Rungano
Mubhuku rinonzi Animal Farm rakanyorwa naGeorge Orwell, maisava nemitemo mumwe nemumwe achiita mazvake mazvake pasina anotonga mumwe. Zviroto zvaiva zvokuti vanhu vagarisane vasinganyandurane vachingofara chete. Asi sokuziva kwatinoita zvinhu hazvina kufamba sokudaro.
Kunyange rungano urwu ruri pamusoro pemhuka rune chidzidzo chokuti pasina kurongeka, pasina mitemo inotitungamirira zvinhu hazvifambe zvakanaka.
Jesu haana kuuya kuzoparadza mutemo
Bhaibheri ishoko raMwari rorudo rinoumbwa nezvikamu zviviri zvakakosha samare zvinoti chitenderano chakare nechitenderano chitsva. Zvikamu izvi zvinofambidzana uye hazvigone kupatsanurwa.
Ndosaka Jesu ari kuti handina kuuya kuzoparadza mutemo asi ndakauya kuzouzadzisa. Anoda kuzadzisa mutemo nekuududzira maererano norudo kana kuti zvakanakira vanhu.
Sabata
Jesu anotyora mutemo wesabata kuti aburitse pachena pfungwa yokuti mutemo unoitirwa kuchengetedza upenyu. Haungochengetwa pasina chikonzero.
Usauraye
Jesu anoratidza kuti mutemo wokuti usauraye wakanaka nokuti hapana munhu anekodzero yokutora upenyu hwemumwe munhu kunyange weimwe mhondi. Asi anoda kuti vateereri vake vaone zvakadzama zvokuti kuuraya kuri pakawanda. Pane vazhinji vatakauraya nekuti takapika kuti hatifi takataura navo muupenyu hwedu. Pane vatakauraya nekuti takavazvonda kusvika pakuita sokunge vasisararame muhupenyu hwedu. Vamwe takauraya nemashoko akaipa atinotaura pamusoro pavo. Vamwe takauraya neruvengo nehasha dzatinovaitira.
Kuyanana
Jesu ari kusimbisa rudo. Ari kusimbisa nyaya yoruregerero. Anoti kana ukasvika paatari worangarira kuti pane ari kurwadziwa nokuda kwako siya chipo chako wonotanga wayanana naye. Hatigone kutaura nezvekuda Mwari tisingadanane nevakatikomberedza. Hazvibatsire kuita minamato yakawanda yakanaka isu tisiri kutaudzana nevakatikomberedza.
Kurevesa
Jesu anotaurawo nezvekurevesa pane zvatinotaura. Anoti iva munhu anotaura zvaanoita. Hongu yako ngaive hongu, kwete yako ngaive kwete. Iye pachake aive munhu anomira neshoko rake. Akazadzisa vimbiso dzose dzaakatipa. Anoti, “denga napasi zvingapfuura asi mashoko angu haapfuure.”
Upombwe nokuvimbika
Jesu ari kutaurawo maererano nenyaya youpombwe. Hanzi upombwe hunotangira pakunyepa, kunyepa kuti unorevesa iwe usingarevese. Muchato unoumbwa nekutendeka uye kumira pachokwadi kwete kuva nohunyengedzi. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuongorora ukama hwake oona kuti akatendeka here. Anesorry pamuromo pake here. Anokumbira ruregerero kana achinge akanganisa here. Michato yedu haifi yakaputsika kana takavimbika tichigona kuti ndineurombo pandinenge ndakanganisa.
