Rwiyo runoimbwa Mupristi kana mudhikoni achitora Sakaramende Rakakomborerwa tabhanekoro.
Vose vanopfugama
Munamato kuSakaramende Rakakomborerwa
Tenzi wangu Jesu Kristu,
Nokuda kwerudo rwamunarwo kwatiri,
Munoramba muri musakarAmenide iri siku nesikati, Muchidana nokugashira vose vanouya kusokushanyirai,
Ndinotendera kuti murimo muSakarAmenide rebisiro (Atari).
Ndinokunamatai kubva kutsi kweunhando hwangu, Uye ndinokutendai nezvipo zvose zvamakandipa, Zvikuru nokundipa imi pachenyu musakarAmenide
iri,
Nekundipa mai venyu vatsvene zvakanyanya semurevereri
Nokundishevedza kuti ndikushanyirei mukereke ino.
Jesu wangu, ndinokudai nomwoyo wangu wose, Ndine urombo nokutadzira kwandakaita unaku hwenyu husingaverengeki.
Ndinotsidza kusambokutadzirai zvekare munguva
inotevera,
Uye zvino, nyange ndisingakodzeri, Ndinozvipa zvachose kwamuri. Ndinorasa zvido zvangu, zvidakadaka zvangu,
Zvipango zvangu (madiro), nazvose zvandinazvo.
Kubva zvino zvichienda mberi ndinhadzirei, nazvose zvose zvandinazvo, samadiro enyu. Chandinongokukumbirai uye chandinosumba Rudo rwenyu rutsvene, utsungi hwakaperera nokuzadzisa kuda kwenyu zvizere. Amen.
(Arifonzo Rigori)
Mira unamate muchinyararire
Mupriste kana mudhikoni anopfugama pamberi peatari vanhu vachiimba Tantum ergo. Mushure merwiyo anoita munamato okomborera vanhu achiita mucherechedzo wemuchinjikwa neSakarambende dzvene.
Tantum ergo
Tantum ergo Sacramenitum Veneremur cernui:
Et antiquum documentum Novo cedat ritui:
Præstet fides supplementum Sensuum defectui.
Genitori, Genitoque
Laus et jubilatio,
Salus, honor, virtus quoque Sit et benedictio:
Procedenti ab utroque Compar sit laudatio.
Amen.
Naizvozvo takaminama pamberi pake Tinoremekedza sakarAmenide iri guru:
Marudzi nemimvuri zvinemigumo yazvo,
Nekuti maitiro matsva ari pano; Chitendero, tichishamwaridza kunze, zvichijekesa maonero edu omukati.
Ngatipe mbiri, namakomborero, kunaBaba noMwanakomana, remekedzo, simba nekurumbidza tichiturira, misi isina mugumo ichimhanya; zvekare rudo rwake tichipupura iye anobva muna vose aina vose, ari mumwechete. Amen.
Mutungamiri: Makavapa chingwa chokudenga (Areruya)
Vose: Chingwa chizere nounaku (Areruya) Mutungamiri: Mwari, imi makatisiira sakarAmenide iri rinoshamisa sechiyeuchidzo (serutondedzo) chedambudziko (chejekenyedza) renyu, tigonesei kuremekedza nenji rinoera reMuviri neRopa renyu kuti tigoziva chiguro cheruponeso rwenyu muupenyu hwedu nguva dzose; munogara nokutonga nokusingaperi. Amen.
Madetembo takomborerwa Ngatirumbidzei Mwari.
Ngatirumbidzei zita rake dzvene.
Ngatirumbidzei zita raJesu.
Ngatirumbidzei mwoyo wake mutsvene kwazvo.
Ngatirumbidzei ropa rake rakakosha kwazvo.
Ngatirumbidzei Jesu musarakAmenide dzvene kwazvo reatari (rebisiro).
Ngatirumbidzei mweya waMariya wakasikwa usina mhaka.
Ngatirumbidzei kukwidzwa kwaMariya kudenga.
Ngatirumbidzei zita raMariya, mhandara namai. Ngatirumbidzei Josefi mutsvene, murume waMariya.
Ngatirumbidzei Mwari mukurumbidza kwatinoita vatumwa navatsvene vake.
