Pagedhi iri
Ngapasapinda kusuwa
Pamusha uno
Ngapasauya matambudziko
Pamusuwo uyu
Ngapasapinda nekutya munzvimo ino
Ngapasapinza kukakavara
Dai nzvimbo ino yangova nzvimbo yemakomborero norugare chete-chete
Manovhena
Nzira yomuchinjikwa
Minamato yakasiyana-siyana
Rusariro
Pagedhi iri
Ngapasapinda kusuwa
Pamusha uno
Ngapasauya matambudziko
Pamusuwo uyu
Ngapasapinda nekutya munzvimo ino
Ngapasapinza kukakavara
Dai nzvimbo ino yangova nzvimbo yemakomborero norugare chete-chete
©Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Nhasi tiri kupemberera zuva guru remuviri neropa raKristo. Ini ndinoda kuongorora zuva iri ndakanangana neMisa. Pamisa tine chiitiko chakakosha chatinoti Konzekiresioni. Pachiitiko ichi muPriste anotaura akamirira Jesu kuti ‘Torai mudye uyu muviri wangu, torai munwe iri iropa rangu.’
Uyu muviri wangu
Pachirairo chokugumisira Jesu akabata chingwa akatenda ndokuti ‘Uyu muviri wangu, torai mudye.’ Izwi rokuti ‘muviri’ harireve nhengo yemunhu kwete asi rinoreva munhu wese sezvaari kana kuti upenyu hwose hwomunhu. Naizvozvo kana Jesu achiti ‘Uyu muviri wangu, torai’ anoreva kuti ndinokupai upenyu hwangu hwose. Ndinokupai dikita rangu, ndinokupai rufaro rwangu, ndinokupai matarenda angu. Ndinokupai zvose zvandiri.
Iri iropa rangu
Jesu akazobatawo mukombe uzere newaini ndokutendazve akaupa kuvadzidzi vake achiti ‘iri iropa rangu, torai munwe.’ Ropa haingori nhengo yomuviri chete, asi rinomirira rufu. Kudeuka kweropa, zvinoreva rufu. Naizvozvo kana Jesu achiti ‘Torai, iri iropa rangu’ anoreva kuti ndinokupai zvose zvinomirira rufu muupenyu hwangu. Ndinokupai kunyadziswa kwangu, ndinokupai kusvorwa kwangu, ndinokupai kusekwa kwangu namarwadzo angu.
Muchidimbu pamisa tinopira chishamiso choupenyu norufu rwaKristo.
Isu tiri vapriste
Jesu akati itai izvi kuti mundiyeuke nazvo. Tinopirawo upenyu norufu rwedu pamwe naye. Mupriste paanoti ‘Torai mudye uyu muviri wangu, torai munwe iri iropa rangu’ anofanira kureva zvaanenge achitaura. Anofanira kupa upenyu hwake kuvatenderi, nokufa pazvido zvake achizvipira kuvatenderi.
Isu takaitwawo vapriste nepapatisimo. Tinogona kuita muchinyararise kuti ‘uyu muviri wangu, torai’ tichitopira upenyu hwedu sezvo tati muviri unomirira upenyu hwose hwemunhu. Panguva iyoyo unofanira kupira nguva yako, midziyo yako, mhuri yako, utano hwako, matarenda ako, simba rako, kugona kwako. Unofanira kupira zvose zvinechekuita neupenyu hwako.
Unofanira zvakare kubatana nomupriste uchiita muchinyararire kuti ‘iri iropa rangu.’ Sezvo ropa richimirira rufu unofanira kupira zvose zvinomirira rufu muupenyu hwako. Unofanira kupira kunyadziswa kwako, kukoniwa kwako, urwere hwako, kunyeyewa kwako. Unofanira kupira zvose zvinomirira rufu muupenyu hwako.
Ita sezvawareva pamisa
Kana uchinge wazvipira zvechokwadi pamisa sezvizvi unofanira kuti uchibuda muMisa wonozvipira zvechokwadi. Ngazvirege kuperera pamuromo. Jesu paakati kuvadzidzi vake ‘torai uyu muviri wangu, torai iri iropa rangu’ haana kuzombopedza nguva akabva aenda kunoita zvaareva. Akabva aenda kunopira upenyu hwake nokudeura ropa rake pamuchinjikwa.
Iwe unofanirawo kuti uchipedza kuti ‘torai mudye, torai munwe’ wobuda muchechi woenda kunozvibvumidza kudyiwa navamwe vanhu, zvikuru sei vavengi vako kana kuti vausinganzwisisane navo. Jesu anoti iye muna Mateo 5:46-47, ‘ko kana muchida vanokudai, munowana mubairo wei, ko vateresi havaite saizvozvo here? Ko kana muchingokwazisa hama dzenyu chete, chii chamunokunda vamwe nacho ipapo?’
Iginashiyasi wekuAndioku akatongerwa rufu rwokudyiwa neshumba, akati ari munzira ndokuti, ‘ini ndiri tsanga yaKristo yakamirira kugaiwa nezvikara kuti igova chingwa chakatsetseka chaKristo.’ Iwe ukazvitarisa unogona kutaura kuti pane mazino akapinza ari kunditsenga. Mazino eruvengo, mazino ekupikiswa. Nyange zvakadaro zvibvumidze kugaiwa nemazino iwayo, zviite yukaristiya. Dzimwe nguva vanhu vanokupikisa vakakosha muupenyu hwako kupinda avo vanokureverera. Ignitius anonyora mune imwe tsamba zvakare achiti ‘vanhu vanondireverera vachindirumbidza vanondirova neshamhu.’
Kurarama Yukaristiya
Kana tikatanga kurarama Yukaristiya nematsananguriro andaita upenyu hwedu hunotanga kushanduka. Kana baba vagere muno muchechi vakati ‘torai mudye, torai munwe’ voenda kumba kwavo vonodyiwa nevana vavo, vonoitwa Yukaristiya nemudzimai wavo, nehama dzavo upenyu hwavo hunenge hwava misa. Kana ini somupriste ndikati ‘torai mudye, torai munwe’ ndoenda kunoita basa rangu, ndichinamata, ndichiparidza, ndichiita maconfessions, ndichiona vanhu, ndichitara varwere upenyu hwangu hunenge hwava Yukaristiya, hunenge hwava misa. Hanzi nemurume anonzi Oliviant ‘Pamisa yamangwanani ini ndinenge ndiri mupriste, Kristo anenge ari chibayiro. Asi pakati pezuva Kristo anenge ari mupriste, ini ndinenge ndiri chibairo.’ Ngativei yukaristiya, ngativei chibayiro kune vamwe.
© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Kana Kristo arimo zvirokwazvo musakaramende rearitari zvinoreva kuti tinofanira kumushanyira nguva nenguva. Dai zvaibvira waitora maminitsi 10 kana 15 zuva roga roga uchikurukurirana naKristo musakaramende dzvene.
Ini ndinoona izvi zvichindibatsira zvikuru. Pose pandinoshanyira sakaramende dzvene ndinoona ukama hwangu naMwari huchisimba. Ndinowanzoti kana ndava kushanyira sakaramende dzvene ndotakura kabhuku kemunamato kana bhaibheri kuitira kuzvibatsira kana pfungwa dzave kutetereka. Dzimwe nguva ndinongoita munamato unobva mumwoyo mangu ndichiuudza Jesu zvandiri kunzwa nemifungo yangu. Kana ndiine dambudziko gukutu ndinoudza Jesu. Kazhinji kana ndave kubuda muchechi ndinobatwa nepfungwa inobva yandipa zano padambudziko rangu. Izvi zvakaitika kakawanda saka ndinotendera kuti iyi ndiyo nzira yandinodairwa nayo naKristo.
Dzimwe nguva kana ndakaneta ndisina chekutaura ndinongogara pamberi paKristo ndichiziva kuti iye aneni. Vamwe sista vanonzi Bridge Makenna vanofamba nyika dzakasiyana-siyana vanotora maawa 3 zuva roga roga rakasikwa naTenzi vari pamberi pesakaramende. Vane basa rakawanda asi vanototi vawane nguva yekukurukurirana naKristo. Sista ava vanoti ‘haisi nyore kupfugama pamberi pesakaramende. Kazhinji unoshaya zvekutaura kana kuti pfungwa dzinotanga kutetereka. Panogonawo kuita sepasina chiri kuitika. Asi nyange pakaita sepasina chiri kuitika iwe ziva kuti shanduko ichauya muupenyu hwako.’
Sista Makenna vanopa muenzaniso. Hanzi rimwe zuva ndakati ndaenda kunokurukurirana naJesu ndakaneta ndikanoti kwaari nhasi handina chekutaura asi ndinoda kuti uzive kuti ndinokuda. Jesu akandipindura akati hausungirwe kutaura chinhu kwandiri nguva dzose, ini ndini ndine zvandinoda kukuitira. Hanzi ipapo ndakaona mufananidzo wemurungu aibuda mumba achinogara pazuva kuti adziye mushana. Mushure mechinguva ruvara rweganda rake rwakatanga kushanduka. Vanhu vaipfuura nepo vaizviona. Iyewo ainzwa shanduko iyi asi hapana chaaita sechiri kuitika. Izwi raMwari rakabva rati kwandiri izvi ndizvo zvimwechete newe. Ukauya kwandiri panoita sepasina shanduko asi vanhu vanoonashanduko muzviito zvako nehunhu hwako.
Saka nhasi ndinoda kuti tikurukurirane naKristo Musakaramende dzvene. Arimo zviro kwazvo musakaramende iri. Akamirira anoda kutaura nesu.
© Musakope mharidzo iyi musina mvumo
Kuti tinzwisise zvinoreva chiitiko chokupamhidzirwa kwechingwa tinofanira kuverenga Jowani 6. Ipapo tinonzwa kuti vanhu vakakwira zvikepe ndokutanga kutsvaga Jesu vachida chimwe chingwa. Jesu akaedza kuvatsanangurira dzidziso yakanga yakaoma yokuti iye ndiye chingwa chinopa upenyu:
Ndini chingwa choupenyu. Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi vakafa. Ichi ndicho chingwa chakaburuka chichibva kudenga chokuti anenge achidya haazofa. Ini ndini chingwa choupenyu chakaburuka chichibva kudenga munhu anodya chingwa ichi achararama nokusingaperi. Chingwa chandichapa kuti chive upenyu hwapasi pose inyama yangu pachangu. (Jowani 6:48-51)
Jesu paakataura mashoko aya vanhu vakaremerwa nawo. Vakakahadzika kuti anorevei kana achiti ‘kudya nyama yangu nekunwa ropa rangu.’ Vakati ‘zviri kutaurwa izvi zvakaoma. Ndiani angateedzere zvakadai?’
Chishamiso chaJesu waive mucherechedzo wechingwa newaini zvaaizopira pazuva rechirariro chekugumisira. Zvino mazuva ano tinoona kuti varipo vanhu vanonetseka nekutendera chimisteriya chekuti chingwa newaini zvatinopira pamisa inyama neropa raJesu.
Ini ndiri mudiki ndichidzidzira kugamuchira ndichiri kurangarira mudzidzisi wechitendero achiedza kutsanangudza kuti panguva yekonzekresioni chingwa newaini zvinoshandurwa zvichiva muviri neropa raKristo. Mudzidzisi uyu aiti mumaziso edu tinenge tichiona chingwa newaini asi kana zvakomborerwa zvinenge zvatova muviri neropa raKristo. Ini ndakaedza nepfungwa dzangu dzemwana mudiki kunzwisisa dzidziso iyi asi yakandiremera. Ndaizvinetsa kuti ko munhu wenyama angagokwana mukachingwa kadiki aka chirudzii? Ko doro ringagoita ropa remunhu chirudzii? Mudzidzisi uyu akaona kunetseka kwangu zvikanzi ‘Mwanangu haugone kunzwisisa dzidziso iyi nepfungwa dzako asi nemwoyo wako.’ Mwari haana here kodzero yekuzviratidza nenzira yaanoda?
Munhororondo yeKirike mune vanhu vakawanda vakanyunyuta kuti chingwa newaini zvinoshandurwa zvichiva muviri neropa raKristo. Zvino Mwari akaita zvishamiso zvakawanda zvinopa umboo hwokuti dzidziso iyi ndeyechokwadi. Ndichangokutaurirai zvitatu chete nekuda kwenguva.
Mugore re700 paive nemumwe mupriste wechita chaBhasiri aigara muguta reRanziano kunyika yavaTariana ainzi Bhateri. Murume uyu aisatendera kuti chingwa newaini zvinoshanduka panguva yekonzekresioni zvichiva muviri neropa raKristo. Zvisinei akaramba achingoita muteuro weMisa kunyange aisatendera. Mumwe musi ari pakati pekuita muteuro weMisa panguva yeKonzekresioni chingwa chakashanduka kuita denderedzwa renyama waini ndokushanduka kuita ropa.
Mupriste uyu akambotanga nekurohwa nehana ndokuzozadzwa nemufaro mukuru. Akadaidza vatenderi vaive muchechi kuti vauye mberi vazvionere. Vatenderi vakauya vakaona vakazadzwa nomufaro ndokubuda kunodaidza vamwe vakazvionerawo. Ropa rakazogwamba rikaita tubhora tushanu twakakura zvakasiyana-siyana. Tubhora utwu twakaerwa pachikero zvikashamisa vanhu kuona kuti twaiera zvakafanana kunyange twaive twakasiyana.
Nyama iyi neropa iri zvakachengetedzwa pakanaka. Makore aitevera nyanzvi zhinji dzakaongorora nyama iyi neropa iri kuti vaone kuti chishamiso chiri kutaurwa ndechechokwadi here. Pane imwe ongororo yakaitwa munguva pfupi yadarika mugore re1970 nachiremba ane mukurumbira anonzi Odhowadho Rinori wepaKorichi yapamusoro ye Rorenzo. Chiremba uyu akatora chidimbu chidiki padenderedzwa renyama iyi ndokunochiongorora murabhoritori achibva anyora zvaakabuda nazvo mune rimwe gwaro.
Chiremba uyu akaona kuti nyama iyi inyama yemunhu zvechokwadi. Inyama inobva pamwoyo wemunhu uye haina kushandisirwa mishonga kuti isaore zvakare haina kubviswa pachitunha nekuti ingadai yakakurumbidza kuora. Izvi zvinoreva kuti chishamiso chepaRanziano ndechechokwadi.
Denderedzwa iri renyama richiri rakachengetedzwa pachechi yeRanziano munyika yavaTariana. Vanhu vakasununguka kupinda muchechi iyi vachizvionera. Ini ndakazvionera pamhuno sefodya pandakaenda kuItaly mugore re2007.
Vhesi: Mwari uyai kuzotiyamura.
Daviro: Chimbidzai kuzotibatsira.
Vakudizwe Baba …
Rwiyo rwakafanira panguva yezuva kana mhemberero runogona kutevera, somuenzanisi:
Utatu usande hwechiedza,
kubatana korunoko runesimba
Zuva rinopisa zvino roenda
whenekerai mumoyo yedu miranzi yenyu
kwamuri rumbo rwamanganani rwokurumbidza
kwamuri rumbo rwamauro rwokurumbidza
Mbiri izere tinoremekedza
nemisi isingaperi.
Rukudzo rwose ngaruve kuna Mwari Baba
Kurumbidza kwose kuMwanakomana anorarama narini
kutunhidza kuna Mwari Mutsigiri Mutsvene. Amen.
Nziyo 16
Ndichengetei Mwari
nokuti ndinopotera kwamuri.
Ndinoti kuna TENZI,
‘Imi ndimi TENZI wangu.
Kunze kwenyu imi
handina chimwe chakanaka.’
Varurami vari munyika
ndivo vokumba huru.
Ndinofadzwa kwazvo navo.
Vanozvisarudzira mumwe mwari,
vanozviwanzira nhamo.
Handisi kuzopira kwavari miteuro yeropa.
Handifi ndadaidza mazita avo nomuromo wangu.
TENZI ndiye mugove wangu nenhaka yangu.
Nhaka yangu iri mumaoko ake.
Muganhu wangu waenda napakanaka.
hakusi kunaka ikoko kwakaita nhaka yangu.
Ndinorumbidza TENZI
anondipa mazano kunyange usiku,
mwoyo wangu unondinyevera.
Ndinoisa TENZI mberi kwangu nguva dzose;
nokuti ari kurudyi rwangu handitsuduguki.
naizvozvo moyo wangu unofara,
mweya wangu unopemberera;
kana muviri wangu uchava norugare.
hamungandiregi ndichienda kunzvimbo yavakafa;
kana kurega mururami wenyu achienda muguva.
Munondiratidza nzira youpenyu;
pamuri ndipo pane rufaro ruzere
kurudyi kwenyu kune rufaro nokusingaperi.
Vakudziwe baba …
Chiverengo
(Imwewo ndima inogona kushandiswa)
Ngaarumbidzwe Mwari Baba vatenzi wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi, Mwari anonyaradza muna zvose!=, anotinyaradza mumatambudziko edu ose, kuti tikwanisewo kunyaradza vamwe vanenge vari mumatambudziko api naapi zvawo nokunyaradzwa ikoko kwatinenge taitwa naMwari. (2 Vakorinde 1:3-4)
Rwiyo rwaMariya (Ruka 1: 46-55)
Mutungamiri: Ngatichirumbidzai nokutenda Mwari namazwi akaiswa pamuromo paMariya.
Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu,
Nokuti akatarisa netsiye nyoro murandanhando wake,
Chionai, kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi,
Nokuti Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru,
zita rake rinoera.
Anonzwira tsitsi avo vanomutya,
kubvira chizvarwa nechizvarwa,
Anoita zvina masimba noruoko rwake,
anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwoyo yavo.
Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo,
achisimudzira vanhunhando.
Vane nzara anovagutsa nezvinhu zvakanaka,
vapfumi anovaendesa vasina.
Akabatsira Isiraeri muranda wake,
sezvaakatsidzira madzibaba edu.
Akayeukawo tsitsi dzake kuna Abhurahamu nokuna vedzinza rake nemisi isingaperi.
Vakudziwe Baba …
Mikumbiro
(Munogona kusevenzesa mikumbiro iri pano kana mimwewo)
Umambo hwenyu hworugare noruenzaniso ngauzadziswe pasi sokudenga-
Tenz, inzwai minamato yedu.
(Daviro iyi inogona kudzokororwa mushure memutsara woga woga)
Zviratidzei kuna vose vanokutsvagai nomwoyo wose –
Tenzi Jesu Kristu, chiedza chenyika dzose, whenekerai vose vanofamba murima nomumumvuri worufu.
– ivai navose vanotambudzwa nepfungwa, muviri kana mweya.
– ratidzai tsitsi kuvafi; itai kuti vagopemberera pamwe naMariya Mhandara yakakomborerewa naVaTsvene venyu –
Baba vedu …
Munamato wokupedzisira
Tenzi, munamato wedu ngaukwire kwamuri sechipfungautsi, uye makomborere enyu ngaadururwe patiri kuitira kuti nyasha dzenyu dzitirape nokutinunura zvino narini. Tinokmbira izvi nomunaKristu Tenzi wedu. Amen. + Tenzi ngaatikobmorere, atichengetedze kubva kuuipi nokutisvitsva kuupenyu husingaperi.
Mimwewo minamato yokusviitira inogona kusanganisira:
Baba vedu. Kwaziwai Mariya. Vakudziwe Baba. Ndinotendera.
Mwari wangu, ndinokutendai nezvipo zvose zvandakagamuchira kazhinji kubva kwamuri, zvikuru sei zuva ranhasi. Ndipei chiedza chokuona matadzo andapara, uye ndipei nyasha dzokuapfidza nomoyo wose. (Mungazvibvunza hana kwekanguva kapfupi).
Mwari wangu, nokuti makanakisa, ndine urombo zvikuru kuti ndakakutadzirai uye norubatsiro rwenyasha dzenyu handichakutadzirei zvakare.
Pakuenda kunorara
Tenzi mumaoko enyu ndinoisa mweya wangu: Tenzi Jesu Kristu gamuchirai mweya wangu. Muzita raTenzi Jesu akarovererwa pamuchinjikwa ndizorodzei. Ndikomborerei, Tenzi, mundidzivirire; ndichengetedzei kubva kurufu runokaruka rauya ndisina kugadzirira nokunjodzi dzose; uye ndisvitsei kuupenyu husingapesi pamwe nemi.
©Musakope munamato uyu nechinangwa chokutsvagisa mari musina mvumo
Maitiro pfugamiro
Rwiyo runoimbwa Mupristi kana mudhikoni achitora Sakaramende Rakakomborerwa tabhanekoro.
Vose vanopfugama
Munamato kuSakaramende Dzvene
Tenzi wangu Jesu Kristu,
Nokuda kwerudo rwamunarwo kwatiri,
Munoramba muri musakarAmenide iri siku nesikati,
Muchidana nokugashira vose vanouya kusokushanyirai,
Ndinotendera kuti murimo muSakarAmenide rebisiro (Atari).
Ndinokunamatai kubva kutsi kweunhando hwangu,
Uye ndinokutendai nezvipo zvose zvamakandipa,
Zvikuru nokundipa imi pachenyu musakarAmenide iri,
Nekundipa mai venyu vatsvene zvakanyanya semurevereri
Nokundishevedza kuti ndikushanyirei mukereke ino.
Jesu wangu, ndinokudai nomwoyo wangu wose,
Ndine urombo nokutadzira kwandakaita unaku hwenyu husingaverengeki.
Ndinotsidza kusambokutadzirai zvekare munguva inotevera,
Uye zvino, nyange ndisingakodzeri,
Ndinozvipa zvachose kwamuri.
Ndinorasa zvido zvangu,
zvidakadaka zvangu,
Zvipango zvangu (madiro),
nazvose zvandinazvo.
Kubva zvino zvichienda mberi ndinhadzirei,
nazvose zvose zvandinazvo, samadiro enyu.
Chandinongokukumbirai uye chandinosumba
Rudo rwenyu rutsvene, utsungi hwakaperera
nokuzadzisa kuda kwenyu zvizere. Amen.
(Arifonzo Rigori)
Mira unamate muchinyararire
Mupriste kana mudhikoni anopfugama pamberi peatari vanhu vachiimba Tantum ergo. Mushure merwiyo anoita munamato okomborera vanhu achiita mucherechedzo wemuchinjikwa neSakarambende dzvene.
Tantum ergo
Tantum ergo Sacramenitum Veneremur cernui:
Et antiquum documentum Novo cedat ritui:
Præstet fides supplementum Sensuum defectui.
Genitori, Genitoque
Laus et jubilatio,
Salus, honor, virtus quoque Sit et benedictio:
Procedenti ab utroque Compar sit laudatio.
Amen.
Mutungamiri: Makavapa chingwa chokudenga (Areruya)
Vose: Chine unaku hwose (Areruya)
Mutungamiri: Mwari makatisiyira sakaramende rinoshamisa kuti rive chiyeuchidzo chokutambudzika kwenyu; tigonesei kuremekedza muviri neropa renyu, kuti murambe muchitiraramisa, imi munogara nokutonga kwemisi isingaperi.
Amen.
Madetembo takomborerwa
Ngatirumbidzei Mwari.
Ngatirumbidzei zita rake dzvene.
Ngatirumbidzei zita raJesu.
Ngatirumbidzei mwoyo wake mutsvene kwazvo.
Ngatirumbidzei ropa rake rakakosha kwazvo.
Ngatirumbidzei Jesu musarakAmenide dzvene kwazvo reatari.
Ngatirumbidzei mweya waMariya wakasikwa usina mhaka.
Ngatirumbidzei kukwidzwa kwaMariya kudenga.
Ngatirumbidzei zita raMariya, mhandara namai.
Ngatirumbidzei Josefa Mutsvene, murume waMariya.
Ngatirumbidzei Mwari mukurumbidza kwatinoita vatumwa navatsvene vake.
Rwiyo rwokupedzisira
©Musakope vovhena iyi nechinangwa hcokutsvagisa mari musina mvumo
F. MINAMATO YENOVENA MUSHURE MEMISA
Hama dzadiwa, taungana pamberi pomufananidzo waAmai voRubatsiro Rusingagumi kuti tinamate nokutenda Mwari Baba vedu vokudenga. Mwari akatiitira zvinhu zvikuru nomuna Mariya. Tinopupu-rawo Mariya nezvizvarwa zvose sanyakukomborerwa kwazvo.
Mariya akagamuchira nyasha dzaMweya Mutsvene akadavira nokutendeka kuna Mwari. Isu norumwe rutivi hatina kutendeka kurudo rwaMwari nokuda kokutadza kwedu. Norubatsiro rwake tinotsvaga ruyamuro rwokukurira matadzo edu.
Munamato womhuri yaVakristu
Vose: Mai voRubatsiro Rusingagumi, noruvimbo rukurusa tinouya pamberi pomufananidzo wenyu mutsvene kuti tikurudzirwe nomuenzaniso weupenyu hwenyu. Tinokufungai panguva iya, zvamakanga muzere nechitendero noruvimbo (kunyinda), mukagamuchira daidzo yaMwari yokuva amai voMwanakomana wake. Tibatsirei isu, vana venyu, kugamuchira norufaro daidzo yedu muupenyu.
Pamakaziva kuti hama yenyu Erizabeti anoda rubatsiro makachimbidzoenda kunomubatsira. Tipei nyasha dzokubatsira vamwe tisingazvifunge sezvamakaita imi.
Panyasi pomuchinjikwa, makararama marwadzo oMwanakomana wenyu, mazuva matatu aitevera makazogoverana naye mufaro wokukunda kwake rutadzo norufu. Tibatsirei, amai, kugamuchira noushingi matambudziko namarwadzo oupenyu nekuvavarira tisinganete kuti tiwane mufaro woku-kunda chivi nekusangana zvinetso zveupenyu. Amen.
Mikumbiro yemhuri yaVakristu
Mutungamiri: Mumwe nemumwe wedu anounza zvinangwa zvake nezvido zvake. Ngatizvibatanidzei kuti zvinyatsonamatirwa nokupirwa kuna Jesu Kristu kuburikidza nokurevererwa naamai vake Mariya vakakomborerwa.
(Mimwe mikumbiro yakafanogadzirwa inosumwa)
Vose: Mai voRubatsiro Rusingagumi, onai vana venyu tapfugama pamberi penyu. Munonyatsoziva kuti Mwanakomana wenyu anoda kugoverana nesu zvakadii michero yoRusununguko. Naizvozvo tinoku-kumbirai kuti murambe muchireverera vanhu vose kuti vagamuchire zvipo zvorugare neruwadzano. Mai vakakomborerwa, Mwanakomana wenyu akakupai kwatiri saamai veduwo. Makasarudza kuti tiku-tii Mai voRubatsiro Rusingagumi. Norutendeseko rwokureverera kwenyu kune simba tinotarisira ku-gamuchira rudo rwenyu ruzere saamai dakara zuva raticharumbidza Mwari narini wose takabatana nemi navatumwa navatsvene. Amen.
Madetembo
Mutungamiri: Mariya Mutsvene mwanasikana wadiwa waBaba.
Daviro: Tireverereiwo
Mutungamiri: Mai vaJesu
Daviro: Tireverereiwo
Mutungamiri: Imba inoera yaMweya Mutsvene
Daviro: Tireverereiwo
Mutungamiri: Mai veSangano
Daviro: Tireverereiwo
Vose: Tenzi Jesu verudo, makatipa kuti tiremekedze mucherechedzo waamai venyu vakakomborerwa zvikuru une zita rakakosha rokuti ‘Rubatsiro Rusingagumi,’ Itai kuti nenyasha dzenyu, pakati pe-shanduko dzose dzerwendo rwoupenyu hwedu, tidzivirirwe norubatsiro nechengetedzo inogara iripo yaMariya Mhandara isina Rutadzo, kuti tikodzere kuwana mibayiro yoruponeso rusingagumi, imi mu-nogara nokutonga naMwari Baba makabatana naMweya Mutsvene nokusingaperi. Amen.
Kukomborerwa kwavarwere
MuPristi: Rubatsiro rwedu rwuri muzita raTenzi Daviro: Vakasika denga napasi.
MuPristi: Tenzi inzwaiwo minamato yedu.
Daviro: Kuchema kwedu kusvikewo kwamuri.
MuPristi: Tenzi ngaave nemi.
Daviro: Ngave nomweya wenyu.
MuPristi: Tenzi tarirai norupfave varanda venyu vanotambudzwa nourwere hwomuviri, pfungwa nomweya. Vanyaradzei mukutambura kwavo vagobatsirika nako kuburikidza nokuziva kuti nyasha dzenyu dzinorapa nekuponesa. Tinokukumbirai izvi nomune Mwanakomana wenyu Jesu Kristu, Tenzi wedu, anogara nokutonga pamwe nemi naMweya Mutsvene nokusingaperi. Amen.
Chikomborero chokupedzisira
Tenzi Jesu Kristu ngaave nemi kuti akudzivirirei;
ngaave mumwoyo yenyu kuti akukurudzirei;
ngaafambe nemi kuti akudzivirirei;
ngaakudururirei makomborero ake.
+Muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Amen.
©Musakope novhena iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina mvumo
E. NOVENA YAMAI VORUBATSIRO RUSINGAGUMI KUNZE KWEMISA
Munamato kuna Amai voRubatsiro Rusingagumi
Mai voRubatsiro Rusingagumi zita renyu pacharo rinokurudzira. Tinouya pamberi pomufananidzo wenyu mukurumbidza nokutenda Mwari, tichitsvaga kurevererwa nemi kuna Jesu Mwanakomana wenyu, pazvipango zveupenyu hwedu nhasi. Tinopemberera umai hwenyu hutsvene patinopupura Jesu Kristu Tenzi neMununuri wedu.
Makapindura pamakadaidzwa kuva amai vaTenzi wedu. Tiwanireiwo nyasha dzokuva vapenyu mushevedzo yedu yekuombwekwa, zvikuru sei kumbundira Shoko roupenyu nokuremekedza upenyu hwose hwapasi.
Makashamiswa mwanakomana wenyu achikura muungwaru, ruzivo nemunyasha. Tireverereiwo kuti tigogamuchira Shoko raMwari muupenyu hwedu tigova vasvitsi veShoko Rakanaka kuvanhu vose.
Makafadzwa Mwanakomana wenyu zvaairapa varwere. Revereraiwo varwere vedu kuti vagamuchire utano hwakanaka, uye vagozovawo varapi kune vamwe.
Makanakidzwa norugave Mwanakomana wenyu Mwanakomana wenyu zvaainyaradza vane dam-budziko. Revererai vose vanotambura vagoziva kuti tinotakura mitoro yavo pamwe navo, uye nenzira iyi tinochengeta murau waKristu.
Makapembera Mwanakomana wenyu zvaairegerera matadzo. Tiwanireiwo kuregererwa kwamatadzo edu mugotitungamirira kutsudzunura vamwe nekuvasunungura.
Makatambudzika nokuda kwemaronda akatirirwa noMwanakomana wenyu kuti atiponese. Tibatsirei kusunga vane mwoyo yakavhunika nekupa chitarisiro kune vanotsikirirwa.
Makapembera mukumuka kwoMwanakomana wenyu. Tiwanireiwo nyasha dzekutsunga munzira yake mazuva ose eupenyu hwedu tigopiwa nzvimbo kudenga.
Ndimi wekutanga pavadzidzi navatsvene vose. Tinovimba norudo nehanya dzenyu saamai. Tiwanirei-wo nyasha dzose dzatinopanga kuti tizadzise urongwa hwaMwari muupenyu hwedu.
Rangariro
Rangarirai imi Mariya mhandara tsvene izere nyasha, kuti hazvina kumbozikanwa nakare kose kuti makarambira avo vakatizira kwamuri vachida kubatsirwa kana kurevererwa nemi. Muchokwadi ichi, ndinotizira kwamuri imi mhandara tsvene, yemhandara tsvene dzose, imi amai vangu. Ndinouya ndi-chimira pamberi penyu, ndichirwadziwa namatadzo angu. Amai vaMwari, Izwi akava munhu, inzwaiwo kudemba kwangu, mundiitirewo tsitsi, mundidavirewo. Amen.
Kwaziwai Mariya…
Minamato yaVatendi
Mutungamiri: Tenzi Jesu Kristu, nezwi rakabva kuna Mariya, amai venyu, makasandura mvura ikava waini paKana muGarireya. Inzwai minamato yedu mugoguurira minyengetero yatiri kuita tichiremekedza Amai vedu voRubatsiro Rusingagumi.
Mutungamiri: Ipai ungwaru neutsungarari kuvapikiri vose, vashandi vehurumende, Baba Vanoera (Pa-pa) N….., mabhishopu edu navamwe vose vanotitungamirira, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai rugare, kubatana negoho rakanaka pasi pose, zvikuru munzvimbo dzine kupokana, hondo, gwandangwa neushayi, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai vakawanana nyasha dzeSakarAmenide ravo, madzimai navarume rudo runovasun-ganidza, vabereki nyasha dzekugamuchira nekukoshesa vana vavo, dzimba dzinemubereki mum-wechete kubatana nesimba, uye rugare nemakomborero mudzimba dzedu dzose, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai vechikuru vedu vasiri muwanano kugutsikana mushevedzo yavo, kune vechidiki bu-diriro muvavariro dzavo nechivindi chekuita vafakazi vechitendero chavo, kuva vakwegura vedu simba, kuchengetedzwa nekugutsikana mumazuva avo, uye kune vakapatsanurana kana kurambana nyasha dzaMweya wenyu, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai vashandi chitendeseko mubasa ravo, chiremera muzvikwaniso zvavo, mufaro mune zvavanoita, muripo une ruenzaniso unoraramisa, uye vasina musevenzo vapei basa rinobhadhara, ti-nonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai Sangano renyu vashandi vaunza goho – vapriste, vapikiri-kadzi, vapikirirume na-vatendi vasina kupikira vakarurama – vanozozvipira upenyu hwavo kuvatendi venyu, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai upenyu husingaperi vashakabvu vose nenzvimbo mukubatana kwavatsvene, uko kuchapukutwa misodzi yose tichizokuonai, imi Mwari wedu, uso neuso, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai mumwe nemumwe wedu nyasha dzekuita ruenzaniso, rudo, tsitsi nekufamba nemi takazvirereka zuva roga roga roupenyu hwedu, nokuti chipi nechipi chatinoitira mumwe wehanzvadzi, mukoma kana munin’ina tinoitira imi, tinonamata: Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Mai voRubatsiro Rusingagumi, isu vanodaidza zita renyu rine simba guru, tinokutendai nenyasha dzatakagamuchira kuburikidza nokurevererwa nemi uye nekunzwa kwamunoita minamato yedu nhasi: ‘nokuti Mwari samasimba akaita zvinhu zvikuru nemunemi, uye nyasha dzaMwari dzinogara nokus-ingaperi kune vanomutya.’ Amen.
Chokomborero chokupedzisira
Tenzi Jesu Kristu, Mwanakomana waMariya mai voRubatsiro Rusingagumi ngaave nemi kuti akudzi-virirei;
mamuri kuti akuraramisei;
mberi kwenyu kuti akutungamirirei;
shure kwenyu kuti akuchengetedzei;
napamusoro penyu kuti akukomborerei mazuva ose oupenyu hwenyu.
+Muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Amen.
©Musakope novhona iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina mvumo
D. NOVENAYAMAI VORUBATSIRO RUSINGAGUMI MUMISA
Rwiyo rwedairo
(Mushure mechiverengo chokutanga)
Mutungamiri: Ngatichirumbidzai nekutenda Mwari namazwi akaiswa pamuromo paMariya.
Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu,
Nokuti akatarisa netsiye nyoro murandanhando wake,
Chionai, kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi,
Nokuti Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru,
zita rake rinoera.
Anonzwira tsitsi avo vanomutya,
kubvira chizvarwa nechizvarwa,
Anoita zvina masimba noruoko rwake,
anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwoyo yavo.
Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo,
achisimudzira vanhunhando.
Vane nzara anovagutsa nezvinhu zvakanaka,
vapfumi anovaendesa vasina.
Akabatsira Isiraeri muranda wake,
sezvaakatsidzira madzibaba edu.
Akayeukawo tsitsi dzake kuna Abhurahamu nokuna vedzinza rake nemisi isingaperi.
Mikumbiro yakasiyana-siyana
Tinokumbira Mariya kuti abatane nesu, patinotendeukira kuna Mwari mumunamato, tichifunga nez-vezvido zvedu, zvido zveSangano nezvido zvevanhu vose vaMwari.
Dairo: Mariya Mhandara ngaatireverere
Mutungamiri: Tinozvinamatira kuti tive nechivindi mukushungurudzika kwedu. D.
Tinonamatira mhuri dzedu kuti dzimba dzedu dzive nzvimbo dzekugamuchirwa, kudiwa nekunzwisiswa. D.
Tinonamatira parishi yedu kuti tishandise zvipo zvedu kushandira Sangano. D.
Tinonamatira Sangano redu kuti riropafadzwe navapristi navapikiri vakanaka. D.
Tinonamatira pasirose kuti umambo hwaMwari hweruenzaniso, rugare nerufaro hupfakachire kwose kwose. D.
Tinonamatira zvinangwa zvedu pachedu (ngatinamatei muchinyararire kwekamukowoko (kwe-kanguva]). D.
Munamato weNovena
Mutungamiri: Pamwechete ngatiitei munamato weNovena.
Vose: Mai voRubatsiro Rusingagumi, noruvimbo rukurusa tinouya pamberi pomufananidzo wenyu mutsvene kuti tikurudzirwe nomuenzaniso weupenyu hwenyu. Tinokufungai panguva iya, zvamakanga muzere nechitendero noruvimbo (kunyinda), mukagamuchira daidzo yaMwari yokuva amai voMwanakomana wake. Tibatsirei isu, vana venyu, kugamuchira norufaro daidzo yedu muupenyu.
Pamakaziva kuti hama yenyu Erizabeti yaida rubatsiro, makaenda pakarepo kunomubatsira. Tibatsirei-wo, semi, kuitira vamwe hanya.
Tinofunga nezvenyu, Amai, muri munyasi moMuchinjikwa. Moyo wenyu unofanira kuva wakabuda ropa muchiona mwanakomana wenyu achigungudzika. Asi mufaro wenyu waiva mukuru zvaakamuka muvafi, akunda huipi.
Mai Vamarwadzo, tbatsirei mumiedzo nemukuodzwamoyo kwedu. Tibatsirei tisakondokwa. Ngatigoverane nemi noMWanakomana wenyu mufaro wokunge tatsungarara pakutarisana nembo-nano dzeupenyu. Amen.
Munamato Wokutenda
Munamato uyu unoitwa mushure meMisa, parutumba rweMbenembe Yedu.
Vose: Mwari, Musiki wedu, tinokutendai nechipo cheupenyu nezvipo zvose zvomuzvarirwo wedu: pfungwa dzedu, njere dzedu, matarenda edu nerukwaniso rwedu. Tinokutendai nekutisika nomuen-zaniso nemufananidzo wenyu uye nekutipa pasi rino kuti tipashandise nokupabudiririsa, ku-paremekedza nekupakoshesa.
Zvisinei nekukundikana kwedu, munoramba muchitiratidza rudo rwenyu nhasi nekuwedzera upenyu waMweya matiri patafura yeYukaristiya.
Chekupedzisira, Baba, tinokutendai nokutipa Mariya amai voMwanakomana wenyu kuti vave Amai vedu voRubatsiro Rusingagumi, uye nokuda kwezvinhu zvose zvinofadza zvamakatiitira, zvikuru kutipa Mwanakomana wenyu Jesu kuti ave mununuri (mudzikinuri) wedu.
Tinovonga nemutsa wose watakagamuchira nokuda kwekutireverera kwavo. Tinonamata kuti ngoni dzose dzatakaratidzwa dzitikurudzire kuva noruvimbo rukuru rwenyasha dzerudo rwenyu nekutsvaga rutsigiro rwaAmai voRubatsiro Rusingagumi. Amen.
©Musakope novhena iyi nechinangwa chokutsvagisa mari musina mvumo
C. NOVENA MUSHURE MEMISA
(Vose vanopfugama )
Mutungamiri: Ngatibatanei naVakristu venguva dzose mukurumbidza Mariya nokuzvipira kurudziviriro rwake.
Vose: Tinobhururukira kurubatsiro rwenyu, Amai Vatsvene vaMwari, susaramba zvichemo zvedu mu-binduko redu, asi tisunungurei kunjodzi dzose, imi mhandara ine mukurumbira yakakomborerwa.
Mutungamiri: Tinamatirei, amai vatsvene vaMwari.
Vose: kuti tikodzere kuwana zvatakatsidzirwa naKristu.
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Tenzi Jesu Kristu, makatipa amai venyu, Mariya, kuti vave amai vedu, vakagadzirira kutibatsira nguva dzose: Itai kuti patinonamata pamberi pomufananidzo wavo, titendeke nguva dzose kunyasha dzatakawaniswa norufu nokumuka kwenyu. Upenyu hwazvinotiunzira ngaupe mbiri kwamuri pasi pano nekutipa isu rufaro rusingaperi kudenga! Amen.
Chiverengo
Rwiyo rwaMariya
Mutungamiri: Ngatichirumbidzai nokutenda Mwari namazwi akaiswa pamuromo paMariya.
Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu,
Nokuti akatarisa netsiye nyoro murandanhando wake,
Chionai, kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi,
Nokuti Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru,
zita rake rinoera.
Anonzwira tsitsi avo vanomutya,
kubvira chizvarwa nechizvarwa,
Anoita zvina masimba noruoko rwake,
anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwoyo yavo.
Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo,
achisimudzira vanhunhando.
Vane nzara anovagutsa nezvinhu zvakanaka,
vapfumi anovaendesa vasina.
Akabatsira Isiraeri muranda wake,
sezvaakatsidzira madzibaba edu.
Akayeukawo tsitsi dzake kuna Abhurahamu nokuna vedzinza rake nemisi isingaperi.
Mutungamiri: Ngatinamateri
Vose: Amai Vatsene vaMwari, Mhandara inogara yakaropafadzwa, Mariya musina rutadzo, tinamat-ireiwo, musaramba kutibatsira.tine ruvimbo, uye tinoziva pachokwadi, kuti munowana zvose zvamu-noda kubva kuMwanakomana wenyu, Tenzi wedu Jesu Kristu, mambo wenguva dzose, anogara naba-ba naMweya Mutsvene, nokusingaperi. Amen.
Mharidzo
Minamato yeNovena nguva ino
Tenzi Jesu Kristu, nezwi rakabva kuna Mariya, amai venyu, makasandura mvura ikava waini paKana muGarireya. Teererai vanhu venyu vaunganira kuzoremekedza amai vedu voRubatsiro Rusingagumi. Gamuchirai matendo edu orupfave. Mai vorubatsiro Rusingagumi, tinodana zita renyu rine simba zvakanyanya. Muri muchengeti (murindi) wavapenyu noruponeso rwavachakarofa. Zita renyu rinogara pamiromo yedu, zvikuru panguva yemiedzo napanguva yokufa kwedu. Zita renyu chitendeseko nesimba. Ngosigadzi yakakomborerwa, tibatsirei pose patinokudaidzai. Hatimbogutsikana nokungodenengudza zita renyu. Mararamiro edu mazuva ose achaparidza kuti muri Amai vedu voRu-batsiro Rusingagumi zvechokwadi.
Rangariro
Rangarirai imi Mariya mhandara tsvene izere nyasha, kuti hazvina kumbozikanwa nakare kose kuti makarambira avo vakatizira kwamuri vachida kubatsirwa kana kurevererwa nemi. Muchokwadi ichi, ndinotizira kwamuri imi mhandara tsvene, yemhandara tsvene dzose, imi amai vangu. Ndinouya ndi-chimira pamberi penyu, ndichirwadziwa namatadzo angu. Amai vaMwari, Izwi akava munhu, inzwaiwo kudemba kwangu, mundiitirewo tsitsi, mundidavirewo. Amen.
Mutungamiri: Makaitirwesu, ngosikadzi, diziro
Vose: mubatsiri muzvido zvedu nemumatambudziko edu.
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Tenzi vamasimba netsitsi, makatipa kuti tiremekedze mucherechedzo waamai venyu vakakomborerwa zvikuru une zita rakakosha rokuti “Rubatsiro Rusingagumi,” tipeiwo nenyasha dzenyu kuti pakati peshanduko dzose dzerwendo rweupenyu hwedu tidzivirirwe nerubatsiro nechengetedzo inogara iripo yaMariya Mhandara isina Mhaka, kuti tikodzere kuwana mibayiro yoruponeso rusingagumi, imi munogara nokutonga naMwari Baba makabatana naMweya Mutsvene/ nokusingaperi. Amen.
Zvinangwa zvapapa
Baba vedu … Kwaziwai Mariya … Vakudziwe baba …
Chikomborero nemunamato wavarwere
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Tenzi, tarirai varanda venyu vanodzvenda nokuda kweutera hwomuviri. Koshesai nokudzidzi-mura mweya yamakasika kuti, tacheneswa namatambudziko edu, tigochimbidzorapwa netsitsi dzenyu nomunaKristo Tenzi wedu. Amen.
Mupriste anotambanudza ruoko rwake rworudyi akananga varwere Mupriste:
Tenzi Jesu Kristu ngaave nemi kuti akudzivirirei; ave mamuri kuti akuraramisei;
pamberi penyu kuti akutungamirirei;
pashure penyu kuti akuchengetedzei;
pamusoro penyu kuti akukomborerei
+Muzita rababa neroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Amen.
Chikomborero neyukaristiya
Rwiyo rweyukaristiya