Hama dzadiwa, taungana pamberi pomufananidzo waAmai voRubatsiro Rusingagumi kuti tinamate nokutenda Mwari Baba vedu vokudenga. Mwari akatiitira zvinhu zvikuru nomuna Mariya. Tinopupurawo Mariya nezvizvarwa zvose sanyakukomborerwa kwazvo.
Mariya akagamuchira nyasha dzaMweya Mutsvene akadavira nokutendeka kuna Mwari. Isu norumwe rutivi hatina kutendeka kurudo rwaMwari nokuda kokutadza kwedu. Norubatsiro rwake tinotsvaga ruyamuro rwokukurira matadzo edu.
Munamato womhuri yaVakristu
Vose: Mai voRubatsiro Rusingagumi, noruvimbo rukurusa tinouya pamberi pomufananidzo wenyu mutsvene kuti tikurudzirwe nomuenzaniso weupenyu hwenyu. Tinokufungai panguva iya, zvamakanga muzere nechitendero noruvimbo (kunyinda), mukagamuchira daidzo yaMwari yokuva amai voMwanakomana wake. Tibatsirei isu, vana venyu, kugamuchira norufaro daidzo yedu muupenyu.
Pamakaziva kuti hama yenyu Erizabeti anoda rubatsiro makachimbidzoenda kunomubatsira. Tipei nyasha dzokubatsira vamwe tisingazvifunge sezvamakaita imi.
Panyasi pomuchinjikwa, makararama marwadzo oMwanakomana wenyu, mazuva matatu aitevera makazogoverana naye mufaro wokukunda kwake rutadzo norufu. Tibatsirei, amai, kugamuchira noushingi matambudziko namarwadzo oupenyu nekuvavarira tisinganete kuti tiwane mufaro wokukunda chivi nekusangana zvinetso zveupenyu.
Amen.
Mikumbiro yemhuri yaVakristu
Mutungamiri: Mumwe nemumwe wedu anounza zvinangwa z v a k e nezvido zvake. Ngatizvibatanidzei kuti zvinyatsonamatirwa nokupirwa k u n a Jesu Kristu kuburikidza nokurevererwa naamai vake Mariya vakakomborerwa.
(Mimwe mikumbiro yakafanogadzirwa inosumwa)
Vose: Mai voRubatsiro Rusingagumi, onai vana venyu tapfugama pamberi penyu. Munonyatsoziva kuti Mwanakomana wenyu anoda kugoverana nesu zvakadii michero yoRusununguko. Naizvozvo tinokukumbirai kuti murambe muchireverera vanhu vose kuti vagamuchire zvipo zvorugare neruwadzano. Mai vakakomborerwa, Mwanakomana wenyu akakupai kwatiri saamai veduwo.
Makasarudza kuti tikutii Mai voRubatsiro Rusingagumi. Norutendeseko rwokureverera kwenyu kune simba tinotarisira kugamuchira rudo rwenyu ruzere saamai dakara zuva raticharumbidza Mwari narini wose takabatana nemi navatumwa navatsvene.
Amen.
Madetembo
Mutungamiri: Mariya Mutsvene mwanasikana wadiwa waBaba. Daviro: Tireverereiwo
Mutungamiri: Mai vaJesu
Daviro: Tireverereiwo
Mutungamiri: Imba inoera yaMweya Mutsvene
Daviro: Tireverereiwo
Mutungamiri: Mai veSangano
Daviro: Tireverereiwo
Vose: Tenzi Jesu verudo, makatipa kuti tiremekedze mucherechedzo waamai venyu vakakomborerwa zvikuru une zita rakakosha rokuti ‘Rubatsiro Rusingagumi,’ Itai kuti nenyasha dzenyu, pakati peshanduko dzose dzerwendo rwoupenyu hwedu, tidzivirirwe norubatsiro nechengetedzo inogara iripo yaMariya Mhandara isina Rutadzo, kuti tikodzere kuwana mibayiro yoruponeso rusingagumi, imi munogara nokutonga naMwari Baba makabatana naMweya Mutsvene nokusingaperi. Amen.
Kukomborerwakwavarwere
MuPristi: Rubatsiro rwedu rwuri muzita raTenzi Daviro: Vakasika denga napasi.
MuPristi: Tenzi inzwaiwo minamato yedu.
Daviro: Kuchema kwedu kusvikewo kwamuri.
MuPristi: Tenzi ngaave nemi.
Daviro: Ngave nomweya wenyu.
MuPristi: Tenzi tarirai norupfave varanda venyu vanotambudzwa nourwere hwomuviri, pfungwa nomweya. Vanyaradzei mukutambura kwavo vagobatsirika nako kuburikidza nokuziva kuti nyasha dzenyu dzinorapa nekuponesa. Tinokukumbirai izvi nomune Mwanakomana wenyu Jesu Kristu, Tenzi wedu, anogara nokutonga pamwe nemi naMweya Mutsvene nokusingaperi. Amen.
Chikomborero chokupedzisira
Tenzi Jesu Kristu ngaave nemi kuti akudzivirirei; ngaave mumwoyo yenyu kuti akukurudzirei; ngaafambe nemi kuti akudzivirirei; ngaakudururirei makomborero ake. +Muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Amen.
