Mazuva ayo Jesu akanga achangobva kumuka muvafi, vadzidzi vari pakati pokuparidza Dama Rakanaka, Pita akaona mufananidzo wemhuka dzakan’ora nedzisina. Akanzwa izwi richimuti idya nyama yakan’ora. akamboedza kuramba asi izwi iri rakamuti, ‘Zvinenge zvacheneswa naMwari usazviti zvakan’ora.’
Pita aifunga nezvehope idzi, shoko parakasvika kwaari richiti mumwe mukuru wezana ramauto echiRoma ainzi Koniriyasi aida kuombekwa naye. Akambotanga nekuzengurira nokuti Koniriyasi aive mutorwa uye mumwe weuto ravapambepfumi. Pfungwa dzake dzaimuti munhu akadai hazviite kuti adaidzwe naMwari. Asi Pita akatondera hope dzake, akaziva zvadzaireva akati, ‘Chokwadi Mwari haana rusaruro.’ Naizvozvo Pita akagamuchira mutorwa uyu akamupapatisa.
Tinodzidza zvinhu zviviri parungano urwu. Chekutanga, tose tiri vanaKoniriyasi. hatina kuchena, tiri vatadzi, tine mhosho dzedu, kukoniwa kwedu. SaPita, tinogona kufunga kuti hatikodzere kuva varurami asi vamwe ndivo vanokodzera. Tinogona kufunga kuti makomborero aMwari haakodzerane nesu.
Mumwe murume akabvunza mudzidzisi wechitendero achiti, ‘Sei Mwari akasarudza chigwenzi chemunzwa pane zvimwe zvose kuti azviratidze kuna Mhozisi?’ Mufundisi akati, ‘Chero Mwari dai akasarudza gwenzi raunoti riri nani ungadai usina kugutsikana, asi sezvo uri kuda mhinduro ziva kuti Mwari akasarudza chigwenzi chemunzwa kuti akudzidzise kuti hapana nzvimbo isina huvepo hwaMwari kusanganisira gwenzi remunzwa.’
Rungano urwu runotiudza uti tose tinokodzera huvepo hwaMwari. Mwari anoda kuuya mutuupenyu twedu tunenge chigwenzi chemunzwa. Inga Jesu anotaura wani kuti ‘Ndakauya kwete kuzoporesa vatano asi vanorwara.’
‘Zvechokwadi ndadzidza kuti Mwari haana rusaruro’ akadaro Pita. Izvi zvinoreva kuti mhosho dzedu, matadzo edu, kusarurama kwedu zvose izvi hazvifanire utitadzisa kugamuchira makomborero aMwari. Chero munhu asina kururama anowana mweya waMwari.
Chechipiri tinodzidza kuti zvipo zvedu zvisina kururama zvinofanira kubataidza nezvevamwewo zvisina kururama kuitira kuti zvirurame. Tose tine kukoniwa kwedu. Asi ichi hachisi chikonzero chokuti tingoti go. Zvipo zvedu zvinofanira kubatanidzwa nezvevamwe kuitira kuti tiite zvinhu zvikuru.
