(Vose vanopfugama )
Mutungamiri: Ngatibatanei naVakristu venguva dzose mukurumbidza Mariya nokuzvipira kurudziviriro rwake.
Vose: Tinobhururukira kurubatsiro rwenyu, Amai Vatsvene vaMwari, susaramba zvichemo zvedu mubinduko redu, asi tisunungurei kunjodzi dzose, imi mhandara ine mukurumbira yakakomborerwa. Mutungamiri: Tinamatirei, amai vatsvene vaMwari. Vose: kuti tikodzere kuwana zvatakatsidzirwa naKristu.
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Tenzi Jesu Kristu, makatipa amai venyu, Mariya, kuti vave amai vedu, vakagadzirira kutibatsira nguva dzose: Itai kuti patinonamata pamberi pomufananidzo wavo, titendeke nguva dzose kunyasha dzatakawaniswa norufu nokumuka kwenyu. Upenyu hwazvinotiunzira ngaupe mbiri kwamuri pasi pano nekutipa isu rufaro rusingaperi kudenga! Amen.
Chiverengo
Rwiyo rwaMariya
Mutungamiri: Ngatichirumbidzai nokutenda Mwari namazwi akaiswa pamuromo paMariya. Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari muponesi wangu,
Nokuti akatarisa netsiye nyoro murandanhando wake,
Chionai, kubvira zvino marudzi ose achanditi munatswi,
Nokuti Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru, zita rake rinoera. Anonzwira tsitsi avo vanomutya, kubvira chizvarwa nechizvarwa, Anoita zvina masimba noruoko rwake, anoparadza vanozvikudza nendangariro dzemwoyo yavo.
Anobvisa vanyamasimba pazvigaro zvavo, achisimudzira vanhunhando. Vane nzara anovagutsa nezvinhu zvakanaka, vapfumi anovaendesa vasina. Akabatsira Isiraeri muranda wake, sezvaakatsidzira madzibaba edu. Akayeukawo tsitsi dzake kuna Abhurahamu nokuna vedzinza rake nemisi isingaperi.
Mutungamiri: Ngatinamateri
Vose: Amai Vatsene vaMwari, Mhandara inogara yakaropafadzwa, Mariya musina rutadzo, tinamatireiwo, musaramba kutibatsira.tine ruvimbo, uye tinoziva pachokwadi, kuti munowana zvose zvamunoda kubva kuMwanakomana wenyu, Tenzi wedu Jesu Kristu, mambo wenguva dzose, anogara nababa naMweya Mutsvene, nokusingaperi. Amen.
Mharidzo
Minamato yeNovena nguva ino
Tenzi Jesu Kristu, nezwi rakabva kuna Mariya, amai venyu, makasandura mvura ikava waini paKana muGarireya. Teererai vanhu venyu vaunganira kuzoremekedza amai vedu voRubatsiro Rusingagumi. Gamuchirai matendo edu orupfave. Mai vorubatsiro Rusingagumi, tinodana zita renyu rine simba zvakanyanya. Muri muchengeti (murindi) wavapenyu noruponeso rwavachakarofa. Zita renyu rinogara pamiromo yedu, zvikuru panguva yemiedzo napanguva yokufa kwedu. Zita renyu chitendeseko nesimba. Ngosigadzi yakakomborerwa, tibatsirei pose patinokudaidzai. Hatimbogutsikana nokungodenengudza zita renyu. Mararamiro edu mazuva ose achaparidza kuti muri Amai vedu voRubatsiro Rusingagumi zvechokwadi.
Rangariro
Rangarirai imi Mariya mhandara tsvene izere nyasha, kuti hazvina kumbozikanwa nakare kose kuti makarambira avo vakatizira kwamuri vachida kubatsirwa kana kurevererwa nemi. Muchokwadi ichi, ndinotizira kwamuri imi mhandara tsvene, yemhandara tsvene dzose, imi amai vangu. Ndinouya ndichimira pamberi penyu, ndichirwadziwa namatadzo angu. Amai vaMwari, Izwi akava munhu, inzwaiwo kudemba kwangu, mundiitirewo tsitsi, mundidavirewo. Amen.
Mutungamiri: Makaitirwesu, ngosikadzi, diziro Vose: mubatsiri muzvido zvedu nemumatambudziko edu.
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Tenzi vamasimba netsitsi, makatipa kuti tiremekedze mucherechedzo waamai venyu vakakomborerwa zvikuru une zita rakakosha rokuti “Rubatsiro Rusingagumi,” tipeiwo nenyasha dzenyu kuti pakati peshanduko dzose dzerwendo rweupenyu hwedu tidzivirirwe nerubatsiro nechengetedzo inogara iripo yaMariya Mhandara isina Mhaka, kuti tikodzere kuwana mibayiro yoruponeso rusingagumi, imi munogara nokutonga naMwari Baba makabatana naMweya Mutsvene/ nokusingaperi. Amen.
Zvinangwa zvapapa
Baba vedu … Kwaziwai Mariya … Vakudziwe baba …
Chikomborero nemunamato wavarwere
Mutungamiri: Ngatinamatei
Vose: Tenzi, tarirai varanda venyu vanodzvenda nokuda kweutera hwomuviri. Koshesai nokudzidzimura mweya yamakasika kuti, tacheneswa namatambudziko edu, tigochimbidzorapwa netsitsi dzenyu nomunaKristo Tenzi wedu. Amen.
Mupriste anotambanudza ruoko rwake rworudyi akananga varwere Mupriste:
Tenzi Jesu Kristu ngaave nemi kuti akudzivirirei; ave mamuri kuti akuraramisei; pamberi penyu kuti akutungamirirei; pashure penyu kuti akuchengetedzei; pamusoro penyu kuti akukomborerei +Muzita rababa neroMwanakomana neraMweya Mutsvene. Amen.
Chikomborero neyukaristiya
Rwiyo rweyukaristiya (Tarisa papeji —-)
