Rwiyo rwedairo
(Mushure mechiverengo chokutanga)
Mutungamiri: Ngatichirumbidzai nekutenda Mwari namazwi akaiswa pamuromo paMariya.
Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu,
Nokuti akatarisa netsiye nyoro murandanhando wake,
Chionai, kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi,
Nokuti Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru, zita rake rinoera. Anonzwira tsitsi avo vanomutya, kubvira chizvarwa nechizvarwa, Anoita zvina masimba noruoko rwake, anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwoyo yavo.
Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo, achisimudzira vanhunhando. Vane nzara anovagutsa nezvinhu zvakanaka, vapfumi anovaendesa vasina. Akabatsira Isiraeri muranda wake, sezvaakatsidzira madzibaba edu. Akayeukawo tsitsi dzake kuna Abhurahamu nokuna vedzinza rake nemisi isingaperi.
Mikumbiro yakasiyana-siyana
Tinokumbira Mariya kuti abatane nesu, patinotendeukira kuna Mwari mumunamato, tichifunga nezvezvido zvedu, zvido zveSangano nezvido zvevanhu vose vaMwari.
Dairo: Mariya Mhandara ngaatireverere Mutungamiri: Tinozvinamatira kuti tive nechivindi mukushungurudzika kwedu. D. Tinonamatira mhuri dzedu kuti dzimba dzedu dzive nzvimbo dzekugamuchirwa, kudiwa nekunzwisiswa. D.
Tinonamatira parishi yedu kuti tishandise zvipo zvedu kushandira Sangano. D. Tinonamatira Sangano redu kuti riropafadzwe navapristi navapikiri vakanaka. D. Tinonamatira pasirose kuti umambo hwaMwari hweruenzaniso, rugare nerufaro hupfakachire kwose kwose. D.
Tinonamatira zvinangwa zvedu pachedu (ngatinamatei muchinyararire kwekamukowoko (kwekanguva]). D.
Munamato weNovena
Mutungamiri: Pamwechete ngatiitei munamato weNovena.
Vose: Mai voRubatsiro Rusingagumi, noruvimbo rukurusa tinouya pamberi pomufananidzo wenyu mutsvene kuti tikurudzirwe nomuenzaniso weupenyu hwenyu. Tinokufungai panguva iya, zvamakanga muzere nechitendero noruvimbo (kunyinda), mukagamuchira daidzo yaMwari yokuva amai voMwanakomana wake. Tibatsirei isu, vana venyu, kugamuchira norufaro daidzo yedu muupenyu.
Pamakaziva kuti hama yenyu Erizabeti yaida rubatsiro, makaenda pakarepo kunomubatsira. Tibatsireiwo, semi, kuitira vamwe hanya.
Tinofunga nezvenyu, Amai, muri munyasi moMuchinjikwa. Moyo wenyu unofanira kuva wakabuda ropa muchiona mwanakomana wenyu achigungudzika. Asi mufaro wenyu waiva mukuru zvaakamuka muvafi, akunda huipi.
Mai Vamarwadzo, tbatsirei mumiedzo nemukuodzwamoyo kwedu. Tibatsirei tisakondokwa. Ngatigoverane nemi noMWanakomana wenyu mufaro wokunge tatsungarara pakutarisana nembonano dzeupenyu. Amen.
Munamato Wokutenda
Munamato uyu unoitwa mushure meMisa, parutumba rweMbenembe Yedu.
Vose: Mwari, Musiki wedu, tinokutendai nechipo cheupenyu nezvipo zvose zvomuzvarirwo wedu: pfungwa dzedu, njere dzedu, matarenda edu nerukwaniso rwedu. Tinokutendai nekutisika nomuenzaniso nemufananidzo wenyu uye nekutipa pasi rino kuti tipashandise nokupabudiririsa, kuparemekedza nekupakoshesa.
Zvisinei nekukundikana kwedu, munoramba muchitiratidza rudo rwenyu nhasi nekuwedzera upenyu waMweya matiri patafura yeYukaristiya.
Chekupedzisira, Baba, tinokutendai nokutipa Mariya amai voMwanakomana wenyu kuti vave Amai vedu voRubatsiro Rusingagumi, uye nokuda kwezvinhu zvose zvinofadza zvamakatiitira, zvikuru kutipa Mwanakomana wenyu Jesu kuti ave mununuri (mudzikinuri) wedu.
Tinovonga nemutsa wose watakagamuchira nokuda kwekutireverera kwavo. Tinonamata kuti ngoni dzose dzatakaratidzwa dzitikurudzire kuva noruvimbo rukuru rwenyasha dzerudo rwenyu nekutsvaga rutsigiro rwaAmai voRubatsiro Rusingagumi.
Amen.
E. NOVENA KUNZE KWEMISA
Munamato kuna Amai voRubatsiro Rusingagumi Mai voRubatsiro Rusingagumi zita renyu pacharo rinokurudzira. Tinouya pamberi pomufananidzo wenyu mukurumbidza nokutenda Mwari, tichitsvaga kurevererwa nemi kuna Jesu Mwanakomana wenyu, pazvipango zveupenyu hwedu nhasi. Tinopemberera umai hwenyu hutsvene patinopupura Jesu Kristu Tenzi neMununuri wedu.
Makapindura pamakadaidzwa kuva amai vaTenzi wedu. Tiwanireiwo nyasha dzokuva vapenyu mushevedzo yedu yekuombwekwa, zvikuru sei kumbundira Shoko roupenyu nokuremekedza upenyu hwose hwapasi.
Makashamiswa mwanakomana wenyu achikura muungwaru, ruzivo nemunyasha. Tireverereiwo kuti tigogamuchira Shoko raMwari muupenyu hwedu tigova vasvitsi veShoko Rakanaka kuvanhu vose.
Makafadzwa Mwanakomana wenyu zvaairapa varwere. Revereraiwo varwere vedu kuti vagamuchire utano hwakanaka, uye vagozovawo varapi kune vamwe.
Makanakidzwa norugave Mwanakomana wenyu Mwanakomana wenyu zvaainyaradza vane dambudziko. Revererai vose vanotambura vagoziva kuti tinotakura mitoro yavo pamwe navo, uye nenzira iyi tinochengeta murau waKristu.
Makapembera Mwanakomana wenyu zvaairegerera matadzo. Tiwanireiwo kuregererwa kwamatadzo edu mugotitungamirira kutsudzunura vamwe nekuvasunungura.
Makatambudzika nokuda kwemaronda akatirirwa noMwanakomana wenyu kuti atiponese. Tibatsirei kusunga vane mwoyo yakavhunika nekupa chitarisiro kune vanotsikirirwa.
Makapembera mukumuka kwoMwanakomana wenyu. Tiwanireiwo nyasha dzekutsunga munzira yake mazuva ose eupenyu hwedu tigopiwa nzvimbo kudenga.
Ndimi wekutanga pavadzidzi navatsvene vose. Tinovimba norudo nehanya dzenyu saamai. Tiwanireiwo nyasha dzose dzatinopanga kuti tizadzise urongwa hwaMwari muupenyu hwedu.
Rangariro
Rangarirai imi Mariya mhandara tsvene izere nyasha, kuti hazvina kumbozikanwa nakare kose kuti makarambira avo vakatizira kwamuri vachida kubatsirwa kana kurevererwa nemi. Muchokwadi ichi, ndinotizira kwamuri imi mhandara tsvene, yemhandara tsvene dzose, imi amai vangu. Ndinouya ndichimira pamberi penyu, ndichirwadziwa namatadzo angu. Amai vaMwari, Izwi akava munhu, inzwaiwo kudemba kwangu, mundiitirewo tsitsi, mundidavirewo. Amen.
Kwaziwai Mariya…
Minamato yaVatendi
Mutungamiri: Tenzi Jesu Kristu, nezwi rakabva kuna Mariya, amai venyu, makasandura mvura ikava waini paKana muGarireya. Inzwai minamato yedu mugoguurira minyengetero yatiri kuita tichiremekedza Amai vedu voRubatsiro Rusingagumi.
Mutungamiri: Ipai ungwaru neutsungarari kuvapikiri vose, vashandi vehurumende, Baba Vanoera (Papa) N….., mabhishopu edu navamwe vose vanotitungamirira, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu Mutungamiri: Ipai rugare, kubatana negoho rakanaka pasi pose, zvikuru munzvimbo dzine kupokana, hondo, gwandangwa neushayi, tinonamata: Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu
Mutungamiri: Ipai vakawanana nyasha dzeSakarAmenide ravo, madzimai navarume rudo runovasunganidza, vabereki nyasha dzekugamuchira nekukoshesa vana vavo, dzimba dzinemubereki mumwechete kubatana nesimba, uye rugare nemakomborero mudzimba dzedu dzose, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu Mutungamiri: Ipai vechikuru vedu vasiri muwanano kugutsikana mushevedzo yavo, kune vechidiki budiriro muvavariro dzavo nechivindi chekuita vafakazi vechitendero chavo, kuva vakwegura vedu simba, kuchengetedzwa nekugutsikana mumazuva avo, uye kune vakapatsanurana kana kurambana nyasha dzaMweya wenyu, tinonamata: Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu Mutungamiri: Ipai vashandi chitendeseko mubasa ravo, chiremera muzvikwaniso zvavo, mufaro mune zvavanoita, muripo une ruenzaniso unoraramisa, uye vasina musevenzo vapei basa rinobhadhara, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu Mutungamiri: Ipai Sangano renyu vashandi vaunza goho – vapriste, vapikiri-kadzi, vapikirirume navatendi vasina kupikira vakarurama – vanozozvipira upenyu hwavo kuvatendi venyu, tinonamata: Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu Mutungamiri: Ipai upenyu husingaperi vashakabvu vose nenzvimbo mukubatana kwavatsvene, uko kuchapukutwa misodzi yose tichizokuonai, imi Mwari wedu, uso neuso, tinonamata:
Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya Amai vedu Mutungamiri: Ipai mumwe nemumwe wedu nyasha dzekuita ruenzaniso, rudo, tsitsi nekufamba nemi takazvirereka zuva roga roga roupenyu hwedu, nokuti chipi nechipi chatinoitira mumwe wehanzvadzi, mukoma kana munin’ina tinoitira imi, tinonamata: Vose: Tinzweiwo, Tenzi, nomuna Mariya
Amai vedu
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Mai voRubatsiro Rusingagumi, isu vanodaidza zita renyu rine simba guru, tinokutendai nenyasha dzatakagamuchira kuburikidza nokurevererwa nemi uye nekunzwa kwamunoita minamato yedu nhasi: ‘nokuti Mwari samasimba akaita zvinhu zvikuru nemunemi, uye nyasha dzaMwari dzinogara nokusingaperi kune vanomutya.’ Amen.
Chokomborero chokupedzisira Tenzi Jesu Kristu, Mwanakomana waMariya mai
voRubatsiro Rusingagumi ngaave nemi kuti akudzivirirei; mamuri kuti akuraramisei; mberi kwenyu kuti akutungamirirei; shure kwenyu kuti akuchengetedzei; napamusoro penyu kuti akukomborerei mazuva ose oupenyu hwenyu.
+Muzita raBaba neroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Amen.
