MaZimbo mune dambudziko yekuti unonyatsoona kuti zvandiri kuverenga izvi zvakachekwa asi unoramba uchiverenga bedzi. Izvezvi uri kuramba uchiverenga, hubenzi hwerudziiko ihwohwu. Ini ndatokutadzai.
Unenge wakagara zvako pamba pevanh votanga kupakura zvokudya.
Iwe: Ndokumbirawo musandipakurire zvakawanda.
Maivemba: Kwete! Ndirikugadzirira baba vepano chikafu chokudya kubasa. Pano hapadyiwe iye zvino.
Iiiiii unonyarira pai? Nechaunenge wambotaurira kuti musandipakurire zvakawanda kunge wanga wambobvunzwa.
Wotonzwa munhu achiti ‘hauna kupedza chikoro.’ Ko ndini ndaichivaka here?
ANEMAPATAPATA NDIYE AKANGANISA
Ukaona varume 2 vachirwa kazhinji kacho akapfeka mapatapata ndiye akanganisa.
Gore rino ndoda kuita munhu kwaye:
NDIKATUKWA= handidzorere,
NDIKAROHWA = Handidzorere,
NDIKATADZIRWA =Handidzorere,
NDIKAKWERETA =Handidzorere
Dzimwe memba dzatinoziva dai dzaivapo Jesu paakashandura mvura ikava waini dzaitopedza mwedzi wese dzichimutevera nemabhaketi emvura dzichiti chero akaita masese mudhara hapana pressure (dambudziko).
Mufesi wako obva akuti hande tinogocha, muchingosvika obva aburitsa miguri 5 yechibage. Tingati ari akanganisa here?
Iyo nyaya yenyu yekungofunga kuti munhu wese anoziva bhora.
Bvunzai: Mkomana wadii
Tafara: Bho ukuita sei?
Bvunzai: Haaa low low wangu ko pa weekend tine chiiko?
Tafara: Tine Mugovera neSvondo.
Dzaingondinetsa svomhu zvaizivikanwa nemunhu wese,
ndaitoti kana ndazama chaizvo ndinenge ndawana 20%.
Ndaiwanzowanikwa ndirimuvanhu 4 vekupedzisira pabvunzo dzese.
Rimwe zuva takanyora zama tapedza ticha ndokumaka ndokupedza. Vakazoti zvino vakudeedzera munhu nemaki yake apa vaifarira kudeedzera vachitanga nepasi kureva kuti anenge afoirisa ndiye aitangwa.
Vakadedzera ticha kubva pa4% kusvika pa10% zita rangu musi iwoyo pa 4 vekupedzisira harina kuwanikwa vanhu vakatanga kungonditarisatarisa.
Vakadeedzera kusvika ku20% handipo wena vaku50% rangu risati radanwa shamwari yangu yandaigara nayo yakatanga kundirovarova musana kuratidza kuti nhasi wakwapura wena.
Mudzidzisi vakuma90% class yese ndobva yanditarisa ini hana yangu ichingoti bha bha ndobva ndanatsozembera cheya yangu ndakagadzirira zvino kuchivaratidza kuti handina kuchipa musandijairire 95% harisati radanwa wena zvino ticha vasara nebepa rimwe mumaoko ndakabva ndatanga kupfinyira pfinyira sheti yangu kuti
Sseshasha ndinatsotora bepa rangu nesitepi yejaya svinu. Ndakabva ndanzwa ticha voti panebenzi risina kunyora zita pabepa iri ngariuye ritore bepa raro rine 2%.
Tsano: unouya rini kuKisimusi mukwasha?
Mukwasha: Mmmm handiuyi tsano. Ndoda kumbonoona vana mudhara kumusha.
Tsano: Ndochii ichocho? Kisimusi, handitiwo ndiyo yekutamba munhu uri kwana tsano, kuratidza kuti hanzvadzi yedu unoida?
Mukwasha: Zvakanakai tsano asi chero tikada kuuya handiti munenge musiko here?
Tsano: Ndinenge ndiriko huyai.
Mukwasha: Ko hamuendiwo here kwana tsano venyu? Asi ambuya hamuvade?
Tsano: Sori mwana anga achibaya baya foni.
