Zviverengo zvedu zvanhasi zviri pamusoro pemasarudziro anoitwa vanhu naMweari kuti vave vaPorofita.
1 Chiverengo chokutanga
MuChidzidzo chokutanga tinonzwa nezva Amosi Muporofita. Kazhinji patinofunga nezvevaporofita tinofunga nezvevanhu vakazvarwa vari vaporofita, vanhu vakaita sana Samueri, Eriya, Dhaviti, Nathani naGhadhi, kana avo vakanyora mubhuku ane mukurumbira vakaita sana Izaya, Jeremiya naEzekieri.
Azi izvi handizvo nguva dzose. Amosi aiva muporofita akasiyana. Haana kuzvarwa ari muporofita. Akatanga ari garden boy, uye achifudza mbudzi. Akatanga ari munhu nhando. Asi Mwari akamudana akadaro kuti andoporofita kuhumambo hwekumaodzanyemba. Vana veIziraeri vaive vapatsanurana kuita mapoka maviri, umambo hwaIziraeri hwaive neguta guru rinonzi Betheri nehumambo hwaJudha hwaiva neguta guru rainzi Jerusarema. Amosi aigara muhumambo hweJudha asi imba yake yaiva pabhodha. Mwari akamudana kuti ayambuke bhodha anoparidzira kuhumambo hwaIziraeri.
Vagari vehumambo hwaJudha, hwekuchamhembe vaive kababudirira. Nokuda kwehupfumi hwavo vakatanga kufuratira Mwari vachinamata zvifananidzo. Vatungamiriri vezvematongerwo enyika pamwe nevafundisi vakatanga kuteera tsika dzakashata dzevatorwa. Panguva yakadai Amosi ndipo paanotumwa naMwari kuti ayambire vagari veIziraeri nezvekutongwa kwavo pamusana pamatadzo avo. Mumwe mufundisi ainzi Amaziya anomuvinga achida kumunyaradza nokuti aitadziza vanhu kudya. Anoti dzokera kumusha kwenyu siyana nesu. Asi Amosi anoramba kunyaradzwa nokuti anoti handina kutumwa nomunhu, ndakatumwa naMwari. Anoti ndiri munhu nhando ane daidzo inobva kuna Mwari.
2 Dama Rakanaka
Dama Rakanaka riri pamusoro pekutumwa kwavadzidzi kunoparidza humambo hwedenga. Jesu anogoverana navo simba rake. Anovapa simba rokudzinga mweya yakaipa. Anovapa simba rokurapa vanorwara. Dama Rakanaka rinoti, “vakaenda vakanoparidza nezvokutendeuka. Vadzidzi vakadzinga mweya yakaipa, vakazodza vairwara nokuvaporesa.
2.1 Madhimoni
Madhimoni ari kurehwa
- Madhimoni ehurombo – hurombo hunoshungurudza vazhinji, vaduku navakuru.
- Madhimoni ekushaya njere – madhimoni aya anoisa vanhu muhusungwa nemusima rekurendera zvisina maaturo.
- Madhimoni ehondo – ekufunga kuti zvinhu zvose zvinogadziriswa nepfuti nemhirizhonga.
2.2 Urwere
Urwere hworuvengo
Urwere hwokuda zvapasi
Urwere hwokuraradza
Urwere hweuchapa nounzenza
2.3 Uipi
Pane vazhinji
- vari kunetsana semukomana nemusikana
- Vari kunetsana mumuchato mavo
- Vari kurwara namatenda akasiyana-siyana
- Vane zviri kuvanetsa mupfungwa.
Vadzidzi vakapihwa basa iri. Isu tinopihwa basa iri. Iwe unopihwa basa iri.
3 Chidzidzo chechipiri
Tsamba kuVaEfeso inoti, “Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu. Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake.”
Takasarudzwa naMwari. SaAmosi takasarudzwa kuti tive vaporofita vaMwari. Muporofita munhu anotaura chokwadi. Tinofanira kuparidza chokwadi chaMwari.
Savadzidzi vanegumi takadanirwa kuti tidzinge madhimoni. Madhimoni api. Madhimoni ekutya, nhema, unyengedzi, kuda zvinhu, urwere nezvimwe. Tinofanira kutaura chokwadi. Izvi ndizvo zvatakadaidzirwa.
Hatidanirwe kuti tizviwanire chouviri. Hatifanire kushandisa chitendero kuzvipfumisa kwete. Tinofanira kuva nechinangwa chimwe chokuparidza chokwadi.
Hatidanirwe kuti tiparidze zvomupfungwa dzedu kwete, asi kuparidza shoko raKristo. Shoko raKristo ishoko roruregerero, ishoko rorudo, ishoko romwoyo chena.
