Mukadzi: Ngoni mwana urikuda kutaura newe.
Murume: Zvakanaka, mupe foni.
Mwana: ghdygdy dadakikimimolala
Murume: Wati?
Mukadzi: Arikuda kuti tidzokerane.
Archives
All posts for the month November, 2019
Hapana chinhu chinobhowa sekuti uchida kusimuka kuti upewo pfungwa dzako pamusangano mudiwa wako okuti, “Haa garai pasi vanhu kwavo vataure mhani”
Kudhakwa kusvika waudza mopu nyaya dzako! Hanzi, “Rasta
Vamwe baba vanga vachidiridza magadheni mudzimai wavo ndokuti “Kana mapedza kudiridza muuye titaure nezve meseji yandaona mufoni menyu.” Kubva kuseni kusvika izvozvi vachiri kudiridza. Mvura yavakutonaya asi ivo vachiri kudiridza nanhasi.
Nhai, mameseji rmuridzi achibvunza rendi yake anoita here kushandisa seumboo hwepaunogara kana kuti pakutora chikwereti?
Mbavha yakapinda mubhazi ikaburitsa pfuti ndokutanga kutorera vanhu mari nemafoni. Yasvika kuback seat, zimonya rakakwakukira mbavha rikaitorera pfuti nechibhegi chaiiswa zvabiwa. Mbavha yakatiza vanhu vakapembera . Zimonya rikasimudza pfuti rikati, “Ngoma ndiyo-ndiyo. Aperera papi.”
Njodzi dzinokwanisa kusanganikwa nadzo ukamwa doro uchichayira motokari:
1. Pakaita mabhambo doro rinogona kupfachuka rorashika wosara wave nedoro shomani
2. Mazuvano matraffic lights mazhinji anenge asingashandi nendava yemagetsi. Dzimwe dzenguva ungada kubudisa ruvoko nepawindow kuti utaridze kwauri kuda kukonera, zvichida wobudisa ruvoko rwakabata doro robvutwa nemumwe otiza naro unenge waruza
3. Pakuedza kumwa doro rako motokari ichifamba doro rinogona kuinda nehuro isiyo dzokonoko roenda kumapapu pane kuti riinde mudumbu. Zvino kana raenda kumapapu zvangofanana nokuti rarashika nokuti uko harina charichandoshanda
Hama dzangu ngatiregei kumwa doro tichichayira tinorashikirwa nedoro.
Chingava chirwere chei vanhuwee? Ndikangoziva kuti mupoto masara nyama handibatwe nehope husiku hwese.
Kungobvisa mashizha emuriwo anga aine nhata mugadheni remuvakidzani ndakutonzi mbavha. Vanhu havabatsirike!
Kana uchida kubatsirwa kubika nemudiwa wako. Chingoshandisa foni yake setochi pakubika muri mose!
