Zuva raVaTsvene Vose: Kuona
Dzimwe nguva tinorarama takavharirwa muhupofu hwedu. Kubva pakuzvarwa tinopihwa mumwe mufananidzo ‘hwehupenyu hwakanaka’. Hupenyu:-
- hwemotokari dzinodhura,
- hwenzendo dzekure kune mafaro,
- hwemadhidhindi,
- hwedzimba dzakanakisa nezvimwe.
Tinoudzwa kuti upenyu chaihwo hupenyu hwekunge wakasununguka, pasina mitemo inokusungirira uye uchiwana zvose zvaunoda. Tinoratidzwa mufananidzo wokuti hurombo, nzara nokushaya hupenyu hwokutukwa.
Orijeni wokuArekizanda akati ‘hutsvene kuona namaziso aKristu’.
Terihadhi dhi Chadhini akatiwo donzvo rake somuKristu nderekubatsira vanhu kuti vaone.
Tomasi Akwainai akataura achiti chinangwa chikuru chohupenyu hwechiKristu kuona.
Mumwe mudzidzisi wechitendero chechiJudha anonzi Harodhi Kushina anonyora mubhuku rake achiti ‘Hwaro hwechitendero hausi muunganidzwa weminamato kana mitorododo yemipiro. Chikuru pachitendero kuona. Izvi hazvishandure nyika yatinogara asi zvinoshandura maonero atinoita zviripo uye izvozvi ndizvo zvinoita kuti pave nomusiyano.’
Vasande vanhu vanoona nokuita zvimwe zvinhu pamusoro pezvavanenge vaona. Vanhurume navanhukadzi vanoona nemaziso aKristu. Nemaitiro aya vanoona zvakakosha, zvinofanira kukosheswa uye minongedzo yoururami.
