Chinhu chikuru muhupenyu hwemumwe nemumwe wedu mubvunzo wokuti INI NDINI ANI? Kana zvimwe zvose zvinoshanduka, zvichipfuura zvabviswa ini NDINI ANI. Mukuzvipoda-poda kwedu, mukuzvishongedza kwedu nezvimwe zvose tinotambudzwa nomubvunzo wokuti INI NDINI ANI?
Mubvunzo Uyu unopindurwa napakasiyana-siyana. Unogona kuti NDIRI ZVANDINOITA. Ichi ichokwadi. Kana ndichiita zvine pundutso ndinodada nazvo. Asi kana ndikati ndiri zvandinoita hapaite dambudziko here kana ndikakundikana munezvandinoita? Hapaite dambudziko here ndikachembera ndisisakwanise kuzviitira kana kuti ndikarwara? Hapasiripo here pandinozosurikirwa nekusavimba nezvandiri?
Vamwe vanopindura mubvunzo wokuti ndini ani vachiti NDIRI ZVINOTAURWA NAVAMWE PAMUSORO PANGU. Iyi ipfungwa yakanaka uye yakakosha pane dzimwe nguva. Kana vanhu vachitaaura zvakanaka pamusoro pangu ndinonzwa kufara nekusununguka. Asi chii chinozoitika kana vanhu vakatanga kutaura zvakaipa pamusoro pangu? Hapasiripo here pandinotanga kusurikirwa nekunyunyuta kugona kwangu? Ukafunga kuti uri zvinotaurwa navamwe pamusoro pako unogona kupedzisira wava nehunhu hunoshanduka-shanduka uchieddza kufadza vanhu. Asi kana ukadai unenge wavakutorarama manyepo.
Vamwewo vanhu vanopindura vachiti NDIRI ZVANDIINAZVO. Mumwe anogona kuti ndakakomborerwa nekuti ndiri muSouth African handisi muZimbabwean. Ndine vabereki vane mari. Ndakadzidza. Ndine hutano handina shuramatongo kana kuti Covid 19. Ndine hembe dzakawanda. Ndine Midziyo yemumba yakawanda. Ndine motokari dzakanaka. Asi kana ukazviona sezvizvi paunorasikirwa nezvinhu zvose – nemudikani, nehutano upenyu hwako – hunotibikirwa nerima. Kana ukarasikirwa nezvinhu iwe uchifunga kuti ndozvauri vanhu havazokuona sechinhu, vaikuremekedza vanogona kutanga kukutarisira pasi.
Nguva zhinji tinopedzera simba pakuda kunzi ndiri zvandinoita, ndiri zvinotaurwa navamwe, ndiri zvandiinazvo. Asi kana vanhu vakataura zvakanaka pamusoro pako, ukava nezvinhu zvaunoshuvira, ukaita basa rinokufadza unogona kunzwa zvakanaka ugozadzwa nomufaro. Dambudziko rinouya paunorasikirwa nezvinhu zvose izvi, vanhu pavanenge vasingatauri zvakanaka pamusoro pako nepaunorasikirwa neshamwari. Upenyu hwako hunotanga kurema uye hunoshaya chirevo.
Nhasi ndinoda kuti tizive kuti mafungiro ose aya haana kunaka. Dhimoni rakamboedza Jesu kuti azvione nemaonere iwaya. Rakauya kwaari rikati “Shandura matombo aya ave chingwa uratidze nyika kuti pane zvaunogona kuita.” “Svetuka kubva pamusoro petemberi kuti vanhu vakugamhe vagotaura zvakanaka pamusoro pako.” “Ndipfugamire ndigokupa zvose zvaunoshuvira muhupenyu.” Asi Jesu akati “Uri kutaura manyepo. Ndinoziva zvandiri nekuti mweya ndiwo wandituma kuti ndiyedzwe newe. Mweya waMwari wauya kwandiri ukati ‘Uri mwanakomana wangu wadiwa anondivadza.’”
Tinoona kuti Jeesu akaedzwa asi akaramba akabatiriria pachokwadi chezvaari. Vanhu vaimurumbidza vamwe vachimuramba vamwe vaimbuimbira “Hosana” vamwe vachisheedzera “Ngaarovererwe.” Zvose izvi zvaisava nebasa nekuti aiziva chokwadi chekuti chero zvaitika NDIRI MWANA WADIWA WAMWARI. Izvi ndizvo zvandichava nguva dzose. Chokwadi ichi ndicho chinokugonesa kurarama munyika ino ine hunyengedzi ine vanhu vanosekerera, vanopemberera nokuimbira asi vazere noruvegno muhana dzavo. Uri mudiwa kwete nokuti vanhu vanokurumbidza asi nokuti Mwari baba ndivo vanodaro.
Hama, chinhu chandinoda kuti ubatisise ndechekuti uri mwanakomana kana mwanasikana wadiwa waMwari. Izvi ndizvo chaizvo-izvo zvauri. Izvi ngazvipinde munzeve dzako, mumwoyo mako nemuhupenyu hwako hwose. Zvimwe zvinhu zvose zvinoshanduka asi chokwadi chokuti uri mudiwa waMwari hachichinje. Nhaizvozvo nguva dzose dzaunofunga kudzokera kumashure, dzaunoshatiriswa, zvinhu pazvinenge zvisina kumira zvakanaka ziva kuti uri waMwari.
Rungano
Rimwe zuva vanhu vazhinji vaive mumutsara webhanga wakakurisa. Mumwe murume aiva shure kwemutsara akatanga kupopota achiti anoda cheya yekumbogara pasi nekuti aive amira kwenguva yakareba. Akati “mudenge ndinokwira first class ini.” Mahobho aironganisa vanhu akaedza kutsanangura kuti paive nedambudziko raive rava padyo nekugadziriswa asi baba vaya vakaramba vachipopota vakati “Unomboziva kuti ndinonzi ani here iwe?” Mahobho akabva ati kune vamwe vose “Pamusoroi vabereki pana baba vasiri kuziva kuti vanonzi ani. Kana paine anovaziva huyai mberi mutibatsire!”
Unombonzi ani iwe? Usavimba nezvinopfuura.
