Mwana: Amai ndiigireiwo mvura.
Mai: Iwe simuka apo unotora wega ndinokurova
Mwana: Pamunouya kuzondirova ibvai mauya nemvura.
Fembera fembera
Baba vanoita majokosi nemwana, vasvika kumba ‘Fembera fembera kuti ndakuigirei mwanangu?’
Mwana anoti, ‘Zviwitsi.’
Dhedhi voti, ‘Nzvee ndakuigira mabhuku.’
Mwana anotiwo kuna baba vake ‘Dhedhi fembera fembera kuti pasi pemubhedha panei?’ Dhedhi, ‘Bhutsu.’
Mwana, ‘Nzvee, panasabhuku.’
Mudzidzisi: Nhasi hapana ari kuenda kumba asina kupindura mubvunzo. Tinoswera muno tese kana musina kupindura. Ari kutanga kupindura akagona ndiye achaenda kumba.
(Mudzidzisi vakabvunza mibvunzo yakaoma hapana kana mumwe akapindura. Kwapera maawa maviriTindo akatora bhegi rake akakanda nepahwindo.)
Mudzidzisi: Ndiyani akanda bhegi nepahwindo.
Tindo: Ndini! Bhaibhai vakomana tobatana Muvhuro. Wangu mubvunzo ndapindura!
Ndakanoona shamwari yangu chaiyo kuchipatara. Sezvo aisanzwa bhoo, ndakasvikoona akaiswa paokisijeni (mweya wakanaka wokufema). Hei! Hana yangu yakatanga kurova, ubika manhanga. Ndakanomira padivi pemubhedha. Shamwari yangu yakabva yatora kapepa nebhiro zvaainge apiwa kuti agonyorera zvaanenge achida sezvo akanga asisagone kutaura. Akanyora ndokundipa. Asi ini wacho njere dzainge dzotorasika saka ndakangoisa kapepa kaya muhomwe ndichiti hapana zvisvinu ndozonoverengera kumba. Tichiripo, shamwari yangu yakabva yafa. Tapedza kumuradzika, sekuru vemufi vakazonditi ‘Ko kapepa kaya kainge kakanzi chii?’ Ndakakaburitsa semunhu aisaziva kuti kanei ndokukaverenga pamwechete. Kainge kananzi, ‘Watsika pombi inondipa okisijeni shaa.’ Uri iwe waiita sei parufu apa?
Dzidziso: Pindura paine nguva.
Ndiwe hako, uri bhachura. Kupera kwevhiki. Uri padheni uchibika bika. Waisa poto ine maonyeni, mafuta, matomati neroiko pachoto. Yanyatsoibva. Unobva wanzwa ‘Gogogoi!’ padhoo, wonoona kuti ndiani. Apa wasiya poto yakavhurika. Sezvineiwo madzvinyu maviri anobvawo kwaanobva achirwa odonhera mupoto iri pamoto iwe uchiri kuvhurira muyeni kudhoo. Paunovhura dhoo unobva waona bhebhi rako momhoresana nokupanana mawiramombe. Mapinda mumba unoti, ‘Bhebhi chipedzisa kubika’ uchigara pasi. Chimoko pachinonoti ba mupoto chinoona muine madzvinyu akatotsvukirira zvawo ari mumatomati. Unopuruvha sei kubhebhi pakadai kuti haudye madzvinyu?
NGATIBIKEI CAKE RINONZI MUKRISTU
- Tora dish reMOYO MUREFU
- Makapu 5 emvura yeRUDO
- Chipunu chimwe chesauti yeKUSATAURA-TAURA, wopepeta makuhwa
- Zvipunu 5 zveshuga yeKUWADZANA NAVAMWE
- Makapu 5 efurawa yemufaro
Chikanya zvose pamwe chete uchimwaya-mwaya KUZVIBATA KWAKAWANDA, kuti zvirege kukachidza, chibva waisa muovheni yeMOYO. Ukaona zvotutuma tora chipunu cheRUDO wobvisa furo reHASHA! Mirira kuibva kweKEKE rako uchiTSANYA NEKUNYENGETERA!
Ambuya vari kudaidza muzukuru wavo: ‘Muzukuru hwanda mudzidzisi wako uyo arikuuya hauna kuenda kuchikoro.’
Muzukuru: ‘Hwandai imimi! Ndanga ndatumira shoko rokuti mafa, saka kutouya kuzondibata maoko uku!’
© Musakope maridzo iyi musina mvumo
Pita anoti ndingaregerere kangani. Jesu anomuudza rungano rwanyakuregererwa zvizhinji akatadza kuregereta tushoma. Mubvunzo wapiti unoratidza kurwadziwa kukuru nokushaya zano rokuti oenderera mberi sei. Mhinduro yaJesu inodzidzisa kuti nyasha dzinokunda zvose uye hadzina mugumo. Ndima iyi nedzidziso yaJesu zvakaoma kugamuchira nokuti isu tose takambopinda mutsoka dzaPita. Continue Reading
© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Tiri kusangana navarume vaviri mudama Rakanaka. Mumwe mushandi wemumunda mumwe ndimuzvina bhizimusi. Vose vanobatanidzwa nechinhu chimwechete. Vose vanoona zvavanoda, zvavanofarira vagoshuvira kuzviwana. Asi vose havazviwane chiripo-ripo. Vose vanototanga vatengesa zvose zvavainazvo kuitira kuti vagowana zvavanoda zvacho. Zvavanoda zvinovakoshera zvokuti vanoona zvavainazvo nezvakavakomberedza semarara. Continue Reading
© Musakope mharidzo iyi musina mvumo.
Mudama rakanaka tiri kunzwa nezvababa vaiva navana vavo vaviri. Vakatuma vana vavo kumunda kunoshanda. Mwana wokutanga akatanga aramba asi akashandura pfungwa dzake akazonoita basa raaive atumwa. Wechipiri akabvuma asi akatadza kunoita basa. Jesu anopedza rungano urwu nokubvunza kuti ‘Pavaviri ava ndiani akateerera baba: akabvuma akasaita kana kuti akaramba akazoita?’
Kazhinji tinofanana nemwanakomana wepiri pose patinobvuma asi torega kuita zvatinenge tabvuma. Kangani katakaenda kureururo tikati handichada kutadza pakare asi tikasaita saizvozvo? Vangani vedu vari kukwanisa kuteedzera mhiko dzavakaita papapatisimo?
Mwana wechipiri akabvuma akasaita akafanana namadzitateguru emuchitenderano chakare vakati hongu kuna mwari asi vakasaita, akafananawo navatenderi vari muchechi mazuva ano vanonyepera kubvuma kuda kwaMwari asi vasingakuite. Vanhu vanotyora chibvumirano chavo naMwari.
Kune vamwe vanhu vasingazezi kupa mashoko. Vanokuvimbia zuva, mwedzi nenyenyedzi. Asi haugoni kuvimba navo. Shoko ravo harina chirevo. Vimbiso yacho yaitane kunyunguduka semunyu waiswa mumvura. Zvinorwadza chose kushanda nemunhu akadaro. Tose takatomboshanda nevanhu vakadaro, vanhu vasingazadzise vimbiso yavo.
Kune vamwe vanhu vanononoka kupa mhinduro. Havapi vimbiso zvekumhanya. Asi pavanozopa vimbiso unonyatsovimba navo. Vimbiso yavo inenge cheni yakasungirirwa mugumbo ravo isingabvi. Vanhu vakadai vanonakidza kushanda navo. Vanhu vakadai vanofanana nemwana wokutanga.
Vamwewo pakati pedu vakafanana nemwana wechipiri anomboramba asi ozopenengura hana yake oshandura pfungwa dzake. Mukanyatsocherechedza munoona kuti vamwe vanhu vakazvarirwa mukirike vanotozodarikwa pachitendero nevauyi.
Pavana vataurwa mudama Rakanaka mumwe akavimbisa zvaasina kuzadzisa mumwe akashandura pfungwa dzake achivimbisa zvaakazozadzisa. Vana vose vari vaviri Havana kuita chaizvoizvo zvinotarisirwa asi tinodzidza kubva pavari. Wokutanga anotipa yambiro yokuti hatifaniri kuzviita vaKristo tisingararame savaKristo. Wechipiri anotidzidzisa kuti kana uchinge wambokanganisa hazvina kuipa kushandura pfungwa dzako uchiita chakanaka.
Asi mwana chaiye anotarisirwa ndeuyo anoti hongu achibva aita saizvozvo. Mwana akadai anotodzana naJesu akazvidurura pamuchinjikwa akateerera kusvikira murufu. Tinodzidza murungano urwu kuti vimbiso yaina kukwana pasina zviito mazvi haatsive mabasa.
