Kuita mudiwa asina kudzidza kwakangonaka
Mai Tindo: Nhai baba Tindo muri kuendepi kupera kwevhiki kudai
BaTindo: Ndikuenda kubasa kunochinja pikicha yeapu (profile picture)
Mai Tindo: Horaiti, mofamba bho.
Pane mwana wechikoro asvika pamba pangu achida marubatsiro (donation). Hanzi pachikoro parikuda kuvakwa tsime rokubhagujira (swimming pool). Hameno kana ndagona ndamupa marita 20 emvura.
Chidhakwa chakanga chararadza chakapinda mubhawa ndokutanga kutaurirana nemupfana aitengesa imomo:
Chidhakwa: Huku imarii mfana?
Mutengesi: Tinoisa pachikero toona kuti imarii.
Chidhakwa: Ndiisire chikene yakazara (full chicken).
Mutengesi akanotarisa mufiriji ndokuona kuti masara huku imwechete yakazara. Akainhonga ndokuiisa pachikero.
Mutengesi: Yaita $6 mdhara.
Chidhakwa: Yaita diki, tsvaga zihombe pane dzese.
Mutengesi akadzorera huku iya ndokunyepera kunge avekutora imwe hombe sezvo aida kutenga ainge akararadza. Akadzoka nehuku imwecheteyo ndokuiisa pachikero:
Mutengesi: Zvaita mdhara huku iyi yaita $7,50.
Chidhakwa: Huku dzako idiki mfana. Zvisinei, chindipa dzose dziri mbiri
Kkkkkkkk chokwadi chinosunungura!!!
Mutsara wezua, ‘Kune vamwe vanhu vanonyepa zvekuti vakakuti maswera sei unotombotanga wabuda panze otarisa kuti zveshuwa ava maskati here.’
Ukatumira musikana mari yokufambisa kuti auye kwauri iye orega kuuya zvakare orega kudzosa mari …
Ukashandisa mutemo wenyika Section 492(i) of the Criminal Procedure Act & file a case of theft under false pretence anotongerwa makore manomwe mujeri here?
Wakambogara pane boka rinonyeya zvekuti unototya kusimuka uchitoziva kuti ukabva ndiwe unotevera?
Muroyi akatendeukira muchechi akanzi ‘Wava chisikwa chitsva.’ Akazonzi, ‘Tipei zvamaishandisa tipise.’ Akavapa zvimwe zvese ndokuchengeta zizi. Akachinzi namufundisi ‘Ko tipei zizi tipise’ iye ndokuti ‘Ichi chava chisikwa chitsva, chava chihuta!’
Mudzimai: dhedhi, pamunobuda pakupera kwevhiki munenge muchienda kupi?
Husband: kunoraura mudiwa
Mudzimai: Muramba wenyu wafona wati une nhumbu.
Kaupenyu kemubhaibheri kaisipaka. Funga uchidzoka kumba mushure memazuva matatu wotoudza mukadzi wako kuti ndanga ndakamedzwa nehove iye otobvuma. Vamwe vaigara vakamudzwa!
Moti hausi muedzo here uyu? Ndopa munhu bhutsu dzangu kuti asone, papera vhiki imwe ndomuona akadzipfeka ndomubvunza oti, ‘Ndiri kuedza, its road test!’
