Minyengetero

Dandemutande reminamato yeChiKatorike

  • Tibatei
  • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mwaka woKutsanya
    • Pasika
    • Mwaka weKisimusi
    • Mazuva Makuru
    • Zvinyorwa
  • Minamato
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yePakati peZuva
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Rusariro
      • Rusariro rweMisodzi
      • Rusariro rwoKusunungurwa
      • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yoKuzvipira
    • Minamato kuvaTsvene
    • Utatu Utsvene
    • Manovhena
    • Madetembo
  • Muteuro weMisa
  • Masakaramende
    • Masakaramende Manomwe
    • Reururo
    • Mabhuku
  • Kurudziro
    • Kurudziro
    • Mikumbiro
    • Mitsara
    • Nhetembo

Chokwadi chichakusunungura

Posted by MC on September 21, 2017
Posted in: Kurudziro. Leave a comment

Wasvika pane nzvimbo ine imbwa iri kuhukura stereki munhu waunovimba naye oti rega hako kutya, imbwa yacho haina mazino. Kutya kose kuri mauri kunobva kwabuda, kwete nekuti imbwa yabatwa kuti isakurume asi nokuti wapiwa mashoko anokusunungura. Chero imbwa yacho ikazoda kukuruma hapana chaunonzwa nokuti mukanwa hamuna kana zino rimwe. Mashoko ekuti imbwa haina mazino akakwana kukusunungura kubva mukutya.

Vanhu vazhinji vanorarama mukutya nokuda kwekuti havana mashoko pamusoro pezvinhu zvavanotya. Vanhu varikutya zvinhu zvakawanda muupenyu nokuti havana ruzivo pamusoro pezvinhu izvozvo.

Jesu anoti ‘Muchaziva chokwadi uye chokwadi chichakusunungurai’ (Jowani 8:32). Chimwe chezvinhu chaunosunungurwa kubva pachichiri nechokwadi (shoko raMwari) kutya. Shoko raMwari rakafanana nekii inokuvhurira gonhi kuti ubude mukutya.

Mumwe arikutya mbiya dzaakaona pamharadzano nechijira chitvuku. Inyaya yekuti haasati averenga Izaya 54:17 inoti, ‘Hapana chombo chawakagadzirirwa chichakukunda.’ Mumwe anotya vaanoti varoyi vanofamba manheru chikonzero ndechekuti haasati averenga Nziyo 91:5 inoti ‘Hauchazotyi zvinotyisa usiku.’ Mumwe arikutya vaanotimasatanists nokuti haasati averenga 1 Jowani 4:4 inoti ‘Mukuru ndeari mauri pane ari munyika.’ Mumwe arikutya kuti zvaakanzi ane chirwere zvakureva kuti ave kufa, asi Nziyo 103:3 inoti ‘Tenzi anorapa matenda ose.’ Chero chete usina ruzivo pamusoro pechinhu chauri kutya, ucharamba uchitya kusvika waziva chokwadi. Jowani 8:32 inoti, ‘Ipapo muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.’

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Ndiani anonzi aramu?

Posted by MC on September 21, 2017
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Baba kwakusvika kumba mushure mokupedza basa wanike amai havana mufaro, vakamudhura.
Baba: Ko chii chiri kunetsa nhai adzimai?
Amai: Baba vemwana ndavane mazuva ndichishushikana, kubva zvamatanga basa ritsva. Ndiani anonzi aramu (Alarm) anofona na6 kuseni kwega-kwega imi mokata foni kuti ndisanzwe pamunenge muchitaura?
Baba: Hezvo!

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Usaore moyo

Posted by MC on September 21, 2017
Posted in: Kurudziro. Leave a comment

⁠⁠⁠Nerimwe zuva shiri yakasvika pakubvunza nyuchi kuti, ‘Nhai shamwari zuva nezuva ndinokuona uri pamaruva uchitora muto wekunogadzira uchi, asi vanhu vanongokutorera uchi hwako. Ko hazvikurwadze here?’

Nyuchi ndokupindura ichiti, ‘Vanhu chavanogona kutora uchi chete, asi havakwanise kunditorera chipo chekugadzira uchi hwacho.’

Nyange vanhu vakatorera nyuchi uchi hwayo haife yakaregera kugadzira humwe, uye haiwore moyo. Gara uchiita zvakanaka nguva dzose. Usateerera vanoda kuodza moyo. Pose pane chakanaka chakaipa hachishaikwe. Usaore moyo nyange ukakundikana. Ukaramba uchiita zvakanaka mubairo wako uchave mukuru kudenga.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Uchafamba pamusoro pedambudziko

Posted by MC on September 20, 2017
Posted in: Kurudziro. Leave a comment

Mozisi anorova gungwa dzvuku netsvimbo kuti ayambukire mhiri nevana veIveIziraeri! Eriya anorova Jorodhani nehembe yake kuti ayambukire mhiri. Erisha akaitawo zvimwe chetezvo. Asi Jesu akamusoro pemvura yacho.

Mozisi naEriya vakapfura napakati pemvura, pakati pemamiriro ezvinhu, pakati pedambudziko. Asi Jesu akafamba pamusoro pemvura, pamusoro pemamiriro ezvinhu, pamusoro pedambudziko.

Kana ukava naJesu uchava pamusoro pemamiriro ezvinhu. Kana uina Jesu unofamba pamusoro pematambudziko ako.

Mwari haana kubvisa mvura pamberi pevana veIziraeri kana pamberi paErisha naEriya. Asi akavapfuudza nepakati payo. Jesu zvekare haana kutambisa simba rake achinamatira kuti mvura ibviswe paaida kufambira nokuti aiziva kuti anesimba rekufamba pamusoro payo.

Newewo nhasi ziva izvi: dzimwe nguva usanamatire kuti matambudziko abviswe pamberi pako. Rega vanokufuridzira mamhepo vaite, vanokuvenga vaite , nevane godo vaite uchiziva kuti uchafamba pamusoro pazvose nokuda kwaJesu

Hazvinei kuti gungwa rakadzika zvakaita sei. Jesu akafamba pamusoro pemvura yakadzika. Newewo uchafamba pamusoro pematambudziko zvisinei nokuti akakura sei.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Ndinoseka akaba gaba rebhinzi

Posted by MC on September 20, 2017
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Mbavha mbiri dzakaenda kudare redzimhosva mushure mekunge dzaba muchitoro.
Mutongi: Iwe wekutanga taura tinzwe wakabei?
Mbavha 1: Ndakaba gaba rehove.
Mutongi: Maiva nehove ngani?
Mbavha 1: Shanu.
Mutongi: Mazuvano tavakupa mutongo maererano nezviri mukati saka ndinokutongera makore mashanu mujere.
Mbavha 1: Kikikiki (ichipfipfinyika)
Mutongi: Ko uri kusekei?
Mbavha: Aahh! Ndiri kutoseka hangu shamwari yangu yakaba gaba rebhinzi! (nyemba)

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Jesu nditambidzeiwo huni

Posted by MC on September 19, 2017
Posted in: Uncategorized. Leave a comment

Mai: Enda unotora huni panze
Mwana: Panze pane rima. Ndinotya
Mai: Enda, Jesu aripo panze ipapo.
(Mwana akabva adongorera pahwindo)
Mwana: Jesu kana muripo nditambidzeiwo huni!

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Rekeni yako chii?

Posted by MC on September 19, 2017
Posted in: Kurudziro. Leave a comment

Dhavhiti anoudza Goriati kuti ‘Ndinouya kwauri nezita raTENZI.’ Chinoshamisa ndechekuti ainge akabata rekeni (1 Samueri 17:45). Ndakazvibvunza kuti ‘Nhai iwe Dhavhiti unotaura kuti unoenda kuna Goriati nezita raTENZI ko rekeni unoidi?’

Ndakazoona kuti chero Tenzi ari kudivi rako unotoda rekeni. Unoda chinobatika chokutsigira minamato yako. Hongu ndiMWARI vanokupa basa, asi unoda rekeni. Pamwe rekeni yako mapepa akakwana okutsvagisa basa. MWARI ndivo vanokupa murume kana mudzimai asi unoda rekeni. Pamwe rekeni yako inonzi kugeza nekutsvinda nokuzvidukupisa. Tenzi vanoita kuti upase kuchikoro asi unoda rekeni inonzi kuverenga zvakakwana kuti upase.

Rekeni yako iripi? Rangarira: Goriati haafe nemunamato woga, anofa nedombo rabva parekeni.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Tsvaga pagonya

Posted by MC on September 19, 2017
Posted in: Kurudziro. Leave a comment

Kuno vanodiridzira nzimbe. Ndaona murume anga achidiridza nehosipaipi yakareba chaizvo. Pese panga pachimira mvura kubuda murume anga achitanga kutevedza paipi achitsvaga pabhenda paipi. Ndamubvunza kuti ‘Sei uchimhanyira kuti ipaipi yabhenda? Ko sei usina kufunga kuti mvura yapera kwainobva?’ Murume uyu andiudza kuti, ‘Mvura yokuno haiperi uye kubva ndiberekwa haina kumbopera.’

Murume uyu anoziva kuti muna Save mvura haiperi uye kuti chingatotadzisa kuti mvura isabuda kubhenda kwepaipi chete. Zvinobva kuna Tenzi hazviperi. Rugare rwaTenzi haruperi. Mari inobva kunaMwari haiperi. Mufaro unobva kunaTenzi hauperi. Pfuma inobva kunaMwari haiperi. Kana paine charegera kuuya muupenyu hwako haisi nyaya yokuti kuna Mwari hakuchina. Ukaona washaya zvaunoshuvira tevedza paipi ugadzirise pakabenda.
Tevedza paipi utarise pavhara. Tevedza paipi youpenyu hwako utsvage pabenda mufaro utange kuuya. Usamhanyira kutuka Mwari. Usamanyira kusvora kereke. Usamhanyira kusvora vafundisi vekereke yako. Tevedza paipi youpenyu hwako utsvage pagonya.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Tsamba kumumhu wechikwereti

Posted by MC on September 19, 2017
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Wadiwa Shamwari, nyakukweretesa,
Shamwari ndirikuzviziva kuti ndakakwereta kamari kako, asi tsika yokuti pawandionera ndiri pamhepo paWatsapu wonditi ‘Ko madhiri?’ haiite shaa. Kukuudza chokwadi ndakatoshaya pekuku dzivisa (blocker) napo.

Kana ukandiona kuchitoro chenyama ndichitenga nyama usabvunze mari yako nekuti pawakandipa hatina kuwirirana kuti handichadya nyama kusvikira ndakupa mari yako. KWETE. Handichinje madyiro nokuti ndine mari yako.

Tsika yako yokuti ukaona madhamu vangu vachibva tonazi vakabata pitsa wotanga kubvunza kuti baba varikufungei nemari yangu chibva waisiya hako. Ko kana mukadzi wangu atengerwa pitsa neshamwari yake zvinei newe izvozvo.

Imwe nyaya yandisiri kukupira mari yako ndeyokuti handisisina kumwe kwekukwereta nokuti vanhu vose wakavaudza kuti ndine mari yako saka hapana achada kundipa mari vachitya kuvharwa sezvandiri kukuita izvi. Rangarira, mari yawakandipa ndaida kurapisa murwere manje akabva afa saka tongoti wakatipawo chema sezvo usina kuzobvisa panhamo.

Ndini mukwereti

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Inozvisimudza

Posted by MC on September 19, 2017
Posted in: Nyambo. Leave a comment

Chino vakapinda musupamaketi vakagumha sherefu nemisiteki zvimwe zvinhu ndokubva zvadonha. Chino vakanhonga zvinhu zviya vachidzosera pasherefu ndokubva vasiya furawa iri pasi. Mumwe akabvunza, Ko mudhara iwe unopenga here? Wasiyirei furawa iri pasi? Chino akapindura achiti, ‘Kana uri bofu zviri nani uvhare gaba rako (muromo). Hauoni here kuti yakanzi, ‘Self-raising’ nechirungu kureva kuti inozvisimudza yega.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Posts navigation

← Older Entries
Newer Entries →
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati (2)
    • Gore A (3)
    • Gore C (13)
    • Hutungamiri (1)
    • Kurudziro (33)
      • Mitsara (8)
    • Madetembo (2)
    • Masakaramende (2)
      • Masakaramende Manomwe (1)
      • Reururo (1)
    • Mharidzo (111)
      • Mazuva Makuru (13)
        • Josefa (1)
        • Svondo raVatsene Vose (3)
        • Svondo reMirara (1)
      • Mharidzo dzamasvondo (62)
        • Gore B (10)
        • Gore C (4)
        • Mwaka woKuuya C (9)
      • Mharidzo dzemichato (1)
      • Mharidzo dzorufu (2)
      • Mwaka weKisimusi (1)
      • Mwaka woKutsanya (17)
      • Mwaka woKuuya B (2)
      • Pasika (13)
    • Mimamato (86)
      • Kunamatira vapristi (1)
      • Kuzvinamatira (3)
      • Manovhena (34)
      • Minamato kuna Mweya Mutsvene (1)
      • Minamato kuvaTsvene (20)
      • Minamato yakasiyana-siyana (1)
      • Minamato yaMangwanani (2)
      • Minamato yaManheru (2)
      • Minamato yaVarwere (1)
      • Minamato yePakati peZuva (1)
      • Minamato yoKuzvipira (4)
      • Muviri neRopa raKristu (3)
      • Nzira yoMuchinjikwa (1)
      • Rusariro (2)
      • Rusariro rweMisodzi (1)
      • Rusariro rwoKusunungurwa (1)
      • Rusariro-Uso hwaJesu (1)
    • Mitemo Gumi neyeSangano (1)
    • Mitsara YoMubhaibheri (3)
    • Muchato noUkama (8)
    • Muteuro weMisa (4)
      • Maitiro okuviga vafi (3)
    • Ngano (11)
    • Nhetembo (3)
    • Nyambo (198)
    • rufu (5)
    • Uncategorized (71)
    • Utatu Utsvene (1)
    • Zvidzidzo zveBhaibheri (2)
    • Zvinyorwa (25)
      • Nyaurwa (24)
  • Zvinonyanyofarirwa

    • ChiShona
    • NOVENA KUNA MWEYA MUTSVENE
    • Minamato yaVarwere
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
    • Munamato wamanheru
    • Pfugamiro paNovhena yamai voRubatsiro
    • Kunamatira mupriste
    • Tibatei patsamba yemagetsi
    • Minamato kunaMweya Mutsvene
    • Mitemo Gumi neyeSangano
  • Maonero aVanhu

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024 (2)
    • July 2024 (8)
    • June 2024 (1)
    • March 2024 (2)
    • May 2023 (8)
    • October 2022 (1)
    • May 2022 (1)
    • December 2021 (3)
    • September 2021 (1)
    • July 2021 (4)
    • May 2021 (7)
    • April 2021 (5)
    • March 2021 (1)
    • February 2021 (1)
    • January 2021 (6)
    • October 2020 (8)
    • September 2020 (6)
    • August 2020 (2)
    • July 2020 (9)
    • June 2020 (3)
    • March 2020 (2)
    • February 2020 (2)
    • January 2020 (6)
    • December 2019 (4)
    • November 2019 (32)
    • October 2019 (4)
    • September 2019 (4)
    • June 2019 (7)
    • May 2019 (15)
    • April 2019 (10)
    • March 2019 (20)
    • February 2019 (4)
    • January 2019 (3)
    • December 2018 (10)
    • November 2018 (4)
    • October 2018 (9)
    • September 2018 (1)
    • July 2018 (1)
    • June 2018 (5)
    • May 2018 (6)
    • April 2018 (7)
    • March 2018 (11)
    • February 2018 (6)
    • January 2018 (25)
    • December 2017 (29)
    • November 2017 (12)
    • October 2017 (26)
    • September 2017 (36)
    • August 2017 (2)
    • July 2017 (4)
    • October 2016 (1)
    • August 2016 (2)
    • July 2016 (3)
    • June 2016 (12)
    • May 2016 (5)
    • April 2016 (5)
    • March 2016 (7)
    • February 2016 (8)
    • January 2016 (64)
    • December 2015 (13)
    • November 2015 (2)
  • Zvimwe Zvekutinya

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvichangotaurwa

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024
    • July 2024
    • June 2024
    • March 2024
    • May 2023
    • October 2022
    • May 2022
    • December 2021
    • September 2021
    • July 2021
    • May 2021
    • April 2021
    • March 2021
    • February 2021
    • January 2021
    • October 2020
    • September 2020
    • August 2020
    • July 2020
    • June 2020
    • March 2020
    • February 2020
    • January 2020
    • December 2019
    • November 2019
    • October 2019
    • September 2019
    • June 2019
    • May 2019
    • April 2019
    • March 2019
    • February 2019
    • January 2019
    • December 2018
    • November 2018
    • October 2018
    • September 2018
    • July 2018
    • June 2018
    • May 2018
    • April 2018
    • March 2018
    • February 2018
    • January 2018
    • December 2017
    • November 2017
    • October 2017
    • September 2017
    • August 2017
    • July 2017
    • October 2016
    • August 2016
    • July 2016
    • June 2016
    • May 2016
    • April 2016
    • March 2016
    • February 2016
    • January 2016
    • December 2015
    • November 2015
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati
    • Gore A
    • Gore B
    • Gore C
    • Gore C
    • Hutungamiri
    • Josefa
    • Kunamatira vapristi
    • Kurudziro
    • Kuzvinamatira
    • Madetembo
    • Maitiro okuviga vafi
    • Manovhena
    • Masakaramende Manomwe
    • Mazuva Makuru
    • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mharidzo dzemichato
    • Mharidzo dzorufu
    • Mimamato
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato kuvaTsvene
    • Minamato yakasiyana-siyana
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yePakati peZuva
    • Minamato yoKuzvipira
    • Mitemo Gumi neyeSangano
    • Mitsara
    • Mitsara YoMubhaibheri
    • Muchato noUkama
    • Muteuro weMisa
    • Muviri neRopa raKristu
    • Mwaka weKisimusi
    • Mwaka woKutsanya
    • Mwaka woKuuya B
    • Mwaka woKuuya C
    • Ngano
    • Nhetembo
    • Nyambo
    • Nyaurwa
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Pasika
    • Reururo
    • rufu
    • Rusariro
    • Rusariro rweMisodzi
    • Rusariro rwoKusunungurwa
    • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Svondo raVatsene Vose
    • Svondo reMirara
    • Uncategorized
    • Utatu Utsvene
    • Zvidzidzo zveBhaibheri
    • Zvinyorwa
  • Meta

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
Blog at WordPress.com.
Minyengetero
Blog at WordPress.com.
  • Subscribe Subscribed
    • Minyengetero
    • Join 46 other subscribers
    • Already have a WordPress.com account? Log in now.
    • Minyengetero
    • Subscribe Subscribed
    • Sign up
    • Log in
    • Report this content
    • View site in Reader
    • Manage subscriptions
    • Collapse this bar
 

Loading Comments...
 

    %d