Gweta rinoshuvira kuti upine mudambudziko, chiremba ahoshuvira kuti urware, mupurisa anoshuvira kuti utyore mutemo, mudzidzisi anoshuvira kuti uzvarwe uri fuza, mugadziri wemakofini anoshuvira kuti ufe, mbavha chete ndiyo inoshuvira kuti ubudirire kuti igowana zvekuba.
- Zvatozonzwika nhasi kuti ane mumwe mukadzi nevana kuGlen View
- Zvanzi mufanha wake wekmhiri kwemakungwa ndiye atozomira mira
- Uchaona kana yave nyaya yemugove anasekuru Tafi havabatike
- Asi mukadzi wacho haaratidzi kurwara wani?
- Nyaya yemba ndiyo ichanetsa.
- Tamirira vakomana veHarare kuti tizive kuti zinvofambiswa sei.
- Iye anga ainababa vake ega, vamwe ndivo vemudhara wepano.
- Vakuwasha vacho vanenge venzara nzara.
- Zvanzi muhomwe yake yekubhanga mainge musina kana sendi, aipedzera mari kubhawa.
- Avo ndivo babamunini vacho varikunzi vanechikwambo chapedza vanhu.
- Kofini racho mukofera.
- Inga mukadzi wacho haasi kumbochema kana?
- Varoora vacho vanongoita zvechisaradhi.
- Urikuona kuti vanhu vemuraini macho havasikubatsira.
- Voda kutorwira midziyo chitunha chirimumba.
- Ini ndakamboti ngatiite boka rokuvigana
- Anamai Jona vangoda kuzongopakura chikafu chabikwa nevamwe.
- Waona kuchinja kwaanga aita arimukofinin? Anga asviba kuti ndoo.
- Iye chete ndiye akanga asina musoro mumhuri mavo.
- Vakuwasha vacho vavekutiza foshoro.
- Hanzi mukadzi wacho mukuru akafa, uyu ndewechipiri.
- Arikunovigwa kumusha uye zvanzi hakuna chakavakwa.
- Zvino anonopinda mumba maani iye aisada zvokumusha?
- Amai vacho ndivo varikubata homwe yechema.
- Inga hapana vechechi, asi anga asingapindi chechi?
- Onai mukadzi wacho mukuru kwaari, anga akatobatirirwa!
- Nyangwe vakamuviga muzibhkisi iri haambofa akamuka
- Maona tumasofa turimumba macho, ndetwemuto wenyemba. Vaingoishaina zvisina nebasa.
- Anga asingaite kurara pamariro emumaraini.
- Pano kabheji ririkutonga.
- Mukadzi unoshinga kuenda kusouth, murume ari muchipatara.
- Manje achabhadhara mazvikwereti zvaasiya zvekuchipatara ndiyani?
Ko iwe wakambotaura zvipi?
Shamwari yangu yakati, ‘Shaa ndafa nemusoro’ ndikati ‘Saka ukuchemerwa kupi?’
Paiva nemumwe muchinda aifamba achienda kubhawa. Akaona imbwa yakaonda chaizvo akati, ‘kambwa aka kakaonda’, imbwa ikamuti ‘zvinorovesa izvozvo.’
Akashamiswa zvikuru kuti imbwa inotaura. Paakasvika kubhawa akaudza vanhu kuti ainge aona imbwa inotaura vakamuti handei tinoona. Vasvika akadzokorora kuti ‘Kambwa aka kakaonda,’ imbwa ikangomutarisa. Akadzokorora futi ikaramba yakanyarara. Vanhu vaya vakati ‘unoda kutamba nesu,’ vakamurova vakaenda. Imbwa yakasara ichimuti, ‘Ndambokuudza kuti zvinorovesa!’
Chiverengo chokutanga
CHiverengo chokutanga chirikutiyeuchidza chasha dzaMwari dzaainadzo nevanoshaya uye vatera. Mwari ane hanya navatorwa, neshirikadzi uye nenherera. Anovarwira nokuda kwetsitsi dzaainadzo. Suwo tinotarisirwa kuva netsitsi kuvarombo navanoshaya vari pakati pedu sezvinoita Tenzi. Vana veIziraeri vari kunzi imi makaitirwa nyasha naTenzi pamaiva vatera muri pakati pavaIjipita. Naizvozvo munofanira kuitirawo vamwe mwoyo munyoro zvikuru sei vatera.
Chiverengo chechipiri
Chiverengo chechipiri chiri kuratidza rudo ruri muzviito pakati pavaKristu veTesaronika. Mushure mokugamuchira rudo rwaMwari rwavakaparidzirwa naPauro nevamwe vake vakazarura mwoyo yavo kuti vagamucchire Shoko Rakanaka uye vakararama upenyu hworuenzaniso. Simba raMweya Mutsvene ndiro rakavagonesa kuparadzira rudo rwaMwari munharaunda yakavakomberedza.
Shoko Rakanaka
MuShoko Rakanaka Jesu ari kubvunzwa kuti mutemo mukuru ndeupi. Anoti Mutemo mukuru kuda Mwari uye kuda mumwe wako. Anoita seari kuti haugoni kuda Mwari usingadi muvakidzani. Mitemo miviri iyi haigoni kupatsanurwa. Asi kuti munhu azadzise mitemo miviri iyi anofanira kuva anozvidawo iye pachake.
Rudo ndohwaro hwoupenyu hwechiKristu. Kuda Mwari nomwoyo wose zvinoreva kuti mwari ndiye anofanira kuva pamongo woupenyu hwako. Kana Mwari ari pamongo woupenyu hwako zviri nyore kuteedzera mutemo wepiri unoti ida mumwe wako Mumwe mutori wenhau wechirungu akaenda kunoona mabasa anoitwa naMai Teresa vokuKarikata. Vakaenda kumba inochengeterwa vakwegura. Mutori wenhau uyu wechidiki akatarisa Mari Teresa vachigeza nokusunga maronda emumwe murume. Akashamiswa akati, ‘Ini handimboita basa iri nyange ndikapihwa $10, 000 pamwedzi.’ Mai Teresa vakati, ‘Chero ini handimboshandira mari yakadaro. Ndinozviitira rudo.’ Kana tiine rudo naMwari hazvinei kuti basa ratiri kunzi tiite rakaoma sei uye rinorwadza sei.
Rungano
Pane imwe hurudza yomurimi yaigarohwina mubairo pamakwikwi embeu dzakasvika. Chaishamisa vamwe ndechekuti hurudza iyi yaipota ichipa vamwe varimi vakakomberedza mbeu dzakasvika sezvipo. Vafereferi venhau vakamusvikira vakamubvunza vachiti, ‘Munozvigona sei kugoverana mbeu yenyu yakasvika yechibage nevamwe vamunoita makwikwi navo?’ Continue Reading
© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Jesu ari kuti, ‘Unofanira kuda muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’ Asi chokwadi chiripo ndechekuti tinogona chete kuda vamwe kana kana tikazvida pamwe nokuzvigamuchira. Haugoni kupa zvausina. Haugone kupa rudo iwe uchizvivenga. Anozvivenga anopa ruvengo. Anozvishora anoshora vamwe nokuona zvakaipa mune vamwe.
Pane rungano rwomukweguri aive agree pabhenji kumucheto kwetaundi paakasvikirwa nemueni. ‘Vanhu vemuguta rino vanhu vakaita sei?’ akabvunza mweni.
‘Vanhu vekwaunobva vanhu vakaita sei?’ Mugweguri akabvunzawo.
‘Vanhu vane mwoyo munyoro, vanotambanudza maoko uye vasingazezi kuitira.’
‘Ndinofunga kuti uchaonawo vanhu vemuno vakaitawo saizvozvo.’
Munguva pfupi yaitevera pakasvika zvekare mumwe mweni akabvunza, ‘Vanhu vemuguta rino vanhu vakaita sei?’
Mukweguri akapindur, ‘Vanhu vekwawabva vakaita sei?’
‘Kwandabva hakuiti zvachose’ akadaira ‘Kukutaurirai chokwadi, ndatofaara kubvako. Vanhu veko vanonyima, vaneutsinye, hapana ane hanya nemumwe.’
‘Ndineurombo kukuudza kuti uchaona kuti vanhu vemuno ndozvavariwo’ akapindura mukweguri.
Rungano urwu runotiratidza kuti tinoona vamwe vanhu kwete sezvavari asi sezvatiri. Kana tikaona zvakaipa mune vamwe zvinoreva kuti hatigutsikane nezvatiri. Munhu asina rugare mumwoyo make anoparadzira mhirizhonga kune vakamupoteredza. Kana tikasazvida nokuzviyemura hatigone kuda nokuyemura vamwe.
Haugoni kubhururuka usina mapapiro. Haugoni kukura usina midzi. Hatigone kupa madziya kune vamwe kana isu tisina madziya orudo. Tinogona kuda nouwandi hworudo ruri matiri. ‘Ida mumwe wako sokuda kwaunozviita.’
Haugoni kubhururuka usina mapapiro. Haukwanise kukura usina midzi. Hatingapi madziya kune vamwe kana zvoto zvedu zvakatonhora uye zvisina chinhu.
Kazhuinji tinonzi tikanganwe marwadzo edu atakasangana nawo. Asi tingadzidze chii kubva kumarwadzo aya kana tikaakanganwa? Ndangariro dzokurwadziswa dzinogona kutibatsira tikadzidzora nomazvo. Pane zvinhu zviviri zvatinogona kutaura. Tinogona kuti ‘Tinoziva chinonzi marwadzo naizvozvo hatigone kubvumidza kuti zvimwechete zviitike kune vamwe’ ana kuti ‘Takarwadziwa saka tinekodzero yokurwadzisa.’
Vamwe vanoti mwoyo munyoro haudzidzwi pasina kutambura. Asi vamwe kutambura kwavo kunotoomesa mwoyo yavo. Vana veIziraeri vari kuti ndangariro dzenyu ngadzipfavise mwoyo yenyu.
Nguva younhapwa muIjipita yakanga iri nguva yakaomesesa munhoroondo yavana veIziraeri. Zvakavatorera nguva ndefu kuti vapunyuke. Zvisinei nezvakaitika vari kunzi yeukai, musakanganwe. Sei? Nokuti upenyu hwavo hwava nani. Vave nedzimba dzavo. Vave namambo wavo namauto avo. Asi pakati pavo pane vatorwa vakawanda, varombo vakawanda, nherera dzakawanda neshirikadzi dzakawanda. Vanhu ava havana simba, vatera. Ndosaka vana veIziraeri vari kunzi idai vamwe – vapoteri, vatorwa – munhu wose asina kodzero yavagari venzvimbo. Itai izvi nokuti imi pachenyu maivawo vatorwa. Musakanganwe vashoma. Musakanganwe kuti imiwo makabva mumagariro akadai.
Pane rungano rwomukweguri aive agree pabhenji kumucheto kwetaundi paakasvikirwa nemueni. ‘Vanhu vemuguta rino vanhu vakaita sei?’ akabvunza mweni.
‘Vanhu vekwaunobva vanhu vakaita sei?’ Mugweguri akabvunzawo.
‘Vanhu vane mwoyo munyoro, vanotambanudza maoko uye vasingazezi kuitira.’
‘Ndinofunga kuti uchaonawo vanhu vemuno vakaitawo saizvozvo.’
Munguva pfupi yaitevera pakasvika zvekare mumwe mweni akabvunza, ‘Vanhu vemuguta rino vanhu vakaita sei?’
Mukweguri akapindur, ‘Vanhu vekwawabva vakaita sei?’
‘Kwandabva hakuiti zvachose’ akadaira ‘Kukutaurirai chokwadi, ndatofaara kubvako. Vanhu veko vanonyima, vaneutsinye, hapana ane hanya nemumwe.’
‘Ndineurombo kukuudza kuti uchaona kuti vanhu vemuno ndozvavariwo’ akapindura mukweguri.
