Chiverengo choKutanga
Vana veIziraeri vaiva muhutapwa kuBhabhironi kwamakore akawandisa zvokuti vakatanga kufunga kuti havafi vakadzokera kunyika yavo yechizvarwa. Vaive vaneta nokunamata uye vaive vave kuodzwamwoyo. Rimwe zuva Mwari akamutsa muporofita pakati pavo uyo akaparidza shoko rokuti rusununguko rwava pedyo. Vanhu vachinzwa shoko iri vakatanga kumirira nechitarisiro asi mamwe makore akadarika vimbiso iyi isina kuzadziswa. Vakaodzwa mwoyo zvekare.
Panguva iyi muporofita akasimbisa vanhu vachivataurira kuti Shoko raMwari rinozadzisa vimbiso dzaro. Hapana mhingidzo initadzisa kuzadziswa kwevimbiso yaMwari. Mushure memamwe makore vimbiso yaMwari yakatanga kuzadziswa apo vana veIziraeri vakavamba kudzokera kunyika yavo vachibva Bhabhironi.
Vadiwa, muhupenyu mune nguva dzokuti tinotadza kuvimba neShoko raMwari zvikuru kana takatarisana nematambudziko makukutu, kana tisingaone shanduko muhupenyu hwedu. Asi nhasi zviri kunzi shoko raMwari hariwiri pasi, rinozadziswa.
Chiverengo cheChipiri
Tikacherechedza tinoona kuti takakomberedzwa nokutambura kukuru. Vanhu vazhinji havasisina chitarisiro nohupenyu, vazere nokusurikirwa. Muedzo ndewekuona izvi sedambudziko risingagadzirisiki, risingaperi. Zvinoita sokunge tangomirira kuparadzwa.
Pauro ari kuti hatifaniri kushaya chitarisiro. Ari kushandisa mufananidzo womudzimai ave kubara. Mudzimai uyu anotambudzika, azere namarwadzo, anochema. Vanomunzwa vanoti zvimwe ava kufa, asi handizvo. Kuchema kwake ndekunopa hupenyu. Ave padyo nokutipa upenyu utsva, munhu mutsva. Nenguva pfupi misodzi yamaradzo ake inova misodzi yomufaro.
Pauro ari kuti kwatiri tose ivai nechitarisiro. Ichokwadi kuti munyika mune kutambudzika kukuru. VaKristo havagoni kuita sokunge nyika haisi kugomera namatambudziko. Asiwo havafaniri kushaya chitarisiro. Vanofanira kuziva kuti nyange zvinhu zvichiita sokunge zvisingafi zvakanaka zvichanaka chete.
Dama Rakanaka
MuDama Rakanaka Jesu anotaura rungano rwomukushi. Anotaura rungano urwu panguva yaanenge achangodzingwa mumusha maakakurira, panguva yaanenge achangobva mukubatwa sesasikamu muKepanaume. Panguva iyi vaFarisiya vaida kumupfuudza, vadzidzi vake vainge vachimutiza mumwe nomumwe. Kushumira kwake kwaiita sokunge kuri kuwira pamatsi. Zvinhu zvaive zvisina kumira zvakanaka uye shoko rake raiita sokunge rave padyo nokuparara.
Zvisinei, Jesu akaramba achidzidzisa kunyange aisangana nezvidingamupini. Aiziva kuti shoko rake richabereka michero nokuti rine simba risingadziviswe nomunhu wenyama.
Kuuya kwaMesiya kwaisava nemheremhere. Paiva panyika haana kumboita mukurumbira unoshamisira. Jowani mubhabhatidzi akatova nemukurumbira kudarika Jesu. Jesu aiita ekatsanga kemasitadhi, adukuduku, kasina kukosha, kasinganyatsooneki asi kanokura kusvika kavakushamisa vanhu. Dama rake rakapinda munyika zvinyoronyoro uye nhasi uno mazwi emurungao rwemukushi ari kuzadziswa. Shoko ratekeshera.
Dzimwe nguva tinozvibvunza kuti zvinobatsirei kuparidzira Dama Rakanaka kunyika iino izere nohuori. Tinotaurirei nevanhu vasingadi kuteerera, vanhu vakaoma mwoyo, vanhu vanongozvifunga? Hatisi kutambisa nguva here? Nhasi rangarira kuti Shoko raMwari rakafanana netsanga yemasitadhi inesimba risingakurumbidzi raonekwa!
Hama, pakati pedu pane mwoyo yanzwa nekutsokodzerwa: mwoyo isisakwanise kuchengeta mbeu yeShoko raMwari. Vanhu vanonzwa Shoko vasingarinzwisisi nokuritendera. Tine mwoyo inebvepfe asi isingatani kudzokera shure. Shoko rinomera mavari asi hatirani kusvava. Tinewo mwoyo inotambudzika inokuriraw nezvepasi zvakaita semari. Zvinhu izvi zvinoita kunge minzwa inovhunga shoko raMwari. Asiwo tine vanhu pakati pedu vanemwoyo yakanaka inobvumidza Shoko raMwari kubereka michero yakawanda.
Saka tine mhando ina dzevhu dziri mumwoyo memumwe nemumwe wedu. Mune mumwe nemumwe wedu mune minzwa, matombo, nzira dzakatsokodzerwa nevhu rakanaka. Tinofanira kuziva izvi toedza kuzviumba kuti tive ivhu rakanaka tinochengeta, kurera nokukudza Shoko raMwari.
