukundikana kwake. Ava kuziva pokupedzera simba nenguva.
Chinangwa chakakosha muupenyu hwomunhu. Chinoshandura maonero edu. Iwe neni takapiwa upenyu naizvozvo mubvunzo wokutanga ndowekuti ndoitei noupenyu uhu? Chinangwa changu ndechipi?

MuShoko Rakanaka ranhasi Jesu anodudza chinangwa chake. Anoti ndakauya kuti:
– ndisvitse Dama Rakanaka kuvarombo.
– ndiparidzire vasungwa rusununguko.
– ndisvinudze mapofu maziso.
– ndifaranutse vakadzvinyirirwa.
– ndiparidzire gore raMwari reNyasha.
Jesu aive neurongwa huri pachena. Isuwo tinofanira kuva neurongwa huri pachena. Munhu haagone kurarama zvizere asina urongwa. Urongwa hwakafanana nomweya wekufema. Pasina urongwa unenge uchingopupuruka semhepo. Urongwa hunokubatsira kuti uzive kwauri kuenda, uye zvauchanoita kana wasvika ikoko.
1. Urongwa hunobatsira kusatambisa nguva.
Kana uine urongwa unoisa pfungwa dzako pamwechete ugorega kutambisa pfungwa nezvisina maturo. Hapana kure kwaunosvika murwendo rweupenyu kana uchingofamba usina chinangwa. Ndosaka muShoko Rakanaka tiri kuudzwa kuti Jesu aive nechinangwa chiri pachena. Aida kubatsira varombo, mapofu, vakadzvanyirirwa, nokuparidza.
Urongwa hwaJesu hwaiva pachena. Nokuda kwaizvozvo haana kutora mazana amakore kuita basa rake, akangotora makore matatu chete. Kuva nechinangwa kunoita kuti usatambise nguva.
2. Kuva nechinangwa kunoita kuti usapararire.
Kana usina chinangwa unenge uchingodzungaira. Chinangwa chinoita kuti umire nechinhu chimwechete. Unoisa pfungwa dzako nesimba rako rose pachinhu ichocho. Chinangwa chinokupa chikonzero chekumuka mangwanani oga oga. Chinokupa chirevo nyangwe upenyu huome sei. Chinangwa chinoita kuti uone kugona kwako.
3. Chinangwa chinoita kuti uone kuti uri kufambira mberi here kana kuti kwete.
Pasina mupimo, pasina chinangwa, hauzive kuti uri kufambira mberi here kana kuti kwete. Chinangwa chinokupa gwara. Chinoitawo kuti ushande nesimba rakapetwa.
4. Chinangwa chinoita kuti uve munhu akarongeka, akazvibata.
Nguva, upenyu, nemari zvakakosha muupenyu huno. Kana usina chinangwa unotambisa zvipo zvaMwari izvi. Kana uine chinangwa unochengeta zvipo izvi. Kana uine chinangwa unozvibata. Unogona kuti kwete kune zvimwe zvinhu zvinokutsaura pachinangwa chako.
Kadhinari Nyumeni
Mwari akandisikira chinangwa
Akandipa basa raasina kupa mumwe munhu.
Ndine chinangwa changu muupenyu.
Ndiri pakati pomubatanidzwa wavanhu.
Naizvozvo ndichavimba naMwari.
Kana ndiri muurwere, urwere hwangu huchaitira Mwari.
Kana ndiri parumananzombe, izvozvo zvichaitira Mwari.
Mwari haana kundisikira nhando.
Anoziva zvaakandisikira.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 2C roMwaka woKutsanya

Posted by MC on January 10, 2016
Posted in: Uncategorized. Tagged: Mwaka woKutsanya. Leave a comment

                                                                      Munzwei zvaanotaura
Mumwe mutungamiri wenyika aigaroshanyirwa navanhu pamuzinda wake. Vaiita mudungwe vachisheedzera nokukanda maoko mudenga nomufaro. Asi chainetsa mutungamiri uyu ndechekuti vanhu vaiuya vaiita sokunge vasingateerere zvaanotaura. Akaronga zano. Rimwe zuva akafamba achizevezera kune mumwe nemumwe akauya kuzomushanyira achiti, ‘Ndauraya mbuya vangu.’ Vazhinji caisekerera nokuzhinya vachipa mhinduro dzakasiyana-siyana: ‘Makorokoto!’ ‘Rambai makadaro’, ‘Tinodada nemi’, ‘Mwari vakukomborerei.’
Asi munhu mumwechete akanga ari kumucheto womudungwe, mumwe mumiririri wenyika, ndiye akanzwa zvaitaurwa akati, ‘Inga mahwani chaiwo!’
Kuteerera kwakakosha kana vanhu vachikurukurirana. Vamwe vangati pane asingazive zvinhu zviri pachena kudaro. Asi nyange zvichiita sezviri pachena vakawanda havakoshese kuteerera. Zvino kana mumwe achitaura asingateererwe zvaanotaurwa zvinova ruzha. Mashoko ake anonge ongoshongedza mumhepo asina kwaari kuenda. Kuteerera kupa chirevo kune zvinotaurwa nemumwe kuti zvisangova ruzha. Kuteerera kuvavarira kunzwa kuti mumwe wangu ari kurevei, ari kuda kuti kudii kwandiri. Hakusi kutungamidza zvandiri kufunga kuti ataura asi kutungamidza zvaari kutaura iye. Asi dambudziko nderekuti vazhinji munhu asati ataura tinenge tatoziva zvaanoda kutaura! Vabereki, vana, vawanani, vashandipamwe, vashandirwi, vaparidzi – vose vanochema kuti havateererwi zvizere. Iko kuteerera kuita sei? Oliver Mtukudzi ane rumbo rwaanoimba rune mashoko okuti:
torawo mukana wokuteera zvinotaurawo vamwe
worega kuropodza
kuropodza zvisina mature
chinonzi hurukuro
kutaura tichinzwana
votaura iwe uchiteerera
wotaurawo ivo vachiteerera
Nyanzwi dzokukurukurirana dzinoti kuteerera kwakanaka kupa mumwe mukana wokuti ataure zvaari kuda, chinangwa chake chibude pachena zvizere, zvaari kuda kuti ubate zvijeke. KUteerera kwakadai kunoda kudzikama, kuzvidukupisa uye mwoyo murefu. Kuteerera kwakadai kunoda kuvavarira nokuti hakuitike kwoga.
Kana munhu akateerera nomutoo uyu anoita sokunge ari kuti ndiri kuremekedza zvauri kutaura, ndiri kukoshesa maonero ako. Pane pandisiri kunzwisisa asi ndinokumbira kujekeserwa kuti ndinyatsobata. Zvauri kutaura zvine chirevo. Ndiri kutodzidza pane zauri kutaura. Ndosaka uri kuona kuti handipapariki. Handijambire kutaura iwe usati wapedza. Ndinotora nguva yangu ndichinzwa, ndogadzirira kutaura ndichifunga pamusoro pezvawataura ndozotaura.
Iyi ndiyo dzidziso iri kubuda muShoko Rakanaka ranhasi. Jesu anotorana neshamwari dzake Pita, Jemusi naJowani voenda pamusoro pegomo kunonamata muchinyararire. Jesu anokoshesa kutora nguva yaanoenda parutivi achinoteerera nokunzwa izwi raBaba, kuti baba vari kuti kudii. Izvi ndozvaimupa simba rokufambira mberi muupenyu, simba rokuramba akabatirira pachinangwa chake nokuita basa rake nomwazvo.
Ari pamusoro pegomo akanzwa izwi rababa richiti, ‘Uyu ndiye mwanakomana wangu, muteererei!’ Kunamata kuteerera zvinotaura Mwari sezvaaiitwa naKristu pachake. Arifonzo naTeresa VaTsvene vanoti kunamata kukurukurirana naMwari. Ihurukuro. Hurukuro inoda kuteerera kwete kuisa zvimiti munzveve. Munamato kugamuchidzana mashoko, kugamuchira nokupa. Munamato hakusi kungoudza Mwari zvokutaura asi kupa Mwari mukana wokutiudza zvaari kuda. Munamato usina hurukuro wakafanana nemunhu anoramba achikupa mvura mutsime pasina itsva inopinda mariri; tsime iroro rinopwa. Kunamata tisingapi Mwari nguva yokutaura kunoita kuti mwoyo yedu ipwe; tife pamweya tizvivharire makomborero. Ndosaka mumwe akati, ‘Pane zvose zvauchaita namata asi usakanganwa kupa Mwari mukana wokutaura.’

           Seshamwari dzaJesu pane dzimwe nguva dzatinokwira gomo remunamato kuti tione kuda kwaMwari. Munamato ndiro gomo ratinokwira rinotigonesa kuona zviri kure. Munamato unotigonesa kuona pokutsika nepokunzvenga. Unotionesa chinangwa chedu nekwatiri kuenda. Unotionesa daidzo yedu. Munamato une kuteerera mukati unotigonesa kuona zvakadzama. Unotigonesa kuona zvakakosha muupenyu hwedu. Vamwe baba vakabata mhodzi yemuzhanje ndokuti kumwana wavo unoonei. Iye akati ‘hapana’. Zvikanzi, ‘Pausina chauri kuona pane zimuti richabereka michero yakawanda.’ Kuteerera kunoita kuti tinone zvikuru zvine michero yakawanda.
Munhu anoteerera azere nomufaro nokupenya. Kristu nokuti ainzwa izwi rababa akava nokupenya. Isu tikanzwa izwi rababa nokuva vanhu vanokoshesa kuteerera tichava nokupenya mumwoyo yedu nomuupenyu hwedu. Tichapiwa muono unotisvitsa kure. Dai Mwari atipa chipo chokumuteerera nokuteerera vakatikomberedza zvikuru sei munguva ino yoMwaka woKutsanya.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 2 reGore C

Posted by MC on January 10, 2016
Posted in: Mharidzo dzamasvondo, Uncategorized. Leave a comment

Chidzidzo chechipiri itsamba yekutanga yakanyorwa naPauro achinyorera kuva Korinde. Mutsamba iyi Pauro Mutsvene anotaura zvinhu zviviri zvakakosha pamashandiro eSangano. Sangano rinoumbwa nekubatana neuwandu. Sangano rinoumbwa nezvinhu zvinotibatanidza rigoumbwa zvakare nezvinhu zvinotisiyanisa. Mukanyatsoongorora chidzidzo chataverenga nhasi muchanzwa kuti Pauro anotanga achisimbisa izwi rokuti MUMWECHETE. Anoti iye kuna MWEYA mumwechete, kuna MWARI mumwechete, kune CHITENDERO chimwechete, kune RUOMBEKO rwumwechete! Izvi zvinoreva kuti tinobatanidzwa naMwari, naMweya nechitendero namasakaramende atinogamuchira akaita seruombeko.

Pauro muchikamu chechipiri chechidzidzo ichi anoenderera mberi achiti mumwe nemumwe wedu akapiwa zvipo zvakasiyana-siyana naMweya kuitira kuti vanhu vabatsirikane. Mumwe nemumwe wedu ana Mweya, mumwe nemumwe wedu ane chipo chake, zvipo izvi zvakaitirwa kuti vanhu vabatsirikane. Mumwe ane chipo chekutaura noungwaru, mumwe ane chipo choruzivo, mumwe ane chipo chechitendero, mumwe ane chipo chokuporofita, mumwe ane chipo chekutaura nendimi, mumwe ane chipo chekurapa kana kuita zvishamiso. Naizvozvo chinhu chinotisiyanisa mazvipo zvatakapiwa naMweya Mutsvene.

Saka kana tikaongorora tinoona kuti tine zvinhu zviviri zvakakosha muSangano redu reKatorike masakaramende nezvipo zvakasiyana-siyana. Zvinhu zviviri izvi zvinofambidzana, zvinoshanda pamwechete. Zvinhu zviviri izvi zvakafanana namapapiro maviri anoita kuti Sangano rigone kubhururuka. Shiri haigone kubhururuka isina bapiro rimwechete. Sanganowo harigone kubhururuka risina bapiro rimwechte. Kana Sangano risina masakaramende harigone kubhururuka. Kana Sangano risina mazvipo harigone kubhururuka.

Masakaramende nezvipo zvakafananawo zvekare nemakumbo maviri anotigonesa kufambira mberi tichienda kuruponeso rwedu. Hanzi rimwe zuva paive navarume vatatu vakanga vasvika nguva yekuti vachipinda muhumambo hwedenga. Murume wekutanga akanga aine gumbo rimwechete rainzi masakaramende, rimwe racho rakanga rakafa. Wechipiri akanga aine gumbo rinonzi zvipo rimwe racho rakanga akafa. Wechitatu aive nemakumbo ose ari maviri. Saka varume ava vaifanira kuyambuka bhiriji kuti vapinde muumambo hwedenga. Wekutanga akanzi chiuya ndokusimuka. Akasimudza gumbo rake rainzi masakaramende richibva rasimuka. Paakanoti ndosimudza rimwe racho rinonzi zvipo richibva raramba ndokuramba ongoti ‘Masakaramende, masakaramende,’ achibva anzi ‘Ibvapo!’ Kwakadaidzwa wechipiri. Akasimudza gumbo rake rinonzi zvipo richibva rasimuka. Paakanoti ndochisimudza rinonzi masakaramende richibva raramba ndokuramba ongoti ‘Zvipo, zvipo.’ Wechitatu haana kumbonetseka akangotanga kuti ‘Zvipo, masakaramende, zvipo, masakaramende’ kusvikira ayambuka. Saka masakaramende nezvipo zvinoshanda pamwechete.
Masakaramende
Masakaramende ndiwo anotibatanidza seSangano kuti tiite chinhu chimwechete. Tose tine chitendero chimwechete. Tose tine ruombeko rwumwechte. Tose tinogamuchira Yukaristiya imwechete. Hapana ruombeko rwunonzi urwu nderwa nhinfi kana kuti nhingi, kana kuti urwu nderwapapa kana mubhishopi. Tose takangofanana tinogamuchira bhabhatizimo imwechete neYukaristiya imwechete. Hapana ari nani kupinda mumwe. Masakaramende ndiwo anoita kuti muSangano muve nekurongeka. Masakaramende ndiwo anoita kuti vanhu vasaite mazvake mazvake.
Zvipo
Asi masakaramende oga haana kukwana. Dambudziko riripo nderekuti ndeyekuti tinenge tava kungofunga kuti kubatana kana kuti kurongeka ndochinhu chakakosha chete. Tinenge tava kuita savaFarisiya vatanzwa muShoko Rakanaka vaikoshesa mutemo zvekuti chitendero chavo chakanga chava mvura inotoda kushandurwa naJesu kuti ive waini inonaka. Tinenge tava kuona vane zvipo zvekurapa nekuporofita vachitungamirirwa naMweya sevanopenga. Masakaramende akakosha asi zvipo zvakakoshawo zvekare. Mweya Mutsvene akagara achishanda munhororondo yeruponeso kubva pakutanga. Mweya Mutsvene aivepo pakusikwa kwenyika. Mweya Mutsvene ndiye akapa Mozisi chipo chekuporofita. Mweya Mutsvene ndiye akapa Soromoni njere dzekuziva chakanaka nechakaipa, Mweya Mutsvene ndiye akapa Dhavhiti chipo chekutungamirira. Hatigone kutarisira pasi mabasa aMweya Mutsvene.
VATICAN II
Makore mashoma apfuura ayo papa namabhishopi vakaungana kuRome ndokupanana chitsidzo chekuti vanhu vanofanira kubvumidzwa kushandisa zvipo zvavo zvakasiyana-siyana. Musangano uyu wakabvumirana kuti Sangano rinofamba nemakumbo maviri anoti masakaramende nezvipo. Zvipo ndizvo zvinoita kuti Sangano rive neupenyu. Zvipo ndizvo zvinoita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muSangano. Mutenderi wose akatanga kushandisa chipo chake muSangano, Sangano rinobudirira. Vadzidzisi vechitendero vakatanga kushandisa zvipo zvavo, vaparidzi vakatanga kushandisa zvipo zvavo, vaporofita vakatanga kushandisa zvipo zvavo zvichingodaro zvinhu zvinofamba zvakanaka muSangano. Dambudziko ringangouya chete kana vamwe vakatanga kutarisira vamwe pasi nekuda kwezvipo zvavo. Nekuti kune mumwe anoti ini ndine chipo chekurapa chiri nani kupinda chemudzidzisi wechitendero.
Kuzvidukupisa
Muchidzidzo chanhasi Pauro ati iye takapiwa zvipo kuti “vose vabatsirwe.” Tinofanira kushandisa zvipo zvedu kubatsira sangano nekubatsira vamwe. Haufanire kushandisa chipo chako kuonererwa nekuzvitsvagira mbiri. Kana uchishandisa chipo chako chishandise kushandira vamwe.

Francis Mutsvene aifarira zvisikwa. Akati iye kana tichishandisa zvipo zvedu tinofanira kudzidza kubva pamvura. Mvura kana ichifamba kazhinji inodzika pasi haikwire mudenga. Isu tinofanira kuzvidukupisa. Ini ndiri kuti ngatidzidzei pana Jesu ari pamuchato weKana. Anoshandisa chipo chake chekuita zvishamiso kwete kuonererwa asi kuwedzera mufaro wanga wopera. Ngatifananei naMariya zvekare anoshandisa chipo chake kutora dambudziko ravanhu achienda naro pana Jesu.
Rudo
MuChidzidzo Chechipiri chanhasi Pauro ari kusimbisa kuti tinofanira kushandisa zvipo zvedu nerudo. Agastini Mutsvene anoti iye kana vamwe vedu vakatarisa zvipo zvinodomwa naPauro vanogona kuti ini hapana changu: handiporofite, handina chipo chekurapa, handina chipo chekuparidza. Saka vamwe vedu vanogona kutanga kuzvitarisira pasi. Asi Agastini anoti iye haufanire kuzvidya mwoyo kuti handina tarenda nekuti tarenda remumwe itarenda rakowo. Chipo changana chipo chakowo.

Pauro pachake ari kuti iye muri nhengo dzemuviri mumwechete, musoro wenyu achiva Kristo. Nhengo dzemuviri dzinoshanda pamwechete. Ziso basa raro nderekuona. Maoko ane basa rawo. Asi maoko haagone kuti kana dombo richiuya kuzotema maziro oti hameno zvawo maziso ave kutemwa. Maoko anovhika dombo, rinenge raonekwa nemazoso. Nhengo idzi dzinoshanda pamwechete kudzivirira muviri nekuti inhengo dzemuviri mumwechete. Izvi ndozvimechete nesu. Chipo chemumwe chipo chedu tose. Hatifanire kuita sekangoma kanorira kachiti pangu pangu.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Pfugamiro paNovhena yamai voRubatsiro

Posted by MC on January 9, 2016
Posted in: Manovhena, Uncategorized. Leave a comment

©Musakope munamato uyu nechinangwa chokutsvagisa mari musina mvumo



Maitiro pfugamiro
Rwiyo runoimbwa Mupristi kana mudhikoni achitora Sakaramende Rakakomborerwa tabhanekoro.

Vose vanopfugama
Munamato kuSakaramende Dzvene
Tenzi wangu Jesu Kristu,
Nokuda kwerudo rwamunarwo kwatiri,
Munoramba muri musakarAmenide iri siku nesikati,
Muchidana nokugashira vose vanouya kusokushanyirai,
Ndinotendera kuti murimo muSakarAmenide rebisiro (Atari).
Ndinokunamatai kubva kutsi kweunhando hwangu,
Uye ndinokutendai nezvipo zvose zvamakandipa,
Zvikuru nokundipa imi pachenyu musakarAmenide iri,
Nekundipa mai venyu vatsvene zvakanyanya semurevereri
Nokundishevedza kuti ndikushanyirei mukereke ino.
Jesu wangu, ndinokudai nomwoyo wangu wose,
Ndine urombo nokutadzira kwandakaita unaku hwenyu husingaverengeki.
Ndinotsidza kusambokutadzirai zvekare munguva inotevera,
Uye zvino, nyange ndisingakodzeri,
Ndinozvipa zvachose kwamuri.
Ndinorasa zvido zvangu,
zvidakadaka zvangu,
Zvipango zvangu (madiro),
nazvose zvandinazvo.
Kubva zvino zvichienda mberi ndinhadzirei,
nazvose zvose zvandinazvo, samadiro enyu.
Chandinongokukumbirai uye chandinosumba
Rudo rwenyu rutsvene, utsungi hwakaperera
nokuzadzisa kuda kwenyu zvizere. Amen.
(Arifonzo Rigori)

Mira unamate muchinyararire

Mupriste kana mudhikoni anopfugama pamberi peatari vanhu vachiimba Tantum ergo. Mushure merwiyo anoita munamato okomborera vanhu achiita mucherechedzo wemuchinjikwa neSakarambende dzvene.



Tantum ergo
Tantum ergo Sacramenitum Veneremur cernui:
Et antiquum documentum Novo cedat ritui:

Præstet fides supplementum Sensuum defectui.
Genitori, Genitoque
Laus et jubilatio,
Salus, honor, virtus quoque Sit et benedictio:
Procedenti ab utroque Compar sit laudatio.
Amen.

Mutungamiri: Makavapa chingwa chokudenga (Areruya)
Vose: Chine unaku hwose (Areruya)
Mutungamiri: Mwari makatisiyira sakaramende rinoshamisa kuti rive chiyeuchidzo chokutambudzika kwenyu; tigonesei kuremekedza muviri neropa renyu, kuti murambe muchitiraramisa, imi munogara nokutonga kwemisi isingaperi.
Amen.


Madetembo takomborerwa
Ngatirumbidzei Mwari.
Ngatirumbidzei zita rake dzvene.
Ngatirumbidzei zita raJesu.
Ngatirumbidzei mwoyo wake mutsvene kwazvo.
Ngatirumbidzei ropa rake rakakosha kwazvo.
Ngatirumbidzei Jesu musarakAmenide dzvene kwazvo reatari.
Ngatirumbidzei mweya waMariya wakasikwa usina mhaka.
Ngatirumbidzei kukwidzwa kwaMariya kudenga.
Ngatirumbidzei zita raMariya, mhandara namai.
Ngatirumbidzei Josefa Mutsvene, murume waMariya.
Ngatirumbidzei Mwari mukurumbidza kwatinoita vatumwa navatsvene vake.

Rwiyo rwokupedzisira

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Novhena yaMai voRubatsiro-6

Posted by MC on January 9, 2016
Posted in: Manovhena, Uncategorized. Leave a comment

©Musakope vovhena iyi nechinangwa hcokutsvagisa mari musina mvumo


F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA

Hama dzadiwa, taungana pamberi pomufananidzo waAmai voRubatsiro Rusingagumi kuti tinamate nokutenda Mwari Baba vedu vokudenga. Mwari akatiitira zvinhu zvikuru nomuna Mariya. Tinopupu-rawo Mariya nezvizvarwa zvose sanyakukomborerwa kwazvo.

Mariya akagamuchira nyasha dzaMweya Mutsvene akadavira nokutendeka kuna Mwari. Isu norumwe rutivi hatina kutendeka kurudo rwaMwari nokuda kokutadza kwedu. Norubatsiro rwake tinotsvaga ruyamuro rwokukurira matadzo edu.


Munamato womhuri yaVakristu
Vose: Mai voRubatsiro Rusingagumi, noruvimbo rukurusa tinouya pamberi pomufananidzo wenyu mutsvene kuti tikurudzirwe nomuenzaniso weupenyu hwenyu. Tinokufungai panguva iya, zvamakanga muzere nechitendero noruvimbo (kunyinda), mukagamuchira daidzo yaMwari yokuva amai voMwanakomana wake. Tibatsirei isu, vana venyu, kugamuchira norufaro daidzo yedu muupenyu.

Pamakaziva kuti hama yenyu Erizabeti anoda rubatsiro makachimbidzoenda kunomubatsira. Tipei nyasha dzokubatsira vamwe tisingazvifunge sezvamakaita imi.

Panyasi pomuchinjikwa, makararama marwadzo oMwanakomana wenyu, mazuva matatu aitevera makazogoverana naye mufaro wokukunda kwake rutadzo norufu. Tibatsirei, amai, kugamuchira noushingi matambudziko namarwadzo oupenyu nekuvavarira tisinganete kuti tiwane mufaro woku-kunda chivi nekusangana zvinetso zveupenyu. Amen.


Mikumbiro yemhuri yaVakristu
Mutungamiri: Mumwe nemumwe wedu anounza zvinangwa zvake nezvido zvake. Ngatizvibatanidzei kuti zvinyatsonamatirwa nokupirwa kuna Jesu Kristu kuburikidza nokurevererwa naamai vake Mariya vakakomborerwa.

(Mimwe mikumbiro yakafanogadzirwa inosumwa)

Vose: Mai voRubatsiro Rusingagumi, onai vana venyu tapfugama pamberi penyu. Munonyatsoziva kuti Mwanakomana wenyu anoda kugoverana nesu zvakadii michero yoRusununguko. Naizvozvo tinoku-kumbirai kuti murambe muchireverera vanhu vose kuti vagamuchire zvipo zvorugare neruwadzano. Mai vakakomborerwa, Mwanakomana wenyu akakupai kwatiri saamai veduwo. Makasarudza kuti tiku-tii Mai voRubatsiro Rusingagumi. Norutendeseko rwokureverera kwenyu kune simba tinotarisira ku-gamuchira rudo rwenyu ruzere saamai dakara zuva raticharumbidza Mwari narini wose takabatana nemi navatumwa navatsvene. Amen.


Madetembo
Mutungamiri: Mariya Mutsvene mwanasikana wadiwa waBaba.
Daviro: Tireverereiwo
Mutungamiri: Mai vaJesu
Daviro: Tireverereiwo
Mutungamiri: Imba inoera yaMweya Mutsvene
Daviro: Tireverereiwo
Mutungamiri: Mai veSangano
Daviro: Tireverereiwo

Vose: Tenzi Jesu verudo, makatipa kuti tiremekedze mucherechedzo waamai venyu vakakomborerwa zvikuru une zita rakakosha rokuti ‘Rubatsiro Rusingagumi,’ Itai kuti nenyasha dzenyu, pakati pe-shanduko dzose dzerwendo rwoupenyu hwedu, tidzivirirwe norubatsiro nechengetedzo inogara iripo yaMariya Mhandara isina Rutadzo, kuti tikodzere kuwana mibayiro yoruponeso rusingagumi, imi mu-nogara nokutonga naMwari Baba makabatana naMweya Mutsvene nokusingaperi. Amen.


Kukomborerwa kwavarwere
MuPristi: Rubatsiro rwedu rwuri muzita raTenzi Daviro: Vakasika denga napasi.
MuPristi: Tenzi inzwaiwo minamato yedu.
Daviro: Kuchema kwedu kusvikewo kwamuri.
MuPristi: Tenzi ngaave nemi.
Daviro: Ngave nomweya wenyu.
MuPristi: Tenzi tarirai norupfave varanda venyu vanotambudzwa nourwere hwomuviri, pfungwa nomweya. Vanyaradzei mukutambura kwavo vagobatsirika nako kuburikidza nokuziva kuti nyasha dzenyu dzinorapa nekuponesa. Tinokukumbirai izvi nomune Mwanakomana wenyu Jesu Kristu, Tenzi wedu, anogara nokutonga pamwe nemi naMweya Mutsvene nokusingaperi. Amen.


Chikomborero chokupedzisira
Tenzi Jesu Kristu ngaave nemi kuti akudzivirirei;
ngaave mumwoyo yenyu kuti akukurudzirei;
ngaafambe nemi kuti akudzivirirei;
ngaakudururirei makomborero ake.
+Muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Amen.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Novhena yaMai voRubatsiro-5

Posted by MC on January 9, 2016
Posted in: Manovhena, Uncategorized. Leave a comment

©Musakope novhena iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina mvumo


E. NOVENA YAMAI VORUBATSIRO RUSINGAGUMI KUNZE KWEMISA

Munamato kuna Amai voRubatsiro Rusingagumi
Mai voRubatsiro Rusingagumi zita renyu pacharo rinokurudzira. Tinouya pamberi pomufananidzo wenyu mukurumbidza nokutenda Mwari, tichitsvaga kurevererwa nemi kuna Jesu Mwanakomana wenyu, pazvipango zveupenyu hwedu nhasi. Tinopemberera umai hwenyu hutsvene patinopupura Jesu Kristu Tenzi neMununuri wedu.

Makapindura pamakadaidzwa kuva amai vaTenzi wedu. Tiwanireiwo nyasha dzokuva vapenyu mushevedzo yedu yekuombwekwa, zvikuru sei kumbundira Shoko roupenyu nokuremekedza upenyu hwose hwapasi.

Makashamiswa mwanakomana wenyu achikura muungwaru, ruzivo nemunyasha. Tireverereiwo kuti tigogamuchira Shoko raMwari muupenyu hwedu tigova vasvitsi veShoko Rakanaka kuvanhu vose.

Makafadzwa Mwanakomana wenyu zvaairapa varwere. Revereraiwo varwere vedu kuti vagamuchire utano hwakanaka, uye vagozovawo varapi kune vamwe.

Makanakidzwa norugave Mwanakomana wenyu Mwanakomana wenyu zvaainyaradza vane dam-budziko. Revererai vose vanotambura vagoziva kuti tinotakura mitoro yavo pamwe navo, uye nenzira iyi tinochengeta murau waKristu.

Makapembera Mwanakomana wenyu zvaairegerera matadzo. Tiwanireiwo kuregererwa kwamatadzo edu mugotitungamirira kutsudzunura vamwe nekuvasunungura.

Makatambudzika nokuda kwemaronda akatirirwa noMwanakomana wenyu kuti atiponese. Tibatsirei kusunga vane mwoyo yakavhunika nekupa chitarisiro kune vanotsikirirwa.

Makapembera mukumuka kwoMwanakomana wenyu. Tiwanireiwo nyasha dzekutsunga munzira yake mazuva ose eupenyu hwedu tigopiwa nzvimbo kudenga.

Ndimi wekutanga pavadzidzi navatsvene vose. Tinovimba norudo nehanya dzenyu saamai. Tiwanirei-wo nyasha dzose dzatinopanga kuti tizadzise urongwa hwaMwari muupenyu hwedu.


Rangariro
Rangarirai imi Mariya mhandara tsvene izere nyasha, kuti hazvina kumbozikanwa nakare kose kuti makarambira avo vakatizira kwamuri vachida kubatsirwa kana kurevererwa nemi. Muchokwadi ichi, ndinotizira kwamuri imi mhandara tsvene, yemhandara tsvene dzose, imi amai vangu. Ndinouya ndi-chimira pamberi penyu, ndichirwadziwa namatadzo angu. Amai vaMwari, Izwi akava munhu, inzwaiwo kudemba kwangu, mundiitirewo tsitsi, mundidavirewo. Amen.

Kwaziwai Mariya…


Minamato yaVatendi
Mutungamiri: Tenzi Jesu Kristu, nezwi rakabva kuna Mariya, amai venyu, makasandura mvura ikava waini paKana muGarireya. Inzwai minamato yedu mugoguurira minyengetero yatiri kuita tichiremekedza Amai vedu voRubatsiro Rusingagumi.
Mutungamiri: Ipai ungwaru neutsungarari kuvapikiri vose, vashandi vehurumende, Baba Vanoera (Pa-pa) N….., mabhishopu edu navamwe vose vanotitungamirira, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai rugare, kubatana negoho rakanaka pasi pose, zvikuru munzvimbo dzine kupokana, hondo, gwandangwa neushayi, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai vakawanana nyasha dzeSakarAmenide ravo, madzimai navarume rudo runovasun-ganidza, vabereki nyasha dzekugamuchira nekukoshesa vana vavo, dzimba dzinemubereki mum-wechete kubatana nesimba, uye rugare nemakomborero mudzimba dzedu dzose, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai vechikuru vedu vasiri muwanano kugutsikana mushevedzo yavo, kune vechidiki bu-diriro muvavariro dzavo nechivindi chekuita vafakazi vechitendero chavo, kuva vakwegura vedu simba, kuchengetedzwa nekugutsikana mumazuva avo, uye kune vakapatsanurana kana kurambana nyasha dzaMweya wenyu, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai vashandi chitendeseko mubasa ravo, chiremera muzvikwaniso zvavo, mufaro mune zvavanoita, muripo une ruenzaniso unoraramisa, uye vasina musevenzo vapei basa rinobhadhara, ti-nonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai Sangano renyu vashandi vaunza goho – vapriste, vapikiri-kadzi, vapikirirume na-vatendi vasina kupikira vakarurama – vanozozvipira upenyu hwavo kuvatendi venyu, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai upenyu husingaperi vashakabvu vose nenzvimbo mukubatana kwavatsvene, uko kuchapukutwa misodzi yose tichizokuonai, imi Mwari wedu, uso neuso, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai mumwe nemumwe wedu nyasha dzekuita ruenzaniso, rudo, tsitsi nekufamba nemi takazvirereka zuva roga roga roupenyu hwedu, nokuti chipi nechipi chatinoitira mumwe wehanzvadzi, mukoma kana munin’ina tinoitira imi, tinonamata: Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Mai voRubatsiro Rusingagumi, isu vanodaidza zita renyu rine simba guru, tinokutendai nenyasha dzatakagamuchira kuburikidza nokurevererwa nemi uye nekunzwa kwamunoita minamato yedu nhasi: ‘nokuti Mwari samasimba akaita zvinhu zvikuru nemunemi, uye nyasha dzaMwari dzinogara nokus-ingaperi kune vanomutya.’ Amen.


Chokomborero chokupedzisira
Tenzi Jesu Kristu, Mwanakomana waMariya mai voRubatsiro Rusingagumi ngaave nemi kuti akudzi-virirei;
mamuri kuti akuraramisei;
mberi kwenyu kuti akutungamirirei;
shure kwenyu kuti akuchengetedzei;
napamusoro penyu kuti akukomborerei mazuva ose oupenyu hwenyu.
+Muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Amen.

 

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Novena yaMai voRubatsiro-4

Posted by MC on January 9, 2016
Posted in: Manovhena, Uncategorized. Leave a comment

©Musakope novhona iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina mvumo


D. NOVENAYAMAI VORUBATSIRO RUSINGAGUMI MUMISA

Rwiyo rwedairo
(Mushure mechiverengo chokutanga)

Mutungamiri: Ngatichirumbidzai nekutenda Mwari namazwi akaiswa pamuromo paMariya.

Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu,
Nokuti akatarisa netsiye nyoro murandanhando wake,
Chionai, kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi,
Nokuti Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru,
zita rake rinoera.
Anonzwira tsitsi avo vanomutya,
kubvira chizvarwa nechizvarwa,
Anoita zvina masimba noruoko rwake,
anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwoyo yavo.
Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo,
achisimudzira vanhunhando.
Vane nzara anovagutsa nezvinhu zvakanaka,
vapfumi anovaendesa vasina.
Akabatsira Isiraeri muranda wake,
sezvaakatsidzira madzibaba edu.
Akayeukawo tsitsi dzake kuna Abhurahamu nokuna vedzinza rake nemisi isingaperi.

 


Mikumbiro yakasiyana-siyana
Tinokumbira Mariya kuti abatane nesu, patinotendeukira kuna Mwari mumunamato, tichifunga nez-vezvido zvedu, zvido zveSangano nezvido zvevanhu vose vaMwari.
Dairo: Mariya Mhandara ngaatireverere
Mutungamiri: Tinozvinamatira kuti tive nechivindi mukushungurudzika kwedu. D.
Tinonamatira mhuri dzedu kuti dzimba dzedu dzive nzvimbo dzekugamuchirwa, kudiwa nekunzwisiswa. D.
Tinonamatira parishi yedu kuti tishandise zvipo zvedu kushandira Sangano. D.
Tinonamatira Sangano redu kuti riropafadzwe navapristi navapikiri vakanaka. D.
Tinonamatira pasirose kuti umambo hwaMwari hweruenzaniso, rugare nerufaro hupfakachire kwose kwose. D.
Tinonamatira zvinangwa zvedu pachedu (ngatinamatei muchinyararire kwekamukowoko (kwe-kanguva]). D.


Munamato weNovena
Mutungamiri: Pamwechete ngatiitei munamato weNovena.
Vose: Mai voRubatsiro Rusingagumi, noruvimbo rukurusa tinouya pamberi pomufananidzo wenyu mutsvene kuti tikurudzirwe nomuenzaniso weupenyu hwenyu. Tinokufungai panguva iya, zvamakanga muzere nechitendero noruvimbo (kunyinda), mukagamuchira daidzo yaMwari yokuva amai voMwanakomana wake. Tibatsirei isu, vana venyu, kugamuchira norufaro daidzo yedu muupenyu.

Pamakaziva kuti hama yenyu Erizabeti yaida rubatsiro, makaenda pakarepo kunomubatsira. Tibatsirei-wo, semi, kuitira vamwe hanya.

Tinofunga nezvenyu, Amai, muri munyasi moMuchinjikwa. Moyo wenyu unofanira kuva wakabuda ropa muchiona mwanakomana wenyu achigungudzika. Asi mufaro wenyu waiva mukuru zvaakamuka muvafi, akunda huipi.

Mai Vamarwadzo, tbatsirei mumiedzo nemukuodzwamoyo kwedu. Tibatsirei tisakondokwa. Ngatigoverane nemi noMWanakomana wenyu mufaro wokunge tatsungarara pakutarisana nembo-nano dzeupenyu. Amen.


Munamato Wokutenda
Munamato uyu unoitwa mushure meMisa, parutumba rweMbenembe Yedu.
Vose: Mwari, Musiki wedu, tinokutendai nechipo cheupenyu nezvipo zvose zvomuzvarirwo wedu: pfungwa dzedu, njere dzedu, matarenda edu nerukwaniso rwedu. Tinokutendai nekutisika nomuen-zaniso nemufananidzo wenyu uye nekutipa pasi rino kuti tipashandise nokupabudiririsa, ku-paremekedza nekupakoshesa.

Zvisinei nekukundikana kwedu, munoramba muchitiratidza rudo rwenyu nhasi nekuwedzera upenyu waMweya matiri patafura yeYukaristiya.

Chekupedzisira, Baba, tinokutendai nokutipa Mariya amai voMwanakomana wenyu kuti vave Amai vedu voRubatsiro Rusingagumi, uye nokuda kwezvinhu zvose zvinofadza zvamakatiitira, zvikuru kutipa Mwanakomana wenyu Jesu kuti ave mununuri (mudzikinuri) wedu.

Tinovonga nemutsa wose watakagamuchira nokuda kwekutireverera kwavo. Tinonamata kuti ngoni dzose dzatakaratidzwa dzitikurudzire kuva noruvimbo rukuru rwenyasha dzerudo rwenyu nekutsvaga rutsigiro rwaAmai voRubatsiro Rusingagumi. Amen.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Novhena yaMai voRubatsiro-3

Posted by MC on January 9, 2016
Posted in: Manovhena, Uncategorized. Leave a comment

©Musakope novhena iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina mvumo


C. NOVENA MUSHURE MEMISA

(Vose vanopfugama )

Mutungamiri: Ngatibatanei naVakristu venguva dzose mukurumbidza Mariya nokuzvipira kurudziviriro rwake.
Vose: Tinobhururukira kurubatsiro rwenyu, Amai Vatsvene vaMwari, susaramba zvichemo zvedu mu-binduko redu, asi tisunungurei kunjodzi dzose, imi mhandara ine mukurumbira yakakomborerwa.
Mutungamiri: Tinamatirei, amai vatsvene vaMwari.
Vose: kuti tikodzere kuwana zvatakatsidzirwa naKristu.
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Tenzi Jesu Kristu, makatipa amai venyu, Mariya, kuti vave amai vedu, vakagadzirira kutibatsira nguva dzose: Itai kuti patinonamata pamberi pomufananidzo wavo, titendeke nguva dzose kunyasha dzatakawaniswa norufu nokumuka kwenyu. Upenyu hwazvinotiunzira ngaupe mbiri kwamuri pasi pano nekutipa isu rufaro rusingaperi kudenga! Amen.


Chiverengo


Rwiyo rwaMariya
Mutungamiri: Ngatichirumbidzai nokutenda Mwari namazwi akaiswa pamuromo paMariya.
Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu,
Nokuti akatarisa netsiye nyoro murandanhando wake,
Chionai, kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi,
Nokuti Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru,
zita rake rinoera.
Anonzwira tsitsi avo vanomutya,
kubvira chizvarwa nechizvarwa,
Anoita zvina masimba noruoko rwake,
anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwoyo yavo.
Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo,
achisimudzira vanhunhando.
Vane nzara anovagutsa nezvinhu zvakanaka,
vapfumi anovaendesa vasina.
Akabatsira Isiraeri muranda wake,
sezvaakatsidzira madzibaba edu.
Akayeukawo tsitsi dzake kuna Abhurahamu nokuna vedzinza rake nemisi isingaperi.

Mutungamiri: Ngatinamateri
Vose: Amai Vatsene vaMwari, Mhandara inogara yakaropafadzwa, Mariya musina rutadzo, tinamat-ireiwo, musaramba kutibatsira.tine ruvimbo, uye tinoziva pachokwadi, kuti munowana zvose zvamu-noda kubva kuMwanakomana wenyu, Tenzi wedu Jesu Kristu, mambo wenguva dzose, anogara naba-ba naMweya Mutsvene, nokusingaperi. Amen.


Mharidzo


Minamato yeNovena nguva ino
Tenzi Jesu Kristu, nezwi rakabva kuna Mariya, amai venyu, makasandura mvura ikava waini paKana muGarireya. Teererai vanhu venyu vaunganira kuzoremekedza amai vedu voRubatsiro Rusingagumi. Gamuchirai matendo edu orupfave. Mai vorubatsiro Rusingagumi, tinodana zita renyu rine simba zvakanyanya. Muri muchengeti (murindi) wavapenyu noruponeso rwavachakarofa. Zita renyu rinogara pamiromo yedu, zvikuru panguva yemiedzo napanguva yokufa kwedu. Zita renyu chitendeseko nesimba. Ngosigadzi yakakomborerwa, tibatsirei pose patinokudaidzai. Hatimbogutsikana nokungodenengudza zita renyu. Mararamiro edu mazuva ose achaparidza kuti muri Amai vedu voRu-batsiro Rusingagumi zvechokwadi.


Rangariro
Rangarirai imi Mariya mhandara tsvene izere nyasha, kuti hazvina kumbozikanwa nakare kose kuti makarambira avo vakatizira kwamuri vachida kubatsirwa kana kurevererwa nemi. Muchokwadi ichi, ndinotizira kwamuri imi mhandara tsvene, yemhandara tsvene dzose, imi amai vangu. Ndinouya ndi-chimira pamberi penyu, ndichirwadziwa namatadzo angu. Amai vaMwari, Izwi akava munhu, inzwaiwo kudemba kwangu, mundiitirewo tsitsi, mundidavirewo. Amen.


Mutungamiri: Makaitirwesu, ngosikadzi, diziro
Vose: mubatsiri muzvido zvedu nemumatambudziko edu.
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Tenzi vamasimba netsitsi, makatipa kuti tiremekedze mucherechedzo waamai venyu vakakomborerwa zvikuru une zita rakakosha rokuti “Rubatsiro Rusingagumi,” tipeiwo nenyasha dzenyu kuti pakati peshanduko dzose dzerwendo rweupenyu hwedu tidzivirirwe nerubatsiro nechengetedzo inogara iripo yaMariya Mhandara isina Mhaka, kuti tikodzere kuwana mibayiro yoruponeso rusingagumi, imi munogara nokutonga naMwari Baba makabatana naMweya Mutsvene/ nokusingaperi. Amen.


Zvinangwa zvapapa
Baba vedu … Kwaziwai Mariya … Vakudziwe baba …


Chikomborero nemunamato wavarwere
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Tenzi, tarirai varanda venyu vanodzvenda nokuda kweutera hwomuviri. Koshesai nokudzidzi-mura mweya yamakasika kuti, tacheneswa namatambudziko edu, tigochimbidzorapwa netsitsi dzenyu nomunaKristo Tenzi wedu. Amen.

Mupriste anotambanudza ruoko rwake rworudyi akananga varwere Mupriste:

Tenzi Jesu Kristu ngaave nemi kuti akudzivirirei; ave mamuri kuti akuraramisei;
pamberi penyu kuti akutungamirirei;
pashure penyu kuti akuchengetedzei;
pamusoro penyu kuti akukomborerei
+Muzita rababa neroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Amen.

Chikomborero neyukaristiya

Rwiyo rweyukaristiya

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Novhena yaMai voRubatsiro-2

Posted by MC on January 9, 2016
Posted in: Manovhena, Uncategorized. Leave a comment

©Musakope novhena iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina mvumo




B. NOVENA YAMARI VORUBATSIRO RUSINGAGUMI NEMUNAMATO WAMANHERU

Rwiyo
(Mucherechedzo unopindwa nawo uchinoturikwa nokupfungaidzirwa nechipfungautsi (incense) pa-chiimbwa.)

Mutungamiri: Mwari, uyai kuzotibatsira.
Vose: Tenzi, chimbidzai kuzotibatsira
Mutungamiri: Vakudziwe Baba noMwanakomana naMweya Mutsvene
Vose: sezvakanga zviri pakutanga, zvino nakare kwose nokusingaperi. Amen.



Nziyo

Daviro 1: Makakomborerwa imi Mariya, ruponeso rwapasi rwakabva nekwamuri; zvino mavakupe-mebera mumbiri muri pana Tenzi, tireverereiwo kumwanakomana wenyu (Areruya.)

Nziyo 113 (112)

Imi veranda vaTenzi rumbidzai,
rumbidzai zita raTenzi!
Zita raTenzi ngarirumbidzwe
Kubvira zvino kusvikira nokusingaperi!
Kubvira kubuda kwezuva kusvika pakudoka kwaro,
Zita raTenzi ngarirumbidzwe!
Tenzi ari pamusoro pamarudzi ose,
Mbiri yake inorumbidzwa kumosoro kwamatenga. Ndiani akaita saTenzi Mwari wedu Kumusoro ndokwaagere?
Anoita zvokukotamira pasi Kuti aone matenga napasi.
Anobvisa varombo muhuruva
Achisimudza vasina chavanacho kubva mudota
Achivagarisa namachinda,
Namachinda avanhu vake
Anopa mudzimai asina mbereko musha Achimuita amai vavana vanofara.
Vakudziwe Baba noMwanakomana naMweya Mutsvene
Sezvakanga zviri pakutanga,
zvino nakare kwose nemisi isingaperi. Amen.
Daviro 1: Makakomborerwa imi Mariya, ruponeso rwapasi rwakabva nekwamuri; zvino mavakupe-mebera mumbiri muri pana Tenzi, tireverereiwo kumwanakomana wenyu (Areruya.)


Daviro 2: Ndimi mbiri yeJerusaremu! Ndimi rufaro rweIziraeri! Ndimi ruremekedzo rwapamusoro-soro rwerudzi rwedu! (areruya).

Nziyo 147

Rumbidza Tenzi Jerusaremu; Rumbidza Mwari wako iwe Zioni.
Nokuti anosimbisa zvihuri zvemisuwo yako makuru Anokomborera vana vari mauri.
Anopa nyika yako rugare,
Anokugutsa nembeswa dzakanakisisa.
Anotuma chirevo kunyika,
Shoko rake rinobva ramhanya nokukasika.
Anounza mazaya echado sewuru;
Anoparadzira mazaya echando chamangwanani sedota. Anokanda chimvura mahwe samavhinga; Ndi-ani angatirire chando chake.
Anongotaura izwi chete zvichibva zvanyungudika Anovhuvhutisa mhepo yake mvura ichibva yaerera. Akataura mazwi ake kune vekwaJakobho Nemirao nezvirevo zvake kuvaIziraeri. Haana kumboita zvakadai Norumwe rudzi.
Hazivi zvirevo zvake.
Vakudziwe Baba noMwanakomana naMweya Mutsvene
Sezvakanga zviri pakutanga,
zvino nakare kwose nemisi isingaperi. Amen.
Daviro 2: Ndimi mbiri yeJerusaremu! Ndimi rufaro rweIziraeri! Ndimi rure-mekedzo rwapamusoro-soro rwerudzi rwedu! (Areruya).



Daviro 3: Makakomborerwa imi, Mwanasikana naTenzi Mwari wenyu; nemamuri tinogoverana hu-penyu huzere (areruya).

Vakorose 1: 12-20

Nomufaro, tendai Baba, vakatikodzeresa kuva nomugove wavarurami, muchiedza.
Vakatinunura kuumambo hwerima vakatiendesa muumambo hwomwanakomana wavo wapam-woyo.
maari ndimo matakawana ruponeso rwokuregererwa zvitadzo.
Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi. Dangwe-rume rechisikwa chiri chose,
zviri pasi nezviri kudenga, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kunyange vezvigaro zvokutanga kana voumambo kana kuti vane ukuru-ukuru kana madzishe. Zvinhu zvose zvakasikwa nemaari Uye ndiye wazvakasikirwa. Nziye nyakutungamira zvinhu zvinobatanidzwa zviri mumaoko ake. Ndiye musoro womuviri, musoro wesangano.
Ndiye wokutanga dangwe-rume rakabva kuvafi, kuti muna zvose ave ndiye wokutanga-tanga Nokuti maari umwari huzere hwakafadzwa kuita musha wahwo. Uye nemaari, ayananise zvinhu zvose naye. achizviwadzanisa nemuchinjikwa wake, zvingae zviri pasi pano kana zviri kudenga.
Vakudziwe Baba noMwanakomana naMweya Mutsvene
Sezvakanga zviri pakutanga, zvino nakare kwose nokusingaperi. Amen.
Daviro 3: Makakomborerwa imi, Mwanasikana naTenzi Mwari wenyu; nemamuri tinogoverana hu-penyu huzere (areruya).


Chiverengo


Mharidzo kana kugoverana shoko


Rwiyo rwaMaria
(Panenge pachiimbwa rwiyo rwaMariya mucherechedzo wake ungaremekedzwa)

Daviro. Makakomborerwa imi Mariya nokuti makatendera kuti zvinhu zvose zvakataurwa kwamuri naTenzi zvichazadziswa (areruya).

Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu, Nokuti wakatarisa netsiye nyoro murandanhando wake,
Chionai, kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi, Nokuti Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru, zita rake rinoera.
Anonzwira tsitsi avo vanomutya, kubvira chizvarwa nechizvarwa, Anoita zvina masimba noruoko rwake, anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwoyo yavo. Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo, achisimudzira vanhunhando.
Vane nzara anovagutsa nezvinhu zvakanaka, vapfumi anovaendesa vasina.
Wakabatsira Isiraeri muranda wake, sezvaakatsidzira vadzibaba vedu.
Akayeukawo tsitsi dzake kuna Abhurahamu nokuna vedzinza rake nemisi isingaperi.

Vakudziwe Baba noMwanakomana naMweya Mutsvene
Sezvakanga zviri pakutanga, zvino nakare kwose nokusingaperi. Amen.
Daviro. Makakomborerwa imi, Mwanasikana naTenzi Mwari wenyu; nomunemi tinogoverana hupenyu huzere (areruya).



(Mutungamiriri anozivisa vanhu chinangwa cheparishi)

Mutungamiri: Ngatirumbidzei Mwari Baba vakasarudza Maria saamai veMwanakomana wavo vaidawo kuti zvizvarwa zvose zvimuti nyakukomborerwa. Nechivimbo ngatinamatei:
Vose: Mhandara Mariya ngaatireverere.
Mutungamiri: Baba, makatarisa Mhandara Mariya mukamuita amai vetsitsi. Vose: Vose vari munjodzi ngavazive udzamu hwerudo rwake.
Mutungamiri: Makadaidza Mariya kuti ave amai vemumba maJosefa naJesu.
Vose: Kuburikidza neminamato yavo batsirai vabereki vose kuti vaite dzimba dzavo nzvimbo dzerudo neutsvene.
Mutungamiri: Makapa Mariya simba rekumira munyasi memuchinjikwa mukamupenyesa nemufaro wekumuka muvafi.
Vose: Mutsai vanosuruvara mushandure upenyu hwavo nechitarisiro.
Mutungamiri: Mariya akanga ari murandasikana akatendeka akapfumbira mashoko enyu mumwoyo make.
Vose: Noruenzaniso rwake nokutireverera kwake itai kuti tive vadzidzi vechokwadi veMwanakomana wenyu, vakazvipira kumushandira.
Mutungamiri: Baba, makasimudzira Mhandara Mariya mukamugadza huhosi hwedenga Vose: Itai kuti vafi vapinde muhumambo hwenyu vagofara navatsvene venyu nokusingaperi.



Munamato weNovena
(Unoitwa navanhu vose)
Mai voRubatsiro Rusingagumi makanyaradza Mwanakomana wenyu Jesu paaive atarisana namarwad-zo ake. Tava vana venyu vanodanwa kuti vatevere Jesu mudambudziko rake, rufu nekumuka kuupenyu utsva. Tinyaradzeiwo mutibatsire kuwana simba roMweya wake kuti tivake humambo hwake pakati pedu. Paanodzokazve mumbiri ngatipembererei nomufaro upenyu huzere pamwe nemhuri yaMwari nokusingaperi. Amen.


Kukomborera Vanorwara
Mutungamiri: Baba tinounza vose vari kurwara, mupfungwa kana mumuviri, zvikuru ava vatava kunamatira (…domai mazita avo…) komborerai vose nave mitoro inorema kuti mukucheneswa namarwadzo avo vawane kurapwa netsitsi dzenyu, nomunaKristu Tenzi wedu.
Vose: Amen
Mutungamiri: Tinokutendai nebasa raJesu rokurapa richirimo muSangano. Tinonamatira vose vari pano vanoda kurapwa mupfungwa kana mumuviri.
Vose: Ngavazive simba rokubata kwake kunorapa.
Mutungamiri: Tinounza kwamuri vose vari kurwara vakakumbira minamato yedu, navose vanotambu-ra vane mitoro inorema.
Vose: Ngavawane zororo muna Jesu Mwanakomana wenyu.
Mutungamiri: Tinonamatira zvikuru vane urwere huchavasvitsa muchishamiso cherufu. Vose: Nga-vawane rugare muna iye anogara nemi nokusingaperi makabatana naMweya Mutsvene, Mwari, narini narini. Amen.

Mupriste/mudhikoni
(Achitambanudza ruoko rwake pamusoro pegungano)
Tenzi Jesu Kristu ngaave nemi kuti akudzivirirei; ave mamuri kuti akuraramisei;
pamberi penyu kuti akutungamirirei;
pashure penyu kuti akuchengetedzei;
pamusoro penyu kuti akukomborerei
+Muzita rababa neroMwanakomana neraMweya Mutsvene.
Vose: Amen.


Munamato waTenzi
Baba vedu muri kudenga
zita renyu ngarinamatwe,
umambo hwenyu ngausvike,
kuda kwenyu ngakuitwe
pasi sokudenga.
Tipeiwo nhasi kudya kwedu kwezuva.
Mutiregererewo zvatakakutadzirai,
sokuregerera kwatinoita vakatitadzira.
Musatirege tichiwira mune zvinotiedza,
asi mutinunure kune zvakaipa. Amen.



Munamato weNovena
Vose: Tenzi Jesu verudo, makatipa kuti tiremekedze mucherechedzo waamai venyu vakakombo-rerwa zvikuru une zita rakakosha rokuti ‘Rubatsiro Rusingagumi,’ tipeiwo nenyasha dzenyu kuti pakati peshanduko dzose dzerwendo rweupenyu hwedu tidzivirirwe nerubatsiro nechengetedzo inogara iripo yaMariya Mhandara isina Mhaka, kuti tikodzere kuwana mibayiro/ yoruponeso rusingagumi, imi munogara nokutonga naMwari Baba makabatana naMweya Mutsvene nokusingaperi. Amen.



Munamato wokukomborerwa
(Pamunamato wekukomborerwa SakarAmenide Dzvene ringa ringaburitswe nokupfugamirwa vanhu vozokomborerwa naro. Kana pasina pfugamiro munamato unotevera wekukomborerwa ungaitwe.)

(Vose vanopfugama)

+ Mwanakomana waMwari akazvarwa naMariya Mhandara yakakomborerwa kuti anunure marudzi avanhu. Zadzwai neupfumi hwemakomborero ake. Amen.
+ Nomuna Mariya mavambo ohupenyu hwose akakauya kwamuri. Rudo rwemwoyochena wake ngarwukumbundikirei nguva dzose. Amen.
+ Mauya semhuri kuzoremekedza Mariya pasi pano. Mweya womufaro ngauvenemi munzira yokuen-da kumusha usina muguma. Amen.
+ Mwari vanamasimba ose ngavakukomborerei, Baba neMwanakomana naMweya Mutsene. Amen.

Maitiro epfugamiro

Rwiyo rwekupedzisira

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Posts navigation

← Older Entries
Newer Entries →
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati (2)
    • Gore A (3)
    • Gore C (13)
    • Hutungamiri (1)
    • Kurudziro (33)
      • Mitsara (8)
    • Madetembo (2)
    • Masakaramende (2)
      • Masakaramende Manomwe (1)
      • Reururo (1)
    • Mharidzo (111)
      • Mazuva Makuru (13)
        • Josefa (1)
        • Svondo raVatsene Vose (3)
        • Svondo reMirara (1)
      • Mharidzo dzamasvondo (62)
        • Gore B (10)
        • Gore C (4)
        • Mwaka woKuuya C (9)
      • Mharidzo dzemichato (1)
      • Mharidzo dzorufu (2)
      • Mwaka weKisimusi (1)
      • Mwaka woKutsanya (17)
      • Mwaka woKuuya B (2)
      • Pasika (13)
    • Mimamato (86)
      • Kunamatira vapristi (1)
      • Kuzvinamatira (3)
      • Manovhena (34)
      • Minamato kuna Mweya Mutsvene (1)
      • Minamato kuvaTsvene (20)
      • Minamato yakasiyana-siyana (1)
      • Minamato yaMangwanani (2)
      • Minamato yaManheru (2)
      • Minamato yaVarwere (1)
      • Minamato yePakati peZuva (1)
      • Minamato yoKuzvipira (4)
      • Muviri neRopa raKristu (3)
      • Nzira yoMuchinjikwa (1)
      • Rusariro (2)
      • Rusariro rweMisodzi (1)
      • Rusariro rwoKusunungurwa (1)
      • Rusariro-Uso hwaJesu (1)
    • Mitemo Gumi neyeSangano (1)
    • Mitsara YoMubhaibheri (3)
    • Muchato noUkama (8)
    • Muteuro weMisa (4)
      • Maitiro okuviga vafi (3)
    • Ngano (11)
    • Nhetembo (3)
    • Nyambo (198)
    • rufu (5)
    • Uncategorized (71)
    • Utatu Utsvene (1)
    • Zvidzidzo zveBhaibheri (2)
    • Zvinyorwa (25)
      • Nyaurwa (24)
  • Zvinonyanyofarirwa

    • ChiShona
    • Munamato wamanheru
    • Nhetembo
    • NOVENA KUNA MWEYA MUTSVENE
    • Minamato yakaSiyana-siyana
    • Svondo 13 reGore B
    • Mitemo Gumi neyeSangano
    • Maitiro pfugamiro
    • Svondo 25 reGore B
    • ZIVA MUTAURO WAKO
  • Maonero aVanhu

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024 (2)
    • July 2024 (8)
    • June 2024 (1)
    • March 2024 (2)
    • May 2023 (8)
    • October 2022 (1)
    • May 2022 (1)
    • December 2021 (3)
    • September 2021 (1)
    • July 2021 (4)
    • May 2021 (7)
    • April 2021 (5)
    • March 2021 (1)
    • February 2021 (1)
    • January 2021 (6)
    • October 2020 (8)
    • September 2020 (6)
    • August 2020 (2)
    • July 2020 (9)
    • June 2020 (3)
    • March 2020 (2)
    • February 2020 (2)
    • January 2020 (6)
    • December 2019 (4)
    • November 2019 (32)
    • October 2019 (4)
    • September 2019 (4)
    • June 2019 (7)
    • May 2019 (15)
    • April 2019 (10)
    • March 2019 (20)
    • February 2019 (4)
    • January 2019 (3)
    • December 2018 (10)
    • November 2018 (4)
    • October 2018 (9)
    • September 2018 (1)
    • July 2018 (1)
    • June 2018 (5)
    • May 2018 (6)
    • April 2018 (7)
    • March 2018 (11)
    • February 2018 (6)
    • January 2018 (25)
    • December 2017 (29)
    • November 2017 (12)
    • October 2017 (26)
    • September 2017 (36)
    • August 2017 (2)
    • July 2017 (4)
    • October 2016 (1)
    • August 2016 (2)
    • July 2016 (3)
    • June 2016 (12)
    • May 2016 (5)
    • April 2016 (5)
    • March 2016 (7)
    • February 2016 (8)
    • January 2016 (64)
    • December 2015 (13)
    • November 2015 (2)
  • Zvimwe Zvekutinya

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvichangotaurwa

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024
    • July 2024
    • June 2024
    • March 2024
    • May 2023
    • October 2022
    • May 2022
    • December 2021
    • September 2021
    • July 2021
    • May 2021
    • April 2021
    • March 2021
    • February 2021
    • January 2021
    • October 2020
    • September 2020
    • August 2020
    • July 2020
    • June 2020
    • March 2020
    • February 2020
    • January 2020
    • December 2019
    • November 2019
    • October 2019
    • September 2019
    • June 2019
    • May 2019
    • April 2019
    • March 2019
    • February 2019
    • January 2019
    • December 2018
    • November 2018
    • October 2018
    • September 2018
    • July 2018
    • June 2018
    • May 2018
    • April 2018
    • March 2018
    • February 2018
    • January 2018
    • December 2017
    • November 2017
    • October 2017
    • September 2017
    • August 2017
    • July 2017
    • October 2016
    • August 2016
    • July 2016
    • June 2016
    • May 2016
    • April 2016
    • March 2016
    • February 2016
    • January 2016
    • December 2015
    • November 2015
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati
    • Gore A
    • Gore B
    • Gore C
    • Gore C
    • Hutungamiri
    • Josefa
    • Kunamatira vapristi
    • Kurudziro
    • Kuzvinamatira
    • Madetembo
    • Maitiro okuviga vafi
    • Manovhena
    • Masakaramende Manomwe
    • Mazuva Makuru
    • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mharidzo dzemichato
    • Mharidzo dzorufu
    • Mimamato
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato kuvaTsvene
    • Minamato yakasiyana-siyana
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yePakati peZuva
    • Minamato yoKuzvipira
    • Mitemo Gumi neyeSangano
    • Mitsara
    • Mitsara YoMubhaibheri
    • Muchato noUkama
    • Muteuro weMisa
    • Muviri neRopa raKristu
    • Mwaka weKisimusi
    • Mwaka woKutsanya
    • Mwaka woKuuya B
    • Mwaka woKuuya C
    • Ngano
    • Nhetembo
    • Nyambo
    • Nyaurwa
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Pasika
    • Reururo
    • rufu
    • Rusariro
    • Rusariro rweMisodzi
    • Rusariro rwoKusunungurwa
    • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Svondo raVatsene Vose
    • Svondo reMirara
    • Uncategorized
    • Utatu Utsvene
    • Zvidzidzo zveBhaibheri
    • Zvinyorwa
  • Meta

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
Blog at WordPress.com.
Minyengetero
Blog at WordPress.com.
  • Subscribe Subscribed
    • Minyengetero
    • Join 46 other subscribers
    • Already have a WordPress.com account? Log in now.
    • Minyengetero
    • Subscribe Subscribed
    • Sign up
    • Log in
    • Report this content
    • View site in Reader
    • Manage subscriptions
    • Collapse this bar
 

Loading Comments...
 

    %d