Fungai, chisikana chine makore mana chaijamba nekuzhamba nemufaro nguva dzose mai vacho pavaidzoka kubasa kuti vawane kudya kwamasikati.
Mai vaichitora pamba pemuvakidani pavainge vachisiya voenda nacho kumba kunodya nekutamba vose. Asi nguva dzose pavainge vodzokera kubasa, Fungai aitanga kusvimha misodzi nokurwadziwa asingade kuti mai vamusiye.
Rimwe zuva mai vakarega kudzoka kumba panguva dzemasikati. Fungai akarwadziwa. Akatanga kuzvibvunza kuti sei mai vangu vasisadzoke masikati. Akanetseka kuti sei mai vake vaive vasisauye kuzodya nekutamba naye. Akasvika pakufunga kuti zvimwe mai vake havachamuda semadiro avaimbomuita.
Asi nokufamba kwenguva, ati kurei, Fungai akaziva kuti mai vake vakaramba vachingodzoka kumba masikati oga-oga. Vaiti vadzoka vogara mukicheni votarisa nepahwindo vachidya chikafu chavo zvavo vachiyemura mwana wavo ari pamba pemuvakidzani.
Mai vaiti vakatarisa mwana, vaishuvira kuti dai vaenda kunotamba naye. Vaishuvira kuva padyo naye, zvikuru sei paaichema. Asi vakaona zvakanakira Fungai kuti vasaende kwaari.
Fungai akadzidza kurarama pasina mai vake masikati oga-oga. Zvakaita kuti ayaruke. Iye zvino ave kuona kuti mai vake vakamira kuuya kuzotamba naye kuitira kuti akure ayaruke agone kuzvimirira oga.
Rungano urwu rwunotodzana nerwatanzwa muShoko Rakanaka ranhasi. Jesu anoti kuvadzidzi, “Makatsamwa nekuti ndinofanira kukusiyai. Muri kutya nokushungurudzika. Asi regai ndikutaurirei kuti zvakakunakirai kana ndikakusiyai. Mwari vachatumira Mweya anozova mubatsiri wenyu movamba zvinhu zvitsva.”
Jesu ari kuti yava nguva yokuti vadzidzi vayaruke, vavambe upenyu hutsva iye asisipo. Zvakaitika kuna Fungai nokuna vadzidzi zvakatinakirawo. Pane dzimwe nguva muhupenyu hwedu dzatinofunga kuti Mwari vatirasa.
Tinenguva dzatinogutsikana nemanamatiro edu, asi tozoita nguva dzokunge Mwari ari kure nesu mumunamato.
Tine nguva dzokuti chitendero chedu chinenge chakasimba zvokuparadza makomo, tosoitawo nguva dzokuti tinorukutika Mwari achiita seari kure nesu.
Pane nhambo dzokuti tinoshandira chitendero chedu nesimba – kudzidzisa vachati, vaedzwa nekutara varwere. Asi nedzimwe nguva mabasa aya haatipe mufaro. Tinoodzwa mwoyo. Tinoona kunge Mwari atiregerera.
Chokwadi ndechekuti Mwari anotida zvakanyanya. Anoramba achishuvira kuva padyo nesu. Asi dzimwe nguva zvinenge zvakatinakira kuti ambotisiya toga. Isu mumunamato wedu tinenge tichida kumunzwa iye achiziva kuti kumwe kugwamba kunoita kuti tisavarairwe mumunamato. Tinenge tichida chitendero chekubhabhauka, iye achiziva kuti chitendero chakadzika hachiite mheremhere. Tinenge tichida kuona michero yemabasa edu, iye achiziva kuti mubairo mukuru uriko kudenga.
Mumwe murume akaona kagonye kaiva mukakuni munzira yaaifamba nayo achienda kubasa mangwanani oga-oga. Kagonye aka kaivavarira kubuda mukakuni. Akapfuura mangwana acho akaona kachiri kunetsekana kasati kabuda mukakuni. Mangwana achozve akabuda akaona kachiri kungovavarira kubuda mukakuni. Pekupedzisira akanzwa tsitsi ndokutora banga akabvarura kakuni kagonye ndobva kabuda asi pasina nguva kakabva kafa. Murume uyu akatsanangurira shamwari yake inoziva nezvemhuka ikati, “Musikirwo wamakonye emhando iyi ndewekuti anofanira kutambura achivavarira kubuda mukakuni kuitira kuti agova dandemutanda. Dai wakasiya gonye iri ringadai risina kufa.”
Izvi zvinoitika kwatiri dzimwe nguva. Mwari anobvumidza kuti tisangane nemamwe matambudziko kuitira kuti zvitinakire. Pane mamwe matambudziko atisingagone kunzvenga kana tichida hupenyu hwakanaka. Isuwo savanhu. Tinofanira kubvumira vakatikomberedza kuti vasangane nezvimwe zviitiko kuitira kuti vayaruke, upenyu huvanakire.
Pane vabereki vasingade kuti vana vatambure zvachose. Pane vabereki vanochengera. Pane vatungamiriri vanoda kuti zvinhu zvose zvifambe semarongero avo vasingape vari pasi pavo mikana yokuyaruka.
