Rwiyou rwokutanga
M: Muzita raBaba, naMWanakomana, naMweya Mutsvene.
M: Mwari wetarisiro dzavanhu vose ngaakuwanirei rugare ruzere, uye Tenzi vorupenyu ngavave nemi nguva dzose.
V: Ngaave nemiwo.
M: Tichivimba nezita raJesu Kristo, tinouya kuzoviga hama yedu iyi, uye tichiisusukidza kudenga kuna Mwari.
Ngatinamatei kuna Mwari Baba vedu vanopa hupenyu kuzvinhu zvose, kuti vazomutsawo hama yedu iui panomutswa vatsvene vevasande vose.
Dai Mwari vakamutongawo netsitsi, vagomuregererawo matadzo ake ose.
Dai Jesu, Mufudzi Wakanaka, vakamutungamirira kuimba yake tsvene uko achanogara pamwe chete naMwari Baba vedu. Uko anoziva nomufaro usingaperi pamwe chete navasande vose uye naMwari Baba vedu.
V: Amen.
Dama Rakanaka raJesu Kristo romuvhangeri yaJowani (11:21-27).
Nomusi uyo Marita akati kuna Jesu: “Dai mainge muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Asika nazvino wose ndinoziva kuti Mwari anokupai chipi nechipi chamunenge makumbira kwaari.” Jesu ndokumuti, “Hanzvadzi yako ichamukazve.” Marita ndokuchitiwo, “Hongu ndinoziva kuti ichazomukazve kana vomuka vafi nezuva remhedziso.”
Jesu akamuti, “Kumuka kwenyu ndini, upenyu hwenyu ndini, uyo anonditendera, Kunyange akafa achava mupenyu; uyezve munhu wose mupenyu, kunge achinditendera, aazofa narini wose. Izvi unozvitendera here?” Iye ndokuchiti, Hongu, Tenzi ndinotenderesa kuti ndimi Kristo, Mwanakomana waMwari, uyo wainzi achauya pasi pano.”
Apa ndipo paperera Dama Rakanaka raKristo ranhasi.
Mushure meizvi mupupriste kana mutungamiri anoparidza. Kana kuti angaverenge mharidzo iyi.
M: Yesu anoti, “Kumuka kwenyu ndini, upenyu hwenyu ndini, uyo anonditendera haazofa narini wose.” “Hama dzadiwa, hama yedu iyi yatorwa naMwari. Mwoyo yedu inorwadza kwazvo kuti mumwe wedu watisiya. Asi savatenderi tinoziva kuti Mwari, musiki wake, amudaidza. Muviri wake unodzokera muvhu mawakabva. Uchazomutswa nesimba raMwari pazuva rokupedzisira sezvakarehwa naKristo. Asi mweya wake uri mumaoko aMwari. Unofanira kunatswa naye kuti upunzwe kumusha mutsva. Saka hama yedu haina kutisiya chose kwete, asi yatitangira isu, tichaitevera rimwe zuva.
Iye uyu watisiya, acharamba achitirangarira nokutichengeta. Anotarisira kwatiri kuti timufunge muminamato yedu, Nokuti mweya wake unotsva neshungu nemikumbiro yedu. Ngatichimbonyararai tichimunamatira nechomumwoyo. Ngatimukumbirewo atiregerere zvatakamukanganisira achiri mupenyu, nesuwo tichikanganwa zvaakambotitadzirawo.
M: Mupeiwo zororo risingaperi, Tenzi.
V: Chiedza chisande chimuvhenekere anarini.
M: Ngaazorore murugare.
V: Amen.
M: Ngatinamatei:
Tenzi Jesu Kristo, makati kwatiri, upenyu hwenyu ndini: kumuka kwenyu ndini; nzira yokudenga ndini.
Hama yedu [Nhingi] yamakafira pamuchinjikwa, yadaidzwa naMwari Baba venyu. Pindai naye muParadhiso achigara narini. Ngaabve munyika munofiwa, apinde musingafiwi. Ropa renyu rakaerera pamuchinjikwa, ngarieredze matadzo ake. Mwoyo wenyu munyoro unyorovese kutongwa kwake. Chipiyaniso chamakatakura chirerutse kurangwa kwake. Agorangwa chete nomuromo, anyenyeredze moto muzhinji nokurwangwa kupi kwomushure mokufa kwedu. Ngaawane mifaro yedenga yamakatsidzira vanozvarwa patsva nemvura naMweya Mutsvene.
V: Amen.
2 Kukomborera Guva
M: Tenzi ngaarumbidzwe.
V: Nemisi isingaperi.
M: Ngatinamatei:
Mwari Tenzi, Ishe wedenga napasi, iyi ndiyo imba yomwana wenyu [Nhingi] yotomuradzika. Vangere venyu ngavaichengete. Vavengi ngavarege kusvika padyo nayo, muzita raBaba neroWManakomana neraMweya Mutsvene.
V: Amen.
M: Ndinomwaya imba iyi nemvura inoera kuti iropafadzwe naMwari, muzita raBaba neroMWanakomana neraMweya Mutsvene.
V: Amen.
M: Ndinopfungaidzira ima iyi kuti inatswe nokuchengetwa naMwari, muzita raBaba neroMWanakomana neraMweya Mutsvene.
V: Amen.
3 Kuiswa kwomunhu muguva
M: Pinda mumba mako umu, uzorore murugare kudzamara umutswe naKristo musi unomutswa vanhu vose muvafi.
4 Zvichemo
M: Tichinamatira mwana wenyu [Nhingi} watiri kususukidza, tinosimbiswa namashoko aTenzi wedu Jesu Kristo anoti: Ini ndini rumuko norupenyu; uyo anonditendera, Kunyange akafa, achava mupenyu; uyezve munhu zose mupenyu, kunge achinditendera, haazofa narini wose.
M: Tenzi wedu Jesu Kristo, ndimi makanyaradza Maria naMarita mukutambudzika kwavo, tikwevereiwo padyo nemi, zvikuru nhasi uno, tichinamatira hama yedu [Nhingi] uyu watiri kukumikidza kwamuri. Tinzweiwo Tenzi.
Imi makachema muri paguva raLazarus, mudikanwi wenyu, tirerutsireiwo mumatambudziko aya. Tinzweiwo Tenzi.
Ndimi Nyakumutsa vafi, pinzaiwo hama yedu iyi [Nhingi] mumuzinda wenyu. Tinzweiwo Tenzi.
[Nhingi] akazvarwa patsva nemvura naMweya Mutsvene; mugamuchireiwo muboka ravatsvene vose. Tinzweiwo Tenzi.
[Nhingi] akariritirwa nomuviri neropa renyu; mupeiwo nzvimbo kumabiko enyu edenga. Tinzweiwo Tenzi.
Tinyaradzeiwo munhamo dzose dzoupenyu; sakisaiwo kuti chitendero chedu chitipe chitarisiro choupenyu husingagumi. Tinzweiwo Tenzi.
Tichisuwira kuuya kwoumambo hwaMwari Baba, ngatinamatei tose tichiti:
V: Baba vedu …
5 Munamato wokupedzisira
Tenzi, taperekedza hama yedu, ngaichisara nemi. Ava wenyu; tamukumikidza kwamuri. Tenzi chengetaiwo mhuri yake yaasiya pano pasi. Munyaradzeiwo (vana vake vose navazukuru vake vose ne-) hama dzose neshamwari dzake dzose, nesu veSangano tiri pano, tirambe takabatana. Iwe [Nhingi] kumbirira mhuri yako iyi, yawasiya pano pasi, kuna Mwari, kuti isawane chainoona.
Gara uchiinamatira kuti kuti idzivirirwe kunjodzi dzose dzapasi nokuzvinhu zvose zvinokuvadza mweya nomuviri. Musi wokufa kwavo uvatambire nokuvaperekedza kudenga kuna Mwari, kumufaro usingaperi.
V: Amen.
Kana kuti
M: Ngatinamatei:
Mwari wetsitsi nengoni, gamuchiraiwo minamato yedu yatinoitira [Nhingi] wamakadaidza. Musaverenge zvakaipa zvake zvose, Nokuti mumwoyo make aivavarira kuita kuda kwenyu. Sokubatanidzwa navanhu venyu kwaakaitwa nechitendero chake pasi pano, itaiwo kuti netsitsi dzenyu ave vamwe navatumwa kudenga. Ndizvo zvatinokumbira nomuna Kristo Tenzi wedu.
V: Amen
6 Chikomborero
M: Vakakomborerwa vakafa vachiita kuda kwaTenzi, ngavachizorora zvavo Nokuti vanoperekedzwa nezvakanaka zvavakaita.
M: Mupeiwo zororo risingaperi Tenzi.
V: Chiedza chisande chimuvhenekere narini.
M: Ngaazorore murugare. Amen.
M: Mweya wake nemweya yavarenderi vose vakafa ngaizorore murugare netsitsi dzaMwari. Amen.
M: Mwari muna masimba ose, Baba namWanakomana naMWeya Mutsvene, ivai nesu vana venyu, mutikomborere, murugare nesu misi yose. Amen.
M: Munamato wedu wapera.
V: Tinotenda Mwari.
