✝Ukakanganisa, kumbira ruregerero.
✝Dudza kutenda kwako.
✝Zvausina kunzwisisa, bvunza.
✝Zvawafunda, dzidzisawo vamwe.
✝Kana wagumirwa, tsvaga rubatsiro.
✝Kana uine mhosva bvuma pachi pedo.
✝Kana uchigona kupa, ipa.
✝Kana uchida munhu muudze.
Kurudziro
Ukaenda kuwadhi rinoponera madzimai, unonzwa vananyamukuta vachidaidzira nemazwi epamusoro vachiti, ‘Sunda!’ Kana zvadaro unobva waziva kuti pane zvakuda kuitika. Asi mwana haangobude nokuti nyamukuta ati ‘Sunda.’ Ane nhumbu yacho ndiye anofanira kusunda nyange ari pakati pamarwadzo. Akaita nungo mwana anofira munhumbu.
Nepakunamata mufundisi anogona kuparidza agodudzira bhaibhiri rose asi zvinoda kuti iwe usunde pachako. Ukaita nungo dzekunamata haumbofa wakazvara vimbiso dzawakaitirwa. Rombo rako rakanaka hariuye. Chishamiso chako hachiuye. Hongu pane marwadzo. Hongu zvinombooma asi unofanira kuramba uchisunda. Ino haisi nguva yokudzokera shure.
Shangu yoga-yoga ine payo nenguva yayo yainoshanda. Mapatapata ekugezesa haaite kuendesa kubasa. Haukwanise kunogeza negogo chero yakakufita sei. Izvi zvakafanana noukama. Ziva vanhuvanoita panguva dzakasiyana-siyana. Haasi munhu wose waunofanira kutaurira zviri kuitika muupenyu hwako. Vamwe vanhu ndeve kugocha navo. Vamwe vanhu ndeve kufara navo chete. Vanhu vashoma vanoita zvose. Iva nouchenjeri hwokuziva kuti ndiani anoita papi. Izvi zvinoita kuti usagarorwadziswa.
- Vimba naMwari
- Usarovhe kuchechi musi weSvondo
- Itira kirike
- Rara zvakakwana (maawa 8)
- Inwa mvura yakawanda
- Idya makarori mashoma (1200-1500 pazuva)
- Ita mitambo inokufadza
- Ita zviito zvinosimbisa muviri
- Bvuma kudzidziswa
- Verenga zvakapetwa
- Iva nemutsa
- Usatsiva vanodenha
- Tora nguva nemhuri
- Iva nemwoyo wokutenda
- Iva wokutanga kuregerera
- Sekerera
- Umba zano rekutsvaga mari
- Usaite makuhwa
- Usatambisira nguva pafoni kana paTV
- Sevha mari (e.g. shandisa 10% chete kumafaro)
Kana uchida kuva nemufaro ita zvinotevera
- Iva nehanya
- Govana
- Ipa
- Kanganwira/Regerera
- Kumbira ruregerero
- Ida
- Nyemwerera
- Vonga/tenda
- Remekedza
- Shanda nesimba
- Batana navadikanwi
Kana uchida kuva nemufaro ita zvinotevera
- Mhosva inogona kuva yako.
- Iva netsitsi. Ungangorangarirwa.
- Ratidza chido. Ungangodzidzisika.
- Shanda nesimba. Ungangoita rombo rakanaka.
- Iva norupo. Ungangoitirwawo saizvozvo.
- Ungangoona zviri mberi.
- Ungangozvirerutsira.
- Iva zvauri. Unozofara zvikuru.
Njodzi nomwe pahunaku/hunhu hwavanhu:
- Pfuma isina kushandira
- Mafaro pasina kurova kwehana
- Zivo isina unhu
- Bhizimisi risina tsika
- Sayenzi isina vanhu
- Chitendero chisina kuzvipira
- Zvematongerwo enyika zvisina mutemo (principles)
- Mahatma Gandhi
Kana wapihwa munda nasabhuku unogona kumbogara usina kuisa ruzhowa vanhu vachingogurira nepavanoda. Gore raunoisa ruzhowa vanhu vanotsamwa vachiti ‘avhara nzira yedu’ asi munda ndewako uye haisi nzira yavo.
Ndozvine upenyu hwakowo. Usati waisa ruzhowa rwaMweya Mutsvene muipi anoita madiro. Asi paunongoisa ruzhowa satani anogumbuka.
Usamutendera kusenerera, batanidza waya (Munamato), wokaka zvakasimba (namata nomwoyo wose). Uchamuona achipopota ari kunze asi haakusvikiri. Gadzirisa waya nguva nenguva (namata nguva-nenguva).
Madzikirira, hope dzokuvhumuka, kurwara-rwara, kugara uchishungurudzika etc, twunzira twekugurira, tuvhare nemminamato, kutsanya, kutenda, kunamata muzvokwadi, kuverenga shoko etc.
Rangarira kuti munda une waya yakakaka unoyevedza zvikuru zvokuti mombe nembudzi zvinoti idai tambopindamo. Pazvinongowanira mukana chete munda waparara. Satani ari kungomirira musi waunopererwa netariro chete kuti akutsokodzere. Tsungirira mukunamata. Usadzokere shure.
Zvinonzi, Jesu achizvifambira hake, aine mavadzidzi vake vakuda kunopinda muguta reNeini vakati dhuma-dhuma nemhomho yevanhu ichichema yakatakura mwanakomana weimwe chirikadzi akange afa. Vaitoenda kunomuviga (Ruka 7:11-15).
Jesu paakaona chirikadzi iya akangoti, ‘Musacheme …’
Ndinechokwadi kuti vazhinji vakauya parufu rwemukomana iyeye vaingoti nematambudziko vochemawo nechirikadzi yafirwa. Vamwewo ndovaiti ‘Zvemukadzi uyu zvanyanya, akafirwa nemurume manje manje iye zvino mwana afa futi, hatichazvinzwisisa.’
Vamwe vaive mubishi kuronga zuva renyaradzo. Ukapinda mudambudziko nyika ine maonero ayo. Upenyu hunongoenderera. Asi jesu paakasvika akatanga nokuti kushirikadzi yaichema, ‘Usachema’.’ Ndokudzosa mwanakomana wayo kuupenyu.
Iwe, kana Jesu akapfuura nepauri, ‘Usachema’ nokuti anosiya amutsa zvakafa izvozvo. Kana muhomweyako yokubhengi musina chinhu ‘Usachema.’ Ukapomerwa zvausina kupara ‘Usachema.’ Vakakudzinga basa ‘Usachema.’ Wagumirwa nepfungwa ‘Usachema.’ Furiji isina kana chii ‘Usachema.’
Jesu mupenyu!
Makambozvicherechedza here?
Nguva yemango tinodzidya asi chinoraswa imhodzi hatidzidi. Nyatsofungisisa marasiro aunoita mhodzi yemango. Patinorasa mhodzi yemango mundangariro dzedu tinenge tisingati here haichisina basa?
Kune hama, shamwari kana muvakidzani anokufarira kana uinezvinhu, uchiri ‘mango’ asi kana usisina chinhu anokurasa semhodzi.
Asi tarira uone … zhizha rasvika unoona mhodzi iya yakaraswa yotanga kuzvimbisa ivhu gare gare yotova muti. Mushure memakore mashoma muti uya unenge wava kutobereka dzimwe mango.
Kune vanhu wanokusveta vakaona wapera, vanokurasira kure. Vanofunga kuti tamupedza vasingazive kuti vatokudyara. Vanokuparadza vasingaziwe kuti unemukuru waunonamata, Mwari.
