“Uri kuda kuti ndife rinhi?” Vakadaro mhofu vachidhakiswa nemuridzi wemochari.
Nyambo
Dai ndakatenga mota kare asi makuhwa emukombi anondinakidza.
Unenge uchiti regai ndimbonokumbira mari kumudiwa wangu, wobva wamusvikira achisona tauro rekugezesa.
Ndakaenda pane imwe chechi, hangu, kunonzwa shoko raMwari. Mumwe munhu akauya akabata bendekete rangu achindizevezera munzeve achiti, “Nhasi uchafamba.” Ndikati “Ndinogamuchira.”
Hazvina kundivhundutsa nokuti ndaiziva kuti handisi chirema. Kuzoti chechi yapera, ndakabata homwe dzangu wanikwe chikwama chaiva nemari yebhazi hamuchina.
Zvechokwadi ndakazofamba!
Ivo: Ko mava kuenda? Tanga tava kutopakura.
Ini: Aiwa, handisi kuenda. Ndinoda kutemha mhiripiri mubindu.
Ivo: Manje rine mukaka.
Kana uchiziva vanhu vanodarika vashanu vanonyima, ibva waziva kuti unokumbirisa.
Mudzidzisi: Ko sei wanonoka kuchikoro?
Mwana: Pana amai vanga vadonhedza mari yavo.
Mudzidzisi: Saka wanga uchivabatsira kutsvaga?
Mwana: kwete, ndanga ndakaitsika
Nhai, pamba paunoroja pakaita rufu unoramba uchidya navo mazuva mangani mushure mokuradzikwa kwomufi?
Dzimwe nguva Shona hainzwisisike. Hanzi “amuka akafa. ” Amuka akafa? Saka haana kumuka zve. Hanzi zvekare “ndamuona asiko.” Wamuona sei iye asiko?
Saka Goriyati akango pindira mubhaibheri kurohwa chete here kana kuti ane zvimwe zvaskamboitawo mune zvimwe zvitsauko?
