Dama Rakanaka ranhasi rinotiratidza mararamiro. Munofunga kuti Jairosi zvaakaona kuti mwana wake wemakore gumi namaviri avekufa akanzwa sei? Anofanira kuva akaita zvose zvaaigona kuti mwana ararame asi hapana chakashanda.
Jairosi zvaanonzwa kuti Jesu ari munharaunda anoita hurongwa. Anosiya mwana ari panhowo yorufu navanhu vakamukomberedza oenda kuna Kristo. Anomukumbira kuti auye kuzotambanudza maoko pamusoro pemwana wake kuti ararame. Anoita hurongwa, ateedzera hurongwa hwake. Jesu anobvuma kuenda kunobatsira mwana asi vachiri munzira shoko rinosvika rokuti mwana hakuchina. Hurongwa hwaJairosi hunopinda mudondo.
Asi vanhu zvavanoti chirega kutambudza Tenzi mwana afa, Jesu anoti kuna Jairosi “Usatya. Iva nechitendero.” Izvi zvinogona kuva zvakatambudza Jairosi. Kuti ndigoita chitendero cherudzii chinodarika chandiinacho. Mwana wangu ashaya. Ndaifunga kuti muchamubatsira. Asi Jesu aiva nehumwe hurongwa. Hurongwa hwaJairosi hwakashaya basa. Asi hurongwa hwaJesu hwaizoshanda. Jairosi airongwa kuti mwana wake aporeswe asi Jesu aiva nechinangwa chekumutsa mwana.
Chidzidzo chekutanga ndechekuti tinofanira kuva nehurongwa. Tinofanira kutsvaga nzira dzokuti pave nechakanaka kwatiri nokuna vadikanwi vedu. Asi tinofanira kuzivawo zvekare kuti Mwari ane hurongwa nesu, hurongwa hunogona kuva hwakasiyana nehwedu.
Kana tichida basa hatifanire kungogara tinofanira kutsvaga basa tichienda kubvunzurudzo. Asi dzimwe nguva tinova nechitarisiro kuti bvunzurudzo yataita ichatiwanisa basa zvobva zvaenda nepamwe. Usatya. Iva nechitendero. Mwari ane humwe hurongwa newe.
Unogona kuva uri kutsvaga rudo, munhu wokugara naye kwohupenyu hwose. Unofanira kubatana nevamwe kuti usangane nemudiwa wako. Haufanire kungogara pamba usingapinde mumapoka. Asi dzimwe nguva tinozara nemufaro nechitarisiro tichifunga kuti tamuwana zvobva zvaenda nepamwe. Anenge asiri wedu. Jesu anoti usatya. Iva nechitendero. Ndine humwe hurongwa. Zvichaita chete.
Tinofanira kuva nehurongwa hwekugadzirisa zvinonetsa muhupenyu hwedu. Zvakakosha kutora matanho kuti zviroto zvedu zvizadziswe. Asi savatenderi tinoziva kuti Mwari anogona kuva nehumwe hurongwa husiri nyore kugamuchira. Chinotinyaradza ndechekuti hurongwa hwaJairosi pahwakaparara, paanoudzwa kuni mwana wako ashaya, Jesu aitofamba naye kuti amuratidze humwe hurongwa huri nani. Tinofanira kutendera kuti Jesu ari kufamba nesu. Kana hurongwa hwedu hwaparara tinotendeukira kwaari tichiti, “hurongwa hwangu hauna kushanda. Ndiratidzei humwe hurongwa huri nani.”
