Njodzi dzinokwanisa kusanganikwa nadzo ukamwa doro uchichayira motokari:
1. Pakaita mabhambo doro rinogona kupfachuka rorashika wosara wave nedoro shomani
2. Mazuvano matraffic lights mazhinji anenge asingashandi nendava yemagetsi. Dzimwe dzenguva ungada kubudisa ruvoko nepawindow kuti utaridze kwauri kuda kukonera, zvichida wobudisa ruvoko rwakabata doro robvutwa nemumwe otiza naro unenge waruza
3. Pakuedza kumwa doro rako motokari ichifamba doro rinogona kuinda nehuro isiyo dzokonoko roenda kumapapu pane kuti riinde mudumbu. Zvino kana raenda kumapapu zvangofanana nokuti rarashika nokuti uko harina charichandoshanda
Hama dzangu ngatiregei kumwa doro tichichayira tinorashikirwa nedoro.
