Minyengetero

Dandemutande reminamato yeChiKatorike

  • Tibatei
  • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mwaka woKutsanya
    • Pasika
    • Mwaka weKisimusi
    • Mazuva Makuru
    • Zvinyorwa
  • Minamato
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yePakati peZuva
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Rusariro
      • Rusariro rweMisodzi
      • Rusariro rwoKusunungurwa
      • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yoKuzvipira
    • Minamato kuvaTsvene
    • Utatu Utsvene
    • Manovhena
    • Madetembo
  • Muteuro weMisa
  • Masakaramende
    • Masakaramende Manomwe
    • Reururo
    • Mabhuku
  • Kurudziro
    • Kurudziro
    • Mikumbiro
    • Mitsara
    • Nhetembo

Kurera Vana

Posted by MC on December 17, 2017
Posted in: Nyaurwa, Zvinyorwa. Leave a comment

© Musakope nhaurwa iyi musina mvumo

Parenting

Haano mamwe mazano eChiKristu anobatsira pakurera vana vechidiki:

Ida mwana wako

Rudo runogona kuratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana. Zviito nemafungiro atinoratidza kune vechidiki vedu zvinoreva zvakawanda kupfuura mazwi atinotaura. Zvisinei, usakanganwa kuudza mwana wako kuti unomuda. Zvinoita sezvisina kufanira kuti ‘Ndinokuda’ kumwana wako achiri kuyaruka, asi zvichareva zvakawanda kwaari mumakore anotevera paanoyeuka zvawaisitaura.

Ona mwana wako neziso rorudo nguva dzose. Usagumburwe netwose twaanokoniwa. Kana akanganisa tsvaga nzira dzokukurukura naye dzinoita kuti pasave neanosara akagumbuka pakati pako naiye. Kurukura murudo!

Remekedza mwana wako

Ratidza ruremekedzo rwako mumatauriro ako naye uye pamatauriro ako pamusoro pake. Taura zvakanaka pamusoro pake, pamberi pevamwe vanhu vakuru uye vezera rake. Mwana wako kazhinji anenge akatarisa uye achiteerera. Achazviona pauchange uchitaura zvine ruremekedzo pamusoro pake.

Kunyange iwe uri mukuru pamafungiro nemanzwiro kupinda mwana wako hazvirevi kuti unofanira kumutonga nekumunyomba nguva dzose. Zvakare usatamba uchituka nokuti mwana mudiki kanzinji haazvione sokutamba. Muremekedze nguva dzose.

Iva nemitemo mishoma yakajeka

Imwe nzira yokuremekedza mwana ndeyekuva nemitemo yakanaka yakajeka. Izvi zvinopa miganhu. Zvinoita sokunge hatidi mitemo asi chokwadi ndechokuti munhu wose anoda kuziva zvinotarisirwa nezvisingatarisirwi. Iva nemitemo yakajeka. Zvinonetsa kuziva mitemo inoshanda mumhuri dzakasiyana asi vamwe vanoti kumwana

‘Unofanira kuva pamba na6 dzamanheru nyange zvodii. Kana uchida kudarikidza nguva idzi unofanira kukumbira mvumo kana kutsanangura chikonzero chokuti sei usingagoni kuva pamba panguva iyoyo.’

Mutemo wakadai unodzivirira mwana wako kubva mumatambudziko mazhinji. Uyewo iwe unenge uchinyatsoziva kune mwana wako uye kuti anani. Zvakare unenge uchiratidza ruremekedzo kumwana wako nokuti unovimba naye. Izvi zvinoitawo kuti shamwari dzavana vako dzivaremekedze nokuti vanoziva mitemo isingatambwi nayo.

Usaise mitemo yokupenga

VaEfeso 6 inoti haufaniri kutsamwisa vana vako (6: 4). Izvi zvinoreva kuti usavhiringidza vana. Mitemo yeupenzi isina anonzwisisa kana isinganzwisisiki inongogumbura vanotungamirirwa nayo.

Tara mibairo yokusateerera

Paunoisa mitemo unofanira kutaurirana navama kuti ndeupi mubairo wokusateerera. Wirirana pamwe navana kuti mugumisiro wokutyora mutemo ndeupi. Unogona kushamiswa kuti vanozvipa chirango chakakura pachavo. Unofanira kuchengetedza mitemo iyi sokuwirirana kwenyu. Izvi zvinoita kuti mwana asavhiringidzika. Mwana wako anofanirwa kuziva kuti pane mubairo wokusareerera. Kana mumwe wevana vako achirangwa mumwe asingarangwi unovhiringidza vana vako uye vanomira kukuremekedza nokuremekedzana.

Taurirana navo

Taura nemwana wako. Tsvaga nzira dzokuti mukurukurirane. Mwana havazombofa akauya kuzopihwa mazano newe kana nguva dzose pamunotaura uchimuudza zvekuita, ‘geza ndiro,’ ‘Wacha hembe’. Tsvaga nhanganyaya dzakaita sokuti, ‘Madzidzei nhasi kuchikoro?’ Ziva kuti mwana wako anofarirei. Kana achifarira bhora potai muchitaura izvi uchiratidzawo ruzivo rwebhora. Ivai nenyaya dzakafanana dzokukurukurirana. Teerera. Mupe nguva yokutaura. Kana ukaita maziva zvose uchimugadzirisa pose paanotaura achavhara nzeve. Haazode kutaura newe futi. Ukamuteerera uchashamiswa kuti zvakawanda zvaunogona kudzidza kubva kwaari.

Iva muenzaniso wakanaka kumwana

Iva muenzaniso wemararamiro aunoda kuti vana vako vaite. Taura zvakanaka kune vamwe uye pamusoro pevamwe. Kana ukapedza usiku hwose uchigunun’una pamusoro pemashandiro abhosi wako kumwana wako achagarawo masikati ose neshamwari dzake achigunun’una pamusoro pemashandiro aunoita pamba pako.

Mudzidzise kuda Mwari

Mugamuchidze ukama hwako naMwari. Mwana anopinda muhukama naMwari nekuda kwezvidzidzo zvaanodzidza kubva kuvabereki vake. Goverana rudo rwako kuna Mwari nemwana wako.

Kurudzira mabasa ake akanaka.

Vechiduku vanoda kutsigirwa. Paanenge achitsvaga rusununguko anodawo kuziva kuti anogamuchirwa uye anodiwa. Murumbidze kana achiita zvakanaka. Zviri nyore kugara mumba mumwechete pasina kutaurirana. Kune vakawanda vanotaura nemwana bedzi kana paita dambudziko. Usaita ukama hwakadai nemwana. Tsvaga nzira ndokukurudzira maitiro ake akanaka uye sarudzo dzake dzakanaka.

Tora nguva nemwana wako

Vabereki vakawanda vanokanganisa nokusapedza nguva nevana vavo vachiri kuyaruka nokuti vanofunga kuti vechidiki vavo havadi kupedza nguva navo. Ichokwadi neimwe nzira, asi vechidiki vanodawo nguva yokuonana uso nouso nevabereki vavo. Zvisinei nekuti vechidiki vasvika pazera rokuvavarira kuzvimiririra vanoda rubatsiro runoita kuti vanzwe kuchengetedzwa nokusimbiswa zvinobva pakutora nguva nevabereki vavo. Famba-fambai pamwechete, idyai pamwechete, endai kunoona firimu pamwechete … kana ukasaita izvi mwana wako achaona sokunge usina hanya naye.

Usatungamidza zviitiko kupinda ukama

Vabereki vazhinji vanopedzera simba pakunangana nepurogiramu yemwana. Vabereki ava vanoda kupa vana vavo mikana yavasina kukura nayo asi zvinoshata kana zvido zvemwana zvikakurira mararamiro emhuri.

Vabereki vanofanira kutungamidza ukama hwemhuri naMwari, asi zvinosuruvarisa ndezvekuti izvi zvinowanzotsvetwa zvichinzi tinoda kubatsira mwana kuenda mberi noupenyu, kubudirira. Musarega mitambo yemwana ichiparadza upenyu hwemhuri.

Usajaidza mwana

Tose tinoedzwa kuti tifunge kuti kuda vana vedu zvinoreva kuita zvose zvatinokwanisa kuti vave nemikana yose uye vave nezvinhu zvose zvatisina kukura nazvo isu pachedu. Aya mafungiro anotyisa. Kazhinji tinopedzisira tave nevana vanozvikudza, vanopedzera simba pane zvisina maturo uye vasingatendi. Kazhinji vabereki vane vavariro dzakanaka mukujaidza vana nezvose. Mari yose yatinovapa nezvinhu zvose zvatinovapa zvinogona kuita kuti vasambogutsikana uye vatoramba vachida zvimwe. Chinodiwa nemwana hazvizi zvinhu zvakawanda asi nguva norudo. Pane zvinhu zviviri zvinogona kukanganisa munhu muupenyu zvinoti ‘Kuwana mari yakawandisa nekuwana mikana yakawanda.’ Vabereki vanogona kuparadza mwana nekumupa zvinhu zviviri izvi.

Kurudzira mwana kuenda kuchechi

Mwana haagone kukura muchitendero kana asingazvibatanidze nerimwe boka revechidiki kana chechi. Hapana wechidiki anogona kubudirira mukutenda kwake pasina zvinhu izvi zviviri zvinomutsigira. Somubereki, nyaya yokupinda muboka revechidiki kuchechi nokuenda kuchechi kwemwana haitauriranwe, zvinofanira kuitika. Usangonangana nezvechikoro nemitambo yemwana usingakoshese chitendero chavo. Unokohwa zvawakadyara. Ukadyara mwana anechitendero unokohwa izvozvo.

Iva nemwoyo murefu.

Ichi ndicho chinetso chikuru kuvabereki vamazuva ano. Vanotarisira kuti mwana ashanduke nenguva pfupi-pfupi kana achinge atsiurwa, asi chokwadi ndechekuti zvinotora mwedzi kana makore akawanda kuumba mwana. Panguva iyoyi, kushivirira, kutsamwa, uye utsinye zvinogona kuparadza ukama nekukurukurirana kwako nemwana. Unogona kugadzirisa maitiro ake kwechinguvana, asi unorasikirwa nemoyo wake. Iva nomwoyo murefu.

Mutsvagire kabasa kekuita

Tsvagira mwana basa rekuzvipira kana rinobhadharwa kuti aite. Kana mwana akabuda kunze, akaita basa rinomunetesa anova munhu musvinhu akayaruka. Anozviwanira kamari oona kunetsa kunoita mari asiwo anowana mukana wokutsiurwa nevamwe vanhu vakaita sabhosi wake nevashandipamwe. Izvi zvinokupawo nguva yorugare!

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Mazano pakati pokurambana

Posted by MC on December 11, 2017
Posted in: Muchato noUkama. Leave a comment

Nhanganyaya

MaKristu akawanda haadi kutaura nezvekurambana. Vazhinji vanosarudza kunyarara pamusoro penyaya iyi. Vanonyepedzera sokuti nhau iyi haipo.  Zvinoita sokunge vazhinji vanonyara nokuzvione sevakakundikana  nemhaka yokurambana.

Zvinoitika

Kurambana kunowanzoitika mushure mekunge matambudziko atora nguva refu asina kugadziriswa. Nokuti vazhinji vanokundikana kukurudziridza hukama hwakanaka, uye kusava nemanzwiro kana kukura mumweya, ukama hunopera. Zvisinei, isu tose tiri vanhu naizvozvo kurambana kunoitika saka tinofanira kutarisana nazvo. Hatifaniri kuhwanda nokutya kunyadziswa pamusoro penyaya iyi, asi kuti tinofanira taura pachena pamusoro pechinetso ichi.

Mazano

Hapana chinhu chinorwadza kudarika kurambwa nemumwe wako. Haano mashoko angu pamusoro penyaya iyi:

 

Hazvina kupera kusvika zvapera

Kutanga, yeuka kuti wanano yako haina kupera kusvikira mapepa asayinwa, uye zvakawanda zvinogona kuchinja pakati pokunge muri munzira yokurambana nokunge mapepa okurambana agadzirira kusayinwa. Kunyange zvazvo ndisingadi kukupa tariro yenhema, dzimba dzakawanda dzinogona kuponeswa kana mamwe matanho atorwa, uye dzimwe mhingidzo  dzabviswa.

Inguva yedzidzo

Chechipiri, iyi inguva yekudzidza. Inguva yekufungisisa nokunamata kuti sei murume wako kana mudzimai wako akakusiya. Inguva zvekare yokuedza kugadzirisa zvose zvakaitika sokugona kwako uchivavarira kunjinja paunofanira kusanduka. Ndinovimba unenge watorawo nguva yokubvunza murume wako kana mudzimai wako zvikonero zvakaita kuti ade kuti musiyane. Unofanira kuteerera zvakanyatsonaka zvikumbiro zvake, uchivavarira kusamupomera mhosva pakurambana kwamakaita. Izvi hazvirevi kuti unofanirwa kugamuchira zvose zvaanotaura, asi mafungiro akazaruka uye chido chokudzidza zvichakubatsira zvikuru.

Ruramisa

Chechitatu, kana wadzidza pako, uye waona nyaya dzinofanira kugadziriswa, chivamba rwendo rworuramisa. Unoda rubatsiro rwemhizha, usangobata woga nyaya kurasikirwa nomumwe wako; mhizha inokubatsira mukugadzirisa zvakakodzera. Kana imba yako ikasapona, uchange wakagadzirira kurapwa uye kufambira mberi.

Ratidza zvakanaka zvoga

Chechina, ita musangano wose waunoita naye ufambe zvakanaka pasina kunetsana. Kusangana kose kwauchaita nemumwe wako kunowedzera rudo kana kurutapudza. Maererano nechimiro chomuchato wako unoda kuti misangano yose yamunoita itutsire zvakanaka zviri pakati penyu. Nokudaro, paunenge uchifamba nzira iyi yokuparadzasa kana kurambana, muratidze divi rako rakanakisisa. Nditenderei, achazvicherechedza kana kuti achazviona.

Usatambisa mikana yokusangana

Chechishanu, edza kusava nehanya uye huipi. Zvakare, musangano mumwe nomumwe wauchaita naye wakakosha. Kana achiri kuona vana panenge pachiri nemikana yekubatana naye. Chero usingadi kunyanya wakanyanyisa-shingaira, sarudza nguva isati yasvika kuti unoda kuonana naye sei. Bata hana yako uchichenjerere kurega kuita kuti kusangana uku kuzadze noruvengo.

Yeuka zvakare kuti murume wako kana mudzimai wako ari kutamburawo uye ane mibvunzo yakawanda. Dzimwe nguva tinongofunga kuti nyakurambwa indiye ari kurwadziwa tisingaone kuti nyakuramba ari kurwadziwawo kutarisana nenguva dzakaoma zvakare. Kumunzwira tsitsi kunogona kuva bhiriji pakati penyu muri vaviri.

Kana murume wako achitaura pamusoro pekuwana makoti, mukurudzire kuti avambe zvishoma nezvishoma. Mupe nguva yekufungisisa pamusoro penyaya uye yekuona zvekuita. Unogona kumubvunza kana achida kuti mupiwe rubatsiro nemhizha musati marambana zvachose kuitira kuti muwane nguva yokufunga zvakajeka.

Tsvaga rubatsiro

Chechitanhatu, tsvaga rubatsiro. Rubatsiro rwana mazvikokota runofanira kutsvagwa panguva yakaoma kudai – kwete senzira yekumumanikidza kuita zvaunoda iwe, asi senzira yekutsvaga zvingangoita (mhinduro). Muongorori wepfungwa kana mumwewo mubatsiri akadzidzira basa rake anogona kukubatsira kana kukubatsirai mose pakugadzirisa imba yenyu, kana kuti kuparadzana nenzira yakatinakei.

Nyengetera pamwe neshamwari

Pakupedzisira, shandisa shamwari dzinokutsigira kuti dzibatana newe kunyengeterera wanano yako. Pane imwe nguva yaunonzwa kuti hauna rubatsiro, panguva yakadai turira murume wako nevana mukunyengetera. Panguva yakadai yamanzwiro akawanda unoda kuchengetedzwa kweshamwari, uye ukama hwako kuna Tenzi. Izvi zvinokubatsira kuwana rugare pakati pemhepo dzose idzi.

Kunyange ndichida kugumisa nyaya ino nokukupa tarisiro ndinoziva kuti haisi michato yose inobudirira. Vakawanda vanokundikana vachisara nemarwadzo uye pachigoma pava nemhirizhonga. Zvakadaro tine tariro iyi: shure kwerima rousiku, mufaro unouya mangwanani. Kana ukasangana nechiitiko chokurambana unogona kuunganidza shamwari dzinofamba newe kuenda kune rimwe divi, uko kwaunowana mikana ykuvamba upenyu utsva.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

KUSHUGURUDZIKA MUSHURE MOKUFIRWA

Posted by MC on December 11, 2017
Posted in: rufu. Leave a comment

Nhanganyaya

Uri kunetseka nekuchema nekusuwa here? Zvichida munhu waunoda akafa … kana kuti mudiwa wako akakusiya … Hazvina mhosva kuti kurwadziwa kwako kwakadzika sei, Mwari anogona kukubatsira kuwana nyaradzo uye tariro.

Chokwadi Pamusoro Pokuchema

Kunzwisisa chinonzi kushungurudzika kunogona kutibatsira kutarisana nekurasikirwa, kufirwa. Kushungurudzika inzira yechirikirwo, nzira inehutano inoita kuti tigone kupora kubva kumaronda anorwadza mupfungwa. William Cowper, munyori weChirungu akati, ‘Kusuruvara mushonga pachawo.’ Vanhu vangati, ‘Usachema; mudiwa wako ari kudenga.’ Ichi chingava chokwadi asi zvakakosha kusangana nemarwadzo ekurasikirwa. Hatifaniri kuzvipa mhosva pamusana pokuchema kwedu nokuti ichi chikamu chinokosha chenzira yaMwari yekutiporesa.

Maitiro okurwadziwa akaita seyambuko yegungwa rine dutu. Apo patinosangana nekurasikirwa kwakakura tinotanga kupinda mune dutu remanzwiro akawanda. Tinonzwa setakakomberedzwa nerima uye mafungu makuru ekutambudzika. Mashoko enyaradzo anovhungwa neruzha rwemhepo yekusuwa. Tinonzwa kusurikirwa uye tinoshaya simba rokupora.

 

Rwendo urwu rwekushungurudzika rwune zvikamu zvina:

Kuvhiringidzika – Mumazuva nemavhiki angenge achangotevera kufirwa, manzwiro anowanzosanganisira chiveve, kuita sokunge zviri kuitika zvisiri zvechokwadi uye kuita sokunge uri muubatwa hwehope dzakaipa.

Chokwadi – Chokwadi chokurasikirwa pachinenge chavakudzika muhana, kushungurudzika kunotanga kudzikawo mupfungwa, pamwe chete nekuchema uye mamwe maitiro ekusuwa.  Kusurukirwa uye kuora mwoyo kunogonawo kuitika.

Mhinduro – Hasha, dzinounzwa nemanzwiro ekusiyiwa uye ekushaya simba dzinogona kunangiswa kumhuri, shamwari, vanachiremba, uyo akafa kana kuna Mwari. Zvimwe zvinowanzoitika zvinosanganisira kusanzwisisika, kusava nehanya, uye kuzvipa mhosva pamusoro pekufunga kuti uri kukundikana.

Kupora – Pakupedzisira, pane kudzokera pakare kana kuti kupora zvishoma nezvishoma. Iyi inguva yekugadzirisa mamiriro matsva muupenyu.

Zvikamu izvi zvinosiyana muhupenyu hwemunhu mumwe nomumwe saka hatifanire manikidzira zvikamu izvi kune vamwe. Vamwe vanhu vanoda gore kana makore maviri, asi vamwe vanogona kutora nguva shoma. Mazororo, zviyeuchidzo uye mazuva ekuberekwa zvinogona kukonzera kuti ndangariro dzokushungurudzika kukuru dzidzoke zvikuru mugore rokutanga.

 

Kuporeswa kwemwoyo wakarwadziswa kwakafanana nekuporeswa kwegumbo rakakuwara. Kumhanyisa nzira yokupora kunogona kukanganisa kupora kwakanaka. Kana tikabvisa mabhandeji bhonzo rakakuwara risati rasimba zvokugona kutakura mutumbi wose kupora kunogona kunonoka. Kushungurudzika kukasiyiwa kusina kugadziriswa kunogona kukonzera kuora mwoyo, kudhakwa, kushandisa zvinodhaka, kana zvimwe zvinetso zvakakomba.

Maonero aMwari

Muparidzi 3: 1, 4 inoti ‘Zvinhu zvose zvine nguva yazvo, pane nguva yezvinhu zvose pasi pedenga: nguva yekuchema, nenguva yekuseka; nguva yekuchema, nenguva yekudzana.’ Nyaya zhinji dzeBhaibheri dzinoratidza kuti Mwari anonyaradza vanhu vake munguva dzekusuruvara nekurasikirwa. Jobho akabatirira zvakanyanya panaMwari zvisinei nekurasikirwa kukuru uye zvisinei neshamwari dzisingabatsiri. Dhavhidhi, murume aida Mwari, akachema pachena rufu rwemwanakomana wake.

Jesu ndiye muenzaniso wedu wakanaka wekubatanidza kutenda nekutambudzika, sezvakaratidzwa muna Johani 11: 1-45. Paakaona Maria naMarita vachirwadziwa nekuda kwokufa kwehanzvadzi yavo Razaro akachema nekugomera. Kunyange zvazvo Jesu aiziva kuti akanga ava kuda kumutsa Razaro kubva muvafi, akaramba achizvibvumira kuratidza kunzwa kushungurudzika.

Tinogona kunyaradzwa nekuziva kuti Jesu akasangana namarwadzo edu ose, kusanganisira kurasikirwa, kurambwa, kutengeswa, nekufa. SeMuponesi wedu uye Mudzikinuri, akaenda nezvitadzo zvedu zvose pamuchinjikwa uye anotikanganwira patinokumbira. SeMufudzi wedu Akanaka, anotitungamirira nekutichengetedza ‘nomumupata wemumvuri worufu’ (Mapisarema 23: 4b). Yeuka kuti mumvuri unoratidza kuti kune chiedza kune rimwe divi!

Kutenda kwakadzika munaKristu hakutitadzise kushungurudzika apo mutendi anofa, asi kunoita kuti tisuruvare zvine tariro! KuvaKristu, rufu inzira inoenda kuhupenyu husingaperi (ona Johane 5:24). Pauro akati, ‘Kurarama ndiKristu, uye kufa kupfuma’ (VaFiripi 1: 21b). Akati zvakare, ‘Ndinoda kuti uzive zvichazoitika kuvaKristu vakafa kuitira kuti urege kuzozadzwa nekusuwa sevanhu vasina tariro. Nokuti sezvo tichitenda kuti Jesu akafa uye akamutswa zvakare, tinotendawo kuti Jesu paachadzoka, Mwari amuchadzosa pamwe chete nevaKristu vose vakafa’ (1 VaTesaronika 4: 13b-14).

 

Vanhu vane chinangwa chakanaka vangati, ‘Jesu akatora mudiwa wako,’ asi izvozvo zvinogona kukonzera vanhu – kunyanya vana – kutsamwira Mwari. 1 VaKorinde 15:26 inoti rufu ndiye muvengi wedu wokupedzisira. Naizvozvo, tinogona kuti, ‘Rufu rwakatora mudiwa wedu kuenda naye kure nesu, asi Jesu akatora mudiwa wedu kubva parufu!’

 

Kana tisingazivi kane mudiwa wedu aisatenda muna Jesu, tinofanira kungotenda Mwari chete. Bhaibheri rinoti, ‘Ishe … akatitamburira kwenguva ndefu, asingadi kuti chero ani zvake aparare asi kuti vose vatendeuke.’ (2 Petro 3: 9). Mbavha yaive pamuchinjikwa yakatendeukira kuna Kristu mumaawa ekupedzisira ehupenyu (ona Ruka 23: 39-43).

 

Hatisingazivi zvinoitika mumazuva ekupedzisira emunhu paanenge ari pakati pehupenyu nerufu, asi Mwari ndiye anoita uye anosarudza kuti ndiani anopinda kudenga.

Mweya Mutsvene – anonziwo Munyaradzi (ona Johane 14:26, BH) – anogona kutipa rugare rwaMwari, kunyange mukati mekutambudzika. VaFiripi 4: 6-7 inotiudza kuti, ‘Musafunganya pamusoro pechinhu; asi muna zvose kunyengetera nekukumbira, nekuvonga, kumbirai kuna Mwari; uye rugare rwaMwari, urwo runopfuura kunzwisisa kose, rucharinda mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu kuburikidza naKristu Jesu.’ Rugare rwaMwari harubvi mumamiriro edu ezvinhu, asi runokubva mukuswedera pedyo Naye.

Jesu akavimbisa, ‘Vakaropafadzwa avo vanochema, nokuti vachanyaradzwa’ (Mateo 5: 4). Mwari anotitakura mumaoko ake orudo kuitira kuti atiporese moyo yedu yakakuvadzwa.

Kukunda kusuruvara

Kushungurudzika kunogona kukanganisa mafungiro, maitiro, manzwiro, hukama, uye hutano hwedu. Vanhu vanogona kushaya hope, kupera simba, kusava nenzara, kana kuita hanganwa. Tikaziva kuti izvi zvinowanzoitika pakuchema zvinotibatsira zvishoma kudzivirira manzwiro aya. Tinoita izvi kuburikidza nokushamwaridzana neshamwari, kubatana neboka rekunamata, kana kukumbira mufundisi wezvechiKristu kuti abatsire.

Chimwe chezvinhu chinoomera munhu akafirwa ndechekuvamba upenyu hutsva maererano nemamiriro matsva pasisina munhu waanoda akafa. Ndeipi nguva yakafanira kugova zvinhu zvemudiwa, kuchinja mararamiro, kana kuumba hukama hutsva? Tichawana mhinduro nokufamba kwenguva. Mwari achatitungamirira apo tinenge tichimutsvaga.

Heano matanho matatu murwendo rwekupora:

Kushungurudzika – Kunyange kushungurudzika kuchirwadza, tinofanira kurega kushungurudzika kuchiita tsika yedu. Kuramba kana kudzvanyirira marwadzo kunogona kukonzera matambudziko emupfungwa.

Kutenda – Tinofanira kuisa kutenda kwedu muzvipikirwa zvaMwari, tichivimba kuti Baba vedu vekudenga vanonyatsoziva uye kuti kunzwisisa kwavo kwakakwana. Isaya 55: 9 inoti, ‘Nokuti sezvo matenga akakwirira kudarika nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, uye ndangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.’

Gamuchira – Mwari vanoda kutinyaradza, asi tinofanira kusvika pakugamuchira. Nokunyengetera uye kufungisisa paShoko raKe, tinogona kuwana nzvimbo pamberi paMwari paanotimbundikira namaoko ake sababa vane rudo vanonyaradza mwana ari kurwadziwa.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

KUSATENDESEKA MUUKAMA

Posted by MC on December 11, 2017
Posted in: Muchato noUkama. Leave a comment

CHIKAMU CHOKUTANGA: ZVOKUITA KANA MUMWE ATADZA KUTENDEKA

Nhanganyaya

Ngatiitii uchangobva mukuona kuti mudiwa wako akanga asina kutendeseka. Nhau dzekusatendeseka kwake dzaita semurwi wevidhina wawodzvorerwa pauri. Imba yako yave munjodzi yokuparara. Asi norumwe rutivi, mose munogona kukwanisa kushanda pamwe chete kuti muyanane zvinhu zvinake.  Unogona kuva netariro kuti imba yako inogona, asi pfungwa yezvakaitika ichiri yakakuputira.

Zvinonzwisisika kuti somunhu wose iwe unoda kuziva kuti sei mumwe wako aibiridzira, asi hapana mhinduro yakajeka yokuti nei mumwe wako asina kutendeka. Zvinogona kuva chiratidzo chemamwe matambudziko ari mumuchato wako, zvinogona kuva nechekuita nenhoroondo yewakaroorana naye, zvinogonawo kusava nechekuita newe kana kumuchato wako. Pamwe haumbofa wakanyotsoziva chokwadi chezvakaitika.

Pane zvinhu zvakati kuti zvaunogona kuita kuti usanyanyorwadziwa, uregerere mumwe wako uye ununure muchato wako:

Ongorora mviro-mviro yekusatendeseka uku

Usachimbidza kuita sarudzo yokudimbura muchato wako nekuda kwekuti haana kutendeka. Ino ndiyo nguva yekufungisisa pamusoro pemuchato wako kuti uone kuti ndezvipi zvimwe zvinhu zvimwe kunze kwekusatendeseka kwake zvinofanira kuongororwa uye kugadziriswa.

Gamuchira manzwiro ako

Kunzwisisa kuti manzwiro ako haanganzi akanaka kana kuti akaipa. Gamuchira kuti manzwiro ako ekutsamwa, kusava nechokwadi, kushungurudzika, kutya, kurwadziwa, kuora mwoyo uye kuvhiringidzika pamusoro pokuva nemudiwa asina kutendeka anowanikwa. Ziv zvakare kuti uchange uine manzwiro akasiyana-siyana akawandisa kwemwedzi inotevera pamwe gore rimwe kana maviri chaiwo.

Zvichengete

Edza sokugona kwako kuzvichengeta. Kusatendeka kwomumwe wako kunogona kuti uite zvimwe zvinhu zvakaita sokushushikana, kusava nechokwadi neramangwana, kunetsekwa kurara (kurara zvishoma kana zvakanyanya), kunetseka kuisa pfungwa pamwechete uye kusada kudya kana kudyisa.

Ita zvakaenzerana

Kurarama upenyu hwakaenzerana ndicho chinhu chinoita kuti ukunde kusatendeseka kwakaita mumwe wako. Shingirira kudya kudya kuneutano, kuteedzera urongwa hwako, kurara nguva yakafanira, kuita zvinosimbisa muviri zuva nezuva, kunwa mvura yakawanda, uye kufara.

Nakidzwa

Hapana chakaipa kutamba nokuseka. Tarisa mafirimu anonakidza kana zvimwe zviratidzo zveChivhitivhiti. Tora nguva nevanhu vanokuita kuti unyemwerere. Ziva kuti upenyu hunoenderera mberi zvisinei nekuora mwoyo uye kusatendeka kwemumwe wako.

Kuchema kwakakunakira

Misodzi ine utano zvakare. Kana misodzi yako iri kunetsa kubuda ridza mimanzu inokuchemedza kana kuona mufananidzo inosuruvarisa. Dzimwe nguva hapana chaunonzwa asi vavarira kuteerera manzwiro ako.

Nyora pasi

Tanga chibhuku. Nyora pasi pfungwa dzako nemanzwiro ako pamusoro pokusatendeka kweumwe wako.

Bvunza mibvunzo yose

Bvunza mibvunzo yose yaunoda. Taura nemumwe wako nezvekusatendeka kwake. Zvisinei, iwe unofanirwa kubvuma kuti mumwe wako anogona kuva asingazivi kuti nei akatadza kutendeseka kana kuti anenge asina kusununguka kukubudira pachena.

Tsvaga mazano

Tsvaka mazano. Usafugura hapwa kune vose vaunosangana navo kuti mumwe wako haana kutendeseka. Nyatsosarudza noungwaru kuti ndiani wauchagovera naye nyaya yako. Kuziva chikonzero chakaita kuti mumwee wako asatendeseke kunoita kuti zvive nyore kuti uwane nemhinduro yemibvunzo yaunenge uinayo. Zvakangoitika usiku humwechete zvikapera here? Zvakaitika mushure medambudziko guru muupenyu hwake here? Zvekusatendeseka mugariro wake here? Chakanga chiri chiito chokutsiva here? Akazviita nechinangwa chokudimbura muchato here? Pasinei nechikonzero chaakazviitira, tsvaga rubatsiro rwenyanzvi.

Rarama zuva rimwe nerimwe

Tora zuva rimwe nerimwe sokuuya kwaro. Iwe nomumwe wako munofanira kuongororwa AIDS/HIV nezvimwe zvirwere zvinotapurirwa nebonde musati madzokore kuita zvepabonde musina kudzivirira.

Gadzira miganhu

Funga nezvemiganhu yaunoda mumuchato wako kuitira kuti urambe urimo. Unogona kuda kuti nyaya yenyu inyorwe pasi namagweta.

Budira vana pachena

Vana vako vanoda kuziva kuti zvichanaka. Haugone kuvanza chokwadi chokuti uri kutarisana nekudengenyeka kwakanyanya kana kushungurudzika. Kubudira vana pachena chinogona kuva chinhu chakanaka  zvichienderana nezera ravo, asi usavadururire zvose. Uyewo, usavapa dzausingagoni kuchengeta.

Usaita tsika yokupa mhosva

Edza kusaita tsika yokupa mhosva pamusoro pokuti ndiani kana kuti chii chakakonzera kusavimbika. Unenge uchitambisa simba rako. Usapa zvekare mhosva kune vamwe vanhu. Hazvizogadziri chinhu. Uyewo, funga kaviri usati wataurira mhuri yako kana mhuri yemumwe wako nezvekusatendeka kwake. Nhengo dzomumhuri dzinowanzoita mataka anotora nguva yakareba kupera.

Ita zvinobatsira

Ita zvinobatsira. Ongorora mari yaunayo, nhau yepekugara, mafambiro nezvimwe. Zvinogona kuita kuti muchato wenyu unoguma wagurwa usingade uchida. Nyange zvazvo sangano richiti kurambana hakubvumirwe uye hakukurudzirwe unenge uchida kuva nechokwadi chokuti kuti uchagara kupi, kana kuti une mari here inozokukwanira pane zvaunoda.

Hausi mugumo

Kusatendeseka chimwe chezvinetso zvakaoma zvinosangana nevadikanwi. Hazvirevi kuti uyu ndiwo mugumo. Chakanyanya kukosha kuwirirana nemumwe wako kuti ndezvipi zvinhu zvatinofanira kushandura kuitira kuti muchato wedu ubudirire.

 

 

CHIKAMU CHECHIPIRI: DZORA CHIVIMBO

Nhanganyaya

Kubiridzirwa muukama hakufadzi zvachose. Mabatiro aunoita kunyengedzwa kwawakaitwa kunogona kukubatsira kupora nokukurumbidza. Haano mazano angakubatsire kukunda:

Sarudza kana uchida kudzora ruvimbo pakati pako nomumwe wako.

Kana mumwe wako asina kutendeka, kukanganisa kukuru kwekuvimbana. Ichi chinogona kuva chiratidzo kuti munhu uyu haana kukodzera kupinda muwanano kuye haakwanise kupinda muhukama hwakanaka. Kune rumwe rutivi, vanhu vakanaka vanoita zvisarudzo dzakaipa uye kana vanzwisa vachiratidza chido chokugadzirisa hunhu hwavo kuvaregerera kunogona kutoita kti pave ukama huri nani. Nerimwewo rutivi, kana usingakwanisi kuvimba nomunhu iyeyezve, hukama hwenyu hwakaparara. Zvimwe zvinhu zvinokosha zvinogona kukubatsirai ndezvizvi:

  • Mumwe wako anzwisa tsitsi nokuratidz kuti anoda kuchinja here?
  • Akaita zvokukuudza here kana kuti wakatozoita zvokuzvibata woga?
  • Zvinhu zvakadai zvakamboitika here, kana kuti mumwe wako akambovimbisa kusazvipamha asi zvakatowedzera?
  • Aya mamwe maitiro ehunhu hwake hwakaipa kwauri hwaanosiita here?
  • Mumwe wako akagadzirira here kuita zvinhu zvokuumbiridza ukama hwenyu zvakaita sekupihwa rubatsiro nenyanzvi, kurega basa raainaro, kana kuti muchinje pekugara etc?
  • Unonzwa uchida kuvimba nomunhu uyu zvakare here? Hapana mhinduro yakarurama kana isina kururama panyaya iyi. Zviri kwauri iwe wakanyengedzwa. Hazvina mhosva kana munhu akabiridzira asiri kuratidza kusuruvara, kuda kukagadzirisana nezvimwe zvakadaro – izvi kazhinji zvinobatsira kupedza nyaya.

Nzwisisa chikonzero chakaita kuti mumwe wako abiridzire.

Vanhu vanobiridzira nezvikonzero zvakawanda zvakasiyana uye hazvisi zvepabonde nguva dzose. Dzimwe nguva vanhu vanobiridzira nokuti vari kutsvaka kugadzikana kwepfungwa, kuedza pora mushure mekurasikirwa kana medambudziko, kana kutsvaga kupukunyuka munyatwa yeupenyu. Ichi hachisi chikonzero chokuti zvaitwa zvakanaka kana kuti zvinofanira kuitwa.

Usafungidzira kuti kunyengedza komumwe wako kwaiva pamusoro pekutsvaga bonde. Tsvaga kuti nei vakanyengedza usati waenda mberi. Edza kuudza mumwe wako kuti, ‘Ndinofanira kuziva kuti sei wakanyengedza uye wakazviita nani. Ndapota ndibudire pachena.’

Ngwarira kuti anogona kusaziva kuti nei akatadza kutendeka. Vanogona kunge vakanganwa, asi nyange vachiyeuka vanogona kusaziva chikonzero. Panogona kuva nezvikonzero zvaasiri kuziva iye pachake Nyange zvaakaita zvakaipa ziva kuti akati ‘Handizivi’ anogona kuva achitaura chokwadi. Zvimwe zvezvinhu zvinoita kuti munhu abiridzire ndezvizvi:

  • Kufarira munhu akasiyana.
  • Kuda kucherechedzwa, kufara, kana kuedza zvitsva.
  • Matambudziko mumba: kutadza kukurukurirana, kushungurudzika mumuchato, kupesana mune zvakawanda.
  • Kana vabereki vomumwe wako vasinawo kutendeka.
  • Kana mumwe wako achibva kuvanhu vanogamuchira tsika yokusatendeka.
  • Kurwara mupfungwa. Vanhu vanobiridzira hazvirevi kuti vanorwara asi zvirwere zvakaita se bipolar disorder nekushushikana vanogona kutada kuita sarudzo dzakanaka.

Ngaadimbure ukama nezvose zvaita kuti asatendeke

Kumbira kuti mumwe wako arege kukurukurirana nemunhu waakabiridzira naye. Munhu iyeye anofanira kushaika zvachose kuitira kuti hukama hwenyu hurambe huripo. Miganhu yakavhiringidzwa, uye inoda kusimbiswa pakare nenzira inochengetedza ukama hwenyu. Izvozvo zvinoreva kuti unofanira kuudza mumwe wako kuti aparadze hukama hwose nemunhu waakabiridzira naye. Izvi zvakaoma kana munhu uyu achishanda nemumwe wako kana kuti ari munhu waanoona mazuva ose.

  • Kana ukama hwacho hwaiva pakati pomumwe wako nehama yepadyo nyaya yacho inenge yakaoma. Rudo rwako nemumwe wako runenge rwavhiringidzwa asiwo ukama hwako nehwehama yako hunenge hwavhiringidzwa zvekare.
  • Kana mumwe wako isingadi kupedza kushamwaridzana nemunhu waakabiridzira naye chinogona kuva chiratidzo chokuti haasi kuda kurega kubiridzira. Kana zvadai ukama hwenyu hunonetsa kugadzirisa.
  • Kana munhu akabiridzira nemumwe wako achiramba achiuya muupenyu hwemumwe wako zvokumanikidzira mushure mokunge arambwa mungada kutsvaka rubatsiro rwemagweta.

Kurukuriranai

Kurukura nemumwe wako kana wakagadzirira. Kuziva kuti mumwe wako atadza kutendeka kunokonzera kuti unetseke mupfungwa zvakanyanya. Unogona kunge uchida nguva usati wataura nemumwe wako pamusoro pezvakaitika. Zvakakosha kukurukura nyaya yacho kuitira kuti ogone kufambira mberi muukama hwako, asi usazvimanikidza kukurukura nenyaya yako nemudiwa wako pakarepo. Tora nguva yako utaure nezvazvo apo unenge wonzwa kuti wagadzirira.

Kana mumwe wako akakumanikidza kuti utaure, taura mashoko akaita seaya, ‘Ndinonzwisisa  kuti iwe unoda kutaura, asi ndiri kurwadziwa ikozvino hanzikwanisi kuti nditaure pamusoro pezvakaitika. Ndapota ndiratidze rudo rwako nekundipa mukana nenguva.’

Hapana chakaipa kuratidza kunyatsotsamwa kwako. Une kodzero ykurwadziwa, kutsamwa, uye kushatirwa. Kuburitsa izvi pachena kune utano, sezvo zvisina kunaka kuti unyengedzwe uye mumwe wako anofanira kunzwisisa kuti zviito zvake zvakakubata sei. Ukatadza kutendeseka uye kubuda pachena maererano nezvaunonzwa zvinoreva kuti mumwe wako haawane mukana wokutarisana nechokwadi chezvaakaita, uyekuti zvakakurwadza sei. Kana akaedza kukudzivisa kana kukupa mhosva, ichi chiratidzo chokuti haasi kubvuma musva yake nemwoyo wose.  Unogona kumuudza mashoko akaita seaya, ‘Ndapota, ngatinanganei nezvawakaita.’

Isa miganhu

Isa miganhu pamusoro peukama hunoitwa kunze kwemhuri yako. Kusatendeseka kunowanzoitika kana pasina miganhu yakajeka inoremekedzwa muhukama hwevaviri. Une kodzero yokubuda pachena kuti miganhu yenyu ndeippi nyange mumwe wako aine zvikonzero zvaanoti ndizvo zvakaita kuti abiridzire.

Semuenzaniso, mumwe wako haafaniri kutaura nemushandipamwe pamusoro pako kana nezvemhuri yako. Iwe nemumwe wako munogona kushanda pamwe chete kunyora pasi zvausingade kuti zvitaurwe nevanhu vaanoshanda naye.

Ushamwari hwake navamwe vanhu haufanire kusanganisira bonde. Hapafanire kuva ne kutsvodana, kuita chiramu, kana kuita zvinhu zvinokonzeresa.

Haafanire kubuda ega nevanhu vanomuedza kuti asatendeke. Somuenzaniso, haafaniri kunwa nevanhu vasina kuroorwa kana kuroora. Izvi zvingaita sekuomeserana, asi zvinogona kubatsira kusimbisa kuvimbana kenyu zvakare.

Ziva kwaari

Kumbira mumwe wako kuti akuzivise kwaanenge ari zuva rose.Mumwe wako anofanira kunzwisisa kuti hapasisina kuvimbana saka unoda kuti muvimbane zvakare.  Nokuda kwechikonzero ichi unoda kuziva kuti mumwe wako aripi nguva dzose. Izvi zvingaratidzika sekuomesera mumwe wako asi zvakafanira kuti kuti vazvipire kudzosa kuvimba kwako.

Chenjerera muedzo wokushusha paunenge uchiita izvi. Hapana chakaipa kubvunza kuti mumwe wako aripi uye achaswerepi, asi hazvina kunaka kumudirira mameseji, nhare kana kumutyisidzira asingapinduri pakarepo. Zvinonzwisisika kuva nekufungira, asi mufambiro wako unodawo kuva wakakodzera.

 Usaudzwa zvausingadi kunzwa

Taura nezvekubiridzira kwawakaitirwa, asi isa miganhu. Somunhu akanyengedzwa, sarudza zvaunoda kunzwa nepaunoda kuzvinzwa.

Usakumbira mudiwa wako kuti akuudze zvinhu zvinozonyanyokurwadza. Unekodzero yokuziva asi sarudza zvaunoda kuziva.

Sarudza kukanganwira

Kanganwira iwe pachako. Mumwe wako anogona kukumbira ruregerero achida kuti uregerere panguva iyoyo.  Asi kukanganwirwa kwechokwadi nekupora kunogona kutora nguva. Asi hapana nguva inonzi iyi nziyo inofanira kutorwa kuti uregerere. Munhu akabiridzira anofanira kunzwisisa kuti haana kodzero yokutaura kuti iwe unofanira kupora riinhi. Hapana chakaipa kana uchida nguva refu kuti upore uye uregerere. Batsira mumwe wako kuti anzwisire nokumuudza kuti uchiri kurwadziwa saka unoda nguva kuti upore.

Muudze mashoko akaita seaya, ‘Ndinokoshesa kukumbira kwako ruregerero uye ndinoda iwe kuti urambe uchiratidza kuti unoda kuregererrwa, asi ini handisati ndakagadzirira kukuregerera.’

Zvakanaka kusaregerera. Asiwo kunyengedza kunosiya ronda rakadzika. Naizvozvo kutora nguva kuti uregerere hakurevi kuti hausi munhu akanaka.

 Tsvaga rubatsiro

Tsvaka rubatsiro kubva kumurangi. Kutarisana nemunhu anonyengedza uri woga pachako kwakaoma. Kana zvakanyanya kukuomera iwe kuti iwe nemumwe wako mukurukure nyaya yenyu tsvaka rubatsiro rwenyanzvi. Nyanzvi innogona kukubatsira mumanzwiro ako.

 

 

CHIKAMU CHECHITATU: KUVAKA IMBA YAKO

Kurudzirai mumwe wako kubuda pachena maererano noupenyu hwake.

Kugovera zvakawanda zvamunonzwa nemumwe wako uye kumukurudzira kuchabatsira kusimbisa chisungo chorudo rwenyu. Ita kuti uve tsika yokukurukurirana zuva nezuva. Zvimwe zvekukurukurirana ndezvinotevera:

‘Uchiri kuyeuka here tichimbofamba-famba mupaki? Ngatizvidzokorereika …. Wakasununguka riinhi?’

‘handina kufarira zvakaitika pakati pedu zuro. Ndinoda kuedza kuchinja. Ndinoda kukuudza zvandinofunga kuti zvinoshanda asi ndingafare ukandiudzawo pfungwa dzako.’

Funga mumwe wako

Funga mumwe wako iyewo achikufunga pane zvose zvamunoita. Mese munofanira kudzidza kunzwisisana. Nzira yakanakisisa yokuziva zvinoda mumwe wako iwe uchizivawo zvaanoda kutaurirana. Kana usina chokwadi kuti kuti mumwe wako anodei mubvunze mibvunzo uye teerera. Kana usina kunzwisisa bvunza mimwe mibvunzo yakawanda. Somuenzaniso, ‘Urikuda ….. Ndizvo here?’

 Koshesanai

Kukoshesanai. Kuratidza kukosha komumwe wako kuburikidza nekumurumbidza kwechokwadi kunoita kuti ukama hwenyu husimbe. Iwe nemumwe wako zivai kukosha kwekuudzana mashoko ekurumbidza. Ita izvi umire pachokwadi.

Nyevero

Usaudza zvose zviri kuitika pakati pako nomumwe wako kuvana. Iyi inyaya yenyu muri vaviri, haufaniri kuit akuti vana vatore divi.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

SVONDO 2 ROKUUYA KWAJESU B

Posted by MC on December 9, 2017
Posted in: Mwaka woKuuya B. Leave a comment

Chiverengo chokutanga (Ndima 40: 1-5, 9-11)

Isaya anonyaradza vaJudha vari muhutapwa muBhabhironi, achivapa vimbiso yaJehovha yokuti makore makumi matanhatu ehutapwa muBhabhironi achapera nokukurumidza uye vachange vachienda kumisha yavo sevanhu vakasununguka. Anovavimbisa kuti vachadzoserwa kuIsraeri nesimba raMwari. Isaya haana kunyara kutaura kuti hutapwa hwavo kwaiva kurangwa pamusoro pezvivi zvavo. Asi zvivi zvevaIsraeri zvakanganwirwa ikozvino, uye kutapwa kwapera. Isaya anoda kuti vanhu vafunge nezverwendo rwavo rwokudzoka seEksodho rechipiri, vachifamba pamwe naTenzi Baba vavo vane rudo uye Mufudzi akatendeka. Anotsanangura rudo rwakanaka rwaMwari kune vasina kukodzera.

Isaya anorayira vatapwa kuti vanofanira kudzokera kumusha mumudungwe mukuru wechitendero, Mwari achivatungamirira. Kugadzira nzira yavachafamba nayo iyi, mabani nemakomo zvinofanira deredzwa, uye mugwagwa mukuru unofanira kugadzirwa murenje. Mwari achavatungamirira kuJudha uye, mukati meJudha, kuguta reJerusarema, uye mukati meJerusarema, kuZioni rine Tembere.

Shoko Rakanaka

Mako anozarura Vhangeri rake nekugadzirira kutanga kweupenyu hwaKristu kunoitwa Johani mubhabhatidzi. ‘Mumwe ane simba kupfuura ini,’ Johane anozivisa, ‘achauya mushure mangu …. Ini ndakakubhabhatidzai nemvura, iye achakubhabhatidzai naMweya Mutsvene.’ Chinokosha pamashoko aJohane ‘ndechekutendeuka uye kudzokera kunzira dzaIshe.’ Johane anoparidza kuti mufambiro wakakodzera kune avo vanogadzirira ‘nzira yaIshe’ ndewekubhabhatidzwa ‘nokureurura zvivi zvavo.’

Kubudirira kweshumiro yaJohn

Ushumiri hwaJohani hwaibudirira zvikuru nokuti hupenyu hwake hwaiva mharidzo yake: akararama zvaaiparidza. Aitora nguva yokuenda murenje achiteerera izwi raMwari. Aipfeka zvisingashamisiri. Zvokudya zvake zvakanga zviri nyore: mhashu uye uchi. Mharidzo yaJohane yaive nesimba zvakare nokuti akanga akanyatsozvininipisa. Basa rake raive rokushumira Jesu uye kushumira vanhu. ‘Anofanira kukura, ndinofanira kuderera,’ Johane anotaura (Johane 3:30). Akabvuma pachena kuti akanga ari nhume yaMesiya inoteerera, achigadzirira nzira yakarurama yokuti Mesiya ave mumwoyo uye muhupenyu hwevaJudha.

Tinofanira kurarama upenyu hwemharidzo

1) Tinofanira kugadzirira kuberekwa patsva kwaJesu: Tinokokwa neChechi kugadzirira Krisimasi nokutendeuka kubva kuzvizvi zvedu nekuvandudza hupenyu hwedu kuitira kuti Jesu aberekwe patsva matiri. Ngatibvunzei pamwe naPapa Arekisanda mubvunzo wakaoma wokuti, ‘Chii chandinobatsira, kana Jesu akazvarwa muzviuru zvemakiribhu munyika yose asi asina kuzvarwa mumoyo mangu uye muupenyu hwangu?”

2) Tinofanira kubvumira Jesu kuti adzokezve muupenyu hwedu. Vanhu vakatipoteredza vanofanira kuziva kuti Jesu azvarwa patsva nokumuona muupenyu hwedu. Anofanira kuonekwa kuburikidza nerudo rwedu, tsitsi dzedu, kuregerera kwedu, kuzvininipisa kwedu nekuzvipira kwedu. Upenyu hwedu ngahuve Bhaibheri rinoverengwa navamwe. Vanhu ngavaone Kristu mumafambiro edu ezuva nezuva.

3) Kuparidza kwaJohane kunotiyeuchidza zvakare nezvebasa redu rinokosha rokuzivisa Kristu kune vamwe kuburikidza nehupenyu hwedu pamba uye munharaunda. Apo patinoratidza rudo rwechokwadi, mutsa, tsitsi uye mweya wekukangamwira, tiri kuzivisa chokwadi chokuti Kristu anesu. Nokudaro, hupenyu hwedu hunofanira kuva Bhaibheri rinonogona kuverengwa navamwe.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Svondo 1 reKuuya kwaTenzi B

Posted by MC on December 9, 2017
Posted in: Mwaka woKuuya B. Leave a comment

Kuuya inguva yokutanga patsva.

Kuuya inguva yekunyarara

Uye kuunzwa zvakare kuShoko raTenzi.

Zvose izvi zvinoreva kuti tinofanira kugadzirira nzira yaTenzi muupenyu hwedu uye mumwoyo yedu.

Chiverengo chokutanga nhasi chabva kumuporofita Isaya. Tinofanira kunzwisisa kuti shoko iri pakutanga raiva rakanongedzerwa kuvanhu vechiJudha avo vakanga vaendeswa kunze kwenyika yavo uye vaigara kune imwe nyika kwavaisakwanisa kunamata nenzira yavo. Vanhu ava vaida chaizvo kudzokera kunyika yavo uye kuvakazve temberi yaTenzi. Asi havasi vose vaida kudzoka nokuti vamwe vaitya kuti kudzoka kwaigona kuoma zvakanyanya kupfuura kugara kwavakanga vari.

Izvi zvakafanana nehupenyu hwedu nhasi. Isu tiri muhutapwa hunotiisa kure naTenzi nekuda kwezvivi zvedu uye zvemadzitateguru edu. Havasi vanhu vose nhasi uno vanoda kudzokera kuna Tenzi nokuti vanotya zvido zvake muupenyu hwavo. Mashoko emuporofita Isaya anogona kutaurwa kwatiri kana tikashuva kurarama maererano neShoko raTenzi uye tinoziva kuti hatigone kuzviita pasina nyasha dzaMwari muupenyu hwedu.

Kana tichiedza kuva vakatendeka asi tichikundikana, mazwi aIsaya anotaura kwatiri! Nyaradza, nyaradza vanhu vangu! Mipata yose ichazadzwa, makomo ose nezvikomo zvichaderedzwa; nyika yakakomberedzwa ichave yakajeka, nyika yakaoma, mupata wakafara. Ipapo kubwinya kwaTenzi kucharatidzwa.

Shoko Rakanaka raMako nhasi rinotipa nhoroondo yaJohani mubhabhatidzi, murume anotsvaka Tenzi nesimba rake rese. Mako anoziva kuti Johane Mubhabhatidzi ndiye kuzadziswa kweuporofita hwekare hweTesitamende hunotaura nezveiye achaenda pamberi kwaTenzi kugadzirira nzira yake. Johane pachake anotaura nenzira iyi mundima yanhasi. Uye Johane anoita basa iri kunyange asina kukodzera kusunungura tambo dzeshangu dzaTenzi.

Dai upenyu hwedu hwanyanya kunangana naMwari uye nzira dzake muupenyu hwedu kuti tive saJohane Mubhapatidzi: upenyu hwedu huchipa uchapupu kurudo netsitsi dzaMwari nekukwevera vamwe kune rudo nenyasha.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Kubaatwa chibharo kwaDhina (Mavambo 34:1-31)

Posted by MC on November 29, 2017
Posted in: Zvidzidzo zveBhaibheri. Leave a comment

Dhina mwanasikana waRiya. Ndiye oga mwanasikana waJakobho anodomwa. Rungano rwaDhina rungano runosiririsa – rungano rwokubatwa chibaro, rwoundyire nokukarira samba kwavanhurume. Rungano rwemhirizhonga norutsivo. Zvainzwikwa nokushuvirwa naDhina hazvidurwe. Pfumvu yake inovamba nekachiitiko kanoita sekaina basa apo “Dhina  .. akashanyira madzimai edunhu riri padyo’ ((v. 1). Shekemu jindha redhunu iri anomu pamba nokurara naye zvechisimba. Mushure mechiitio ichi chinosvodesa Shekemu anopindwa nepfungwa yokuita Dhina mudzimai wake kusvika pakumuia muubatwa mumba make.

Hanzvadzi dzaDhina padzinonzwa  nezvaitwa naShekemu vanoviruka nehasha (v. 7). Shekemu nababa vake vanoedza kupodza nyaya nokukumbira kuti paitwe chipfumirano chokuroodzana nkutengeserana uye vanovimbisa kubhadhara roora yakapetwa pana Dhina.

Vana vaJakobho vanonyepera kubvuma chibvumirano ichi vachiti chavanongoda ndechekuti vanhurume veguta raShekemu vachecheudzwe voe (v. 13-17). Shekemu anochecheudzwa chiripo-ripo kurudzirawo vanhu veguta rake kuti vaite saizvozvo achivasimbisa kuti chibvumirano chokuroodzerana chakavanakira panyaya dzokutengeserana. (v. 18-24).

Vanhurume veguta raShekemu vakachecheudzwa asi vachiri kurwadziwa vachitadza kuamba vana vaJakobho vakaruka zano. Simioni naRevhi vanakomana vaRiya pamwe nedzimwe hanzvadzi dzaDhina vanouraya guta rose nokununura Dhina. KUnyange Jakobho asina kufara nazvo, hanzvadzi dzaDhina vanoona maitiro avo seakanaka nokuda kwezvanga zvaitwa hanzvadzi yavo.

Ndangariro

  1. Unofungei nokuti baba havana kuviruka neshuku asi vanakomana ndivo vakarwadzira nokumiririra hanzvadzi yavo?
  2. Nyaya yaDhina inodzidzisei maererano nokubatwa chibharo kwavanhukadzi mazuva ano?
  3. Zvii zvimwe vaungade kutaura panyaya iyi?

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Sara naHaga (Mavambo 16:1-16)

Posted by MC on November 29, 2017
Posted in: Zvidzidzo zveBhaibheri. Leave a comment

Hurongwa hokuti Haga aberekere sara mwana

Madzimai maviri atirikuda kutaura nezvawo munaMavambo, Sara naHaga, vakasiyana zvinoshamisa. Mudzimai wokutanga itsvarakadenga inonzi Sara yakanga yakwegura iyo yakaenda nomurume wayo kunyika yeKenani kwaakanga adaidzwa naMwari kuti aende. Mudzimai wechipiri murandasikana  wechidiki anonzi Haga, mutorwa, aishandira makadzikadzi weimba. Sara zaakashaya mbereko, iye pachake akakumbira murume wake Abhurahamu aite mwana nemuranda wake Haga chizvarwa chokuIjipita (Mavambo 16:2).  Tsika iyi yokuti mudzimai asina mbereko anotsvaga muranda anomuberekera mwana yaigamuchirwa munguva iyoyo munzvimbo dziri Pakati pokuMabvazuva. Sara akatora danho iri rokutsvaga anomuberekera kuitira kuti Abhurahama awane mugari wenhaka. Iri rakanga risiri dambudziko nokuti mwana aizozvarwa nomuranda aiva waSara sezvo gomba rainzi harina mwana.

Nhamo yaHaga

Mundima iyi hamuna umboo hwokuti Sara naAbhurahama vanotsvaga mvumo kuna Haga kuti aite zvavakanga varonga. Mutsika yenguva iyoyo muranda akaita saHaga akanga asina simba pamusoro penyaya dzeponde kunyange maererano nezvinechekuita nomuviri wake. Simba pamusoro pomuviri wake raiva namakadzikadzi. Nyange zvakadaro, Haga paakangobva mukupona akapengenuka kuti haangori mudziyo waSara. Anosvinura oona kuti pane zviri paari zvisina sara, chipo chembereko. Ruzivo rwake urwu runomuita kuti amire kuremekedza Sara (16:2). Sara paanoziva kuti ave kurasikirwa nesimba mumba make, anoratidza Abhurahama zviri kuitika achimunyengetedza kudzorera simba rake panaHaga. Shoko parinosvika kuna Abhurahama anogeza maoko ake omira kutsigira Haga. Chikumbiro chake chanzwikwa, Sara anotanga kushungurudza Haga zvakanyanyisa zvokuti anotiza pamba achienda kugwenga (16:6).

Haga anopihwa vimbiso

Mutumwa waMwari anowana Haga ari pakachitsuwa kane zvinomera kaiva mugwenga otaura naye achidana zita rake zvisati zvamboitika achimuudza zvakapfuura nezvamangwana: ‘Wabvepi uye uri kuendepi?’ (16:8). Haga anokwanisa kupindura mubvunzo maererano nezvakapfuura zvoupenyu hwake asi mutumwa anomuratidza nezveramangwana rake. Chekutanga anonzi anofanira kudzokera kuudzvanyiriri hwamadzimadzi wake sezvo zvaive zvakafanira kuti aite nguva yomuedzo kuitira kuti mwanakomana wake agopihwa Zita naAbhurahama nokuitwa waAbhurahama zviri pamurau. Haga aifanira kupa mwana uyu zita rokuti Ishimaeri zvinoreva kuti ‘Mwari anonzwa’ nokuti Mwari akanga anzwa kuchema kwake kokukumbira rubatsiro. Mwana wake akanzi achararama upenyu hwomusango asi hwakasununguka uye iye Haga achava nezvizvarwa zvakawandisa zvokuti hazviverengeki (16:10). Haga anonzi achava amai vorudzi rukuru, rwechiArabhu, ruchabva panaIshimaeri.

Kusimudzirwa komudzimai Haga

Haga audzwa zvipikirwa zvinoshamisa zvaMwari anopa Mwari zita rokuti ‘El-roi’ zvinoreva ‘Mwari wandaona’ uye ‘Mwari anondiona’  (16:13). Ndiye munhu oga mubhaibheri rose anoita saizvozvo. Kuona kunoita Haga Mwari nokuona kuona kunoitwa Haga naMwari munongedzo wemhinduro inoshamisa yedambudziko rokudzvanyirirwa. Nyange zvake akanga asina simba somudzimai, ari muranda, uye ari mutorwa Mwari anonzwa kuchema kwake; anomuona omudaidza nezita omuita amai venhaka inofadza.

Fungisisa pamusoro pemibvunzo inotevera:

  1. Sara naHaga madzimai maviri ainetsana. Ndekupi kunetsana kunoitika pakati pamadzimai nhasi uno?
  2. Mwari anoti kuna Haga dzokera unozviisa paudzvanyiriri hwaSara senguva yokuedzwa kunyange achimuvimbisa makomborero. Unofungei nezvenguva yokutambudzika nokuedza yaanopihwa?
  3. Nyaya iyi inokudzidzisei pamusoro porusununguko nekodzero dzamadzimai?

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Utungamiri hwokushandira

Posted by MC on November 29, 2017
Posted in: Hutungamiri. Leave a comment

Utungamiri hwokushandira hunofanira kuonekwa muunhu hwomunhu:

  1. Vimba nezvauri – Vatungamiri vanoshandira vanovimba nezvavari uye vanoziva zvakakosha zvaMwari. Tinogona chete kuita zvinodikanwa navamwe nokuvapa simba rokuita zvavanokwanisa kana isu pachedu tichizvigamuchira uye tichiziva kuti takakosha pamberi paMwari. Muna Johani 13:3-5 tinoverenga kuti ‘Jesu akaziva kuti Baba vakaisa zvinhu zvose pasi pesimba rake, uye kuti akanga abva kuna Mwari zvakare akanga achizodzokera kuna Mwari; saka akadurura mvura mubheseni ndokutanga kushambidza tsoka dzevadzidzi vake.’ Jesu akanga akasununguka kutora ndiro netauro achishambidza tsoka dzavadzidzi vake nokuti aiziva kuti aiva ani pamberi paBaba. Kana kusimbisa vamwe kuchideredza maonero aunoita kukosha kwako, uchaona hutungamiri hwokushandira senjodzi uye ticharega kuita hutungamiri hwakadai.
  2. Kukurudzira matarenda – Vatungamiri vanoshandira vanowana mufaro mukukurudzira uye kutsigira vashandi vavo kana nhengo dzeboka. Shoko ramwari rinoti, ‘Mwoyo yenyu ngairege kunetseka’ Vatungamiri vanoshandira vanoita kuti vamwe varege kunetseka. Vanokudza zvipo zvavamwe zvemweya mukushumira kwavo uye rumbidza pachena kukura kwavamwe norubatsiro runopihwa navamwe. Somugumisiro, gungano rinoshanda semuviri mumwechete apo munhu wose anokosheswa kwete somuteereri anongotevedzera zvido zvomutungamiri chete.
  3. Vanoti mbiri kuna Mwari – Vatungamiri vanoshandira havadi mbiri nokuda kwezvavanofunga uye zvavanoronga. ‘Zvakawanda zvakadini zvaigona kuitirwa umambo hwaMwari dai zvisina basa kuti ndiani anawana mbiri!’ Vatungamiri vanoshandira vanowana mbiri nokukura kweumambo hwaMwari wete kwamazita avo.
  4. Vanonzvenga mambure esimba – Vatungamiri vanoshandira havafariri mambure esimba nezvinzvimbo. Nokuti vanoziva kuti munhu wose akaenzana pamberi paMwari, vanonzvenga mazita makuru nembiri nhando vachisarudza kunangana nebasa ravashanda. Vakachenjerera kusakoshesa kukura kwehofisi nezvimwe.
  5. Anokoshesa unhu hwakanaka – Vatungamiri vanoshandira vanoumbira simba ravo paunhu kwete pachinzvimbo. Simba rinobva paunhu rinovakwa neururami uye kugadzikana pamberi paMwari. Saka mutungamiri wechokwadi kunze kwokuti amanikidze vanhu kuita zvaanoda anopa vateveri vake muenzaniso wakanaka wavanotevera. Kuteerera, kunzwira tsitsi, kuporesa, kunyengetedza uye utariri ndihwo unhu hwemutungamiri akanaka.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Kufambidzana kwevechidiki

Posted by MC on November 29, 2017
Posted in: Muchato noUkama. Leave a comment

Nhanganyaya

Zvinoratidzika sokunge kufambidzana kwenyika iwe vanhu vari kuedza kufamba iye zvino yakasvibiswa nemaitiro asina kuremara, zvinyorwa zvisinganzwisisiki uye kushungurudzika pamiganhu ye,:

Zvinoratidza sokunge kufambidzana kuriko mazuva ano kwamuri kuedza kurarama kwasvibiswa nyaya yokuti vanhu vakungouya pamwechete vasina chido chokuzvipira. Izvi unozviona mukutaura kwavako mazuva ano:

 ‘Akanditumira tsamba yapafoni kaviri vhiki ino; izvi zvinoreva kuti anondida handiti?’

‘Andikumbira kubuda kunze naye, asi tarisai pane nguva dzatove 10 dzousiku. Chii chaari kuda?’

Ndinofunga kuti vazhinji vedu tinobvumirana kuti hukama hwevanhu vaduku haunganzi hutsvuku kana huchena. Hapachisina hukama hwokuti ndine munhu uyu kana kuti hatisi tose, kazhinji vanhu vanenge vari pakati uye hazvinzwisisiki.

kurwadziswa mufambidzano

Kutanga, ndinoda kukuvimbisa kuti ucharwadziswa ukapinda munyaya dzokufambidzana. Hanzisati ndaona munhu akapinda murudo kurwadziwa.

Asi panguva imwe chete ndinoda kuti uzive kuti iwe une simba, unokwanisa, uye uye kuti iwe unogona kukunda nyange ukamborwadziswa.

Iva nesimba, uzviremekedze, uzvigamuchire, uve nechivimbo, uve nemoyo murefu, uye uve nehuchenjeri. Zvinhu izvi zvose zvichakubatsira kuti urege kurwadziwa uye kuti upore nokukurumbidza.

Chinoputsa mwoyo wangu kunzwa vanasikana vaduku nevarume vaduku vachifunga kuti hupenyu hwavo hwapera nokuti mumwe munhu apesana navo kana kuti haachavada. Usafa wakaita pfungwa yokuti ‘Handigone kurarama pasina iwe.’

Chokwadi ndechokuti iwe unogona kurarama pasina mumwe munhu. Usatsauswa navanhu kuti ufunge kuti kune munhu mumwechete akakukodzera kunze uko, munhu mumwe anogona kukupa rudo. Ichokwadi ndechokuti, kubva pamamiriyoni evanhu pane vaawanda vanogona kukunakidza uye kukugutsa mumweya, mumuviri nomupfungwa.

zvokungwarira

Zvisinei, ndine mazano kune iwe ayo anogona kukubatsira munyaya dzorudo pahuduku hwako:

Kunyanyoperera

Ziva kuti munhu waunotanga kupinda naye murudo, nyange wechipiri waunopinda naye murudo, nyange wechitatu waunopinda naye murudo nevamwewo vanozotevera anogona kusava iye waunozodanana naye kwoupenyu hwose.  Kazhinji pazera iri unotanga kurota uchifara kwoupenyu hwose nomudiwa wako wokutanga. Izvi zvinonzwisisika, asi hazvisi zvechokwadi. Dzime nguva hazviite saizvozvo. Paunenge uri kufambidzana yeuka kuti uri murudo asi harusi irwo rwoga rudo. Muupenyu mune rudo rwakawandisa ruri kumwe, rudo harumbofa rwakashomeka panyika kunze kwerwaunenge uchipihwa.

Bode haruri rudo

Kana uri kutsvaga rudo, usakanganise nokufunga kuti bonde chinhu chimwechete norudo. Handizvoba. Bonde rinogona kuita kuti unzwe kuda mumwe wako asi rigotadza kuita kuti unzwe kudiwa. Kuita bonde kwakafanana nokudya godo rechando rine kirimu (ice cream) uine nzara. Inonakidza panguva iyoyo, asi hatingati kudya kune utano. Chinhu change chichishuvirwa nomuviri wako asi chisingakubatsire pautano.

Chiito chose chine mugumo wacho

Yeuka kuti chiito chimwe nechimwe chinemugumo wacho. Kana iwe usina kunyatsokwana zvokuti uone mugumo wezviito zvako (kubata nhumbu, zvirwere zvinotapurirwa [STDs], kurwadziswa) – kana kuti muwme wako asiri munhu akazvibata – hauna kunyatsokwana zvokuti wakakodzera kuita zvebonde.

Tsunga mwoyo

Mwoyo wokutsunga, kuitira kuti ugone kudzokera shure mushure mekunge warwadziswa zvakakosha panyaya yokufambidzana kana kuti ukama nemumwe munhu.

Mazano panyaya yefambidzano

Kufambidzana somunhu wechidiki zvakasiyana zvakanyanya nekufambidzana kunoitwa vanhu vachiri kukoreji. Pakoreji unenge wapinda muchikamu chitsva choupenyu nokuti vamwe vako vanenge vakutoroora vachiita vana. Vamwewo vanenge vakutsaaga mabasa pamwe nekufunga nezvekufambidzana nokuroorana.  Hezvino zvinokubatsira panyaya dzokufambidzana:

Siyana nezvakapfuura

Usaramba wakabatirira pane zvakapfuura. Chinhu chekutanga chinofanira kudzidzwa navanhu panyaya dzekufambidzana ndechekuti ukama huripo panguva iyoyo chiitiko chitsva saka usaenzanisa munhu wauri kufambidzana newawakambofambidzana naye. Uyewo usafananidza ukama hwako newauinawo nemaitiro awakamboita muhukama hwekare. Dzidza kubva pane zvakaitika kare ufambire mberi maererano nezviripo.

Famba pore pore

Usamanikidzwa kumhanya. Kana muchiri kutanga kufambidzana zvakanaka kubuda mose nevamwe kuitira kuti usamanikidzwe kuita zvausingade kuita usati wagadzirira. Haufaniri kumanyira pane zvinobwinya nezviitiko zvikuru iwe usati wava nechokwadi nemunhu wakoUnogona kutanga nekuenda naye kumitambo yamunofarira mose kana kuzvipira (volunteer) mose kuita mabasa okubatsira. Izvi zvakanaka nokuti ukaona kuti hausi kugutsikana nekufambidzana kwenyu unogona kudududza pasina kurwadziwa kana kurwadzisa. Chazvakanakira ndechekuti nyange zvikasashanda unoti ndakava nenguva yakanaka.

Iva zvauri

Usarega ukama hwako nemumwe wako hukutsanangura nokukumedza. Kuda munhu hakudi kuperera sezvinoita vanotsigira bhora rekuIngirandi zvokuti unokanganwa zvido zvako. Rudo chairwo runoreva kuti unopinda murudo sezvauri uye rudo rwemandorokwati ndeurwo rwokuti unoramba takatendeseka nokuvimbika pachimiro chako. Haufaniri shanduka nje kuti ufadze wauri kufambidzana naye. Rudo rwechokwadi nderwekuti wauri kufambidzana naye anomira panzvimbo yokukusarudzira nokukumanikidza kuva zvausiri, kukuisa mubhokisi rake. Kana munhu wauri kufambidzana naye achichengera buda muukama ihwohow nekukurumbidza zvichakanaka.

Usarwadziwe nokurambwa

Haufaniri kupinda muukama hworudo nokuti ndozviri mupfungwa dzako. Ngatitii une wauri kurwarira wawanga uchinzwira havi kwenguva yakareba. Unovabvunza wamukumbira kuti mubude mose iye oramba, kukurovera pasi.  Zano rangu nderiri. Kana munhu waunoda achiramba, unofanirwa kuzvigamuchira nokuenderera mberi. Usanyengerera kana kuvatsamwira. Mwoyo unenge uchirwadziwa asi haugone kuvenga munhu nokuti haasi kukuda.

Misa hurukuro newawakambofambidzana naye

Zvakanaka kuti urege kuramba uchitaudzana nevawakambofambidzana navo. Kana wakarambana zvakaipa newawaifambidzana naye ukasangana naye kumwe kuni kana usingadi kutaura naye usaita saizvozvo. Zvakare usavashusha pa midziyo yokufambisv kwamashoko (social media). Kana mose muri paBhuku reMeso  nepane dzimwe nzvimbo mubvise seshamwari yako nekukurumbidza. Dzima nhamba dzake zvekare. Haugone kupora kubva mukurwadziswa kwawakaitwa kana uchiramba uchifunga nezvemunhu akakurwadzisa.

Usamhayira kuzviita iwe woga

Usanyanyokoshesa ‘mukuru’ (official) ikozvino. Ipai hukama hwenyu nguva yekukura musati mashambadza kuti zvatoita hapachisina kudzokera kumashure. Zvipe nguva yokunyatsoziva wauri kufambidzana naye. Tora zvinhu nyore nyore mombotanga seshamwari. Umwe hukama hutora nguva kukura.

Usakarira kururamisa

Usanyanyoda kudi zvinhu zvose zvirurame. Vasikana vazhinji vane tsika yokuongorora twose twose tunoitika pakufambidzana. Ndinokukumbirai kuti musazvidyamoyo. Panewo tsika yekuti vanhu tarisire zvisingagoneki kune wavari kufambidzana naye. Usakurumbidza kusvora munhu nokuti anonoka nemaminitsi mashoma musi wamatanga kuonana kana nokuda kwokuti hamusikupindirana pana zovse. Nangana nezvinokosha. Chakoakosha ndechekuti munhu atouya hake uye pane zvimwe zvamunopindirana.

Zvichengete

Kuzvichengeta kwakakosha. Hazvirevi kuti kana wada munhu munofanira kutobatana-batana kana zvichikuremera. Pane nzira dzakawanda dzokuratidza rudo kune mumwe wako. Kuzvichengeta panyaya dzokubatana-batana kwakakosha pakufambidzana zvikuru kana muchiri kutanga. Tora zvinhu nyore pane kubva waperera nokukurumbidza nokuti izvi zvine mugumo wazvo.

Ngwarira kusiana kwezvitendero

Kana uri kufambidzana nomunhu asingatendi zvaunotenda, famba wakangwarira. Haufaniri kufambidzana nomunhu uine chinangwa chimwechete chokuedza kumushandura. Haugoni kumanikidza mumwe munhu kuti achinje kunze kwekuti iye pachake achida kuchinja. Munhu wauri kufambidzana naye munhuwo, kwete basa rinoda kuitwa. Vavarira kuti upenyu hwako hukurudzire wauri kufambidzana naye kuti ashanduke. Ratidza upenyu hwako hwechitendero kwete kutaura nezvahwo. Zviri nani kumbomira mharidzo dzako panguva yokudya nokuti mumwe anoguma ava kusvotwa.

Namata nguva dzose

Nyengetera munazose. Paunotanga kusangana nomumwe munhu, nyengetera. Pamunenge muchangotanga seshamwari, nyengetera. Nyange mukasazoguma nokufambidzana nyengetera. Mwari ndiye akasika mwoyo wako saka achafamba newe muna zvose zvinoitika. Ipa mwoyo wako kwaari kuitira kuti kana ukarwadziwa akunyaradze. Nyengeterera munhu wauri kufambidzana naye kuitira kuti atungamirirwe kune zvose zvinodiwa naMwari kwaari.

Govanai:

  • Click to share on X (Opens in new window) X
  • Click to share on Facebook (Opens in new window) Facebook
  • Click to share on Reddit (Opens in new window) Reddit
  • Click to share on LinkedIn (Opens in new window) LinkedIn
Like Loading...

Posts navigation

← Older Entries
Newer Entries →
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati (2)
    • Gore A (3)
    • Gore C (13)
    • Hutungamiri (1)
    • Kurudziro (33)
      • Mitsara (8)
    • Madetembo (2)
    • Masakaramende (2)
      • Masakaramende Manomwe (1)
      • Reururo (1)
    • Mharidzo (111)
      • Mazuva Makuru (13)
        • Josefa (1)
        • Svondo raVatsene Vose (3)
        • Svondo reMirara (1)
      • Mharidzo dzamasvondo (62)
        • Gore B (10)
        • Gore C (4)
        • Mwaka woKuuya C (9)
      • Mharidzo dzemichato (1)
      • Mharidzo dzorufu (2)
      • Mwaka weKisimusi (1)
      • Mwaka woKutsanya (17)
      • Mwaka woKuuya B (2)
      • Pasika (13)
    • Mimamato (86)
      • Kunamatira vapristi (1)
      • Kuzvinamatira (3)
      • Manovhena (34)
      • Minamato kuna Mweya Mutsvene (1)
      • Minamato kuvaTsvene (20)
      • Minamato yakasiyana-siyana (1)
      • Minamato yaMangwanani (2)
      • Minamato yaManheru (2)
      • Minamato yaVarwere (1)
      • Minamato yePakati peZuva (1)
      • Minamato yoKuzvipira (4)
      • Muviri neRopa raKristu (3)
      • Nzira yoMuchinjikwa (1)
      • Rusariro (2)
      • Rusariro rweMisodzi (1)
      • Rusariro rwoKusunungurwa (1)
      • Rusariro-Uso hwaJesu (1)
    • Mitemo Gumi neyeSangano (1)
    • Mitsara YoMubhaibheri (3)
    • Muchato noUkama (8)
    • Muteuro weMisa (4)
      • Maitiro okuviga vafi (3)
    • Ngano (11)
    • Nhetembo (3)
    • Nyambo (198)
    • rufu (5)
    • Uncategorized (71)
    • Utatu Utsvene (1)
    • Zvidzidzo zveBhaibheri (2)
    • Zvinyorwa (25)
      • Nyaurwa (24)
  • Zvinonyanyofarirwa

    • ChiShona
    • NOVENA KUNA MWEYA MUTSVENE
    • Minamato yaVarwere
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
    • Minamato kunaMweya Mutsvene
    • Pfugamiro paNovhena yamai voRubatsiro
    • Kunamatira mupriste
    • Munamato wamanheru
    • Tibatei patsamba yemagetsi
  • Maonero aVanhu

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024 (2)
    • July 2024 (8)
    • June 2024 (1)
    • March 2024 (2)
    • May 2023 (8)
    • October 2022 (1)
    • May 2022 (1)
    • December 2021 (3)
    • September 2021 (1)
    • July 2021 (4)
    • May 2021 (7)
    • April 2021 (5)
    • March 2021 (1)
    • February 2021 (1)
    • January 2021 (6)
    • October 2020 (8)
    • September 2020 (6)
    • August 2020 (2)
    • July 2020 (9)
    • June 2020 (3)
    • March 2020 (2)
    • February 2020 (2)
    • January 2020 (6)
    • December 2019 (4)
    • November 2019 (32)
    • October 2019 (4)
    • September 2019 (4)
    • June 2019 (7)
    • May 2019 (15)
    • April 2019 (10)
    • March 2019 (20)
    • February 2019 (4)
    • January 2019 (3)
    • December 2018 (10)
    • November 2018 (4)
    • October 2018 (9)
    • September 2018 (1)
    • July 2018 (1)
    • June 2018 (5)
    • May 2018 (6)
    • April 2018 (7)
    • March 2018 (11)
    • February 2018 (6)
    • January 2018 (25)
    • December 2017 (29)
    • November 2017 (12)
    • October 2017 (26)
    • September 2017 (36)
    • August 2017 (2)
    • July 2017 (4)
    • October 2016 (1)
    • August 2016 (2)
    • July 2016 (3)
    • June 2016 (12)
    • May 2016 (5)
    • April 2016 (5)
    • March 2016 (7)
    • February 2016 (8)
    • January 2016 (64)
    • December 2015 (13)
    • November 2015 (2)
  • Zvimwe Zvekutinya

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
  • Tsvaga

  • Zvichangoturikwa

    • Maitiro eMuchato weChiKatorike
    • Svondo 25 reGore B
    • Svondo 15 ReGore B
    • Maitiro pfugamiro
    • F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
  • Zvichangotaurwa

    Unknown's avatarAnonymous on Muviri neRopa raKristu- P…
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
    Unknown's avatarAnonymous on ChiShona
  • Dura

    • September 2024
    • July 2024
    • June 2024
    • March 2024
    • May 2023
    • October 2022
    • May 2022
    • December 2021
    • September 2021
    • July 2021
    • May 2021
    • April 2021
    • March 2021
    • February 2021
    • January 2021
    • October 2020
    • September 2020
    • August 2020
    • July 2020
    • June 2020
    • March 2020
    • February 2020
    • January 2020
    • December 2019
    • November 2019
    • October 2019
    • September 2019
    • June 2019
    • May 2019
    • April 2019
    • March 2019
    • February 2019
    • January 2019
    • December 2018
    • November 2018
    • October 2018
    • September 2018
    • July 2018
    • June 2018
    • May 2018
    • April 2018
    • March 2018
    • February 2018
    • January 2018
    • December 2017
    • November 2017
    • October 2017
    • September 2017
    • August 2017
    • July 2017
    • October 2016
    • August 2016
    • July 2016
    • June 2016
    • May 2016
    • April 2016
    • March 2016
    • February 2016
    • January 2016
    • December 2015
    • November 2015
  • Zvikamu

    • ChiShona Chamandorokwati
    • Gore A
    • Gore B
    • Gore C
    • Gore C
    • Hutungamiri
    • Josefa
    • Kunamatira vapristi
    • Kurudziro
    • Kuzvinamatira
    • Madetembo
    • Maitiro okuviga vafi
    • Manovhena
    • Masakaramende Manomwe
    • Mazuva Makuru
    • Mharidzo
    • Mharidzo dzamasvondo
    • Mharidzo dzemichato
    • Mharidzo dzorufu
    • Mimamato
    • Minamato kuna Mweya Mutsvene
    • Minamato kuvaTsvene
    • Minamato yakasiyana-siyana
    • Minamato yaMangwanani
    • Minamato yaManheru
    • Minamato yaVarwere
    • Minamato yePakati peZuva
    • Minamato yoKuzvipira
    • Mitemo Gumi neyeSangano
    • Mitsara
    • Mitsara YoMubhaibheri
    • Muchato noUkama
    • Muteuro weMisa
    • Muviri neRopa raKristu
    • Mwaka weKisimusi
    • Mwaka woKutsanya
    • Mwaka woKuuya B
    • Mwaka woKuuya C
    • Ngano
    • Nhetembo
    • Nyambo
    • Nyaurwa
    • Nzira yoMuchinjikwa
    • Pasika
    • Reururo
    • rufu
    • Rusariro
    • Rusariro rweMisodzi
    • Rusariro rwoKusunungurwa
    • Rusariro-Uso hwaJesu
    • Svondo raVatsene Vose
    • Svondo reMirara
    • Uncategorized
    • Utatu Utsvene
    • Zvidzidzo zveBhaibheri
    • Zvinyorwa
  • Meta

    • Create account
    • Log in
    • Entries feed
    • Comments feed
    • WordPress.com
Blog at WordPress.com.
Minyengetero
Blog at WordPress.com.
  • Subscribe Subscribed
    • Minyengetero
    • Join 46 other subscribers
    • Already have a WordPress.com account? Log in now.
    • Minyengetero
    • Subscribe Subscribed
    • Sign up
    • Log in
    • Report this content
    • View site in Reader
    • Manage subscriptions
    • Collapse this bar
 

Loading Comments...
 

    %d