Pane vamwe baba vaiita basa rekusona asi bhachi ravo rakanga rava marengenya risingasonwi. Vaitouya kuchechi nebhachi ravo rakabvaruka ivo vari musoni. Mumwe musi vauya kuchechi musi wesvondo shamwari yavo yakati, ‘Zvinonyadzisa kuti imi nechiremera chenyu munopfeka bhachi rakabvaruka asi muri musoni anembiri.’ Baba vaya vakati, ‘Ndingadii? Ndiri murombo. Ndinopedza svondo rose ndichisona nhumbi dzavamwe handina nguva yekusona bhachi rangu.’ Shamwari iya yakati, ‘Heyo $20 iyi. Chindiona sekasitoma inoda kusonerwa wosona bhachi rawakapfeka.’ Vakawirirana musoni ndokutora mari. Asi paakadzoka kuchechi svondo raitevera akanga achine bhachi rakabvaruka. Shamwari yakaita hasha ikakumbira tsanangudzo, ‘ndakakupa mari sei usina kusona bhachi.’ Asi musoni akataura achinzwisa tsitsi, ‘Ndingadii? Pandakasvika kumba paya ndakatarisa bhachi rangu ndikaona kuti basa racho hariite $20 ndingatambise mari.’ Murume uyu akanga aine zvikonzero zvisingaperi zvokutadza kuita zvinofanira kuitwa
Muneimwe chechi, vanhu vakapiwa zvibharuma zvakafuridzirwa mweya vakanzi, ‘Pakati pemuteuro anenge anzwa mufaro mumwoyo wake ngaakandire bharuma rake mudenga.’ Muteuro wakaenderera mberi vanhu vakakandira mabharuma avo mudenga panguva dzakasiyana-siyana. Asi pakupera kwemupiro zvakaonekwa kuti vazhinji vavo vakanga vachirine mabharuma avo.
Kana izvi zvikaitwa pano vangani vedu vanoramba vaine mabharuma avo vasina kuakandira mudenga? Vazhinji vedu tinofunga kuti mipiro yedu inguva yokusuwa nokuzvipeta, nguva yekuvhara maziso tichinamata, kwete nguva yekupemberera nokufara.
Izaya 25:6-10 VaFiripi 4:12-14,19-20 Mateo 22:1-14
Rungano
Muneimwe chechi, vanhu vakapiwa zvibharuma zvakafuridzirwa mweya vakanzi, ‘Pakati pemuteuro anenge anzwa mufaro mumwoyo wake ngaakandire bharuma rake mudenga.’ Muteuro wakaenderera mberi vanhu vakakandira mabharuma avo mudenga panguva dzakasiyana-siyana. Asi pakupera kwemupiro zvakaonekwa kuti vazhinji vavo vakanga vachirine mabharuma avo.
Kana izvi zvikaitwa pano vangani vedu vanoramba vaine mabharuma avo vasina kuakandira mudenga? Vazhinji vedu tinofunga kuti mipiro yedu inguva yokusuwa nokuzvipeta, nguva yekuvhara maziso tichinamata, kwete nguva yekupemberera nokufara. Continue Reading
© Muskope Mharidzo iyi musina mvumo
Pauro anoti musazvidye mwoyo. KUzvidya mwoyo hakupedzi matambudziko edu. Kunotowedzera matambudziko atinosangana nawo. Kuzvidya mwoyo kunotisveta simba, kunotikrukutitsa kugoita kuti dzimwe nguva tisaone mhinduro yamatambudziko edu.
Kuzvidya mwoyo dzimwe nguva kunokonzerwa nokusavimba – kusavimba nezvauri, kusavimba nevamwe, kusavimba naMwari. Ndosaka Pauro ari kuti, ‘Kana paine chamunoda chinamatirei.’ Hongu tine zvatioita asi tinonamatawo.
Pauro arikutiwo, ‘Think positively, ivai nepfungwa dzinoona zvakanaka.’ Kazhinji vanhu vanozvidya moyo vanoona zvakaipa chete. Anongofunga kuti pane hora ichaitika (vana vaviri vakaisirwa manyowa mudzimba dzavo). Tinofanira kupedzera simba redu pane zvakanaka kwete zvakaipa.
Mapepa nhau amazuva ano azere nyaya dzakaipa. Zvinhu izvi kazhinji ndizvo zviri kuzadza pfungwa dzedu. Pauro ari kuti, ‘Zadzai pfunga dzenyu chokwadi, nezvakanaka, nezvakachena, nerudo, nekurumbidza.’
Asi kufugna zvakanaka chete hakuna kukwana ndosaka Pauro arikuti zvekare, ‘Rambai muchiita zvakanaka zvamakadzidza kubva kwandiri.’ Itai zvakanaka.
Kana tikavimba naMwari, kana tikafunga zvakanaka, kana tikaita zvakanaka hanzi naPauro ‘Rugare rwaMwari rwakadzama kupinda zvatinonzwisisa ruchachengetedza mweya yenyu nepfungwa dzenyu. Muchava norugare.’
Unogona kuva norugare pakati pamatambudziko. Rugare harunei nokuwana. Rugare harunei nokurwara. Rugare runouya nokuvimba naMwari, nokuenda kudivi raMwari.
Ndaona mumwe mufesi anosona shangu mutaundi asi shangu yake yanga yakabvaruka mberi kwese, yakashama. Ndamuti, ‘Urikusona shangu dzangu nedzevamwe, ko wadii kusona dzako?’ hanzi, ‘Kana ndikasona dzangu ndinobhadharwa nani?’
Dhedhi: Mukadzi wangu unodadisa, unoda ndikuitirei chaunoda?
Madhamu: Dhedhi, ndoda kuti musunge rovambira dhuku.
Dhedhi: Madhamu taura zvakareruka zvandinogona kukuitira ndapota.
Madhamu: Zvakanakai dhedhi, ndipeiwo foni yenyu inoenda paWatsapu ndisvere nayo.
Dhedhi: Tora hako dhuku racho tiende mugomo tinotsvaga rovambira.
Mumwe mudzimai akafa. Ava kudenga akaona mudhuri mukuru waiva uzere mawachi anekamuti kanotenderera (makiroko). Akabvunza mutumwa waMwari kuti ‘Makiroko ayo ndeeyi?’ Mutumwa ndokuti, ‘Makiroko ekunyepa. Munhu woga-woga anekiroko yokunyepa. Pose paanonyepa ari panyika chitanda chekuroko chinotenderera.’ Mudzimai akanongedzera achibvunza, ‘Ko kiroko iyi ndeyani?’ Mutumwa akapindura, ‘Ndeya Amai Terera vekuKarikata. Haina kumbobvira yafamba kureva kuti Havana kmbobvira vanyepa.’ Mudzimai akabvunza zvekare, ‘Makiroko evarume vekuZimbabwe aripi?’ Mutumwa ndokuti, ‘Ayo ari muhofisi. Tinoashandisa semafeni.’ Mudzimai akaenderera mberi nokubvunza, ‘Ko emadzimai ekuZimbabwe?’ Zvikanzi, ‘Ayo ari panze tinoashandia semajenareta kugadzira magetsi!’
Kana pane munhu wamurikuziva arikutengesa mota yerudzi rweNissan ichakanaka, yekutakusisa inotangira pa $3 500 kusvika pa5 000, inemapepa akakwana (ruvara haruna basa) ngaatengese hake ini handina mari yacho.
Haaa mota yangu yafa, ndibatsireiwo ndapota……ndiudzeiwoka kuti kana uchipinda mukombi unoita sei, unomhoresa vanhu vese here kana kuti unomhoresa mutyairi chete kana hwindi. Ndibatsirei ndapota. Handisati ndambozviita.
Mutsauko mukuru pakati pevanhu nemakudo ndewekuti vanhu vanotamba chikudo asi makudo haatambi chivanhu.
