MATANHO OKUTORA
Nhanga nyaya
Mazuva ano mitengo yezvinhu iri kungoramba ichikwira. Mari inohorwa kubasa iri kuderedzwa. Iro basa racho riri kuperera vazhinji. Mari chaiyo kuwana inokwana kubva kubhenji inyaya. Saka ndinoda kukupai nzira dzokupona munguva dzakaoma dzohupfumi.
Tanga kurarama upenyu hwakachipa
Nhanho yekutanga yekugadzirisa upenyu hwako ndeyekutarisa zvinhu zvaunotenga whiki roga-roga. Nyora pasi chinhu chimwe nechimwe chaunotenga (zvokudya, zvinwiwa, nezvimwewo) wokanzura zvinhu zvose zvaungagona kurarama usina. Kana mwana anga achienda kuchikoro chinodhura muise pachikoro chakachipa. Dzimwe nhambo zviri nani kuroja murukesheni pane kusimbirira kumasabhabha anodhura. Ukaita izvi nomazvo unosevha mari shoma asi inozokuyamura.
Tsvaga mari nedzimwe nzira
Tsvaga dzimwe nzira dziri nyore dzinokuwanisa maari. Mazuva ano vamwe vanongoenda paYoutube voturika vhidhiyo rikaonekwa nevanhu vakawanda votoita mari. Zvinogona kutanga zvakaderera asi nekufamba kwenguva iwewo wadzidza zvakawanda zvotanga kubhadhara. Zama kushanda uchibva pamba. MuZimbabwe mune zvinhu zvakawanda zvisati zvaedzwa zvakaita segasi rinoshandisa marara, kutengesa marara acho nezvimwewo zvisingadi mari. Handiti kuita kunongedza asi chikuru ndechekuti usangomirira kutsvaga basa asi shandisa maoko ako kuita zvaunokwanisa. Hazvinei ukawana tumari tushoma.
Imbomira kubuda
Sezvandambotaura unofanira kurarama upenyu hwakachipa nekuona nzira dzkuwana tumari tushoma. Asiwo unofanira kuzvipira kurasikirwa nezvimwe zvinhu.
Unogona kurarama upenyu hunofadza usingaendi kumafaro, kugochigochi, kubhawa kana kurestorendi. Ukazvinyima mafaro aya unosevha tumari.
Hazvisi nyore kurega kahupenyu kemudenga kaunenge wajaira. Saka unopedzerepi samba rawaipedzera kumafaro? Unoita izvi nekusarudza mutambo wokuita. Unogona kuita zvekujoga kana kuchovha bhasikoro chaiko. Mitambo yakaita seiyi inowanzoita kuti ude kudya zvineutano zvisingadhuri. Kana uri munhu anoda zvekubuda unogona kuenda kumakembi, kunoraura kana kuita zvimwe zvisingadi mari.
Zvokudya Zvaunotenga
Usatenga zvokudya muchitoro chese chese. Enda kuzvitoro zvinohodhesa. Tenga sipo dzako dzemwedzi yakati kuti uye mafuta, matemba kana chimwe chikafu chaunoda chemwedzi yakati kuti. Kana mari yako yakashomesesa unogona kubatana nevamwe motenga pamwechete. Vanohodhesa kazhinji kacho vakachipa kupinda zvitoro zvemumaraini. Chinhu che$5.00 chinogona kuita $2.00.
Zvaunodya
Vamwe vanoti pazuva munhu wose anotarisirwa kudya chikafu chinokarosvika 2400 makarori. Asi ini tsvagurudzo dzangu dzakandidzidzisa kuti unogona kurarama upenyu hune utano uchidya chikafu chine makarori anobvira pa1000 kusvika pa1200. Unogona kusevha mari kana ukabvisa zvokudya zvose zvine makarori akawandisa anotokufutisa futi. Somuenzaniso unogona kubvisa zvinhu zvine shuga yakawanda kana kutorega shuga yacho zvachose. Uchatobatsirika nokudzora muviri wako wova nohutano zvekuti kana kuchipatara hauendi-endi.
Tenga mota isingadyi mafuta kana kushandisa makombi
Vazhinji tinofarira kumukira kutaundi kubasa. Asi dzimwe nguva kuzviitira uri pamba kunosevha mari yekufambisa. Asi kana zvakaoma uye uchitofanira kuenda kutaundi kana kubasa kure zvinogona kuva zvakakodzera kuti utengese mota inodya mafuta kana kutoshandisa makombi chaiwo. Reawo kutenga zvinhu nechikwereti. Parizvino unogona kunge usingakwanisi kugadzirisa mararamiro ako asi zviri nani kutanga kutora matanho kusvika wakunda. Ukaedza uchaona kuti unosevha mari yakawanda.
Tenga zvipfeko zvomubhero kana zvepamusika wepanze
Rega kutenga zvipfeko muzvitoro zvinodhura. MuZimbabwe makazara vanhu vanotengesa hembe dzakanaka dzemubhero nevamwewo vane misika inotengesa hembe dzakanaka asi dzakachipa. Zhinji dzinembenge dzakapfekwa asi hazvitombooneka.
Isa mari yako muzvinhu zvinobatika
Kana uri kutya kuti dhora rinogona kudonha kana kuti pane zvingangoitika nemari tenga zvinhu zvinobatika zvakaita samba, zvipfuyo nemidziyo. Hapana anonyatsoziva kuti chii chichaitika munyika yedu saka tamba wakachenjera.
Chengetedza mari pazvishanziswa zvepamba
Chivhitivhiti – Kune vane madhishi eZvivhitivhiti akaita seDSTV bhadharai machaneri mashoma nekuti munogona kubhadhara akawanda amusingaoni. Kana wakaroora kana kuroorwa uye mose muri vaviri mumwe wenyu anogona kumbodzima yake foni kuti musevhe mari. Muchashamisika muchitosevha $50.00 chaiyo kana kudarika. Mafoni anobatsira zvikuru asi anodya mari yakawandisa. Kana uchitenga tengawo foni yakachipa kana kambudzi chaiko kasingadyi mari. Hazvibatsire kushamirira nefoni inodhura iyo ichikudyira mari.
magetsi- Tarisa bhiri rako remagetsi. Ungarideredze sei? Munguva yechando pfeka hembe dzinodziya kana kuvirikudza majuzi pane kubatidza hita. Kana zvanyanya tenga hita yegasi yakachipa. Batidza hita iyi panunenge uchiishandisa chete. Dzima zvakare michina yose yemagetsi isina kukosha. Izvi zvinokubatsira kuderedza mari yaunoshandisa.
Chiedza – Tsvaga tumari twekutenga magirobhu anochengetedza moto. Isa magirobhu aya mudzimba dzose. Asiwo natsa kuti unobatidza magirobhu pakafanira nokuadzima paunenge usingaade.
Chema-chema kune vanokutengesera zvinhu
Munguva yakaoma yehupfumi,taura nevanokutengesera uchivaudza kuti upenyu hwakakuomera uye mari yako ishoma. Iva wakatendeseka uye taura chokwadi uine mwoyo murefu nemunhu wose waunenge uchitaurirana naye. Kumbira nguva yakarebha yokubhadhara zvishoma nezvishoma. Kumbira mutengo wakaderera. Kana waita izvi natsa kuti wabhadhara uye nenguva kuitira kuti vanhu vavimbe newe.
Rega Kupedza Mari
Izvi zviri pachena. Kazhinji tinotadza kurega kushandisa mari. Nguva zhinji panotonyuka chimwe chinhu chinoda kutengwa kunyanya nemhuri. Asi funga zvinoitika kana uchangopedza mari. Iwe unorega kushandisa mari. Tsvaga chikonzero chokunzvenga nyaya iyi nokuti nyange ukasashandisa mari nyika ichaenderera mberi. Haisi mhosva kuti wakabhuroka uye hauna mari. Kana uiine hcinhu chaunodisa usina mari usafonere hama uchikwereta kana kukumbira. Tsvaga nzira dzokupunyuka. Rarama nezvauinazvo.
ZVOKUITA SOMUKRISTU
Iva nekutenda.
Dzimwe nguva kutenda kunogona kunetsa kuita. Nzisisa kuti Mwari ane simba rekuchinja chero mamiriro ezvinhu akakupoteredza. Asi iwe tanga kutendera muninga remwoyo wako Anokwanisa uye achazviita. Iwe unofanirwa kubatirira pachitendero chako zvisinei nokuti mamiriro ako ezvinhu akaoma sei. Mwari anogara achitonga. Iye anoti, ‘… Handichazokusiyi, handingatongokusiyi’ (VaHeberu 13: 5).
Ramba Uine Maonero Akanaka.
Kana iwe uchitarisira kuti Mwari apindire usachema-cheama, kunyunyuta, kana kupedza nguva uchipomera mhosva. Apo uchitaura nezvematambudziko ako emari, taura zvakanaka uye zvinechitarisiro. Kusagadzikana kunoratidza kusava nekutenda. Chinobva parurimi rwako chiratidzo chezvauri mumweya wako. Siyana nokusagadzikana.
Wana chaungaita
Mwari anokomborera chiito. Paunoita zvose zvaunogona kugadzirisa mamiriro ako ezvinhu, Mwari anozviziva uye anobvumira zvimwe zvinhu zvakanaka kuti zviuye kwauri. Kumirira mari kuti idonhe kubva mudenga hakushandi. Mwari anobatsira avo vanozvibatsirawo, saka shanda nesimba kuti uwane kuti upunyuke mudambudziko rako remari asi uchivimba naye kuti akuratidze nzira.
Iva nemwoyo murefu.
Zviri nyore kuti uore mwoyo kana zvinhu zvisingaitiki nokukurumidza sezvaunoda iwe. Yeuka kuti nguva yaMwari inogara yakarurama. Nokuda kwekuti iwe hausi kugutsikana nemafambiro ezvinhu, hazvirevi kuti Mwari haasi kupindira.
Ramba Uchinyengetera.
Kunyengetera pamusoro pematambudziko ako emari zvinoreva kuti kugara uri pamwe naMwari. Mwari anoda kuti ubatane naye nguva dzose uye mumamiriro ezvinhu ose. MunaJohani 15: 1-8 anoti ‘Kana ukaramba uri mandiri, kumbira zvaunoda uye zvichaitika kwauri.’ Anoda kuti urambe uchibatana naye. Kana iwe ukaswedera pedyo usingaendi kure, Mwari anokusimudzira uye anokuita kuti ubereke michero yakawanda.
Shandisa mari nohuMwari
Tsumo 27: 23-27, ‘Ngwarira uzive mamiriro ezvipfuwo zvako, uye chengetedza mombe dzako; nekuti pfuma haigari nokusingaperi; korona haigari kusvikira kumarudzi namarudzi. Kana uswa hwakakora hwabviswa, uye uswa hutete hwozviratidza, uye miriwo yamakomo yaungwanidzwa, makwayana achapa zvipfeko zvako, uye mbudzi mutengo wemunda; iwe uchava nemukaka wembudzi yakakwana, uve mbudzi dzichapa zvokudya zvako, uchava ne zvokudya zvakakwana mumba mako nezve zvevarandakadzi vako.’
Mwari anotikurudzira kuti tishande nesimba mubasa redu uye kuti tichengetedze upfumi hwedu nemari yedu. Kana tikadaro, hupenyu hwedu hauzotiomera.



