1 Gamuchira zvauri kunzwa
Ziva kuti hapana chakaipa nekusurikirwa, kuita hasha, kunzwa kupera simba, kushungurudzika kana kuvhiringika mupfungwa nyange zviome sei. Unogona kusava nechokwadi chekuti ramangwana rinenge rakamira sei asi gamuchira zviri kuitika muhupenyu hwako, ugoziva kuti zvose zvichapera zvishoma nezvishoma nekufamba kwenguva.
2 Zvipe nguva yekuzorora
Zvipe nguva yekuzorora uchitora zvinhu nyore-nyore (pore-pore). Nokuda kwezvinenge zvichiitika unenge usinganyatsokwanisa kuita basa rako zvine simba samazuva ose. Zvinotora nguva kupora kuti ugonyatsoshanda mashandiro ako chaiwo.
3 Usatakura mutoro uyu woga
Zvinobatsira zvikuru kugoverana marwadzo ako nehama neshamwari dzaunovimba nadzo. Edza kupinda mumapoka evanhu vanedambudziko rakafanana nerako kana muzvita zvine vanhu vanonzwisisa. Kuzvitsaura hakuna zvakunobatsira asi kuti kunotowedzera kushungurudzika kwako. Kuzvitsaura kunoita kuti unete mune zvose zvaunofanira kuita, kunoputsa ukama hwako nevamwe uye kunokanganisa utano hwako. Usatya kutsvaga rubatsiro rwaunoda!
4 Edza kurega kuramba uchipopotedzana nekunetsana nemunhu akuramba kana kuti wauri kurambana naye
Kana ukaona kuti hurukuro dzamava kuita hadzina chimuko asi kuti mave kungokandirana mashoko asina basa siyana nazvo. Ibva pafoni. Ibva pamunhu iyeye uende kure. Vakuru vanoti kunyarara kunokunda zvose.
5 Tora nguva yekuita zvinokufadza
Usazeza kuenda kumafaro uchipombonotsa pfungwa. Kana uri munhu akagara achifarira kukwira makomo, kunoona bhora, kuona mafirimu nezvimwe zvifadze. Kana uchida zvedzidzo vamba kosi. Unogonawo kutanga kuzvipira kubatsira nherera, pachechi kana mapoka anoda rubatsiro rwako. Ingongwarira kuzvifadza nezvinodhaka nekuti unogona kuzopinda muna taisireva.
6 Zviudze kuti zvinhu zvichaita zvakanaka
Izvi zvakaoma kuita. Zvinhu zvinototi zvichinje kana marambana, asi hazvikumise kutsvaga zvitsva zvekuita neshamwari itsva dzinokupa mufaro. Sununguka. Ita zvinokwanisika usaedza kuzvimanikidza kuita zvisingagoneki. Ziva kuti zvichanaka chete. Kufa kwemujoni Kamba haivharwe. Kuipa kwechimwe kunaka kwechimwe. Mwari ane chinangwa nehupenyu hwako.
7 Upenyu huchadzokera pakare
Ziva kuti zvinhu zvichadzokera pakare nokufamba kwenguva. Hongu, hazvizofanana nakare asi zvichava nomunakiro wazvo unogona kutokushamisa.
