Ronga nguva yekukurukurirana nemumwe wako
Vazhinji vanotora maminitsi makumi maviri chete ekukurukurirana, pasvondo. Iwe kuti muchato wako utapire ita zvose zvaunokwanisa kuti pazuva mukurukurirane kwemaminitsi makumi maviri kana makumi mashanu kana kutodarika. Foneranai. Batanai paWhatsApp nepane mimwe midziyo yekufambiswa kwamashoko.
Usawanza kuti “iwe” asi iti “ini”
Ukawanza kuti “iwe unoita zvakati zvikati, wakazoti ukati” mumwe wako anomanikizwa kuzvimiririra. Ukataura zvauri kunzwa iwe pachako usingapi mhosva, mumwe wako anokuteerera nokukunzwira. Somuenzaniso kana mumwe wako achiita seasingaone basa rakakosha raunosweroita iti, “Ndinonzwa kusununguka kana mukaona basa ranzinosweroita ndichiitira imi navana.”
Usatenderere
Kana paine nyaya inoda kutaurwa nezvayo rega kuti pamunhondo pamusasa. Iti gaga. Iti dyo. Zvekuti, “unogara uchidai” hazvina zvazvinobatsira. Dambudziko ngaritaurwe nezita raro pamwe nenguva nezuva raranyuka.
Usaita katsika kekuverenga pfungwa dzemumwe
Hapana chinhu chinofinhura, chinorwadza semunhu anoda kuita kunge anoziva zvauri kufunga. Usandifungire. Teerera zvandiri kutaura.
Doma zvakaipa muzvakanaka
Semunhu wenyama pane nguva dzauchashatirirwa mumwewako, kunzwa kusvotekana naye, kuodzwa naye uye kusagutsikana namaitiro ake. Hapana chakaipa kunzwa zvaunonzwa. Zvakakosha kuti uudze mumwe wako zvauri kunzwa kuitira kuti kana paine paanofanira kuchinja achinje. Asi matauriro aunoita zvauri kunzwa akakosha zvikuru. Ukati “Ndiri kurwadziwa kuti munononoka kuuya kumba musi wesvondo woga woga” mumwe wako anoona kuti zvaari kuita hazvisi kukufadza. Ukati, “Hamuna hanya neni nevana Dai muine hanya mungadai maisaswera kupfambi dzenyu muchiuyawo Mazizi asati ave kukuma” mumwe wako anoona seatukwa.
Tungamidza kuteerera pane kuzvichenesa
Kuti muchato umire munofanira kuteererana. Mumwe nemumwe anofanira kuziva kuti Nyunyuto yangu yanzwikwa ndisina kuita zvekutozopopota. Izvi zvakaoma nekuti vazhinji vedu tinoteerera kuti tidzorere kwete kuti tinzwe! Ziva kuti pane musiyano pakati pokuteerera nokunzwa.
Umba tsika yekudoma zvakanaka zvaunonzwa
Vazhinji vedu tinomhanyira kutaura zvakaipa pane kutaura zvakanaka. Zvakakosha kuti upote uchiudza mumwe wako zvaagona kana kuti zvakanaka paari. Mukurudzire, muratidze rudo, muremekedze. Kuita zvinhu izvi kwakafanana nekuisa mari mubhanga, inowanda. Kutaura zvakaipa kwakafanana nekutora mari mubhanga pese pese usingaisi imwe. Rimwe zuva unosvika kuine “overdraft”! Usaite nhongwa.
