Minyengetero

Dandemutande reminamato yeChiKatorike

  • Tibatei
  • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mwaka woKutsanya
    • Pasika
    • Mwaka weKisimusi
    • Mazuva Makuru
    • Zvinyorwa
  • Minamato
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yePakati peZuva
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Rusariro
      • Rusariro rweMisodzi
      • Rusariro rwoKusunungurwa
      • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yoKuzvipira
    • Minamato kuvaTsvene
    • Utatu Utsvene
    • Manovhena
    • Madetembo
  • Muteuro weMisa
  • Masakaramende
    • Masakaramende Manomwe
    • Reururo
    • Mabhuku
  • Kurudziro
    • Kurudziro
    • Mikumbiro
    • Mitsara
    • Nhetembo

Svondo 5C rePasika

Posted by MC on April 23, 2016
Posted in: Pasika. Leave a comment

© Musakope mharidzo iyi musina mvumo


Nhasi ndinoda kuti toongorore mitsara miviri yakakosha inowanikwa muChidzidzo Chechipiri nemuShoko Rakanaka. Mutsara uri muChidzidzo Chechipiri unoti: ‘Ndakaona Guta rinoera, Jerusarema idzva richidzika pasi richibva kudenga kuna Mwari.’ Mutsara wechipiri uri muShoko Rakanaka unoti, ‘Sokuda kwandakakuitai imi danananiwo.’

 

Mutsara wekutanga wakakonzera nyonga-nyonga makore akawanda adarika. Kune vemamwe maKirike vanoverenga mashoko aJowani ari muna Zvakazarurwa voatora sezvaari. Vanotendera kuti mashoko aya akaporofita zvinhu zvichaitika nguva ino zvakaita sekuguma kwenyika nekuuya kwevanotendera muna Satani. Zvino vanhu ava vaitendera kuti ‘Jerusarema idva’ riri kutaurwa naJowani rinofanira kuva riri kuseri kwemwedzi kwatisingaone. Sezvineiwo vatyairi eNASA yekuAmerica vakagadzira muchina unokwanisa kusvika kumwedzi. Vanhu vemachechi aya vakatanga kufara vachiti iye zvino zvava kuzobuda pachena kuti Jerusarema idzva riri kuseri kwemwedzi. Vanhu veNASA pavakadzoka vakauya nenhau dzekuti seri kwemwedzi hakuna denga idzva kana Jerusarema idzva. Izvi zvakavashatirisa vakatanga kupikisa vanhu veNASA vachiti vanotaura manyepo.

 

Saka denga idzva iri neJerusarema idzva iri zviri kutaurwa muna Zvakazarurwa zviri kupi? Zvechokwadi Jerusarema idzva iri harisi kuseri kwemwedzi kwarakamirira kuburuka. Jerusarema idzva rinotaurwa muna Zvakazarurwa ririko, asi harisi kudenga kusingasvikike. Guta raMwari idzva Jerusarema riripo pakati pedu. Mwari anovaka musasa wake kwete muchadenga asi pasi. Guta idzva reJerusarema iKirike.

 

Kirike hazvireve midhuri kana kuti hurumende yeKirike inotungamirirwa naPapa iri kuVhatikeni kwete. Kirike hazvireve dzimba dzedu dzekunamatira dzakanaka idzi kwete. Kirike hazvireve zvipfeko zvedu zvezvita zvakanaka izvi kwete. Kirike vanhu vaMwari, iwe neni. Mwari anoshandisa vanhu vake kuparidzira Shoko Rakanaka kuti umambo hwake huvepo pasi pano, saka iwe neni ndisu Kirike racho.

 

Saka kana Jerusarema idzva riri Kirike, iwe neni tirisu Kirike racho zvazvinoreva ndezvekuti iwe neni ndisu Jerusarema idzva racho. Jerusarema idzva rinoonekwa nechitendero chemandorokwati. Jerusarema idzva rinoonekwa nechitendero kwete chepamuromo chete asi chezviito. Mumwe muzvina fundo anonzi Walter Kasper anoti iye chitendero munaKristo chinopararira kana vanhu vakasangana navaKristo vamire pachokwadi vanopupura noupenyu hwavo. Chitendero ichi hachibatwe nokuverenga zviuru zvamabuku ari pamusoro paKristo. Chitendero ichi hachionekwi nokupfeka nhumbi dzezvita. Inga Kristo pachake anoti iye ‘vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana muine rudo pakati penyu’ (Jowani 13:35). Saka iwe neni tikava norudo Jerusarema idzva richavapo.

Zvino kuti tive Jerusarema idzva muShoko Rakanaka tiri kupihwa mutemo mutsva unoti ‘Sokuda kwandakakuitai imi danananiwo.’ (Jowani 13:34). Mutemo mutsva waJesu ndowekuti dananai. Kana Jesu achiti dananai anomborevei? Ini mukupishana pfungwa kwangu ndawana mhinduro yangu pana 1 Jowani 3:16 panonzi: ‘Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo chinonzi rudo, zvokuti akapira upenyu hwake pamusoro pedu. Isu tinofanira kupira upenyu hwedu pamusoro pavamwe vedu.’

Rudo rwekupira upenyu hwedu uhwu rwakamboita sei? Rudo urwu runonzi agapemuchiGikiri. Rudo urwu rudo rwokuzvipira rusina charunotsvaga. Runopiwa mahara pasina miko. Rudo urwu rwakadzama zvekuti munhu anogona kusvika pakupira upenyu hwake nekuda kwerudo. Saka Jesu kana achiti dananai sokuda kwandakakuitai anoreva kuti ini ndakakudai zvekuti ndakapira upenyu hwangu pamusoro penyu. Imiwo dananai zvekuti munogona kupira upenyu hwenyu pamusoro pavamwe vanhu.

 

Rudo rweagape urwu rwunooneka chirudzii? Zvinonzi pana Mateo 7:12, ‘zvose zvamungade kuti vanhu vakuitirei imi vaitireiwo.’ Rudo urwu rwunoonekwa nemabatiro atinoita vamwe vanhu. Zvatinovaitira tingade here kuti vatiitire. Makuhwa atinovaitira tingade here kuti vatiitire. Utsinye hwatinovaitira tingade here kuti vatiitire. Kusavimbika kuita gumbo mumba gumbo panze kwatinovaitira tingade here kuti vatiitire. Zvinonzi zvakare pana Mateo 5:44, ‘idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai.’ Rudo urwu runoonekwa nokuda, kwete kufarira, vavengi vedu. Iwe muvengi wako ndiani? Kana ukasamuda hausati wave nerudo rweagape. Chokupedzisira Jesu anoti zvekare rudo rweagape runoregerera kwete kanomwe chete asi makumi manomwe akapetwa kanomwe.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 4C rePasika-Mufudzi Akanaka

Posted by MC on April 16, 2016
Posted in: Pasika. Leave a comment

© Musakope mharidzo iyi musina mvumo


Basa roufudzi raive rakaoma uye richityisa. Mufudzi aisangomirira kuendesa hwai kumafuro manyoro chete. Aipedza nguva zhinji ari mudondo akamira, akarindira achichengetedza hwai kuti dzisabiwe nembavha uye dzisadyiwe nezvikara zvesango zvakaita samapere, makava kana mhondoro. Tikaenda muchitenderano chakare tinonzwa Dhavhiti achiedza kutsanangurira Sauro kuti ini ndiri mufudzi akanaka ane ushingi. Anoti iye ‘Ini ndaifudza hwai dzababa vangu. Ndaiti kana chikara chakaita sebere kana shumba chikauya chichibata hwayana ndaichironda ndichinunura hwayana yacho kubva pamuromo pacho. Ndaibva ndauraya chikara chacho.’ Vafudzi vaiitawo zvakare basa rokudzora hwai dzinenge dzatetereka nokutsvaga dzinenge dzarasika vachidzidzosa mudanga.

Zvino kuti munhu ave mufudzi akanaka aitofanira kugara akangwarira uye akarindira. Aifanira kuva munhu ane ushingi, asingatye, asiri gwara uye munhu ane mwoyo murefu nehwai; mwoyo munyoro uye rudo nezvipfuyo zvake.

MuchiJudha vane rumwe rungano rwuri pamusoro pokusarudzwa kwakaitwa Mozisi kuti atungamirire vana veIsraeri. Hanzi rimwe zuva Mozisi aifudza hwayana dzavatezvara vake imwe ndokutetereka. Mozisi akaitevera akanoibatira mubani ichinwa mvura pane kamwe katsime. Akamirira kuti ipedze kunwa, isimuke ndokuti kwairi ‘Handina kunge ndaziva kuti watetereka nokuti wanga uine nyota.’ Akaiisa pafudze ndokudzokera nayo kune dzimwe. Mwari achiona izvi akati kuna Mozisi ‘Ndafara nenyasha dzawaitira hwayana iyi saka ndichakuita mufudzi wedanga rangu revana veIsraeri.’

Muchidimbu mufudzi aiva munhu akanaka. Mufananidzo uyu womufudzi akanaka waishandiswa naMwari achizviti ndiri mufudzi wakanaka. Muimbi pana Nziyo 23 anoti ‘Tenzi ndiye mufudzi wangu hapana chandingashaiwa. Mwari mufudzi akanaka anoendesa hwai dzake kumafuro manyoro anodzidzivirira zvekuti kunyange dzikafamba mumupata werima hadzingambotya.’

Madzimambo avaIziraeri savatumwa uye savatungamiriri vehwai dzaMwari vaMwari vainziwo vafudzi. Asi vakanga vasiri vafudzi vakanaka nokuti kunze kwokuti variritire hwai vaidya hwai. Mwari anoshatiriswa namaitiro avo aya otumira muporofita Ezekieri kuti ‘Enda unovabvunza kuti sei musingafudze hwai dzangu muchizvifudza imi pachenyu muchizviunganidzira zvakanaka? Hwai dzakarukutika hamuna kudzisimbisa. Hwai dzinorwara hamuna kudzirapa. Hwai dzinotetereka hamuna kudzidzora. Hwai dzakarasika hamuna kudzitsvaga. Sei muchitonga hwai dzangu nechisimba nehasha?’ (Ezek 34:2-6).

Mubvunzo ndowekuti hatina here kufanana namadzimambo enguva yaEzekieri? Hatina here vafundisi navatungamiriri vasina hanya nehwai dzakarukutika, dzinorwara, dzinotetereka kana dzakarasika? Hatina here vatungamiriri vanotonga hwai nechisimba nehasha? Hwai dzaMwari hadzina here nzara yapamweya?

Mwari zvaakaona kuti madzimambo haana hanya nehwai dzake akati, ‘Ndichafudza hwai dzangu ndoga, ndomene.’ MuShoko Rakanaka ranhasi tinoona Jesu achizadzisa vimbiso yaMwari iyi paanoti ‘Ini ndini mufudzi akanaka … ndakauya kuti vanhu vave neupenyu, upenyu huzere.’ Jesu anozadzisa chinangwa chababa. Izvi anozviita  muupenyu hwake. Anonetsana navose vanoda kubvisa chiremera chehwai dzake. Anoona mapere anenge achinyepedzera kunge hwai achiafumura. Anoyambira hwai dzake nezvemakoronga ari mberi. Anochengetedza hwai dzake. Anorwira hwai dzake kune vanodzipikisa.

Jesu akasiira basa iri kuna Pita sekuona kwatakaita svondo rakapera. Akati kuna Pita ‘Unondida here?’ Zvikanzi naPita ‘Hongu ndinokudai.’ Jesu ndokuti ‘Fudza hwai dzangu.’ Kureva kuti hwai dzaKristo dzinofudzwa nemunhu ane rudo naKristo. Zvino Pita zvaakafa basa iri richaitwa nani? Basa iri nderemugamuchidzanwa. Basa iri rakasiirwa iwe neni. Asi haugone kufudza hwai dzaKristo kana iwe pachako usina rudo naKristo. Haugone kutungamirira hwai kuti dzifambe nzira yaKristo iwe usingaizive nzira iyoyo. Haugone kuudza vanhu mazwi aKristo iwe usingazive izwi raKristo.

Kana ukada kuudza vanhu kuti vafambe nzira yaKristo iwe usingaizive wakafanana negakanje. Gakanje rinotora shamhu richirova vana varo richiti ‘Fambai makati twasa’ asi vana vanofamba vakabhenda nokuti ivo mai vanofamba vakabhenda. Neimwe nzira kana uchida kuva mufudzi akanaka unofanira kutanga wava hwai, hwai yaKristo yakanaka.

Chechipiri muzuva ranhasi ratiri kupemberera mufudzi wakanaka zvibvunze kuti ndingaite sei kuti ndibatsire kufudza hwai dzaTenzi? Kana uchida kuva mufudzi akanaka iva munhu ari anosvikika, anoendeka. Iva munhu ane nguva nehwai dzake. Kune vamwe vatungamiri – vafundisi, vabereki nevamwe vanogara vasipo. Havana hanya nehwai dzinorwara, dzakarukutika, dzinotetereka kana dzinorasika. Vakafanana nenetwork system yemamwe mafoni emuZimbabwe. Dzimwe nguva unofona wonzwa the number you have dialled is not available at the moment please try again later. Kana network busy, kana the number you have dialled is no longer in use. Baba, mai vanogara vasipo pamhuri, mufundisi anogara asipo pamisheni. Dzimwe nguva savafudzi tinoenda paavibration – kutaura nemifananidzo chete. Dzimwe nguva tinongonyarara, kuenda pasilent – hatina hurukuro nehwai.

Zvibvunze kuti ndingaite sei kuti ndive mufudzi akanaka?

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 3C rePasika -Unondida here?

Posted by MC on April 6, 2016
Posted in: Pasika. 1 Comment

© Musakope mharidzo iyi musina mvumo


Kazhinji kana tichitsvaga basa pamakambani akasiyana-siyana tinobvunzurudzwa kuti tionekwe kuti takarurama here. Munhu akauya achidura pachena kuti akambodzingwa kwaaive nokuda kwokuba kana kupara imwe mhosva hatimugamuchiri.

MuShoko Rakanaka panoita sokunge paidiwa munhu anaotora basa guru roupapa. Panguva iyoyo Pita anobvunzurudzwa naJesu. Anonzi ‘Pita unondida here?’ Pita anopinduraMubvunzo waakabvunzwa uyu mukuru, wakakosha uye unotidzidzisa zvakadzama. Jesu anobvunza Pita kuti ‘Unondida here?’ tinogona chete kunyatsonzwisisa mubvunzo uyu kana tikadzokera kumutauro wakashandiswa pakubvunza mubvunzo uyu. MuchiGiriki mune izwi rekuti eros, rinoreva rudo rwehavi yekurwarira munhu, vanodanana zvinechekuita nebonde. Rudo urwu rune harupiwi wose wose. Runongopiwa mumwechete akarukodzera. Mune rimwe izwi rokuti philia rinoreva rudo rwokuyemura chinhu kana munhu. Kungava kuyemura muimbi, chivezwa kana kuti rokwe. Kanzinji rudo runopiwa kuchinhu kana munhu anokodzera kuyemurwa. MuChiGiriki munezve rudo runonzi agape, rudo rwekuzvipira zvokusvika pakufira waunoda, rudo rusina miko kana kuti mhondwa. Rudo urwu runopihwa mahara, pachena zvisinei nekukodzera kana kusakodzera.

Saka Jesu pakubvunzurudza kwaaiita Pita akatanga nokumuti ‘Agapes me?’ zvichireva kuti “Unondida here norudo rusina miko?’ Pita zvakamuremera nokuziva kukundikana kwaakambenge aita. Akanga amborasisa Jesu nomuramba naizvozvo akapindura achiti, ‘Philia se’ zvichireva kuti ‘Ndinokufarirai.’ Handikwanisi kukudai norudo rusina mhondwa. Pita anoita sokunge arikureurura kuti ini ndakatadza kukudai norudo rweagape. Jesu anobvunza Pita rwepiri kuti ‘Pita unodida here norudo rusina miko (agape)?’ Pita anopindura zvakare kuti ndinokudai norudo rwephilia. Chinoshamisa ndechekuti Jesu haana kuda kuramba achinyadzisa Pita. Akamugamuchira sezvaari ndokumurerutsira zvikanzi ‘Philia se?’ kureva kuti unondifarira here, unondida here norudo rwephilia. Pita arerutsirwa akapindura kuti hongu ndinokudai. Pokupedzisira tinoona kuti Pita akatada kududza rudo chairwo rwunotarisirwa. Asi zvakadaro Jesu akabva amuti “fudza hwai dzangu.” Kureva kuti akabva apiwa basa guru rekufudza hwai, basa rehupapa.

Dai ndiri ini kana iwe ndinofunga kuti tingadai tisina kupa Pita basa guru kudaro takatarisana neunhu hwake. Pita semukuru wavadzidzi akanga asina kupa muenzaniso wakanaka. Akatadza kuvimbika muzvinhu zvidiki taizovimba naye sei pazvinhu zvikuru. Zvino nhasi tiri kudzidza kuti zvakaitwa kunaPita zvinogona kuitika kwatiri. Mwari anotipa mumwe mukana kunyange tisingakodzere maererano neunhu hwedu.

Rimwe zuva, kuchinaya zvikuru, vamwe baba vaityaira motokari vaine mwana wavo musikana ane makore masere. Mwana akakwenya musoro zvikanzi ‘Baba pane zviri kundinetsa.” Baba ndokubvunza ‘Chiiko chiri kunetsa nhai mwanangu?’ Mwana ndokupindura ‘Mvura iri kuchururukira pahwindo inoita sematadzo edu, zvipukutiso zvakafanana naMwari.’ Baba vakaseka zvikanzi ‘Mwanangu wakachenjeresa, unofunga kuti zvinorevei izvozvo.’ Mwana ndokuti, ‘Mvura iri kuchururukira pahwindo yakafanana nematadzo edu, zvipukutiso zvakafanana naMwari anoramba achipfudza matadzo edu.’

Pita akafoira zvinotarisirwa naMwari asi akaitwa mudziyo mukuru. Akapiwa basa guru musangano. Iwe unotendera here kuti nyange nezvakaita nhororondo yeupenyu hwako unogona kuregererwa ugotanga patsva ugoshandiswa kuita zvinhu zvikuru.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 2C rePasika – kubatana navamwe

Posted by MC on April 3, 2016
Posted in: Pasika. Leave a comment

© Musakope mharidzo iyi musina mvumo


Nguva zhinji Tomasi anopomerwa mhosva nokusanzwisiswa navakawanda. Vamwe vanomuti chikomana chenyunyuto (Doubting Thomas). Vamwe vanomuti mutyutyu. Asi tikanyatsoongorora tinoona kuti handizvoba. Tomasi munhu anoyemurika, munhu akanga akavimbika kunaTenzi. TOmasi aida Jesu omwoyo wose, ndosaka akati ndinoenda nemi kuJerusarema nyange zvichireva rufu. Tomasi munhu aive wenyunyuto asi nyunyuto yake yaive yakanaka nokuti yaive yokutsvaga ruzivo runosvitsa pakutendera kuzere.

Jesu paakarovererwa pamuchinjikwa achizofa, upenyu hwaTosi hwakaita sehwaparara. Akapaiwa mwoyo, akarwadziwa, akapererwa, akaodzwa mwoyo. Kusava kwake pana vamwe kunogona kuva kwakakonzerwa nezvaiitika zvokurwadziwa kwake. Aifunga kuti zvose zvazopera hapasisina chimuko. Neimwe nzira Tomasi aive nezvikonzero zvakawanda zvokusava pana vamwe. Asi nokusavapo kwake akarasikirwa nezvakawanda.

  1. 19 akarasikirwa nokuvapo kwaTenzi

v.19 akarasikirwa nesimba raTenzi

  1. 19 akarasikirwa norugare rwaTenzi
  2. 20 akarasikirwa nerumbidzo yaTenzi
  3. 21 akarasikirwa nokusimudzirwa naTenzi
  4. 22-23 akarasikirwa nezvokudya zvaTenzi

Muchidimbu Tomasi aive nezvikonzero zvakawanda zvokuzvitsaura asi akarasikirwa nezvakakosha nokuti akanga asiri panavamwe. Ukazvitsaura unopotsa zvakawanda.

Zvakaitika panaTomasi zvinotipa mufananidzo wakakosha paungano yedu savatenderi. Pane zvakawanda zvatinorasikirwa nazvo tikasabatana nevamwe vatenderi muchechi nomumapoka edu. Pane zvikonzero zvakakosha zvinogona kutitadzisa kuuya kuchechi zvakaita samashandiro ekubasa. Vamwe vana vanotadziswa nokuti mitmbo yechikoro kazhinji inoiswa panguva yekereke. Asi varipowo vanotadza kubatana nevamwe nokuti vane chigumbu kana kuti vane wavakapesana naye. Vamwe vanokoniwa kuuya kugungano nokuti havafarire muparidzi kana kuti pane zvinoitwa nomufundisi zvavasingadi. Pane vanotsvaga zvikonzero zvakawanda zvinovatadzisa kuva pane vamwe vatenderi.

Mumwe murume nomudzimai wake vakamuka manganani. Mudzimai akapedza kugadzirira kuenda kuchechi. Nguva dzokubuda mumba dzave kukwana akaona kuti murume wake achiri mumagumbeze uye haana kugadzirira. Akashamisika akati, ‘Sei usina kumuka nokugadzirira kuenda kukereke?’ Murume akati, ‘Nokuti handisikuda kuenda.’ Mudzimai ndokubvunza, ‘Unechikonzero here?’ Zvikanzi, ‘Hongu ndine zvikonzero zvitatu. Chokutanga vatenderi vacho vakatonhora. Chechipiri hapana anondida. Chechitatu, handisikungoda kuendako.’ Mudzimai akapindura nouchenjeri, ‘Mudiwa, ndine zvikonzero zvitatu zvokuti uende kuchechi. Chokutanga vatenderi vanemwoyo wakanaka. Chechipiri kune vamwe vanokuda. Chechitatu ndiwe mufundisi wavo. Saka pfeka tiende kuchechi!’

Tingava nezvikonzero zvakakosha zvokusabatana nevamwe. Asi dzimwenguva tikaongorora tinoona kuti tine zvikonzero zvikuru zvokubatana nevamwe. Iko kuenda kuchechi murairo watakapihwa naTenzi. Kusaenda kuchechi kunoita souchapupu kunyika kuti upenyu hwangu hwakakosha kupinda kushumira Tenzi. Ukapotsa mupiro wechitendero watorasikirwa nezvakawanda. Kana uine dambudziko, uine zvaunoshuvira, uine mibvunzo inokunetsa, unogona kurasikirwa nemhinduro inobuda mukusangana nevamwe. Unorasikirwa nezvakawanda ukasavapane vamwe.

Mugungano resangano, Mwari anezvakakosha zvaanoda kutiitira nguva dzose. Mune rimwe ruwa mumwe mambo akanetseka nokuti aizosiira vanhu vake nhaka yakaita sei. Pikupedzisira akati regai ndivavakire chichi. Hapana akaona chichi iyi ichivakwa kusvika yatopera. Vanhu vakokwa vaungana vakashamiswa nounaku hwekereke iyi. Mumwe ndiye akazobvunza, ‘Ko marambi acho aripi? Tinovheneka sei murima?’ Mambo vakanongedzera kutumakomba twaive kumadziro echechi. Vakapa mumwe nemumwe wavaipo rambi ravaizofanira kuunza pose pavanosangana kuzoshumira. Vakati, ‘Nguva yose yauchange uri pano paunogara pachange paine mwenje. Nguva yose yaunenge usiri pano paunogara pachava nerima. Ichi chichava chieuchidzo chekuti ukatada kuuya kuchechi rimwe divi remba yaMwari richava nerima.

Pane zvinoshota pagungano raMwari nguva yose yaunenge usipo!

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 2C rePasika – Faustina

Posted by MC on March 31, 2016
Posted in: Pasika. Leave a comment

© Musakope mashoko aya musina mvumo


Sista Maria Faustina Kowarisika chizvarwa chekuPorandi. Vakacherechedzwa somutsvene naPapa Jowani Pauro II mugore re2000 riri svondo rechipiri roMwaka wePasika.

Faustina akafa ari aine makore makumi matatu nematatu ekuberekwa, mugore re1938. Rungano rwake rwoutsvene rwakatanga sezvizvi. Rimwe zuva, ava namakore gumi nematanhatu, ari pakati pokunamata pamberi peSakaramende dzvene akadzamirwa ndokuva nechishuvo chakadzika chokuda kuta mupikiri. Akanonyeurira vabereki vake zvaiva muninga romwoyo wake. vabereki vakati kanha kuramba pfungwa iyi vachiti vanoda anovariritira. Somwana haana zvaaigona kuita asi tinoziva kuti kana munhu aine chishuvo chake zvinonetsa kumumbunyikidza kwenguva ndefu. Mugore re1924 Faustina ava namakore gumi namapfumbamwe akatorana nasisi vake Nataria ndokuenda kupaki yepadyo kwaivenemveesano nokujaivha. Vari pakati pokujaivha Faustina akaona chiratidzo chinoshamisa chaJesu achitambura. Akamhanyira chiriporipo muchechi yaakatanga kuona ndokusvikononzi naTenzi ndinoda kuti uende kuguta reWoso. Akafumomuka mangwana mangwanani akananga kuWoso ndokusvikonopinda zvekare muchechi yaakatanga kuona. Akagamuchirwa nomupriste waipapo uyo akamuratidza munhu wokufanogara naye kusvikira awana konivhendi inomugamuchira. Makonivhendi mazhinji akamuramba, asi zvisinei akazogamuchirwa nemasista echita chaMai veTsitsi.

Mugore re1931 Fautsina akaratidzwa mambo Jesu veTsitsi Dinoera vakapfeka gauni jena rine miranzi miviri, muchena nomutsvuku, yaidzika naparutivi. Akaudzwa kuti apende mufananidzo uyu waaiona nokunyora mavara anoti ‘Jesu, ndinovimba nemi.’ Kubva ipapo akasarudzwa somutumwa kana kuti mupositori wetsitsi dzaMwari ndokupiwa basa rokuzivisa pasi nezvenyasha dzaTenzi.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Pasika – Kukunda Kwounaku

Posted by MC on March 26, 2016
Posted in: Pasika. Leave a comment

@ Musakope mharidzo iyi musina mvumo


Ndiri kurangarira ndichikura, ndiine makore manomwe tichiita zvidzidzo zvechitendero navana sista. Pataive tave kuda kusvika muVhiki Dzvene vamwe sista vakatanga kutidzidzisa nezverungano rwamarwadzo namatambudziko aJesu. Sista ava vaitaura rungano urwu nenzira inosiririsa. Vaiti ivo Jesu aiti akanzi shamhu, shamu odzadzarika odonha pasi. Jesu aiti avavarira kusimuka osvipirwa mate orohwa mbama. Imwe shamwari yangu yakarwadziwa ndokuyerera tumisodzi ichibva yakanuka ichiti ‘Shemu, hazviite izvi.’

Sista vakaenderera mberi nerungano rwaJesu zvikanzi mushure memazuva matatu Jesu akamuka ave kupenya ndokuenda kune vadzidzi vake vakanga vakazvivharira mune imwe imba vatyitya achibva avati musatye zvenyu. Vadzidzi vakatanga kufara. Shamwari yangu yakatanga kunyemwerera ndobva yakanuka zvakare ichiti ‘He he he. Ndafara!’ Vanhu vose vakacheuka ndokubva vamutarisa vachibva vaseka. Sista vakanyemwerera ini ndakaturika ruoko rwangu pamusoro pake ndichiratidza kufara.

Zvakaitika kushamwari yangu ndinofunga zvakaitikawo kwatiri tose musi weChishanu Chakanaka paitaurwa rungano rwamaradzo namatambudziko aJesu. Takaona Jesu achiitirwa utsinye, achirohwa, achisvipirwa, achirambwa neshamwari. Vamwe vedu nechemumwoyo vakangoti Shemu, hazviite izvi.’

Nhasi rungano urwu ruri kuenderera mberi tichiudzwa kuti Jesu amuka muvafi. Zviso zviri kupenya, vanhu vari kufara. Vari kuita seshamwari yangu yakati ‘He he he, ndafara.’ Ngatifarei. Ngatiimbei tichiti Hallelluia! Hallelluia! Zvatanga tasuwa munguva yoKutsanya. Ngatibatanei naDhaviti tichiimba tichiti ‘Ndiro zuva rakaitwa naTenzi. Ngatifarei. Ngatifarei, Ngatifarei tipemberere maari!’ (Nziyo 118:24). Chokwadi ngatifarei nekuti panechaitika. Chokwadi chakunda manyepo. Ruenzaniso rwakunda udzvanyiriri rufaro rwakunda marwadzo.

Zvaitika nhasi zvakafanana nezvinoitika kana vanhu vachiona firimu rinotyisa. Pane rimwe firimu rinofarirwa nevechidiki rinonzi Batman. Mufirimu iri panenge paine munhu anenge achitofara zvake nemhuri yake, vachiseka. Mhandu dzinouya asingafungire dzomubata nechisimba dzoenda naye kunzvimbo iri kure, dzonotanga kumurova, dzichimutocha kusvikiri arukutika, apera simba asisina chitarisiro chekurarama. Ipapo Batman anobva amhara kubva kudenga orwisa mhandu dziya onunura munhu uyu. Vanenge vachiona firimu vanotanga kufara nokuti muipi akurirwa newakanaka. Munhu wountsinye akurirwa nemunhu ane rudo.

Isu musi weChishanu Chakanaka taiita sevanhu vari kuona firimu rinotyisa. Musi wechishanu Jesu anopurwa pamutsigo, anyombwa, anorohwa, anorovererwa pachipiyaniso, anovigwa sembwa. Isu tinosara tisisina chitarisiro. Musi wechishanu manyepo anorwisa chokwadi, chokwadi okurirwa. Udzvanyiriri anorwisa ruenzaniso, ruenzaniso okurirwa. Uipi anorwisa chakanaka, chakanaka okurirwa.

Pamusoro pazvose Jesu anosara ave oga. Judasi shamwari yake inomutengesa. Pita munhu waaivimba naye anomuramba. Vadzidzi, shamwari dzake dzapamwoyo dzinomutiza. Pirato mutongi anofanira kupa ruenzaniso anomutongera rufu achisunungura mhondi ininzi Bharabha. Musi wechishanu chivi chinokunda. Dai rungano rajesu rwaiguma musi weChishanu tingadai taiti ‘Shemu.’ Asi rungano urwu harugume musi weChishanu.

Rungano rwaJesu ruri kuenderera mberi nhasi. Chivi hachina shoko rokupedzisira. Hudzvanyiriri hauna shoko rokupedzisira. Nhasi tatanga chitsauko chitsva cherungano rwaJesu apo tinoona achisimudzirwa, apo tinoona chakanaka chichikunda chivi.

Mhemberero yanhasi inorevei kwauri iwe? Inoreva kuti chokwadi haavanzike, chokwadi haauraike, chokwadi haadzvanyiririke. Kana uchida imboedza kurova chokwadi, kupomera chokwadi mhosva kana  kutambudza chokwadi unoona achimuka nezuva retatu. Kana chokwadi asingafe iwe mira nachokwadi. Kana chokwadi asingafe iwe usamire namanyepo neshamwari yake udzvanyiriri nekuti ivava vanofa.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Chishanu Chakanaka – Zvapera

Posted by MC on March 25, 2016
Posted in: Mwaka woKutsanya. Leave a comment

@ Musakope mharidzo iyi musina mvumo


Musi weChishanu Chakanaka tinorangarira rungano rwamarwadzo namatambudziko aJesu Kristo. Tikaongorora rungano urwu sekunyorwa kwarakaitwa naJowani tinoona kuti Jesu ari pamuchinjikwa anorereka musoro wake mweya wobuda maari obva ataura shoko rake rokupedzisira achiti ‘Zvapera, (tetelestai)’ (Jn 19:30). Makambozvibvunza here kuti izwi irori rekuti zvapera rinorevei? Kuti tinzwisise zvinoreva izwi iri tinofanira kudzokera kuGiriki kwarakabva maererano nekushandiswa kwarakaitwa muBhaibhiri.

Ana mazvikokota vebhaibhiri vakatanga kunzwisisa zvinoreva izwi iri pavakaenda kuIziraeri, uko kwakararama Jesu, vakanoita tsvagurudzo. Vanhu ava vanonzi maarcheologists vanoita basa rokufukunura dzimba dzakare kana kuti matongo vakasanganidzana neimba yairatidza kuti yaimbove hofisi yemuteresi makore zviuru zvadarika. Mumba umu makaonekwa marekodzi akanga asati akanganisika evanhu vaimbova nezvikweteti. Marekdzi aya akanga akanyorwa nechepamusoro kuti “tetelestai”, zvichireva kuti chikwereti chapera. Munhu uyu ane marekodzi aya haasisina chikweteti chabhadharwa chose, chapera, tetelestai. Zvino kana shoko raJesu rokupedzisira ari pamuchinjikwa riri rokuti tetelestai zvinomboreveri? Zvinoreva kuti kana ukatarisa marekodzi ako oupenyu mune zvikwereti zvorutadzo zvakanga zvirimo asi nokuda komuchinjikwa zvikwereti izvi zvapera, zvabhadharwa, tetelestai.

Kana tikatarisa mubhaibhiri tinoona kuti munguva yaJesu rutadzo chikwereti kuna Mwari. VaJudha vaiona rutadzo sechikwereti kuna Mwari. Jesu paanouya anoshandisa mutauro iwoyu wavaJudha wokuti rutadzo ‘chikwereti’ kuna Mwari. Pane imwe nguva Jesu paakataura rungano rwemurume akaregererwa chikwereti chake chakawanda iye ndokutanga kunetsera mumwewo chikwereti chishoma-shoma.

Hanzi Mumwe murume akanga aine mazana amadhora ezvikwereti kuna mambo wake. Mambo uyu akada kuti amutengese kuuranda aita hasha, asi murume wechikwereti paakakumbira ruregerero akabva anzwirwa tsitsi. Ari munzira kuenda akasangana nemunhu aive nemadhora mashoma-shoma ezvikwereti naye ndokumuitira hasha achibva amusungisa. Izvi zvakashatirisa mambo akambenge amuregerera. Munyaya iyi Jesu aida kutidzidzisa kuti kana munhu uchinge waregererwa chikwereti chako chikuru chorutadzo naMwari unofanira kuregerera vamwe tukwereti twavo twezvavakakutadzira.

Jesu anotiddzidzisa munamato zvekare maanoti namata uchiti ‘tiregerereiwo zvikwereti zvedu sokuregerera kwatinoita vanezvikwereti zvedu.’ Neimwe nzira tiregerereiwo matadzo edu sokuregerera kwatinoita vakatitadzira. Matadzo chikwereti kuna Mwari. Naizvozvo Jesu paakataura izwi rokupedzisira achiti tetelestai aireva kuti chikwereti chako chorutadzo chapera, ndachibhadhara neropa rangu radeuka pamuchinjikwa. Matadzo ako ose aregererwa.

Zvino iwe woita sei zvawakanzi naJesu tetelestai, chikwereti chako chorutadzo chapera? Chokutanga tendera kuti izvi zvakataurwa ndezvechokwati, Jesu aitorevesa. Jesu haana kuti ndinovimbisa, matadzo ako acharegererwa akati ‘matadzo ako aregererwa.’ Jesu haana kupa zviga kuti ndichakuregerera kana waita chakati, akati tetelestai, matadzo ako aregererwa. Unotendera izvi here? Unofanira kutendera kuti matadzo aya ari kurehwa kwandiri ini. Hazvinei kuti matadzo angu akakura sei, ndaregererwa. Hazvinei kuti matadzo ako akakura segungwa, waregererwa.

Chechipiri unofanira kutenda Jesu nezvaakakuitira. Iti kuna Jesu ‘ndinokutendai Jesu.’ Svondo roga-roga raunouya kuno kuchechi tenda Jesu nezvaakakuitira. Yukaristiya tsvene pachezvayo muteuro wokutenda. Unofanira kushandisa mukana iwoyo kutenda.

Chechitatu unofanira kuita zvawakaitirwa. Jesu akakuda saka iwe unofanira kudawo vamwe. Kana Jesu akakuda nenzira yakakura zvakadai ko iwe chinokutadzisa kuda vamwe chii? Unofanira zvakare kuedza kusema rutadzo. Kana iwe wakamboregererwa chikwereti chako chorutadzo unogorambirei uchiunganidza chimwe chikwereti.

Pazuva iri tinoenda kunopfugama pamberi pomuchinjikwa tichichiremekedza. Paunomira pamberi pochipiyaniso rangarira zvakataurwa naJesu kuti tetelestai, zvapera. Mutende. Vimbisa kuti hauzombomurasisa.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo reMirara – Ziso raJesu!

Posted by MC on March 17, 2016
Posted in: Mwaka woKutsanya. Leave a comment

@ Musakope mharidzo iyi musina mvumo


Rungano rwavarume vaviri vanotarisana…

Zviverengwa zvedu zvanhasi zvine matingindira akawanda. Asi tinoda kunangana nezvakaitika pakati pavarume vaviri. Varume ava vaiwirirana zvikuru uye vakanga vatsidzirana kuti hatizombofa takarasisana. Zvino mumwe wavaviri ava akasungwa, ndokutanga kutinhwa achiendwa naye kunouraiwa. Mumwe wake akanga ari pakati pokudziya moto nemhandu. Uyo aidziya moto akabvunzwa kuti ‘Ko murume arikunouraiwa haisi shamwari yako here?’ Iye nokutya akati tana kuramba, ‘Kwete, bodo, handitombomuziva zvangu ndinopika.’ Achingobva mukuramba sahwira wake wake kudaro jongwe rakabva rakukuridza, ndokuti pengenu achinosanganidzana maziso neshamwari yake yaakanga aramba ndokubva ati chitsoka ndibereke achinosvimha misodzi yenyadzi. Murume akaramba mumwe ndiPita, murume aienda kunourayiwa ndiJesu.

Rungano urwu runotidzidzisa kuti ChiKristu chii? ChiKristu hakusi kungoteedzera mitemo, kana kuuya kuchechi, ChiKristu kufamba naJesu. ChiKristu hakusi kubvisa mugove svondo roga roga kana kupfeka yunifomu. ChiKristu kuumba ukama hwakadzama naKristu. ChiKristu kuchengeta mhiko yaunenge wakapika kuti ndinoda kurasa Satani namabasa ake ose noushe hwake hwose, handizombofa ndakakurasisa iwe Jesu. ChiKristu kuumba ukama hworudo, ukama hwekuvimbana, ukama hwekutendeka naJesu.

Pita akati atarisana namatambudziko ndokutyora ukama neshamwari yake Jesu. Pita akasiya shamwari yake ichitambudzika achinodziya moto nemhandu dzaJesu, ndokuramba Jesu achida kunzi munhu akanaka. Shamwari yake payakazopfuura nepaaive ari ikamutarisa akabva aziva kuti zvaaita zvakaipa, arasa mumwe wake kuti agamuchirwe navatorwa. Muchiitiko ichi tinoona kuti Pita akanga asina kutyora mitemo, akanga achiri muteveri waJesu asi akatyora mhiko yekutendeka nokuvimbika nomumwe wake munhamo nemumatambudziko. Izvi ndizvo zvakamuita kuti asvimhe misodzi yenyadzi. Zvisinei, Jesu akazouya kwaari mushure mamasvondo asingamupe mhosva asi achiti ‘Simoni mwana waJona unondida here?’ Kureva kuti unoda kuti ukama hwedu hudzokere pakare here?

Chiitiko ichi chinorevei muupenyu hwedu? Vazhinji vedu tiri vanhu vanoedza kuchengeta mitemo yaMwari nemitemo yeSangano. Tinoedza kuuya kuchechi svondo roga-roga. Tinoedza kubvisa migove yedu uye kupfeka mayunifomu edu ezvita. Asi charenji iripo ndeyekuti uneukama hworudo here naKristu? Unochengeta mhiko yawakapa paRuombeko here yokuti ndinotsidza kurasa satani namabasa ake ose noushe hwake hwose? Ini ndinofunda kuti pane dzimwe nguva dzatinoita saPita, nguva dzatinorasa Jesu nokuda kwekuti tinenge tichida kunzi vanhu vakanaka. Pane nguva dzatinodziya moto wezvenyika tichisiya Jesu ari oga. Moto wekuba. Moto wamakuhwa. Moto weshanje.

Zvino kuti tisapinde mukuedzwa ngatizivei kuti chinhu chokutanga chinotisvitsa murutadzo kuva panzvimbo isiri iyo. Iyi ndiyo misiteki huru yakaitwa naPita, akanga ari panzvimbo isiri iyo. Pita aidziya moto navanhu vasingawirirane naKristu, mhandu dzaKristu. Vanhu ivavo ndivo vakamufurira. Aitya kuvaudza chokwadi nokuti vakanga vasingagamuchire chokwadi. Iwe chenjera kutamba navanhu vasiri ivo. Usatamba nemhandu dzaKristu, vanhu vasingade kunzwa chokwadi chinobva kunaKristu. Usatamba nezvidhakwa zvisina gwara, usatamba navanhu vanofarira kuona mifananidzo inonyadzisira.

Ukatamba navanhu vakadai unovarairwa ukasvika pakutadza. Pita akavarairwa akasvika pakutaura mashoko akaipa okuramba shamwari yake Jesu. Ukatamba nezvidhakwa zvisina gwara unovarairwa ukasvika pakufurirwa kuita zvinhu zvakaipa. Ukatamba navanhu vasingaende kuchechi unovarairwa ukasvika pakuita zvinhu zvakaipa zvakare.

Pita zvaakatamba navanhu vasirivo, akavarairwa, akataura mashoko akaipa Jesu akamutarisa. Jesu haana kumutarisa achiti hokoyo kwete, asi akamutarisa neziso rorudo ziso rinokwevera, ziso rinoshuvira kuti daiwadzoka. Iwe saPita unogona kutamba navanhu vasiri ivo ugovarairwa, ugoita chinhu chakaipa asi ziva kuti Jesu anokutarisa neziso rerudo ziso rinokuita kuti ubatwe nenyadzi. Unogona kuva chidhwakwa chamakoko, Jesu ouya achikutarisa usisina sendi, nhamo dzakumomotera. Anogona kukutarisa kuburikidza nourwere kana rufu chairwo. Anogona kukutarisa muzvakanaka kuburikidza neshamwari kana kuti muvakidzani. Jesu anoshandisa nzira dzakawanda kukutarisa neziso rinodzora, ziso rinokwevera.
Kubva nhasi tarisa uone kutariswa kwauri kuitwa neshamwari yako Jesu…

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 5C roMwaka woKutsanya – Vatongi venhema

Posted by MC on March 13, 2016
Posted in: Mwaka woKutsanya. 1 Comment

© Musakope mharidzo iyi musina mvumo


Vakuru vanoti hapana zuru risina nyoka. Hapana munhu asina chinongo muupenyu hwake. Tingati pane vane munyama vane unhu hwavo hunobuda pachena kwoita vane rombo rakanaka vasingafumurwe zviito zvavo. Mubhishopu Fulton Sheen vakashanyira rimwe jeri ndokutaura navasungwa vakanga vakaungana vachiti, ‘Musiyano uripo pakati pangu nemi ndowekuti imi makabatwa ini handina kubatwa.’ Bhishopu vakanga vasingakurudzire kuti vanhu vapare mhosva kana vasingabatwi asi vaisimbisa kuti vazhinji tine rombo rakanaka rokuti zvitadzo zvedu hazvina kufumurwa.

Kune imwe parishi kune vamwe mai vekwaya vaipomerwa mhosva yokudanana navarume vavanhu. Mai ava vakagarirwa dare namamwe madzimai epaparishi ndokukwevewa voendwa navo kuna baba vezvomweya. Vanhu vakataura zvakawanda. Vamwe ndovakati ngaakururwe bachi, vamwe vakati ngaabviswe mukwaya, vamwe ngaabviswe pazvigaro zvose. Vamwe vakatoti ngaadzingwe pachechi. Mai ava vakadaidzwa namazita akawanda, vakashungurudzwa zvikuru.

Mupriste akati atanga kutonga nyaya iyi, ndokupa mai vaya mukana wokutaura. Vapiwa mukana wokutaura vakati ‘Baba, ini mhosva yangu handisi kuiramba. Makasununguka kuita zvamunoda neni. Asi musati mandiranga ndinoda kuratidza simba randinaro rokuti muti womumango udyarwe uchimera, kukura nokubereka michero nezuva rimwechete. Mhodzi yomuti uyu inofanira kudyarwa nemunhu asina kumbobvira aita mhosva yakafanana neyangu.’ Baba vezvomweya vakati pakanaka chiregai mai mukuru vave ivo vanotanga kudyara mbeu muti uyu. Mai mukuru vakaramba vakati ini ndine dzandakapara. Chisveru chakaiswa pamutungamiri wekwaya asi akaramba achiti ndine dzangu. Vakatenderedzana vose mumwe nemumwe pakashaya akakwanisa kudyara muti uyu nokuti vose aive netwavo! Pokupedzisira vakaona kuti vose vatadzi asi zvomudzimai uyu ndizvo zvakanga zvabuda pachena.

Tose tiri vatadzi. Shoko Rakanaka harisi kuti regai vanotadza vachitadza, musavabvunze. Shoko raMwari riri kuti tinofanira kushandura mafungiro edu kana takatarisana navanhu vane mhosva dzavo. Hanzi pana VaGaratiya 6:1, ‘Kana mumwe wenyu akanganisa , imi vanamati … mudzorei zvakapfava zvinyoro’ Muchidimbu hazvisi kunzi musadzorane asi kuti musave vatongi venhema. Tsika yakadai yakaipa sezvatiri kuona muShoko Rakanaka.

Vatongi venhema havana mwoyo, havakendengi kuti mumwe anonzwa sei. Tanzwa nezvevarume vakuru vari kuweva mukadzi mukuru asina kusimira, vachifamba naye mumasendiraini, vopinda naye muchechi muzere vanhu vomumisa mberi akadaro, vomupomera mhosva vachimufumura namazwi ari pamusoro. Havana hanya kuti mudzimai uyu ari kunzwa sei. Havanei nechimiro chake mumaraini – havana mwoyo.

Vatongi venhema havana mutsigo. Vanoda kutaura chaizvo nezvemutemo, kuti mutemo watyorwa. Hanzi mutemo unotidzidzisa kuti vakadzi vakadai vanofanira kutakwa namatombo. Asi tinoziva kuti inhema. Mutemo haudaro. Mutemo unoti murume nomukadzi vanobatwa nemhosva yakadai vanekodzero yokuendeswa kudare vaine zvapupu. Asi vanoenda vose, kwete mukadzi chete. Zvino tinoona kuti vanonyepa nokuti murume vamusiya, haana kutiza nokuti havana kudaro, vamuregera achienda ndokuti sika-sika nemukadzi uyu.

Jesu anovaonesa kusviba kwomwoyo wavo nounyengedzi hwavo. Vanonyara voenda mumwe nemumwe kusvikira Jesu asara nomudzimai uyu vari vaviri. Anotendeukira kumudzimai oti enda zvako asi usatadze zvekare. Chinangwa chaJesu hachisi chokumukurudzira kuita zvakaipa, asi hachisi chokumupa mhosva. Chinangwa chake hachisi chokumufumura. Chaanongoda ndechekuti mudzimai uyu atendeuke, awanirwe nyasha, aregererwe. Hanzi ainyora muvhu kureva kuti anonyora matadzo muvhu maanopupurutswa nemhepo kwete padombo.

Jesu anotaura nomudzimai uyu norupfave. Vanhu vose vane mwoyo ndozvavanoita. Tinozviona pana Nathani. Dhavhiti akapara rutadzo rukuru. Asi Nathani haana kumufumura. Akaenda kwaari akamubudira pachena, akamutsiura. Dhavhiti atendeuka nokukumbira ruregerero, Nathani akamuregerera muzita raMwari. Chinangwa chake chaisava chokupa mhosva asi chaiva chokudzora murudo, chokuitira nyasha.

Isu tiri vanhu vakaita sei? Takafanana nomudzimai uyu here anopomerwa mhosva? Takafanana navatongi venhema here vanopa vamwe mhosva? Kana kuti takafanana naJesu anerupfave? Pane vamwe pakati pedu vazere noufarisiya. Vanhu vanodhonza vamwe vachivaendesa kunababa vezvomweya kana kunana mai mukuru vachiti nhingi ane mhosva dzake dzakawandisa. Variko vari pamapoka eWatsapu vanogarotumira mhosva dzavamwe. Kupomerana kurimo mudzimba: mudikani wangu akazodai, mudikani wangu wangu anotambisa mari, mwana wangu haanzwi.

Nhasi ngatitendeukei. Ngativavarire kusava vatongi venhema. Vanhu vanotonga vamwe pamusoro pounaku hwavo, urema hwavo, ruvara rwavo, basa ravo, kana zvikanganiso zvavo.
Ngativavarire kusava vatongi venhema vanotuka, vanogodora, vanotsoropodza, vanonyomba, vane makuhwa vanotaura zvoruvengo. Ngative vanhu vanotaura zvakanaka zvoga pamusoro pavamwe:
Rwiyo: ‘Tifunge zvakanaka zvoga, tiite zvakanaka zvoga…’

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 4C roMwaka woKutsanya -Kunyengera

Posted by MC on March 5, 2016
Posted in: Mwaka woKutsanya. Leave a comment

© Musakope mharidzo iyi musina mvumo


Kazhinji patinoverenga rungano rwemwana muparadzi tinofunga nezvevanhu vatatu chete: gotwe, dangwe uye baba. Asi nhasi ndinoda kuti tizive kuti pane rimwe rume risingataurwe nezvaro rine unhu hwakaipa kupinda vose vari munyaya. Iri ndiro rume riya remanomano nounyengedzi rinopa gotwe basa rokufudza nguruve. Rume iri ratisingaudzwi zita raro rinonyatsoona kuti mberi kwaro kumire mwana wechiHebheru. Rinoona kuti mwana amire mberi kwaro mwana akaita sei: haana mari, haana shamwari, haana nzvimbo yaanoti musha. Zviri pachena kuti mwana uyu apererwa, aomerwa, uye ari kunyika isina voukama kwaari mutorwa. Asi rume iri zvisine neizvi zvose unoona richinyemwerera richipukuta maoko achiti: ‘Iwe! Mupfana wechiHeberu, unofondoka kunguruve kana kuti unorova pasi!’

Muchidimbu rume iri rinomwoyo wakaipa, rinoitira utsinye mwana ari munjodzi nedambudziko richimuitisa zvinhu zvinopikisana nounhu hwake, tsika dzake, mhuri yake, chitendero chake nechimiro chake. Mubvunzo ndowekuti, ‘Hatina here vanhu vakadai munharaunda yedu, mumakereke edu?’

Mumaguta ose makuru tinosangana vanhu vakaita serume iri; vanhu vanomira pazvikona vachinyemwerera vachikwezvera vana vanomberereka vaari pakati pokuyaruka. Vana vanoenda kuzvikoro namakombi. Vana vari kutsvaga mabasa. Vanenge vachinyatsoziva kuti kazhinji vana ava vanenge vaine nzara vachida zvokudya, vanenge vachida zvokupfeka, vanenge vachida pokugara. Saka vanhu ivava vanenge vachinyemwerera vachiti, ‘Iwe, mukomana, iwe musikana, nditengesere muviri wako ndikupe chokudya. Ndipe nhaka yako, tsika dzako, chitendero chako, zvaunokoshesa, nazvose zvawakadzidziswa.’ Uyu ungori muenzaniso mumwechete chete waanamuzvinabhizimusi venguva yedu vaneutsinye sohwerume ratanzwa muShoko Rakanaka.

Uipi uhu hwakatekeshera pazvivhitivhiti zvedu apo unhu hwakakosha hwokutendeseka, undere, uye utsvene huchieredzwa nedzidziso inotikurudzira kufadza havi dzenyama, kuita madhiri, kukonzera mhirizhonga uye kurerutsa bonde. Uipi tinohuona mudzimba apo vabereki vakokwezva nezvapasi zveokuda pfuma kupinda michato yavo, vana vavo neshamwari dzavo. Uipi uhu tinosangana navo muvanhu vanotsvaga vana vane matarenda orunako kuimba nemitambo vachivanyengedza nemari kuti vasakoshese dzidzo. Uipi uhu hunoitika nguva dzose munhu paanopa mwana wako chokunwa kana chokuputa kana kumukwezvera paindaneti nechinangwa chokumuchenyedza. Veduwee, pane vanhu vakawanda vakamirira kushandisa vana nokuvanyengedza kuti varase nhaka yavo younhu nokuda kwemari. Murimi wenguruve atanzwa munyaya yanhasi mupenyu pakati pedu, mupenyu munharaunda yedu.

Pane chimwe chinhu zvekare chiri munyaya yataverenga chatisingafanire kupotsa. Dingindira guru, kana kuti zvinoreva nyaya iyi, zvinopfupiswa sezvizvi: gotwe haridi baba, dangwe haridi gotwe. Uru ndirwo rutadzo rwakaputira vagary vepasi rino. Gotwe rinomirira vechidiki vose vasingadi baba, vasingadi anovabvunza, vasingadi miganhu nepokugumira, vasinganyari, vasingadi ukama, vasingadichokuita, vasingadi anovatonga. Vanoshuvira kuti dai baba vasiri vapenyu, vafa. Vanoda rusununguko rwokuita zvinhu zvinovaparadza. Nhau dzizere navanhu vakadai, izwi ravo rinonzwikwa kwose kwose, hasha dzavo dzinoita mutinhimira kwoe kwose.

Kunewo vanhu vanoti, ‘Handina munin;ina. Handina hanya chero nani zvake. Hapana anofanira kutarisira chinhu kwandiri.’ Vanhu vasingadi kuita mabasa etsitsi. Vanhu vanongozvifunga ivo pachavo.

Urwu ndirwo rungano wremwana muparadzi. Rungano rwemurume ane utsinye. Rungano rwevana vasingade anotsiura. Rungano rwevanhu vasingade kuita hanya nevamwe.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Posts navigation

← Older Entries
Newer Entries →
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati (2)
    • Gore A (3)
    • Gore C (13)
    • Hutungamiri (1)
    • Kurudziro (33)
      • Mitsara (8)
    • Madetembo (2)
    • Masakaramende (2)
      • Masakaramende Manomwe (1)
      • Reururo (1)
    • Mharidzo (111)
      • Mazuva Makuru (13)
        • Josefa (1)
        • Svondo raVatsene Vose (3)
        • Svondo reMirara (1)
      • Mharidzo dzamasvondo (62)
        • Gore B (10)
        • Gore C (4)
        • Mwaka woKuuya C (9)
      • Mharidzo dzemichato (1)
      • Mharidzo dzorufu (2)
      • Mwaka weKisimusi (1)
      • Mwaka woKutsanya (17)
      • Mwaka woKuuya B (2)
      • Pasika (13)
    • Mimamato (86)
      • Kunamatira vapristi (1)
      • Kuzvinamatira (3)
      • Manovhena (34)
      • Minamato kuna Mweya Mutsvene (1)
      • Minamato kuvaTsvene (20)
      • Minamato yakasiyana-siyana (1)
      • Minamato yaMangwanani (2)
      • Minamato yaManheru (2)
      • Minamato yaVarwere (1)
      • Minamato yePakati peZuva (1)
      • Minamato yoKuzvipira (4)
      • Muviri neRopa raKristu (3)
      • Nzira yoMuchinjikwa (1)
      • Rusariro (2)
      • Rusariro rweMisodzi (1)
      • Rusariro rwoKusunungurwa (1)
      • Rusariro-Uso hwaJesu (1)
    • Mitemo Gumi neyeSangano (1)
    • Mitsara YoMubhaibheri (3)
    • Muchato noUkama (8)
    • Muteuro weMisa (4)
      • Maitiro okuviga vafi (3)
    • Ngano (11)
    • Nhetembo (3)
    • Nyambo (198)
    • rufu (5)
    • Uncategorized (71)
    • Utatu Utsvene (1)
    • Zvidzidzo zveBhaibheri (2)
    • Zvinyorwa (25)
      • Nyaurwa (24)
  • Zvinonyanyofarirwa

    • ChiShona
    • Munamato wamanheru
    • Nhetembo
    • ZIVA MUTAURO WAKO
    • Svondo 6 rePasika Gore A
    • NOVENA KUNA MWEYA MUTSVENE
    • Minamato yakaSiyana-siyana
    • Svondo 13 reGore B
    • Mitemo Gumi neyeSangano
    • Maitiro pfugamiro
  • Maonero aVanhu

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024 (2)
    • July 2024 (8)
    • June 2024 (1)
    • March 2024 (2)
    • May 2023 (8)
    • October 2022 (1)
    • May 2022 (1)
    • December 2021 (3)
    • September 2021 (1)
    • July 2021 (4)
    • May 2021 (7)
    • April 2021 (5)
    • March 2021 (1)
    • February 2021 (1)
    • January 2021 (6)
    • October 2020 (8)
    • September 2020 (6)
    • August 2020 (2)
    • July 2020 (9)
    • June 2020 (3)
    • March 2020 (2)
    • February 2020 (2)
    • January 2020 (6)
    • December 2019 (4)
    • November 2019 (32)
    • October 2019 (4)
    • September 2019 (4)
    • June 2019 (7)
    • May 2019 (15)
    • April 2019 (10)
    • March 2019 (20)
    • February 2019 (4)
    • January 2019 (3)
    • December 2018 (10)
    • November 2018 (4)
    • October 2018 (9)
    • September 2018 (1)
    • July 2018 (1)
    • June 2018 (5)
    • May 2018 (6)
    • April 2018 (7)
    • March 2018 (11)
    • February 2018 (6)
    • January 2018 (25)
    • December 2017 (29)
    • November 2017 (12)
    • October 2017 (26)
    • September 2017 (36)
    • August 2017 (2)
    • July 2017 (4)
    • October 2016 (1)
    • August 2016 (2)
    • July 2016 (3)
    • June 2016 (12)
    • May 2016 (5)
    • April 2016 (5)
    • March 2016 (7)
    • February 2016 (8)
    • January 2016 (64)
    • December 2015 (13)
    • November 2015 (2)
  • Zvimwe Zvekutinya

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvichangotaurwa

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024
    • July 2024
    • June 2024
    • March 2024
    • May 2023
    • October 2022
    • May 2022
    • December 2021
    • September 2021
    • July 2021
    • May 2021
    • April 2021
    • March 2021
    • February 2021
    • January 2021
    • October 2020
    • September 2020
    • August 2020
    • July 2020
    • June 2020
    • March 2020
    • February 2020
    • January 2020
    • December 2019
    • November 2019
    • October 2019
    • September 2019
    • June 2019
    • May 2019
    • April 2019
    • March 2019
    • February 2019
    • January 2019
    • December 2018
    • November 2018
    • October 2018
    • September 2018
    • July 2018
    • June 2018
    • May 2018
    • April 2018
    • March 2018
    • February 2018
    • January 2018
    • December 2017
    • November 2017
    • October 2017
    • September 2017
    • August 2017
    • July 2017
    • October 2016
    • August 2016
    • July 2016
    • June 2016
    • May 2016
    • April 2016
    • March 2016
    • February 2016
    • January 2016
    • December 2015
    • November 2015
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati
    • Gore A
    • Gore B
    • Gore C
    • Gore C
    • Hutungamiri
    • Josefa
    • Kunamatira vapristi
    • Kurudziro
    • Kuzvinamatira
    • Madetembo
    • Maitiro okuviga vafi
    • Manovhena
    • Masakaramende Manomwe
    • Mazuva Makuru
    • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mharidzo dzemichato
    • Mharidzo dzorufu
    • Mimamato
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato kuvaTsvene
    • Minamato yakasiyana-siyana
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yePakati peZuva
    • Minamato yoKuzvipira
    • Mitemo Gumi neyeSangano
    • Mitsara
    • Mitsara YoMubhaibheri
    • Muchato noUkama
    • Muteuro weMisa
    • Muviri neRopa raKristu
    • Mwaka weKisimusi
    • Mwaka woKutsanya
    • Mwaka woKuuya B
    • Mwaka woKuuya C
    • Ngano
    • Nhetembo
    • Nyambo
    • Nyaurwa
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Pasika
    • Reururo
    • rufu
    • Rusariro
    • Rusariro rweMisodzi
    • Rusariro rwoKusunungurwa
    • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Svondo raVatsene Vose
    • Svondo reMirara
    • Uncategorized
    • Utatu Utsvene
    • Zvidzidzo zveBhaibheri
    • Zvinyorwa
  • Meta

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
Blog at WordPress.com.
Minyengetero
Blog at WordPress.com.
  • Subscribe Subscribed
    • Minyengetero
    • Join 46 other subscribers
    • Already have a WordPress.com account? Log in now.
    • Minyengetero
    • Subscribe Subscribed
    • Sign up
    • Log in
    • Report this content
    • View site in Reader
    • Manage subscriptions
    • Collapse this bar
 

Loading Comments...
 

    %d